NdiMwari Upi Waunofanira Kunamata?
KUTANGA, ndiani ari Mwari mumwe uyo oga anofanira kunamatwa? Bhaibheri rinopindura nenzira yakananga zvikuru. Bhuku raZvakazarurwa rinozivisa, kuti: “Imi [Jehovha] Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo zvikasikwa nokuda kwenyu.” (Zvakazarurwa 4:11) Hungu, Jehovha, Musiki, ndiye Mwari bedzi akafanirwa nokunamata kwedu. Neiko? Tichadzokera kumubvunzo iwoyo nokukurumidza. Asi kutanga, ngatitaure nezvavamwe vamwari vanonamatwa norudzi rwomunhu.
Seri Kwavamwari Vose Venhema
Kunyange zvazvo vanhu vachibatira vamwari vazhinji, zvokwadi ndeyokuti kunamata kwose kunopiwa kuna vamwari vose mumarudzi ose—kunze kwokunamata kunopiwa kuna Jehovha, Musiki—kunobatira donzo ramwari mumwe chete. Munzirai? Rava mashoko omuapostora Pauro kumaKristu omuKorinte. Muguta iroro vamwari vazhinji vainamatwa, kubva pana Aphrodite ane utere kusvikira kuna Aesculapius, mwari wavo wokuporesa. Pauro akaratidza, zvisinei, kuti chaizvoizvo kwaiva nesimba rimwe chete rakaipa raiva seri kwavamwari vose ivavo. Iye akanyora, kuti: “Izvo zvinobayirwa navahedheni, havazvibayiri Mwari, asi mweya yakaipa.” (1 VaKorinte 10:20) Hungu, vaKorinte vechihedheni vainamata madhemoni.
Madhemoni akava namavambo awo mukupanduka. Rokutanga negurusa rawo raiva chisikwa chengirozi chakanyengera Evha kupinda mukupunza mutemo waMwari shure mubindu reEdheni. (Genesi 3:1-6; Johane 8:44) Mukuita saizvozvo, ichi chisikwa chakapandukira uchangamire hwoMusiki. Pashure, akazonzi Satani, kureva kuti “Mudzivisi.” Gare gare, zvimwe zvisikwa zvomudzimu zvakamukumbanira mukupandukira. Izvowo zvakava madhemoni, uye Satani anoziviswa so“muchinda wemweya yakaipa.” (Mateo 12:24, 26) Mubhuku raZvakazarurwa, aya madhemoni anonzi “ngirozi” dzaSatani. (Zvakazarurwa 12:7) Naizvozvo kunamatwa kwamadhemoni ndikumwe cheteko nokunamatwa kwaSatani.
Satani ane pesvedzero hurusa. Muapostora Johane akataura kuti “nyika yose” iri musimba rake, uye Pauro akamudana kuti “mwari wetsika ino yezvinhu.” (1 Johane 5:19; 2 VaKorinte 4:4, NW) Nokudaro, kunamatwa kwamwari upi noupi kunze kwaJehovha chaizvoizvo kunamatwa kwaSatani. Pasina kukatutsira, kunobatira madonzo aSatani nemhaka yokuti nharidzano yake kunyengera vana vaAdhama naEvha kuti vapandukire Jehovha. Sezvo Satani ari “munyengeri wenyika yose,” nenzira yakajeka iye akabudirira muzvinoitika zvizhinjisa. (Zvakazarurwa 12:9) Asi kwete mune vose. Kuchine mamirioni anotamburira kunamata Jehovha. Neiko?
Zvibereko Zvokunamata Kusakarurama
Kutanga, ivo vanoziva kuti kunamatwa kwavamwari kunze kwaJehovha kunodya zvinopfuura zvavanoda kubhadhara. Kucherwa kwamatongo eCarthage yakare muNorth Africa kwakafukunura makuva avana. Maari maiva namarangwanda avaduku vakanga vabairwa kuna mwari weFenike Bhaari. Chibairo chomwana chaiva mutengo unotyisa vagari veCarthage ivavo vaibhadhara nokuda kwokunamatwa kwaBhaari. ChiKaturike cheMiddle Ages chakarairawo mutengo apo chakaparira kutambura kusingayereki muHondo dzamaKristu dzine chishava uye Bvunzurudzo dzoutsinye. Kunamatwa kwavamwari veInca vapamberi America yeColumbia kwakabatanidza kuuraiwa kwomuitiro kwezviuru.
Munguva dzazvino uno zvikuru, zvimiro zvakasiana-siana zvokunamata zvakabatanidzwa mukuuraya kukuru muIndia, uye zvakagovera kuzvinetso zvezvamatongerwe enyika zvakakomba muMiddle East neNorthern Ireland. Kusaziva, kutenda mashura, uye rutyo zvinofanira kurongwawo sorutivi rwomutengo uyo munhu anobhadhara nokuda kwokunamatwa kwavamwari vake vazhinji.
Neiko Uchifanira Kubatira Jehovha Mwari?
Kuno rumwe rutivi, kunamatwa kwaJehovha kunounza betsero bedzi. Kutanga, iye ndiye “mupenyu nokusingaperi-peri, wakasika denga nezvirimo, nenyika nezvirimo, negungwa nezvirimo.” (Zvakazarurwa 10:6) Nokudaro, tinofanira kumunamata nemhaka yokuti iye ndiye Musiki wedu.
Uyezve, tinofanira kunamata Jehovha Mwari nemhaka yokuti mavara ake anotikoka kuti timunamate. Muapostora Johane akataura kuti “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Murume akatendeka Jobho akataura kuti “[Mwari] uno mwoyo wakangwara, une simba guru.” (Jobho 9:4) Mosesi akaimba nezvake, kuti: “Dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama, ndiye Mwari akatendeka, usinganyengeri, wakarurama ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Ndiani aizozengurira kubatira Mwari akadaro?
Mukuwedzera, Bhaibheri rinoti: “Kunamata Mwari kunobetsera pazvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu hwazvino nohunouya.” (1 Timotio 4:8) Ikoku ndokwechokwadi sei! Jehovha anoda chiri chakanaka nokuda kworudzi rwomunhu. Iye akagovera pasi somusha wakaisvonaka nokuda kwechisiko chake, uye akaita gadziriro huru kuti upenyu hugogona kufarikanywa. Pasinei zvapo nokupanduka kwomunhu, Mwari akapfuurira kutsigira upenyu papasi rino, achigovera zvinodikanwa zvose zvokunyama zvorudzi rwomunhu sezvo “anobudisira vakaipa navakanaka zuva ravo, nemvura vanoinisira vakarurama navasakarurama.”—Mateo 5:45.
Asi “chipikirwa choupenyu hwazvino” chinopfuura. Kubatira Mwari kunogutsa uye kunogutsikanisa. Ndizvo zvatakaitirwa kuti tiite. Uye Mwari anobetsera avo vanomubatira nenzira yokutendeka kuita kuti upenyu hubudirire. Kupfurikidza neBhaibheri, iye anopa nhungamiro kuvanhu vasina kuroora, varoorani, vana—vanhu vari mumifambiro yose youpenyu. Iye anopa uchenjeri hwakavimbika, hunoshanda kubetsera mumigariro yose kuti tigogona kupedza zvinetso zvokurarama savanhu vasina kukwana munyika iri pasi pepesvedzero yaSatani. Kana tikanamata Mwari munzira inomufadza, tinogona kufarikanya “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose.”—VaFiripi 4:7.
Chinokoshawo, ndicho “chipikirwa choupenyu . . . hunouya.” Jesu akaudza muFarise Nikodhimo, kuti: “Mwari wakada nyika nokudaro kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe oga, kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Upenyu husingaperi! Ndimwari upi kunze kwaJehovha anogona kupikira chinhu chakadaro uye ipapo kuzadzisa chipikirwa chake? Mugariro wokupedzisira waavo vanogamuchira chipo chikuru ichocho unorondedzerwa muna Zvakazarurwa, kuti: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4, 5) Zvirokwazvo, kariro dzoupenyu hunouya dzinofanira kutiita kuti tide kubatira Jehovha!
NdiMwari upi, ipapoka, watinofanira kunamata? NdiJehovha bedzi, Musiki. Pavamwari vose, ndokwaari bedzi kunoshanda mashoko, okuti: “Mabasa enyu akakura, anoshamisa, Mambo wamarudzi, nzira dzenyu dzakarurama, ndedzazvokwadi. Ndianiko ungarega kutya nokukudza zita renyu, [Jehovha, NW]. Nokuti imi moga muri mutsvene; nokuti marudzi ose achauya, achinamata pamberi penyu; nokuti kururama kwenyu kwakaratidzwa.” (Zvakazarurwa 15:3, 4) Vakachenjera sei avo vanopindura zano rowezvamapisarema, rinoti: “Uyai, tinamate tikotamire pasi; ngatifugame pamberi paJehovha Muiti wedu”!—Pisarema 95:6.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Vamwe vavamwari avo Satani akanyengedza rudzi rwomunhu kunamata
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kariro dzoupenyu huchauya dzinofanira kutiita kuti tide kubatira Jehovha