Zviono Zvinobva Munyika Yakapikirwa
Renje raJudha—Risina Chinhu Asi Rinofadza
CHII chaunofungidzira renje raJudha riri muNyika Yakapikirwa kuva rakaita? Vamwe vanofunga nezvesango hombe, rakabata. Vamwe vanofungidzira renje rakafanana neSahara rine jecha risingaperi.
Hakuna nomumwe wemifananidzo yacho unowirirana neiri renje, sezvaunogona kuona mupikicha iri pamusoro apa. Muichi chiono, iwe uri kutarira rutivi rwerenje runobatanidzwa naJesu. Gamuchidzanwa rinotaura kuti Satani akaratidza Jesu “maumambo ose enyika” ari paurengarenga irworwu, urwo rwuri pamucheto perenje uye rwakatarira guta rakazadzwa nemichindwe reJeriko muMupata waJoridhani kumabvazuva.—Mateo 3:1; 4:1-11.
Richibva kurutivi urwu rwokuchamhembe kwakadziva kumabvazuva, renje raJudha rinodzika nomurutivi rwokumavirazuva rweGungwa Rakafa. Kungakubetsera kufananidzira nharaunda iyoyi kana ukatarira pamepu duku iri pa 1989 Calendar of Jehovah’s Witnesses. (Karenda inewo mepu huru yomufananidzo uri pamusoro apa.) Renje (rakafara makiromita 16 kusvikira ku 24) riri pamutenutenu wokumabvazuva wamakomo aJudha, kudzika kusvikira kumhenderekedzo dzeGungwa Rakafa.
Makomo iwayo anovhara huzhinjisa hwemwando unobva kuMediterranean Sea. Naizvozvo makomo amabwe echoko akapfava, asina chinhu ari parutivi rwokumabvazuva anogamuchira mvura shomanene kunze kwomukati memwedzi yechando yaNovember naDecember. Panguva iyoyo uswa hunomera, kuchigonesa mapoka amakwai kufura muno. Nokudaro, “matanga amabwe amakwai” anodudzwa pana 1 Samueri 24:3 (NW), anokodzera nenzira yakarurama iyi nharaunda.
Uswa hunokura muno hahugari kwenguva refu. Mhepo dzokumabvazuva dzinobva kurenje dzinokurumidza kuomesa zvikuru zvakasvibira. Ikoku kunosanojekesa sei tsinhiro youporofita, inoti: “Uswa hunooma, ruva rinosvava, asi Shoko raMwari wedu richagara nokusingaperi.”—Isaya 40:8; 1 Petro 1:24, 25.
Zvichida Jesu akarangarira pamusoro porugwaro urwu achidzungaira muiri renje kwamazuva 40 nousiku 40. Funga kuti Jesu anofanira kuva akanzwa sei muzuva rinopisa zvikuru iro rinorova pamabwe nemipata zvisina miti. (Isaya 32:2) Kunonzwisisika sei kuti pashure pezvo “ngirozi dzakauya ndokuvamba kumushumira”!—Mateo 4:1-11, NW.
Nemhaka yokusava kwaro nechinhu nokushaiwa vagari vemo, renje raJudha kazhinji kazhinji raishandiswa senzvimbo youtiziro. Pakutiza achibva kuna Mambo Sauro ashatirwa, Dhavhidhi akawana dziviriro muno, achirirondedzera se“nyika yakaoma, inonzwisa nyota, isine mvura.” (Pisarema 63:1 uye mashoko anorondedzera; 1 Samueri 23:29) Kwenguva yakati iye akavanda mubako, zvichida rakafanana neUmm Qatafa Cave muWadi Khareitun (mupata unobva kumabvazuva kweBhetrehema nechokuGungwa Rakafa). (VaHebheru 11:32, 38) Muichi chiono uri mubako, unogona kuona pasi kurudyi makwai matema ari kufura mumiti yakapararira.
Dhavhidhi akanga ari mubako munharaunda yeEni-gedhi apo Sauro akapinda kundozvibatsira. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akagura mupendero wenguvo yaSauro, iye haasati aizokuvadza “muzodzwa waJehovha.” Gare gare Dhavhidhi akadana kuna Sauro, zvimwe apo Mambo akanga adzika pakati pamashizha akawanda. (1 Samueri 24:1-22) ‘Mashizha akawanda muno here?’ ungashamisika.
Hungu, apo kunenge kune mvura yakawanda, iri renje rinogona kutunga. Eni-gedhi muenzaniso. Mvura inosininika mumatombo ane mwena inobuda setsime ramapopoma muuyu mupata uyo unozarukira pamhenderekedzo yokumadokero yeGungwa Rakafa. Ikoku kunoita kuti En-gedhi rive sango chairoiro, rakapfuma mumiti. Uchishanyirako, unogona kuwana marudzi akawanda amaruva nemichero. Ungaonawo mhuka, dzinovambira pangururu kusvikira kumbudzi dzomumakomo; munotova neigwe munharaunda macho!—1 Samueri 24:2; Rwiyo rwaSoromoni 1:14.
Kuti renje risina chinhu raJudha rinogona kuva rakasvibira kwazvo kunowedzera upfumi kunzwisiso yedu yechiono chaEzekieri chemvura inoyerera ichibva mutembere muJerusarema. Kuyerera kwakawedzera kutozosvikira rwava rwizi runoyerera nechokumabvazuva ruchidzika nomurenje raJudha. Nomuuyoiko? Ezekieri akanyora, kuti: “Ndikaona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwazvo huno nemhiri . . . Zvibereko zvayo zvichava zvokudya, namashizha ayo achaporesa.” Mvura yakayerera ichipinda muGungwa Rakafa, ichiporesa kunyange mvura dzarwo dzisina upenyu.—Ezekieri 47:1-12; Isaya 35:1, 6, 7.
Nokudaro, kunyange zvazvo renje raJudha rakaoma zvishoma uye risina chinhu, inharaunda inofadzawo yemisiano inooneka munhauro dzeBhaibheri.—Ruka 10:29-37.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 17]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.