Vazivisi Voumambo Vanoshuma
Kuparidzira Mashoko Akanaka Mu“rutivi Rwuri Kuresa Rwapasi”
“AYA mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” Akadaro Jesu kuvadzidzi vake chinguvana pamberi porufu rwake. Nokukurumidza pashure porumuko rwake, iye akatizve: “Muchava zvapupu zvangu mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea rose neSamaria nokusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” (Mateo 24:14; Mabasa 1:8, NW) Nhasi, aya mauporofita ari kuzadzikwa munyika dzinopfuura 200, kubatanidza nyika yeSouth America yePeru.
Zvapupu zvinopfuura 32 000 zviri kuparidzira mashoko akanaka munyika iyoyo yakaisvonaka, uye ndima yazvo zvamazvirokwazvo inobatanidza mamwe amativi ari kuresa apasi: Andes akareba, anosvika urefu huri pakati pamamita 4 000 ne 4 500, uyewo sango rinopisa reAmazon, uko vanhu vanogona kusvikwa bedzi namagwa omurwizi. Bazu rePeru rinoshuma, kuti:
◻ “Munharaunda yesango, tine mapiona chaiwo masere akagoverwa kumagwa omurwizi madiki maviri anonzi lanchas. Magwa madiki iwaya anodzika mamita 0,3 bedzi mumvura, naizvozvo kwakava kunobvira kutambanudzira kuparidzirwa kwamashoko akanaka munharaunda itsva zhinji dziri panzizi duku. Kusvikira panguva ino, hama dziri kushandisa magwa aya dzakagovera mazana ezviuru magazini, mabhuku, uye maBhaibheri muPeruvian Amazon Valley mose. Somuuyo wakananga, ungano itsva ina dzakatangwa, pamwe chete namapoka ari oga mashanu anoshuma mubato nokuita misangano. Kunokarirwa kuti aya mapoka achakurumidza kuva ungano.”
◻ Taundi rimwe romusango rakakura richipoteredza chiteshi chokupomba chepombi yamafuta yeTrans-Andean, iyo inotakura mafuta kubva musango kupfuura nomuAndes yakareba kusvikira kure sokumhenderekedzo yegungwa yokumadokero. Nemhaka yokuvapo kwavashandi vepombi yamafuta, iri taundi raiva namabhawa 20 ndokuzivikanwa senzvimbo yokuraradzira nokuva nenguva yakanaka. Zvisinei, pashure pokunge mapiona chaiwo apa uchapupu hwakakwana, vazhinji vakagamuchira shoko roUmambo, uye zvino kwasara mabhawa mana bedzi mutaundi racho! Mukati meshanyo yemisi ichangopfuura yomutariri wedunhu, vanhu 189 vakauya kuhurukuro yavose. Zvino kwava neboka ravaparidzi 7 mutaundi, uye vanhu vanopfuura 45 vanopinda misangano yose. Nokukurumidza, nechikomborero chaJehovha, ichafanira kuva ungano.
◻ Mune imwe yeungano 221 dziri muguta guru rePeru, Lima, murume ane makore 29 okukura anotaura nzira yaakawana nayo zvokwadi. Paakarega chikoro pazera ramakore 13, iye akakumbanira gen’a ravakakavari ndokutanga basa rokurwa, kushandisa mirimo, uye kushandisa utere. Pashure pamakore maviri ebasa rehondo rokumanikidzira, iye akatanga kuva nezvinetso zvendangariro. Ipapo, muna 1983, hanzvadzi inozvininipisa, ine mwero yakamuwana muushumiri hwayo hwapaimba neimba. Kwenguva yokutanga, iye akanzwa nezvenyika itsva yorudo norugare. Fundo yeBhaibheri yakatangwa, uye nebetsero yorudo yakabva kuungano uye musimba raJehovha, iye akakwanisa kukurira zvakaipa zvake. Muna 1986 iye akabhapatidzwa uye zvino anobatira somubatiri anoshumira muungano.
Zvirokwazvo, mashoko aJesu okuti Umambo huchaparidzirwa kusvikira “kurutivi rwuri kuresa rwapasi” ari kuzadzikwa muPeru nemiuyo inoshamisa, kukubetserwa kwavazhinji munyika iyoyo vane nzara nenyota yezvokwadi.