RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/15 pp. 20-23
  • ChiKristu Chechokwadi Chiri Kuvandudza Upenyu muSweden

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ChiKristu Chechokwadi Chiri Kuvandudza Upenyu muSweden
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Zivo yeBhaibheri Inobetsera!
  • Muuyo Wamasaisai
  • Kupupurira Muchikoro
  • Kurwira Rusununguko Rworudzidziso
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/15 pp. 20-23

ChiKristu Chechokwadi Chiri Kuvandudza Upenyu muSweden

SWEDEN inogovera vagari vemo vayo mumwe wemipimo yokurarama yakakwirira zvikurusa yenyika. Mukuwedzera kuzvokudya zvakawanda nenzvimbo yedzimba, motokari, magwa omufarwa, terevhizheni, uye komupiyuta dzomunhu oga, vagari vemo veSweden vanofarikanya kunodokuva kurapwa kwapachena, midyandigere youkweguru nourema, mari yavana, uye mamwe mabasa anotsigirwa nehurumende.

Iwe noksdaro ungagumisa kuti hakuna munhu angagona sezvinobvira kuvandudza kunaka kwoupenyu munyika yakadaro. Kunyanguvezvo, nokuda kwebetsero dzayo dzose dzokunyama, Sweden ine mugove wayo wezvinetso: chatanuro, udhakwa, kushandisa mirimo zvisakafanira, utsotsi, uye kuzviuraya. Rudzidziso, urwo rwungakarirwa kushandisa pesvedzero yetsika ine simba, rwakadokufa zvarwo muSweden. Inopfuura 90 muzana yavagari vemo vorudzi rwacho ndeveLutheran State Church, asi 2,1 muzana bedzi inoenda kuminamato yayo nguva dzose. Mumwe muprista anopomera, achiti: “Chechi yakarega basa. . . . Iyo yakarasikirwa nesimba rayo rinokosha uye yakazviparadzanisa imene nezvinodikanwa zvavanhu.”

Kundikano yechechi kuvandudza upenyu muSweden, zvisinei, haisati ichitongova kundikano yechiKristu chechokwadi. Vane 22 000 veZvapupu zvaJehovha vari muungano 331 vari kuwana budiriro mukubetsera vanhu kushandisa nheyo dzeBhaibheri kuunani hwavo. Iri basa harina kuitika risingacherechedzwi.

“Tinofanira kuyemura Zvapupu zvaJehovha nokuda kweshingairo yazvo mukubuda neshoko razvo!” anodaro mudzidzisi worudzidziso mupepanhau rorudzi rwose rePentecostal Dagen (Zuva). Nyaya yacho inowedzera, kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvinoumba boka rinowana chiverengero chikurusa chemitezo mitsva gore riri rose uye rine boka gurusa repwere . . . Tinofanira kudzidza kuZvapupu zvaJehovha!”

Zvamazvirokwazvo, avo vanodisa chaizvoizvo kudzidza kuZvapupu zvaJehovha vachawana chimwe chinhu. Chiiko ichocho? Kuti zvokwadi dzeBhaibheri dzinogona sei kuvandudza zvikuru kunaka kwoupenyu hwavo.

Zivo yeBhaibheri Inobetsera!

Rangarira tsamba iyo hofisi yebazu yomunzvimbomo yeWatch Tower Society yakagamuchira kuna mai muduku asina kuroorwa. Iye akanyora, achiti: “Ndinoda kutaura kuonga kwangu nokuda kwoupenyu hwakanaka hwandave ndichiva nahwo chibviro chaapo ndakavamba kufunda neZvapupu zvaJehovha. Ndine musha usina utsi. Ndakasvika pakunzwisisa kudikanwa kwokupedza nguva yakawanda ndine mwanasikana wangu. Mugariro wangu wemari wakavandudzika, kunyange zvazvo ndine mubhadharo mumwe chetewo. Ndine zvinetso zvishoma zvikuru zvokurara. Ndinewo shamwari dzechokwadi dzokufara pamusoro padzo. Hungu, handisati ndaizotsinhana nzira yangu yazvino youpenyu neiyo ndaiva nayo kare.”

Mumwe muenzaniso unobatanidza nhau yechatanuro—inozivikanwa navose zvikuru muSweden. Zvisinei, Bhaibheri rakabetsera varoorani vanonzi Arne naKetie. Ivo vakanga varoorana kwamakore 13 uye vaiva navana vaviri apo misiano yomunhu oga yakavaparira kuwana chatanuro. Ivo vakavengana.

Arne, uyo akaenda kundogara ari oga, akawanwa neZvapupu zvaJehovha ndokuvamba kufunda Bhaibheri. Iye akafadzwa kwazvo neizvo akadzidza zvokuti rimwe zuva akamhanyira kuna Ketie ndokuedza kumumanikidza navana kufundawo! Apo akaramba, akamukandira pamadziro ndokuti: “Funda, kana kuti ndichakuuraya!” Ketie akadana Zvapupu zvaJehovha ndokunyunyuta, achiti: “Jehovha iyeyo rudzi rwakadini rwaMwari ane utsinye?”

Ketie akaudzwa nenzira yokushivirira kuti Jehovha ndiMwari ane rudo uyo asingamanikidzi munhu upi noupi. Iye akava anoda kuziva ndokuda kudzidza zvakawanda. Sezvo Arne akawana imwe zivo yenheyo dzoumwari, akaterama ndokudzokera pakutaurirana naKetie. Ivo vaionana nguva dzose kumisangano muHoro yoUmambo. Muuyo wacho? Pashure pokunge vose vari vaviri vava Zvapupu zvakabhapatidzwa, vakarooranazve! Ivo vave vakaroorana kwamakore masere, uye Arne anobatira somukuru weungano. “Roorano yedu haina kutongova iri nani kupfuura zvairi zvino,” ivo vanodaro. “Tine zvakawanda kwazvo zvokutenda Jehovha nokuda kwazvo.”

Zvokwadi dzeBhaibheri dziri kubetserawo vanhu vaduku kuvandudza kunaka kwoupenyu hwavo. Mumwe murume muduku anonzi David anoyeuka, achiti: “Vabereki vangu vakachatanurana, uye chinhu chiri chose chakaratidzika kuva chinoipa muupenyu hwangu. Ndakanga ndisingaitiri hanya chinhu chipi nechipi. Kazhinji kazhinji ndairovha kuchikoro uye ndaisaita basa ripi neripi rinoitirwa kumba mukati mamakore matatu okupedzisira. Padzimwe nguva ndaiwana upenyu husimbori hwakafanira kurarama. Ndaipfeka majini akasakara neshangu dzekare. Bvudzi rangu raisvika pahafu yomusana wangu. Ndakaedza mitoo youpenyu yakasiana-siana, zvakadai seiya yechienzi. Ndaisvuta nokunwa uye ndaibatanidzwa muutsotsi.

“Muna 1986 mumwe weZvapupu zvaJehovha akandishanyira. ‘Rumwe rwamarudzi orudzidziso aye anopanikirika,’ ndaifunga kudaro. ‘Regai ndimubvunze mibvunzo yaasati achizokwanisa kupindura.’ Kukushamiswa kwangu, iye akaipindura. Ndakaenda paimwe yefundo dzake dzeBhaibheri ndokuwana kuti iye aiva nemhinduro ine mufungo kuchinenge chinhu chiri chose—zvokuti muzvokwadi yacho makanga musina mhosva. Ndakapinda gungano uye ndakashamiswa kuona vanhu ivavo vakatsvinda, vane ushamwari. Ndakavamba kuenda kumisangano yeZvapupu zvaJehovha uye ndakashamiswa apo vazhinji kwazvo vakauya ndokubatana maoko neni. Chinzwano chakadini chiri pakati pavanhu ivava!”

Gore rimwe nehafu gare gare, David akabhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Hama dzake dzokunyama, vaichimbova shamwari, vadzidzisi, uye vamwe havana kutongogona kudavira kuti uyu murume muduku akapfeka zvakanaka naakasanotsvinda akanga ari David uyo vaiziva kare.

Muuyo Wamasaisai

Kuparidzira pasuo nesuo muSweden kunogona padzimwe nguva kuva kunoodza mwoyo. MuSweden anotaviridzira negodo kuva kwake oga. Apo bhero rapasuo rinorira, iye angatarira napakaburi, uye masuo akawanda anoramba akavharirwa Zvapupu zvaJehovha. Asi ivo havaori mwoyo. Zvapupu zvinoziva kuti ngirozi dzinogona kuwana vanhu vane mwoyo wakarurama. (Zvakazarurwa 14:6; enzanisa naMateo 13:41.) Kana zvokwadi yangopinda bedzi muupenyu hwomunhu akadaro, iyo inowanzopararira—kufanana namasaisai pamvura—ichienda kuhama dzokunyama neshamwari.

Mumwe mukadzi muStockholm anoyeuka akagara patafura yake yomukicheni achichema pamusoro penhamo youpenyu hwake. “Ndakanga ndapererwa nezano rose,” iye akadaro. “Kamwe kamwe, ndakavamba kunyengetera: ‘Mwari, ndinoda kutaura nemi pamusoro poupenyu.’ Bhero rapasuo rakarira. Napaburi, ndakaona murume akasanopfeka, naizvoizvo ndakazarura suo. Iye akataura kuti aida kugoverana mifungo inokurudzira inobva muShoko raMwari. Iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakabvunza kana iye akanga ashanyira vamwe vanhu vari pauriri hwangu. ‘Aiwa,’ iye akadaro, ‘Ndanga ndichienda kumba ndichibva kufundo yeBhaibheri apo ndasarudza kuita shanyo dzakati. Zvaitika kuti ndatangira pano.’ Ndakashamiswa nemhaka yokuti ndaigara pauriri hwechipiri pamusoro. Ndakada zvaakandiratidza.”

Nokukurumidza uyu mukadzi akatanga kufunda Bhaibheri. Nembavarira, iye akavamba kugoverana izvo akadzidza nehama dzokunyama neshamwari. Iye akagovera maBhaibheri 28 namabhuku 96. Muuyo wacho? Murume wake, vaviri vavakoma vake, muzukurukadzi wake nomuzukururume, muramu wake, baba vake namai, mwanakoma womurume wake weroorano yokutanga, mushandi biyake, uye mushandi biyake womurume wake nomudzimai wake nokukurumidza vakanga vofunda Bhaibheri nokugadzirira nokuda kworubhapatidzo. Kusvika panguva ino, vanhu 13 vakava nebanza rokuvandudza kunaka kwoupenyu hwavo kupfurikidza neshanyo imwe pasuo yakaitwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Uyu mukadzi anoti: “Kuwirirana nokuda kwaJehovha kwakaita zvakanaka kwazvo muupenyu hwedu zvokuti tinofanira kumuonga takapfugama zuva riri rose!”

Kupupurira Muchikoro

Kune zvinetso zvakakomba zvokuranga muzvikoro zvakawanda muSweden. Asi Zvapupu zviduku zviri kubvumikisa kuva pesvedzero yakanaka kupfurikidza nokugoverana zvokwadi dzeBhaibheri navadzidzisi navadzidzi biyavo. Somuenzaniso, Jorgen muduku akaudza pachena vadzidzisi vake novomukirasi biyake kuti iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye akaremekedzwa nokuda kwokujeka kwake nomufambiro wakaisvonaka. Jorgen nguva dzose aipindura kunyange mibvunzo inoshatirisa nounyoro uye nenongedzero kuBhaibheri. Ikoku kwakaita munembo mukuru pavomukirasi biyake. Jorgen anoshuma, achiti:

“Gore rimwe pashure pokupedza chikoro, ndakasangana naPeter, aichimbova womukirasi biyangu. Pashure pekurukurirano dzakati, ndakavamba kumuitisa fundo yeBhaibheri. Sezvo mai wake aishora, taifundira pamhenderekedzo yegungwa. Peter akabhapatidzwa muna March 1988. Mai wake akacherechedza kuti mwanakomana wake akanga achinja nokuda kwezviri nani, naizvoizvo iye akavambawo kufunda. Pashure penguva yakati, akabhapatidzwa.

“Mumwe aichimbova womukirasi biyake, Torbjorn, akavamba kufunda Bhaibheri. Ndozvakaitawo mai vake. Ivowo vakabhapatidzwa zvino.” Pamwe chete, vana vovomukirasi biyake vaJorgen vakavamba kufunda Bhaibheri, uye wechishanu akaratidzira fariro. “Ndinokarira kuti ichi chinoitika chichakurudzira Zvapupu zviduku zviri muchikoro kusanyarara,” anogumisa Jorgen. “Mufambiro wavo wechiKristu nechimiro chakasimba nokuda kwezvokwadi zvingadyara mbeu idzo gare gare dzingabereka chibereko chakaisvonaka.”

Kurwira Rusununguko Rworudzidziso

Zvapupu zvaJehovha zvakaitawo basa guru mukusimbisa rusununguko rukuru rworudzidziso muSweden. Ikoku kwakashanda kubetserwo yomunhu ari wose.

Somuenzaniso, somudzimwe nyika dzose, Zvapupu zvaJehovha muSweden zvakasarudza somunhu mumwe kuchengeta kusatora rutivi kwechiKristu. (Johane 17:16) Somuuyo, vazhinji vakatongerwa kunguva refu mutorongo. Asi muna 1966 chibhakera chakarohwa nokuda kworusununguko rworudzidziso apo zviremera zvakasarudza kuti kuchitsamira pakunzverwa kwomunhu nomumwe, Zvapupu hazvisati zvaizoshevedzwa nokuda kwebasa rehondo. (Isaya 2:2-4) Kushivirira rudzidziso kweSweden kwakabatira somuenzaniso nokuda kwedzimwe hurumende.

Imwe nhau yakabatanidza maruramiro avarwere. Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira zvakakomba murairo weBhaibheri woku‘rega ropa’ uye naizvozvo zvinoramba kuisirwa ropa. (Mabasa 15:28, 29) Kunyange zvazvo vasiri vanachiremba vose navarapi vanoremekedza ichi chimiro chapaMagwaro, magazini yavanachiremba yakatanhamara zvikurusa muSweden misi ichangobva kupfuura iyi yakazivisa mumusoro wenhau, kuti: “Aiwa Kukuisirwa Ropa Anofanira Kuremekedzwa Kana Murwere Achiziva Nezvemiuyo.”

Aya mashoko aiva musoro womushumo pamusoro pomusangano weNational Board of Health and Welfare and the Delegation for Medical Ethics of the Swedish Society of Medicine. Pashure pokukurukura mugariro weZvapupu zvaJehovha, izvi zviremera zvakasarudza kukurudzira vanachiremba vose kuwirirana apo murwere anokwanisa pamutemo—kuvambira pamakore 15 ezera navakuru—anoramba kugamuchira kuisirwa ropa. Ivo vakaziva kuti zvino kune kukodzera kukuru pamusoro pokuisirwa ropa nemhaka yengozi yokupa hosha. Chinokosha zvikuru, zvisinei, chisarudzo chavo chokuziva chinotsigira maruramiro makuru omurwere upi noupi okuramba chimiro chakati chokurapa.

Vazhinjisa vavagari veSweden, zvamazvirokwazvo, vanofarikanya upenyu hwakanaka mune zvokunyama. Asi vazhinji vanoda kuvakwa mutsika nomumudzimu. Nenzira isingapanikirwi, maKristu echokwadi ari munyika iyoyo ari kubetsera kuvandudza upenyu hwavose vanodisa kudzidza nokushandisa Shoko raMwari. Vanhu vanogamuchira vakadaro vanofarikanyawo kariro youpenyu husingagumi munyika itsva iri kuuya yaMwari.—Johane 17:3; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mepu iri papeji 22]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

NORWAY

SWEDEN

FINLAND

U.S.S.R

DENMARK

WEST GERMANY

EAST GERMANY

POLAND

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe