RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 3/15 pp. 24-25
  • Zvakaisvonaka zvomuEvhangeri yaJohane

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaisvonaka zvomuEvhangeri yaJohane
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndeyokuwedzera Zvikuru
  • Kuzvininipisa Nomufaro
  • Kuremekedza Vanhu kwaJesu
  • Mufudzi Akaisvonaka Anoitira Hanya!
  • Mwanakomana waMwari Akatendeka Nguva Dzose
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 43—Johane
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Mufudzi Akanaka Uye Matanga Emakwai
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Ndianiko Anotungamirira Kukununurwa?
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 3/15 pp. 24-25

Zvakaisvonaka zvomuEvhangeri yaJohane

MUDZIMU waJehovha wakafuridzira mukweguru muapostora Johane kunyora nhauro inofadza youpenyu hwaJesu Kristu noushumiri. Iyi Evhangeri yakanyorerwa muEfeso kana kuti pedyo nayo munenge muna 98 N.V. Asi chii chiri rudzi rwenhauro yacho? Uye ndezvipi zviri zvakati kuti zvezvakaisvonaka zvainayo?

Ndeyokuwedzera Zvikuru

Johane akanga achisarudza, achidzokorora zvishomanene izvo Mateo, Marko, uye Ruka vakanyora. Zvamazvirokwazvo, nhauro yake yechapupu chakaona ndeyokuwedzera zvikuru mukuti inopfuura 90 muzana yayo inofukidza zvinhu zvisina kududzwa mudzimwe Evhangeri. Somuenzaniso, iye oga anotiudza nezvokuvapo asati ava munhu kwaJesu uye kuti “Shoko rakava nyama.” (1:1-14) Nepo vamwe vanyori veEvhangeri vachitaura kuti Jesu akachenesa tembere pamugumo poushumiri hwake, Johane anotaura kuti Kristu akaitawo saizvozvo pamavambo ahwo. (2:13-17) Mukweguru muapostora oga anotiudza pamusoro pamanenji akati akaitwa naJesu, zvakadai sokushandurwa kwemvura kuva waini, kumutswa kwaRazaro akafa, uye kubatwa kwenenji kwehove pashure porumuko Rwake.—2:1-11; 11:38-44; 21:4-14.

Vanyori vose veEvhangeri vanotaura kuti Jesu akavamba sei Chirangaridzo chorufu rwake, asi Johane bedzi anoratidza kuti Kristu akapa vaapostora chifundo mukuzvininipisa kupfurikidza nokushamba tsoka dzavo pausiku ihwohwo. Uyezve, Johane oga anonyora hurukuro dzakajeka Jesu akapa nomunyengetero waakapa nokuda kwavo panguva iyoyo.—13:1–17:26.

Muiyi Evhangeri, zita rokuti Johane rinonongedzera kuMubhapatidzi, munyori achizvidana amene ‘mudzidzi Jesu aida.’ (13:23) Muapostora zvirokwazvo aida Jesu, uye rudo rwedu timene rwaKristu rwunowedzerwa apo Johane anomuratidzira seShoko, chingwa choupenyu, chiedza chenyika, Mufudzi Akaisvonaka, nzira, zvokwadi, uye upenyu. (1:1-3, 14; 6:35; 8:12; 10:11; 14:6) Ikoku kunobatira donzo rakataurwa raJohane: “[Zvinhu] izvozvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari, uye kuti, nemhaka yokutenda, mugova noupenyu kupfurikidza nezita rake.”—20:31, NW.

Kuzvininipisa Nomufaro

Evhangeri yaJohane inosuma Jesu seShoko neGwaiana rinoyananisa chivi uye inodudza manenji anobvumikisa Iye kuva “Mutsvene waMwari.” (1:1–9:41) Pakati pezvimwe zvinhu, nhauro yacho inosimbisa kuzvininipisa nomufaro zvaJohane Mubhapatidzi. Iye akanga ari mutangiri waKristu asi akati: “Wandisina kufanira kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.” (1:27) Shangu dzaisungwa netambo dzeganda, kana kuti rukanda. Muranda angasunungura rukanda rweshangu dzomumwe munhu ndokumutakurira, sezvo iri rakanga riri basa rakaderera. Johane Mubhapatidzi nokudaro akaratidzira kuzvininipisa nokuziva kusakosha kwake mukuenzaniswa naTenzi wake. Chifundo chakaisvonaka, nokuti vanozvininipisa bedzi vakakodzera basa kuna Jehovha naMambo wake wouMesia!—Pisarema 138:6; Zvirevo 21:4.

Panzvimbo pokushatirirwa Jesu norudado, Johane Mubhapatidzi akati: “Shamwari yechikomba inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nenzwi rechikomba. Naizvozvo kufara kwangu kwazadzika.” (3:29) Somumiriri wechikomba, shamwari yechikomba yakaita kurukurirano dzeroorano, pane dzimwe nguva kuronga zvipo zveroorano nokuendesa kumwenga neroora kuna baba vake. Uyu munyai aiva nechikonzero chokufara apo basa rake rakaitwa. Nenzira yakafanana, Johane akafara mukuunza Jesu pamwe chete nemitezo yokutanga yomwenga Wake. (Zvakazarurwa 21:2, 9) Sezvo mabasa eshamwari yechikomba akagara bedzi kwenguva pfupi, naizvozvo basa raJohane rakakurumidza kuguma. Iye akaramba achiderera, nepo Jesu akaramba achiwedzera.—Johane 3:30.

Kuremekedza Vanhu kwaJesu

Patsime pedyo neguta reSikari, Jesu akaudza mukadzi weSamaria pamusoro pemvura yokufananidzira iyo inopa upenyu husingagumi. Apo vadzidzi vake vakasvika, “vakavamba kushamiswa nemhaka yokuti akanga achitaura nomukadzi.” (4:27) Neiko pakanga pane kuita kwakadaro? Eya, vaJudha vaizvidza vaSamaria uye vakanga vasina chokuita navo. (4:9; 8:48) Kwakanga kusingazivikanwiwo navose kuti mudzidzisi wechiJudha ataure nomukadzi pachena. Asi kuremekedza vanhu kwetsitsi kwaJesu kwakamusunda kupa uhu uchapupu, uye nemhaka yahwo, vagari veguta “vakavamba kuuya kwaari.”—4:28-30, NW.

Kuremekedza vanhu kwakasunda Jesu kuti: “Kana munhu upi noupi ane nyota, ngauye kwandiri anwe.” (7:37) Sezviri pachena, iye nokudaro akanongedzera kutsika yakawedzerwa kuMutambo wamazuva masere waMatumba. Mangwanani mamwe namamwe kwamazuva manomwe, muprista aichera mvura mudziva reSiroami ndokuidururira paatari yetembere. Pakati pezvimwe zvinhu, ikoku kwaitaurwa kuva kunomirira kudururwa kwomudzimu. Kutanga paPentekosta ya 33 N.V., mudzimu waMwari wakasunda vateveri vaJesu kuendesa mvura dzinopa upenyu kuvanhu mupasi rose. Kunongova bedzi kuna Jehovha, “manyuko emvura mhenyu,” kupfurikidza naKristu uko munhu upi noupi anogona kugamuchira upenyu husingagumi.—Jeremia 2:13; Isaya 12:3; Johane 17:3.

Mufudzi Akaisvonaka Anoitira Hanya!

Kuremekedza vanhu kwaJesu kuri pachena mubasa rake soMufudzi Akaisvonaka uyo anoitira hanya vateveri vake vakafanana namakwai. Kunyange sezvo rufu rwake rwakasvika, Jesu akapa vadzidzi vake zano rorudo ndokuvanyengeterera. (10:1–17:26) Kusafanana nembavha kana kuti mupambi, iye anopinda mudanga ramakwai napasuo. (10:1-5) Danga ramakwai rakanga riri danga umo makwai aichengetwa nokuda kwechengeteko yousiku pambavha nemhuka dzinodya nyama. Rakanga rine masvingo amabwe, zvichida namapazu ane minzwa pamusoro, uye nzira yairindirwa nomuchengeti wesuo.

Mapoka amakwai avafudzi vanoverengeka angachengetwa mudanga ramakwai rimwe chetero, asi makwai aipindura bedzi inzwi romufudzi wawo akasiana. Mubhuku rake Manners and Customs of Bible Lands, Fred H. Wight anoti: “Apo kunova kuri madikanwa kuparadzanisa mapoka anoverengeka amakwai, mufudzi mumwe pashure pomumwe achamira ndokudanidza achiti: ‘Tahhoo! Tahhoo!’ kana kuti kudanidza kwakafanana kwokusarudza kwake amene. Makwai anosimudza misoro yawo, uye pashure pebvongobvongo, anovamba kutevera rimwe nerimwe mufudzi waro amene. Iwo akarovedza zvakakwana nechimiro chenzwi chomufudzi wawo amene. Vaenzi kazhinji kazhinji vakashandisa kudanidza kwakafanana, asi kuedza kwavo kwokuita kuti makwai avateveri kunokundikana nguva dzose.” Nenzira inofadza, Jesu anoti: “Makwai angu anoteerera inzwi rangu, uye ndinoaziva, uye iwo anondinoziva. Uye ndinoapa upenyu husingaperi.” (10:27, 28, NW) Ose ari maviri “boka duku” uye “mamwe makwai” anopindura inzwi raJesu, kutevera nhungamiro yake, uye kufarikanya tarisiro yake yorudo.—Ruka 12:32, NW; Johane 10:16.

Mwanakomana waMwari Akatendeka Nguva Dzose

Kristu akanga akatendeka nguva dzose kuna Mwari uye ari womuenzaniso somufudzi ane rudo muupenyu hwake hwose hwapasi. Ngoni dzake dzakaratidzirwawo mukuonekwa kwapashure porumuko. Kwakanga kuri kuremekedza kwengoni vamwe uko ipapo kwakasunda Jesu kukurudzira Petro kudyisa makwai Ake.—18:1–21:25.

Sanyajambwa wokurovererwa, Jesu akatigadzirira muenzaniso wakaisvonaka wokutendeka kusvikira kurufu. Ruzvidzo rumwe rwaakatambura muzadziko youporofita rwakanga rwuri rwokuti varwi ‘vanogovana nguvo dzake pakati pavo vamene.’ (Pisarema 22:18) Ivo vakakanda mijenya kusarudza aizowana nguvo yake yakaisvonaka yomukati (chiGiriki, khi·tonʹ), yakarukwa isina mupendero. (19:23, 24) Nguvo yakadaro ingarukwa namakushe kana kuti jira muchidimbu chimwe uye ringagona kuva chena kana kuti ramavara akasiana-siana. Kazhinji kazhinji isina maoko, yaipfekwa pedyo neganda ndokusvika kumabvi kana kuti kunyange kumaziso egumbo. Chokwadika, Jesu akanga asingadisi zvenyika, asi aipfeka nguvo yakadaro yakanaka, nguvo yake isina mupendero.

Mukati mokumwe kwokuoneka kwaJesu pashure porumuko, iye akakwazisa vadzidzi vake namashoko anoti: “Ivai norugare.” (20:19) Pakati pavaJudha, iyi yakanga iri kwaziso inozivikanwa navose. (Mateo 10:12, 13) Nokuda kwavazhinji, kushandiswa kwamashoko akadaro kungave kwakareva zvishomanene. Asi kwakanga kusina kudaro naJesu, nokuti pamberi pezvi akanga audza vateveri vake, kuti: “Ndinokusiirai rugare, ndinokupai rugare rwangu.” (Johane 14:27) Rugare urwo Jesu akapa vadzidzi vake rwakanga rwakavakirwa pakutenda kwavo maari soMwanakomana waMwari ndokubatira kunyaradza mwoyo yavo nendangariro.

Nenzira yakafanana, tinogona kufarikanya “rugare rwaMwari.” Ngatikoshesei urwu runyararo rusingaenzaniswi runobva muukama hwapedyo naJehovha kupfurikidza noMwanakomana wake anodiwa.—VaFiripi 4:6, 7.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe