RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 10/1 p. 3
  • Hero Inopisa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hero Inopisa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chakaitika Kumoto Wehero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Zvokwadi Pamusoro Pehero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Ndiani Anoenda Kuhero?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Hero Iriko Zvechokwadi Here? Shoko Rekuti Hero Rinorevei muBhaibheri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 10/1 p. 3

Hero Inopisa Here?

“PANGUVA yakati mumazana amakore gumi namapfumbamwe namakumi matanhatu, Hero yakanyangarika.” Akadaro munyori weBritain David Lodge mubhuku rake Souls and Bodies, uye mashoko ake anoratidzira kufunga kwavaKaturike navaPurotestendi vazhinji mukati mamakumi amakore apashure pehondo yenyika yechipiri. Kwenguva yakati, dzakawanda dzechechi huru dzimene dzakapfavisa dzidziso yadzo yapamutemo yehero yomwoto munhamburiko yadzo yokuchinjira kumitoo yomufungo wazvino uno.

Pfungwa yechirango pashure porufu yakanga isingagamuchiriki zvikuru kuvanhu nemhaka yokuti murangariro wechivi chimene wakanga wava usina kujeka mundangariro dzavo. Achibvunzurudzwa muna 1984, Cardinal weRoma Ratzinger akati: “Shambidziko yedu . . . inonangidzira ngwariro pakuderedza migariro nepembedzo mukuedza kubvisa pfungwa yavanhu yokuva nemhaka, yechivi . . . , zvomene iya zvikuru yakabatanidzwa nechitendero muhero nePurigatori.”

Kunobvira here nhasi kudavira muzvomene yechivi pasina kugamuchira dzidziso yechirango pashure porufu mupurigatori nehero? Bhuku remisi ichangobva kupfuura iyi, Abrégé de la foi catholique (Kupetwa Kwokutenda kweKaturike), rakanyorwa sumo naCardinal weFrance Decourtray, rinobvunza mubvunzo nokutendeseka, richiti: “Kuri madikanwa here kutenda muhero?” Mhinduro: “Hakubviri kunzvenga mubvunzo unotyisa wehero.” Bhuku rinonzi Vatican Council II—More Postconciliar Documents (1982) rinonokora mashoko “The Credo of the People of God” seinoti: “Tinodavira . . . [kuti] avo vakagamuchira rudo nengoni zvaMwari vachapinda muupenyu husingagumi. Avo vakazviramba kusvikira kumugumo vachaiswa mumwoto uyo usingatongodzimwi.”

Naizvozvo, pasinei zvapo nenhamburiko dzose dzoumwari dzokubvumikisa zvakapesana, hero yomwoto ichiri zvikuru kwazvo rutivi rwedzidziso yapamutemo yeKaturike. Bva A New Dictionary of Christian Theology (1983) inotaura nezve“kangaidziko” ne“nhamo” izvo dzidziso yeshurikidzo isingagumi inoparira mitezo yakawanda yechechi dzechiKristudhomu nhasi. Idzo dzine nhamo yokutsinhiranisa iyi dzidziso nomurangariro waMwari worudo. Iyo inoshamisika, kuti: ‘Ko hero inopisa idzidziso yechiKristu neyeBhaibheri chaizvoizvo here? Kana isiri, yakavamba kupi?’

[Mufananidzo uri papeji 3]

Bourges Cathedral, France

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe