Ko Uri Chidhori Chako Umene Here?
Pasina kukuziva, vamwe vanhu vanozviita vamene zvidhori. Bhaibheri rinotsanangura pana VaEfeso 5:5 (NW): “Nokuti munoziva izvi, muchikuziva imi mumene, kuti hakuna chifeve kana kuti munhu asina kuchena kana kuti munhu ane makaro—uko kunoreva kuva munamati wechidhori—ane nhaka ipi neipi muumambo hwaKristu nohwaMwari.” (VaKorose 3:5; enzanisa naVaGaratia 5:19-21.) Zvishuvo zvenyama zvinogona kupinda pakati pomunhu naMwari. Pauro anotaura nezvavakadaro achiti “mwari wavo idumbu ravo.” (VaFiripi 3:18, 19) Namamwe mashoko, ivo vane mumwe “mwari” kunze kwaJehovha, vachiisa pakutanga zvishuvo zvavo vamene zvokunyama. Mufambiro wakadaro unogona kubvisa munhu muUmambo hwaMwari. (1 VaKorinte 6:9, 10) Pane chikonzero chakanaka, ipapo, chokuteerera mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Naizvozvo, vadiwa vangu, tizai kunamata zvidhori.”—1 VaKorinte 10:14, NW.