RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/15 pp. 5-7
  • Wana Zvokwadi Yose!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wana Zvokwadi Yose!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Ndiani?
  • Chii Chiri Nzvimbo yaJesu?
  • Chii Chiri Nguva Yemberi Yapasi?
  • Kuwanirei Zvokwadi Yose?
  • Nzvera Zvokwadi Yose
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Tsvaka Mwari Nomwoyo Wako Nepfungwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/15 pp. 5-7

Wana Zvokwadi Yose!

“HANDINA kutongoona zita iroro muBhaibheri rangu,” akadaro Francisco. Zita rokuti Jehovha rakanga richangobva kumuka mukurukurirano nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Chokwadi, iye aigona kuva asina kuona zita roumwari muBhaibheri rake, chinyorwa cha 1969 cheshanduro yePortuguese Almeida. Zita rokuti Jehovha harioneki mairi. SomuKaturike weBrazil, Francisco anopinda Misa nguva dzose pamaSvondo uye anofarikanya kurava Bhaibheri mumusha make. Asi zita rokuti Jehovha rakamufadza zvikuru.

Mwari Ndiani?

Vhiki rakatevera racho, Chapupu chakamuunzira chimwe chinyorwa cheshanduro yeAlmeida. Ivo vakaenzanisa zvinyorwa zviviri paPisarema 83:18. Uye chii chavakawana? Chokwadi, muchinyorwa ichocho cha 1966, rugwaro urwu runorava, kuti: “Imi, moga mune zita rinonzi JEHOVHA, ndimi Wokumusorosoro pamusoro papasi”! Zvisinei, muchinyorwa cha 1969, panzvimbo pa“JEHOVHA” shoko rokuti “ISHE” rinoshandiswa. “Munoonaka, ivo vakachinja chimwe chinhu pano,” chakadaro Chapupu, uye ipapo chakabvunza, kuti: “‘Ishe’ zvamazvirokwazvo harisi zita, izita here?” “Aiwa,” akadaro Francisco. Ati shatirwei, akawedzera, kuti: “Vaigona sei kuita izvozvo?”

Ikoku kwakazarura nzira yenzvero duku pamusoro pezita raMwari. Somuenzaniso, Francisco akadzidza kuti mukuwirirana neThe Catholic Encyclopedia (1910), Jehovha ndiro “zita rakafanira raMwari muTestamende Yekare.” Iye akadzidzawo kuti mu“Testamende Yekare,” zhinjisa yayo yakanyorwa mumutauro wechiHebheru, kuti zita iroro rinooneka kanodokusvika ka 7 000. Hakuna mushanduri ane maruramiro okuchinja zita rakafanira raJehovha kuzita rechiremera risina kujeka rokuti Ishe. Francisco aida zvokwadi pamusoro pezita rokuti Jehovha, uye akaiwana muBhaibheri rimene uye kupfurikidza nenzvero inotungamirirwa zvakafanirwa.

Chii Chiri Nzvimbo yaJesu?

Sezvataurwa munyaya yapfuura, marudzidziso enyika akashatisa zvokwadi dzakawanda. Sezvineiwo, muushumiri hwazvo hwapaimba neimba, Zvapupu zvaJehovha zvine banza rokuziva izvo vanhu vanodavira. Chokwadika, ikoku kungasiana munzvimbo nenzvimbo, asi mimwe mirangariro yakafanana. Somuenzaniso, apo vanobvunzwa kuti, ‘Mwari ndiani?’ vamwe vanasaimba vanoti, ‘Jesu.’ Kupfurikidza naikoku ivo vanoreva kuti Jesu ndiMwari Wamasimba ose. Asi uyu murangariro unomirira zvokwadi here?

Funga pamusoro pamapfundo anotevera. Jesu akanyengetera kuna Baba vake: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari mumwe bedzi wechokwadi, uye youyo makatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Wacherechedza here kuti Jesu akanongedzera kwete kwaari amene asi kuna Baba vake vokudenga sa“Mwari mumwe bedzi wechokwadi”? Naizvozvo, vadzidzi vapakuvamba vaJesu vakanga vakarurama apo vakati kwaari: “Imi muri chaizvoizvo Mwanakomana waMwari.” Jesu amene akati: “Ndiri Mwanakomana waMwari.” Naizvozvo, zvokwadi ndeyokuti Jesu haasi Mwari Wamasimba ose, asi iye ndiye Mwanakomana waJehovha Mwari.—Mateo 14:33, NW; Johane 10:36.

Chii Chiri Nguva Yemberi Yapasi?

Zvakadiniko nezvenguva yemberi yechizvarwa chino neyapasi? John F. Kennedy, aichimbova purezidhendi weUnited States, akati muhurukuro kuUN General Assembly: “Tine simba rokuita ichochi chizvarwa chakanakisisa chorudzi rwomunhu munhau yenyika—kana kuti kuchiita chokupedzisira.” Vatungamiriri venyika vomuzuva razvino sezviri pachena vanonzwa nenzira imwe cheteyo. Icho Zvapupu zvaJehovha zvinonzwa kazhinji kazhinji muushumiri hwazvo ndechokuti pamugumo wenyika, Pasi richaparadzwa nomwoto kana kuti nehondo yenyukireya. Mutsigiro yeichi chitendero, vamwe vanonongedzera kuna Zvakazarurwa 21:1 (NW), iyo inoti: “Ndakaona denga idzva nepasi idzva; nokuti denga rekare nepasi rekare zvakanga zvapfuura, uye gungwa harisisipo.”

Bhaibheri kazhinji kazhinji rinoshandisa shoko rokuti “pasi” mupfungwa yokufananidzira, richinongedzera kurudzi rwomunhu. Muenzaniso unowanwa pana Genesi 11:1 (NW), iyo inoti: “Pasi rose rakapfuurira kuva romutauro mumwe neramashoko mamwe.” (Onawo 1 Madzimambo 2:1, 2; Pisarema 96:1.) Pana Zvakazarurwa 21:1, “pasi rekare” rinonongedzera, kwete kupasi rino, asi kuchaunga chavanhu chakaipa icho chichaparadzwa. Ikoku kuchazarura nzira yokudzorerwa kweParadhiso pasi pano. (Ruka 23:43; 2 VaTesaronika 1:6-9; Zvakazarurwa 21:4) Uye ikoku kunobvumirana norutivi rwasara rweBhaibheri, urwo runoratidzira kuti pasi chairoiro harisati richizotongoparadzwa. Somuenzaniso, Pisarema 104:5 rinotaura kuti Mwari “wakateya nheyo dzapasi; kuti parege kuzununguswa nokusingaperi.” (Enzanisa naMuparidzi 1:4.) Zvamazvirokwazvo, Jehovha ‘akaumba pasi kuti rigarwe’ nokusingagumi.—Isaya 45:18.

Kuwanirei Zvokwadi Yose?

Ichangobva kududzwa inongova zvayo mienzaniso yemirangariro yakaipa inozivikanwa navose kwazvo nhasi. Zvisinei, apo saimba anenge achidisa kurangarira, sezvakanga zvakaita Francisco, Zvapupu zvaJehovha zvinofadzwa kuti nzira yazaruka yekurukurirano inoraidza yezvokwadi dzapaMagwaro.

Kusawana zvokwadi yose kungatungamirira kumiuyo inodembwa. Kuenzanisira: Apo Jesu akanga ari pasi pano, vazhinji vainyengetedzwa kudavira kuti akanga achingova zvake mumwe mwanakomana waMaria naJosefa, aichimbova bedzi muvezi weNazareta. Nokudaro, ivo havana kupa ngwariro huru kwaari. Kusvikira kutambanuko yakati, ivo vakanga vakarurama. Jesu akanga ari mwanakomana waMaria, akanambwa kupfurikidza nomudzimu mutsvene. Iye akanga ari mwana wokurera waJosefa, uye iye akanga ashanda chaizvoizvo somuvezi. (Marko 6:3) Zvisinei, iyoyo yakanga iri zvokwadi yose pamusoro pake here? Aiwa! Iye akanga asiri chimwe chinhu kunze kwaMesia na“Mambo wamadzimambo” anokarirwa! (Zvakazarurwa 17:14; Ruka 1:32-35; Mabasa 2:36) Kusawana zvokwadi yose pamusoro paJesu kwakatungamirira vanhu vazhinji kurasikirwa nebanza rakanga risati richizotongodzokororwazve—kufarikanya songanirano yomunhu oga naJesu pasi pano.

Nzvera Zvokwadi Yose

Guta reBherea (zvino rinonzi Véroia) muMakedhonia yekare rinosanozivikanwa kuvaravi veBhaibheri nemhaka yechimiro chinorumbidzwa chavagari varo vomuzana ramakore rokutanga. Chii chakanga chiri chimiro ichocho? Chinyorwa chinoti: “Vakagamuchira shoko [rakaparidzirwa nomuapostora Pauro] nediso hurusa yendangariro, vachisanonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvozvi zvakanga zvakaita saizvozvo.” Muuyo wacho? “Vazhinji vavo vakava vatendi, uye ndizvo zvakaitawo vashomanene vavakadzi vechiGiriki vanokudzwa navavarume.”—Mabasa 17:11, 12, NW.

Chisingarumbidzwi zvishoma chakanga chiri chimiro chavaporofita vaMwari vekare. Ivo vakaita “kuongorora kwokushingaira nenzvero yokungwarira” pamusoro poruponeso rwaizouya kupfurikidza naMesia. (1 Petro 1:10, NW) Mwari akakomborera nhamburiko dzavo. Sezvinooneka, ipapoka, hapana nhimbu. Kunzvera nguva dzose uye kusanoongorora magwaro—ikoku ndiko nzira yokuwana nayo zvokwadi yose muBhaibheri!

Ungashamisika, ‘Ndinofanira kutangira papi?’ Pashure pokurava zvinyorwa zvechiKristu, mumwe mukadzi anogara muBrazil akanyora, kuti: “Isu [iye nomurume wake] takakurumidza kuziva kuti takanga tichida rwakawanda rworudzi irworwo rwezivo, kuti tiwane mhinduro dzemibvunzo yakawanda yataiva nayo . . . Ndapota, ndinogona sei kuwana Bhaibheri namamwe mabhuku izvo zvichandibetsera kuziva zvakawanda pamusoro paBaba wedu wokudenga?” Iye akanga ari munzira yakarurama: kurava Bhaibheri pamwe chete namabhuku echokwadi akavakirwa paBhaibheri. Kana iwewo uchida zvokwadi yose, zarura mwoyo wako kuna Jehovha Mwari uye kumbira betsero yake. Uye tapota cherechedza aya mashoko anokurudzira: “Kana munhu upi noupi wenyu asina uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti iye anopa norupo kuvose uye pasina kuzvidza; uye achachipiwa. Asi ngaarambe achikumbira mukutenda, asingatongopanikiri.”—Jakobho 1:5, 6, NW.

Mamirioni avanhu ari kukurukura Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, nokudaro achiita kuongorora kwokushingaira nenzvero yokungwarira nokuda kwezvokwadi. Kupinza nokushandisa zivo yakarurama yakadaro yaMwari wechokwadi neyaJesu Kristu kunoreva upenyu husingaperi. (Johane 17:3) Ichocho chinogona kuva chikomborero chako chakaisvonaka kana ukanzvera nokushingaira ndokuwana zvokwadi yose.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvokwadi yose pamusoro paJesu yakanga iri yokuti iye akanga ari Mesia, kwete muvezi chete

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe