RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 12/1 pp. 10-15
  • Ivo Vakagamuchira Rudo rwaMwari Nenzira Isina Udyire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ivo Vakagamuchira Rudo rwaMwari Nenzira Isina Udyire
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Iyo Mosesi Akagamuchira Nayo Nenzira Isina Udyire
  • Kugamuchira Kwakaisvonaka kwaDhavhidhi
  • Jesu Kristu, Muenzaniso Wedu Wakakwana
  • Tinogona Sei Kugamuchira Rudo rwaMwari Nenzira Isina Udyire?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Vakwa Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Uchagamuchira Rudo rwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 12/1 pp. 10-15

Ivo Vakagamuchira Rudo rwaMwari Nenzira Isina Udyire

“Haiwa vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa kuvanakomana vavanhu.”—PISAREMA 107:8, “NW.”

1. Muapostora Johane anosimbisa sei vara rorudo mutsamba yake yokutanga?

“MWARI rudo.” Mashoko iwayo akazara nerevo sei! Hakushamisi kuti muapostora Johane akakunzwa kuri madikanwa kuadzokorora mutsamba yake yokutanga. (1 Johane 4:8, 16) Jehovha Mwari haasi rudo bedzi asi iyewo rudo chairwoirwo, kana kuti rudo, runotaurwa somunhu.

2. Mwari akaratidzira rudo mukusika murume nomukadzi uye kuvagovera munzirai?

2 Funga nezvorudo urwo Mwari akaratidzira munzira yaakatisika nayo. Mashoko aDhavhidhi okuonga akakodzera kwazvo. Sowezvamapisarema akafuridzirwa, iye akati: “Ndichakuongai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa unoshamisa.” (Pisarema 139:14) Kuti tigone kurarama tine utano hwakanaka nomufarwa, Mwari akaita kuti zvinofadza zvisingagumi zvitibvirire kupfurikidza nepfungwa dzedu shanu—kuona, kunzwa, kuravidza, kunhuhwidza, uye kubata. Runako rwakadini rwatinoona muchisiko makatipoteredza mose! Miti nemhuka zvizhinji uye zvakasiana-siana zvinoshamisa sei, tisingatauri chinhu nezvorunako rwezvimiro zvavanhu nezvitarisiko! Mwari akaisawo gadziriro inofadza zvikurusa yemichero, mirivo, uye zvimwe zvokudya zvatinogona kuwana. (Pisarema 104:13-16) Nokuda kwechikonzero chakanaka, muapostora Pauro akayeuchidza vagari vomuRistra yakare kuti Mwari “akaita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva dzezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”—Mabasa 14:17.

3. Ko Mwari akatigovera manoi anoshamisa?

3 Fungawo nezvezvikomborero zvose zvakabatanidzwa noupenyu hwemhuri hunofadza. Kupfuura izvozvo, rangarira mifarwa yose inotibvirira kufarikanya nemhaka yamano edu endangariro nemirangariro: fungidziro, kurangarira, kuyeuka, hana, uye zvikurukuru mano okunamata—zvose zvinotiisa kure zvikuru pamusoro pemhuka; uyewo hatifaniri kufuratira mifarwa iyo nziyo dzinogona kutipa. Izvi nezvimwe zvipo zvizhinji iratidziro dzorudo rwaMwari nokuda kwedu.

4. Iratidzirwoi dzorudo rwaMwari idzo vanhu vakawana chibviro chokudarika kwavabereki vavo vokutanga?

4 Hapana panikiro kuti Adhama naEvha vakafarikanya mifarwa yakasiana-siana mumugariro wavo wakakwana mubindu reEdheni. (Genesi 2:7-9, 22, 23) Asi apo vakakundikana kugamuchira nenzira isina udyire ufakazi hwose hworudo rwoumwari hwavaifarikanya, Mwari akarasa rudzi rwomunhu here? Nyangwe! Iye nokukurumidza akaita gadziriro dzokururamisa zvose zvisina kururama zvakabva mukudarika kwavabereki vedu vokutanga. (Genesi 3:15) Jehovha akaratidzirawo rudo kupfurikidza nokushivirira nenzira yokushivirira vana vasina kukwana vaAdhama. (VaRoma 5:12) Kwenguva yakareba sei? Chokwadi, kwamakore 6 000 kusvikira zvino! Zvikurukuru Mwari akaratidzira rudo mukubata navabatiri vake. Echokwadi mashoko, anoti: “Jehovha, Jehovha, Mwari wengoni nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere netsitsi dzorudo uye zvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvavo.”—Eksodho 34:6, 7.

5. Jehovha akaratidza sei shiviriro yorudo mukubata norudzi rwaIsraeri?

5 Hungu, shiviriro iyo Jehovha Mwari akaratidza mukubata navaIsraeri yaiva huru zvamazvirokwazvo kubvira paakavabudisa sorudzi pajinga reGomo reSinai kusvikira kutsauka kwavo kwamugombedzera kuvarasa chose chose. Pana 2 Makoronike 36:15, 16 tinorava, kuti: “Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti wakanga ane tsitsi navanhu vake uye nzvimbo yake; asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira vasingachagoni kurapwa.” Asi paiva naavo vakagamuchira rudo rwaJehovha Mwari nenzira isina udyire. Kuti tione kuti vakaita sei saizvozvo, ngatinzverei zvino upenyu hwavamwe vavanhu ivava. Ikoku kuchavanzarika hwaro hwokuratidza nzira iyo isu timene tingagamuchira nayo rudo rwaJehovha munzira dzinoshanda zvikuru.

Nzira Iyo Mosesi Akagamuchira Nayo Nenzira Isina Udyire

6. Muenzaniso waMosesi wakanga wakatanhamara munzirai, uye akawana rudo rwaMwari munzvimboi?

6 Mosesi aiva muenzaniso wakatanhamara womunhu akagamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire. Mabanza akadini akaiswa pamberi paMosesi somwanakomana wokurera womwanasikana waFarao! Asi iye akasarudza “kuitirwa zvakaipa pamwe chete navanhu vaMwari pakufarira zvivi kwenguva duku; akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kukupfuma kwose kweEgipita.” (VaHebheru 11:25, 26) Pane imwe nguva, Mosesi aida kununura hama dzake, vaIsraeri, muubatwa hweEgipita. Asi havana kunzwisisa nhamburiko dzake, uyewo yakanga isiri nguva yakafanira yaMwari nokuda kworununuro rwavo. (Mabasa 7:23-29) Makumi amakore gare gare, zvisinei, nemhaka yokutenda kwaMosesi uye chishuvo chisina udyire chokubetsera hama dzake, Jehovha akamupa simba rokuita manenji mazhinji uye kubatira vaIsraeri kwamakore 40 somuporofita Wake, mutongi, mupi wemitemo, uye murevereri. Muidzi nzvimbo, Mosesi akawana zvinoitika zvakawanda zvorudo rwaJehovha nokuda kwake navaIsraeri biyake.

7. Mosesi akagamuchira sei ratidziro dzaMwari dzorudo?

7 Mosesi akagamuchira sei rudo rwaMwari nomutsa usina kufanirwa? Aka‘gamuchira mutsa usina kufanirwa waJehovha ndokupotsa donzo rawo here’? (2 VaKorinte 6:1) Nyangwe! Mosesi akagamuchira ratidziro dzorudo rwaJehovha kwaari nenzira isina udyire kupfurikidza nokuda Mwari zvizere. Iye aitarira kuna Jehovha nguva dzose uye aiva noukama hwapedyo noMuiti wake. Mwari akarumbidza Mosesi zvikuru sei pakutsiura Aroni naMiriami nokuda kwokutsoropodza munun’una wavo! Hungu, Jehovha akataura “nomuromo pachena” naMosesi ndokumuita kuti aone “kuti Jehovha akadini.” (Numeri 12:6-8) Pasinei zvapo namaropafadzo mazhinji aMosesi, iye akapfuurira kuva munyorosa wavanhu ndokuita mirairo yaJehovha “saizvozvo.”—Eksodho 40:16; Numeri 12:3.

8. Mosesi akaratidza sei kuti aida Mwari?

8 Mosesi akaratidzawo kuti aida Mwari nenzira isina udyire kupfurikidza neitiro hanya yaakaratidza nokuda kwezita raJehovha, mukurumbira, uye kunamata kwakachena. Nokudaro, panhambo mbiri Mosesi akateterera nenzira inobudirira kuna Jehovha kuti atambanudzire ngoni kuna Israeri nemhaka yokuti zita raMwari raibatanidzwa. (Eksodho 32:11-14; Numeri 14:13-19) Apo vaIsraeri vakabatanidzwa mukunamata chidhori chemhuru, Mosesi akaratidzira rushingairo nokuda kwokunamata kwakachena kupfurikidza nokudanidzira, kuti: “Ndiani ari kurutivi rwaJehovha? Ngaauye kwandiri!” Pashure paikoko, Mosesi naavo vaiva naye vakauraya 3 000 vavanamati vechidhori. Ipapo, kwamakore 40 iye akashivirira vanhu vanonyunyuta navanopandukira. Zvirokwazvo hapana panikiro kuti Mosesi akagamuchira ratidziro dzorudo rwaMwari nenzira isina udyire, achigadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwedu nhasi.—Eksodho 32:26-28; Dheuteronomio 34:7, 10-12, NW.

Kugamuchira Kwakaisvonaka kwaDhavhidhi

9. (a) Dhavhidhi akagamuchira sei rudo rwaJehovha Mwari? (b) Kufanana naDhavhidhi, tinogona sei kukudza Jehovha nezvinhu zvinokosha?

9 Mumwe munhu akatanhamara weBhaibheri akagadza muenzaniso wakaisvonaka wokugamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire aiva wezvamapisarema Dhavhidhi, mambo wechipiri waIsraeri. Rushingairo rwake nokuda kwezita raJehovha rwakamusunda kurwa nehofori yaishora yeFiristia Goriati, pairi Mwari akapa Dhavhidhi rukundo. (1 Samueri 17:45-51) Rushingairo rumwe cheterwo rwakasunda Dhavhidhi kuunza areka yesungano kuJerusarema. (2 Samueri 6:12-19) Uye chishuvo chaDhavhidhi chokuvakira Jehovha tembere chaisava imwe ratidzirwo yorushingairo rwake uye kuonga nokuda kworudo rwaMwari norunako here? Chokwadika kwakanga kwakadaro. Kunyimwa ropafadzo iyoyo hakuna kudzivisa Dhavhidhi kugadzirira basa racho uye kukudza Jehovha kupfurikidza nokupa somunhu oga ndarama, sirivha, uye mabwe anokosha oukoshi hukuru zvikuru. (2 Samueri 7:1-13; 1 Makoronike 29:2-5) Gamuchiro isina udyire yakafanana kurudo rwaMwari inofanira kutisunda ku‘kudza Jehovha nezvinhu zvedu zvinokosha’ kupfurikidza nokushandisa pfuma yedu yokunyama kufambisira mberi fariro dzoUmambo.—Zvirevo 3:9, 10; Mateo 6:33.

10. Nzira yaDhavhidhi yakakodzera kutevedzerwa munzirai?

10 Kunyange zvazvo Dhavhidhi akaita mhosho dzakakomba, muupenyu hwake hwose iye akabvumikisa kuva ‘munhu anofadza mwoyo waJehovha.’ (1 Samueri 13:14; Mabasa 13:22) Mapisarema ake akazadzwa nokutaura kwokuonga nokuda kworudo rwaMwari. The International Standard Bible Encyclopædia inotaura kuti Dhavhidhi “akazara zvikuru nokuonga kupfuura mumwe upi noupi anodudzwa muRugwaro Rutsvene.” Wezvamapisarema Asafi akataura kuti Mwari “akasarudza Dhavhidhi muranda wake akamubvisa pamatanga amakwai, . . . kuti ave mufudzi wavanhu vake Jakobho, naIsraeri nhaka yake. Naizvozvo wakavafudza nokururama kwomwoyo wake.” (Pisarema 78:70-72) Zvirokwazvo, nzira yaDhavhidhi yaiva yokuti titevedzere.

Jesu Kristu, Muenzaniso Wedu Wakakwana

11, 12. Jesu akaratidza sei kuti aida Mwari?

11 Chokwadika, Jesu Kristu muenzaniso wapaMagwaro wakaisvonakisisa womunhu akagamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire. Ikoku kwakasunda Jesu kuitei? Kutanga, iye akasundwa kupa Jehovha kuzvipira kwapoga. Hapana panikiro kuti Jesu aida Mwari. Kuonga rudo rwaBaba vake vokudenga norunako kwakamusunda kuva munhu womudzimu zvirokwazvo. Iye aiva noukama hwapedyo, hwomunhu oga naMwari. Jesu aiva murume womunyengetero, uye aida kutaura kuna Baba vake vokudenga. Nguva nenguva, tinorava kuti Kristu ainyengetera. Pane imwe nhambo iye akapedza usiku hwose achinyengetera. (Ruka 3:21, 22; 6:12; 11:1; Johane 17:1-26) Mukugamuchira rudo rwaMwari, Jesu akararama mukuwirirana nezvokwadi yokuti ‘munhu haararami nezvokudya bedzi asi neshoko riri rose rinobuda mumuromo maJehovha.’ Kutaura idi, kuita kuda kwaBaba vake kwaiva zvokudya zvake. (Mateo 4:4, NW; Johane 4:34) Hatifaniri kugamuchira nenzira yakafanana rudo rwaMwari, tichimupa kuzvipira kwapoga here?

12 Achigamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire, Jesu Kristu nguva dzose ainangidzira ngwariro kuna Mwari wake naBaba. Apo mumwe munhu akadana Jesu so“Mudzidzisi Akanaka,” iye akaramba ndokuti: “Hakuna wakanaka, asi mumwe chete, iye Mwari.” (Ruka 18:18, 19) Jesu akasimbisa asimbisazve kuti hapana chinhu chaaigona kuita chokuzvivambira amene. Haana kutongopotsa banza rokukudza zita raBaba vake, uye nenzira yakakodzera zvikurusa iye akatanga munyengetero wake womuenzaniso nechikumbiro chinoti: “Zita renyu ngarikudzwe noutsvene.” Iye akanyengetera, kuti: “Baba, kudzai zita renyu.” Uye chinguvana asati afa, Kristu akati kuna Baba vake: “Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiite.” (Mateo 6:9; Johane 12:28; 17:4) Zvirokwazvo, mukugamuchira rudo rwaMwari, tinofanira kutsvaka kurumbidza Jehovha, kunyengeterera kutsveneswa kwezita rake dzvene.

13. Rudo rwaMwari rwakasunda sei Jesu kuita chiito?

13 Zvino, tapota cherechedza nzira yechipiri yakasunda Jesu kugamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire. Yakamuparira kuda kururama ndokuvenga uipi, sezvakadeya kutaurwa paPisarema 45:7. (VaHebheru 1:9) Iye akanga ari “mutsvene, usine chakaipa, usina kusvibiswa, akaparadzaniswa navatadzi.” (VaHebheru 7:26) Jesu akadenha vashori vake vakaipa kumubvumikisa kuva nechivi, asi havaikwanisa kuita saizvozvo. (Johane 8:46) Panhambo mbiri, ruvengo rwake rwouipi rwakamuparira kubvisa mutembere vezvorudzidziso vane makaro. (Mateo 21:12, 13; Johane 2:13-17) Uye Jesu akashurikidza zvinotyisa sei vatungamiriri vorudzidziso vanonyengera, kunyange kuvaudza kuti vaiva vaDhiabhorosi!—Mateo 6:2, 5, 16; 15:7-9; 23:13-32; Johane 8:44.

14. Mukugamuchira rudo rwaJehovha, Jesu akabata sei navadzidzi vake?

14 Imwezve nzira rudo rwaJehovha rwakasunda nayo Jesu inogona kuoneka mukubata kwake navaapostora vake uye vamwe vadzidzi. Aiva ane rudo, anoshivirira, uye ano mwoyo murefu sei navo! Vanofanira kuva vakamuedza zvikuru namakwikwi avo, kuitirana nharo kunyange kusvikira kuusiku humene hwokushambadzwa kwake pamusoro pokuti ndiani aiva mukurusa. (Ruka 22:24-27) Bva, Jesu nguva dzose akazviratidza amene kuva munyoro uye anozvininipisa mumwoyo. (Mateo 11:28-30) Chokwadi, Judhasi akashambadza Jesu, Petro akamuramba katatu, uye vamwe vaapostora vakatiza apo nyongori yakauya kuzomusunga. Asi iye haana kutongova akakasharara kana kuti akatsamwa. Tinoziva sei? Eya, pakukumbanirazve vaapostora pashure porumuko rwake, Jesu haana kuvatsiura zvinorwadza pamusoro pokuva vakatera kurutyo. Panzvimbo pezvo, iye akavanyaradza nokuvasimbisa nokuda kwerimwe basa roUmambo.—Johane 20:19-23.

15. Jesu akatarisira sei nenzira isina udyire zvinodikanwa zvokunyama zvavanhu?

15 Ngatirangarire imwezve nzira iyo Jesu Kristu akagamuchira nayo rudo rwaMwari nenzira isina udyire. Iye akaita saizvozvo kupfurikidza nokuzvibaira amene nokuda kwavamwe, kusvikira kurufu runonyadzisa norunorwadza padanda rokutambudzira. (VaFiripi 2:5-8) Jesu akatarisisa zvinodikanwa zvokunyama zvavanhu kupfurikidza nokudyisa mapoka nenzira yenenji uye kurapa kuzhinji. (Mateo 14:14-22; 15:32-39) Nguva dzose iye aiisa fariro dzavamwe pamberi pedzake amene. Ndicho chikonzero nei aigona, kuti: “Mhunguhwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzine matendere asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” (Mateo 8:20) Jesu aibvuma kushandiswa nomudzimu waMwari sezvo waiyerera uchibva maari mukuita kurapa kwamanenji. Asi haana kutongoedza kuwana mhindu yokunyama mukushandiswa kwamasimba akadaro anopfuura omuzvarirwo, saapo mumwe mukadzi aibuda ropa kwamakore 12 akabata nguvo yake yokunze mukutenda uye akaporeswa. (Marko 5:25-34) Uyezve, Jesu haana kutongoshandisa masimba anopfuura omuzvarirwo nokuda kwake amene.—Enzanisa naMateo 4:2-4.

16. Kristu akatarisira zvinodikanwa zvavanhu zvomudzimu munzirai?

16 Kunyange zvazvo Jesu akatarisira zvinodikanwa zvokunyama zvavanhu nenzira isina udyire kupfurikidza nokuporesa hosha dzavo uye kuvadyisa nenzira yenenji, sundo huru muushumiri hwake hwapasi yaiva kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, kudzidzisa, uye kuita vadzidzi. Pasinei zvapo nokurapa kwose kunoshamisa kwaakaita, haana kuzivikanwa soMurapi Mukuru kana kuti Muiti waManenji asi soMudzidzisi Akanaka. (Mateo 4:23, 24; Marko 10:17) Jesu akanongedzera kwaari amene soMudzidzisi, sezvakaita vadzidzi vake uye kunyange vavengi vake. (Mateo 22:16; 26:18; Marko 9:38) Uye izvokwadi dzakadini dzaakadzidzisa, somuMharidzo yake yapaGomo! (Mateo 5:1-7:29) Mienzaniso yake yakanga yakakodzera sei, uye mifananidzo yake youporofita namamwe mauporofita zvaishamisa sei! Hakushamisi kuti varwi vakatumwa kuti vasunge Jesu pane imwe nhambo havana kukwanisa kumubata!—Johane 7:45, 46.

17. (a) Jesu akatigovera sei muenzaniso wakakwana worudo? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

17 Pasina panikiro, Jesu Kristu akatigadzira muenzaniso wakakwana wokugamuchira ratidziro dzaMwari dzorudo kwatiri nenzira isina udyire. Jesu akapa Baba vake vokudenga nzvimbo yokutanga muupenyu hwake nezvidakadaka. Iye aida kururama zvirokwazvo, aibata navaapostora vake navamwe vadzidzi nenzira yorudo, uye akashandisa upenyu hwake achitarisira zvinodikanwa zvomudzimu nezvokunyama zvavanhu. Pakupedzisira, Jesu akagumisa ushumiri hwake kupfurikidza nokupa upenyu hwake sorudzikinuro. (Mateo 20:28) Asi zvakadiniko nesu? Chokwadi, hatina kukwana, kufanana naMosesi naDhavhidhi. Zvisinei, sokuratidza kunoita nyaya inotevera, kune nzira dzinoshanda umo tinogona kutevedzera namo Muenzaniso wedu mukugamuchira rudo rwaMwari nenzira isina udyire.

Waizopindura Sei?

◻ Nei kuchigona kutaurwa kuti “Mwari rudo”?

◻ Mosesi akagamuchira sei ratidziro dzorudo rwaMwari?

◻ Dhavhidhi akagamuchira rudo rwaJehovha Mwari munzirai?

◻ Muenzanisoi uyo Jesu Kristu akagadza mukugamuchira rudo rwaMwari?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Unoziva nzira iyo Mosesi akagamuchira nayo rudo rwaMwari here?

[Mifananidzo iri papeji 12, 13]

Jesu akagamuchira rudo rwaMwari kupfurikidza nokubetsera vamwe mumudzimu nomunyama uye kupfurikidza nokupa upenyu hwake sorudzikinuro

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe