‘Kuredza Vanhu’ muBelize
BELIZE inyika duku iri pedyo norutivi rwapasi rwunopisa zvikurusa iri pakati peMexico ncGuatemala. Kure nemhenderekedzo yayo yegungwa, Caribbean yeturquoise-blue ine atolls nacoral reefs izvo zvinoumba mhinganidzo refu zvikurusa yereef muWestern Hemisphere. Zhinjisa yenyika iri mumhenderekedzo yakaoma uye yakati sandara. Asi mukati menyika nechokumaodzanyemba, Makomo eMaya anosvika urefu hwamamita 1 120. Iyi nharaunda yamakomo yaichimbova namasango akabata inoratidzirwa nemimanimani, mipata yenzizi, uye mapopoma akaisvonaka.
Nyika yacho pakuvamba yaigarwa navaMaya, sezvinopupurira matongo akawanda nezviumbwa. Muma 1600, yakavambwa kugarwa navaichimbova vapambi avo vakanga vatendeukira kukutema logwood nemahogany. Gare gare, yakava nyika yeBritish Honduras. Kuzvimirira nourudzi zvakauya muna 1981.
Nhasi, Belize ine chiverengero chavagari vemo chavanenge 175 000. Zvirokwazvo iboka rakavhengana, rakaumbwa navaAfro-Belize (Creoles), vaMestizo, vaMaya, vaGarinagu (Caribs), vaAsia, vaEurope, uye vamwe. Nemhaka yomugariro wakare weBelize, chiNgezi ndiwo mutauro wehurumende, nechiSpain mutauro wechipiri wakasimba. ChiCreole chinotaurwawo zvikuru, sezvakaita chiMaya, chiGarifuna, uye mimwe mitauro.
Mhinganidzo yereef ine makiromita 280, ine macoral ayo ane mavara akajeka, shongwe duku dzakafanana neimba yamambo, uye mapako, inochengeta mhatsa huru yezvisikwa zvomugungwa izvo zvinofadza ziso nomukanwa. Idzi nzvimbo dzokuredzera dziri kure nemhenderekedzo yegungwa ndiimwe yepfuma dzomusikirwo hurusa dzenyika yacho. Nenzira yakafanana, nemhatsa yayo huru yavanhu nohunhu, Belize yakabvumikisa kuva nzvimbo yo‘kuredzera’ inobudirira nokuda kwaavo vanogamuchira kokero yaJesu: “Nditeverei, ndigokuitai vabati vavanhu.”—Mateo 4:19.
‘Kuredza’ Kunotangwa
Makanga muri muna 1923 umo James Gordon, Chapupu chakabhapatidzwa muna 1918 muJamaica, akatamira kuBelize. Iye akavamba kukanda mambure ake, sokunge zvakadaro, pakati pavavakidzani vake mumusha weBomba nomakaupoteredza muRuwa rweBelize. ‘Zvokuredzesa’ zvake zvakasvika pakubatanidza bhokisi guru zvikuru remahogany raiva namabhuku, rakatakurwa muruoko rumwe, uye giramufoni rake rakatakurwa murumwe rwacho.
Munenge muna 1931 Freida Johnson, mumwe mushumiri wenguva yakazara akabva Texas, akauya kuBelize muchakairo yokuparadzira mashoko akanaka munyika dzeCentral America. Mukati mokugara kwake kwemwedzi mitanhatu, iye akaonana nomubiki wechingwa ainzi Thaddius Hodgeson, uyowo akapa zvokwadi kumubiki wechingwa biyake, Arthur Randall. Hama Hodgeson akapfuuridzira basa racho kutozosvikira pakusvika muna 1945 kwavafundisi vokutanga vakarovedzwa kuGilead, Charles Heyen naElmer Ihrig.
Gore rakatevera racho, mukati meshanyo yaN. H. Knorr naF. W. Franz, panguva iyeyo purezidhendi nomutevedzeri wapurezidhendi mukuwirirana nenhevedzano yokududzwa kwavo weWatch Tower Society, hofisi yebazu yakatangwa imomo. Chibviro chenguva iyeyo “mambure” akakandirwa mumativi ose eBelize, uye basa rakakura nenzira yakatsiga. Chiverengero chaavo vanogoverana mu‘kuredza vanhu’ chakasvika chiverengero chapamusoro chavane 844 muna 1989.
‘Kukanda Mambure’ Kure
Nhasi, Guta reBelize namamwe mataundi zvinoshandwa nguva dzose naavo vanoparidza mashoko akanaka oUmambo, asi yakawanda yemisha iri kure necays (zvitsuwa) hazvisati. Kwakanga kwakadaro neSan Pedro, paAmbergris Cay, kutozosvikira makore mashomanene apfuura.
Kwamakore akawanda, onano bedzi vagari vemo veSan Pedro vakava nayo nezvokwadi yakanga iri apo Zvapupu zvakabva kunyika huru zvakaendako nokuda kweshanyo pfupi. Zvapupu zvakasiya mabhuku eBhaibheri ane vanhu vanofarira, asi hazvina kugona kudzokerera fariro nemhaka yokuti zvaifanira kudzokera kunyika huru. Gare gare, imwe mhuri yavana yakauya kuBelize kuzobatira uko kushaiwa kwakanga kuri kukuru. Ivo vakazvipira kuenda kuchitsuwa chacho kunyange zvazvo ivo vaifanira kugara mumotokari yenhandaro kutozosvikira vagona kuvaka imba. Asi “kuredza” kwakanga kwakanaka. Ivo vakatanga fundo dzeBhaibheri dzakawanda, uye nhasi kune vanopfuura “varedzi vavanhu” 20 pachitsuwa pacho. Muna September 1986, nebetsero yeZvapupu zvakabva munyika yacho yose, ivo vakavaka Horo yoUmambo yavo vamene mukupera kumwe chete kwevhiki.
Ndima yebazu inobatanidzawo misha inoverengeka yakapararira yeMaya kumaodzanyemba kweRuwa Toledo, umo mitauro yeKetchi neMaya Mopan inotaurwa. Kamwe pagore, mukati memwaka wakaoma apo nzizi namakomo zvinogona kuyambukwa, boka reZvapupu raisishanyira iyi misha. Vachitakura chinhu chiri chose chavaida pamisana yavo, ivo vaifamba vachienda kumisha, vaipa vagari vemo uchapupu, uye vaidzokera kuzoshanyira avo vakaratidza fariro.
Pa‘rwendo rwomusango’ rumwe rwakadaro rwegore negore muna 1968, hama dzakashanyira musha weCrique Sarco. Mumwe musikana muduku akawana kopi yebhuku raZvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, iyo imwe hama yakanga yadonhedza isingazivi. Iye anorondedzera chakatevera.
“Bhuku iroro rakanga richikosha kwandiri, asi ndaingotarira bedzi mifananidzo mishomanene, uye handina kutongorirava. Shanyo dzegore negore idzo hama dzaiitira baba vangu dzakaroverera zita rokuti Jehovha pandangariro yangu, uye ndakasvika pakuziva kuti Iye ane sangano. Apo ndakatanga chikoro chapamusoro mutaundi rePunta Gorda, mubvunzo wakamuka mukirasi rimwe zuva: Zita raMwari ndiani? Apo ndakapindura kuti, ‘Jehovha,’ ndakapiwa ‘chirango chinongoerekana chapiwa’ (zvikanganiso zvishanu kubatanidza nomugove webasa nechirango, zvakadai sokuchenesa chimbudzi). Ipapo muprista akandidana kupinda uye akandiudza kuti handifaniri kushandisa zita iroro zvakare kana kuti ndingagona kudzingwa pachikoro. Pashure paikoko ndakasiya chikoro chacho nokuzvidira ndokusazotongodzokerazve.
“Onano yangu inotevera nezvokwadi yakanga iri makore akawanda gare gare apo ndakanga ndaroorwa uye ndichigara Mutaundi reCorozal kuchamhembe. Ndakaona chidimbu chepepa chichipepereka mukamuferefere, ndakachinhonga, uye ndakaona kuti rakanga riri butiro rekabhukwana kanonzi Jehovah’s Witnesses and the Question of Blood. Ndakatsinhira kushamwari kuti ichi chakanga chiri chitendero chimwe cheZvapupu icho ndaisagona kubvumirana nacho. Iye akataura kuti zvichida pane rimwe zuva ndaizobvumirana nacho. Zuva rakatevera racho, imwe hama yakashanyira ndokutaura kuti yakanga yanzwa kuti ndaifarira kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo ndakamuudza kuti ndakanga ndisiri chaizvoizvo, akatsanangura kuti haisati yaizotora nguva yakawanda, naizvozvo ndakabvuma. Pakupedzisira, bhuku riye raZvokwadi iro ndakanga ndada kwamakore masere rakashandiswa!
“Nokukurumidza, vanatezvara vangu vakanga vachikurudzira murume wangu kumisa fundo yangu. Ipapo takatamira kumusha uri woga, uye ndakarasikirwa neonano neZvapupu. Pakupedzisira, imwe hanzvadzi yakandishanyira iri muushumiri hwapaimba neimba, uye ndakamutsidzira fundo yangu. Murume wangu akaita zvose zvaaigona kudzongonyedza fundo yacho. Iye aidhakwa, aiita mheremhere huru, aindidzinga muimba, kana kuti kutyisidzira kuva nomumwe mukadzi. Asi ndakamira ndakasimba uye ndakavimba zvikuru naJehovha mumunyengetero. Makore maviri apfuura Jehovha akapindura minyengetero yangu zvikuru kupfuura kariro dzangu.
“Rimwe zuva murume wangu akauya kumba chiso chake chose chakasvuuka, uye akananga kunorara. Gare gare zuva iroro iye akati, ‘Ndinodawo kufunda Bhaibheri!’ Chinjo iyoyo yakandiunzira mufaro mukuru asiwo kutsamwa kwemhuri yake. ‘Kuchinja rudzidziso kwakafanana nokuchinja vabereki,’ ivo vakamuudza kudaro, ‘naizvozvo hausati uchiri mwanakomana wedu!’ Zvino izvo murume wangu neni takanga tabatanidzwa, takaita fambiro mberi yokukurumidza. Pana December 5, 1987, takabhapatidzwa paZuva Chairo reGungano redu rokutanga.”
Naizvozvo kwakadaro ksti “hove” dziri kubatwa kunyange munharaunda dziri kure dzeBelize. Bhurocha Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! rakashandurirwa muchiKetchi mutariro yokuti vamwe vazhinji vari muiyi misha vangabetserwa kugamuchira mashoko akanaka. Avo vakaponeswa mumvura dzakashatiswa dzetsika yaSatani vari kufarikanya mvura dzakachena zvikuru dzezvokwadi iri muparadhiso yomudzimu yaJehovha.
Somuenzaniso, mumwe murume muduku muGuta reBelize akadzidza nezvemipimo yakachena yaJehovha muBhaibheri. Iye akarega kupindwa kwake muropa nemarijuana nemimwe mirimo uye akabhapatidzwa. Nokukurumidza pashure paikoko, iye akava “muredzi wavanhu” wenguva yakazara. Iye anewo ropafadzo yokubatira somubatiri anoshumira muungano yake. Mazana avamwe akabetserwa kuchenesa upenyu hwavo kupfurikidza nokunyoresa roorano dzavo nokuzvinyoresa nezviremera. Vamwe vazhinji vakadzidziswa kurava nokunyora kuti vakwanise kuzvifundira vamene Shoko raMwari. Naizvozvo basa redzidzo reZvapupu zvaJehovha muBelize harisati bedzi richigutsa zvinodikanwa zvomudzimu zvavanhu asiwo kuunza mimwe miuyo inobetsera kunzanga.
Kupinza Mambure
Pane imwe nguva vadzidzi vaJesu vakatevera miraidzo yake ndokukandira mambure avo parumwe rutivi rweigwa ravo. Somuuyo, “vakasagona zvino kurikweva nokuwanda kwehove.” (Johane 21:6) Nenzira yakafanana, kugamuchira mashoko akanaka kukuru kwazvo zvokuti Zvapupu muBelize zviri kukuwana kuva denho kutarisira boka guru riri kupinda musangano.
Kune kudikanwa kukuru kwehama dzakakura mumudzimu dzokutungamirira muungano. Paavhareji, kunongova nomukuru mumwe chete kana kuti vaviri muungano imwe neimwe. Ipapo, kune denho yokusvika mativi ose enyika namashoko akanaka pahwaro hwenguva dzose. Nharaunda dzakawanda dzinogona kusvikwa nemigwagwa, asi nemhaka yokushaikwa kwezvokufambisa zvavose, kwakaomera Zvapupu kusakurira fariro inowanwa kana kuti kuti vanhu vanofarira vasvike kumisangano nguva dzose. Kufamba kana kuti kushandisa igwa kuchiri nzira bedzi inoshanda yokusvika dzimwe nharaunda dziri dzoga.
Zvapupu zvomuBelize zvinowanawo chitambudzo mukuwana nzvimbo yakakwana yemisangano yazvo yeungano yevhiki nevhiki nekokorodzano dzegore negore namagungano. Hwerengedzo yavakapinda “Vimba naJehovha” Kokorodzano Dzoruwa muna 1987 yakanga ichipfuura 2 200, inopfuura nakanenge katatu chiverengero chavaparidzi munyika yacho. Nokuda kwekokorodzano idzodzo, hama dzakavaka chivako chechinguvana panzvimbo iri pedyo neLadyville. Zvino, dziri kuongorora kubvira kwokuvaka Horo yeGungano yechigarire panzvimbo yacho.
Nepo denho iri huru, Zvapupu zviri kuigamuchira nembavarira. Izvo zvakaratidzira ikoku kupfurikidza nokuwedzera goverano yazvo muushumiri hwomumunda. Muna 1979 vaparidzi vakapedza, paavhareji, maawa 8,3 mwedzi mumwe nomumwe mubasa rokuparidzira. Zvino vanopedza avhareji yamaawa 11,3 mwedzi mumwe nomumwe. Kwave kunewo wedzero yakaisvonaka mumapiona. Muna 1979 makanga mune avhareji yamapiona ebetsero 10 uye mapiona enguva dzose 12 pamwedzi. Zvino kune mapiona ebetsero 51 uye mapiona enguva dzose 42 mwedzi mumwe nomumwe, vanovambira pamakore 14 kusvikira ku 74 ezera.
Kariro dzefutunuko ihuru, kuyera navapindi vakatanhamara paChirangaridzo chorufu rwaKristu chakaitwa pana March 22, 1989. Hama dzakashanda zvakaoma kukoka vanhu vanofarira. Muuyo wacho? Hwerengedzo yavapindi 3 834—vanopfuura nakana chiverengero chapamusoro chavaparidzi! Kwakanga kuchifadza kuona mapoka akawanda amarudzi—vaCreole, vaMestizo, vaMaya, vaEurope, vaChina, vaLebanon, uye vamwe—vachivhengena pamwe chete neiyi nzira.
Mukuwedzera, vaparidzi 844 vomunyika yacho vari kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinopfuura chiuru. Kupfurikidza nokupfuurira kutarira kuMusoro weungano, Jesu Kristu, nokuda kwenhungamiro, vamwe vazhinji muBelize pasina panikiro vachagamuchira kokero yokuva “varedzi vavanhu.”
[Mepu dziri papeji 22]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
GULF OF MEXICO
MEXICO
BELIZE
Belize City
Punta Gorda
GUATEMALA
GULF OF HONDURAS
[Mifananidzo iri papeji 24, 25]
Kuvakwa kweHoro yoUmambo muSan Pedro, Ambergris Cay