‘Asi Handidi Jehovha!’
BOB akanga achingova zvake mukomana muduku apo amai vake vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kwechiverengero chakati chamakore, iye akavaperekedza kuHoro yoUmambo kunyange mubasa rokuparidzira, kunyange zvazvo asina kutongobhapatidzwa. Panguva iyo iye akasvika kumugumo kwamakore ake echiduku, zvisinei, akarega kusonganirana neZvapupu. Achitatarika achibva pamugariro mumwe wakashata kuenda kumumwe, iye akaparadza upenyu hwake. Kunyange zvazvo achiri kuti anodavira zvakawanda zvezvinhu zvaakadzidza muBhaibheri, ikoku kwave kusina kukwana kumuita kuti ade kudzokera kusangano raJehovha. Neiko Bob achinzwa neiyi nzira?
Rangarira mumwe muenzaniso. David akanga ave ari mushumiri wenguva yakazara kwechiverengero chakati chamakore. Panhambo nenhambo, mibvunzo yaipinda mundangariro yake pamusoro pedzidziso dzakati dzeBhaibheri. Asi iye nguva dzose aipedza zvinetso zvacho kupfurikidza nokurangarira kuti somukupedza jigsaw puzzle, munhu haaregi nemhaka chete yokuti chidimbu chimwe kana kuti zviviri hazviratidziki kuva zvinokodzera pakutanga. Iye akanga akagutswa nokumirira Jehovha nokuda kwejekeso. Asi pane imwe nzvimbo, David akataura kuti akanga asati achakwanisa kuzvigutsa amene nenzira iyoyo. Achirega maropafadzo ake ebasa, iye akakurumidza kurega zvokwadi. Chiiko chakaparira chinjo mukufunga kwake?
Zvirokwazvo, kunorwadza kuona vatinoda vachirega munhangemutange youpenyu. Pasina panikiro, tinoda kuita zvose zvatinogona kuvabetsera. (2 VaKorinte 12:15; VaGaratia 5:7) Asi chii chaizvoizvo chinoparira munhu kurega zvokwadi? Chii chinogona kuitwa kubetsera munhu akadaro kudzokera kunhangemutange? Uye chii chinofanira kuita munhu kana kombamiro dzakadaro dzikavamba kukura maari?
Mwoyo, Hana, uye Kutenda
Kune chinhu chimwe chinokosha pamusoro paavo vakarega zvokwadi. Vazhinjisa vavo havaiti saizvozvo nemhaka yokuti havachadaviri kuti izvokwadi. Zvakapesana chose, vazhinji vavo vanoti, “Ndinoziva kuti iyi izvokwadi, asi . . . ” kana kuti, “Kana kune zvokwadi ipi neipi, ndinoziva kuti iyi ndiyo.” Pasi mumwoyo yavo, vazhinji vavo vachiri kudavira kuti izvo vakadzidza muBhaibheri izvokwadi. Asi nenzira yakati ivo vakadembedza ruoko rwavo ndokurasikirwa neshingairo yavo. Jakobho akati: “Kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jakobho 2:26, NW.
Kutenda kwechokwadi kunobatanidza zvinopfuura kungova chete nezivo kana kuti kudavira kuti chimwe chinhu ndechechokwadi. Panzvimbo pokungova chete muitiro wendangariro, kutenda kunobatanidza mwoyo wokufananidzira, nokuti Bhaibheri rinotiudza, kuti: “Nomwoyo munhu anoshandisa kutenda nokuda kwokururama.” (VaRoma 10:10) Nenzira ine mufungo, ipapoka, Bhaibheri rinonongedzera kumwoyo samanyuko echinetso apo mumwe munhu anovamba kutsauka. Pauro akanyevera, kuti: “Hama dzangu, chenjerai kuti mukati momumwe wenyu murege kuva nomwoyo wakashata usingatendi, mutsauke muchibva kuna Mwari mupenyu.”—VaHebheru 3:12.
Nokuda kwoufakazi hwokuti mwoyo unobatanidzwa zvikuru kwazvo, tingateerera kuna Diane, uyo akanga awa. Apo maKristu biyake akaedza kumubetsera, aipindura zvakajeka kuti, “Handigoni kudzokera kuna Jehovha. Handimudi!” Iye aiziva kuti chinhu bedzi chaizomubetsera kuramba ari pedyo naJehovha Mwari rudo nokuda kwake soMunhu uye soUyo akafanirwa nokuzvipira kwake. Kutaura idi, rwakanga rwuri rudzi urwu rworudo rwakamusunda kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha pakutanga. Asi nenzira yakati iye haana kunzwazve rudo rwakadaro. Pasinarwo, iye akaziva kuti aizongova zvake bedzi achinyepedzera kana aizodzokera. Asi munhu anorasikirwa seiko norudo rwaichimbova rwakasimba kwazvo?
Eya, Pauro akadudza “mwoyo wakashata usingatendi.” Muzvimwe zvinoitika, kushaikwa kwakadaro kwokutenda kunobva mukubvumira mwoyo kushuva izvo Jehovha Mwari anorambidza kana kuti kudzivisa chimwe chinhu chaanoraira. Mwoyo nokudaro unova unokamuraniswa uye hausati uchakakwana kuna Jehovha. Ipapo, uchiziva kuti nzira yako yechiito haitenderwi naMwari, nzira iri nyore yokudzivisa nayo imwe bonderano ‘kubva kuna Mwari mupenyu.’ (Enzanisa naGenesi 3:8-10.) Panzvimbo pokupfidza, “mwoyo wakaipa” unosunda munhu kubvisa Jehovha nedonzo rake muupenyu hwake. Munhu asina kutenda nokudaro anorega zvokwadi.
Muzvimwe zvinoitika, panzvimbo pokutambura marwadzo ehana nokuda kwenzira yakati, munhu anorega mwoyo wake uchimusunda nokunyengera kutsvaka kunzvenga kwoungwaru kupfurikidza nepanikiro, kuwanira mhaka, kana kuti kunyange kuwa pakutenda. Kana iye achigona kuzvipwisa amene kuti gadziriro yose yokutenda kwake yakashata, iye haasati achanzwa musengwa wokurarama mukati memiganhu yayo. Vanhu vakadaro vanosaidzira parutivi hana yakanaka uye ‘vanotambura kupunzika pamusoro pokutenda kwavo.’—1 Timotio 1:19.
Chokwadika, mumwe munhu angarega zvokwadi nokuda kwechimwe chikonzero chakati. Asi chipi kana chipi chachiri, icho nguva dzose chinodokubatanidza mwoyo. Nokuda kweichi chikonzero, rakakodzera nguva zvamazvirokwazvo ndiro zano, rinoti: “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.”—Zvirevo 4:23.
Kunaya Kunobvira
Kubvuma kuti kombamiro dzedu timene dzakaipa dzakanga dziri pamavambo okurasikirwa kwedu nokutenda kunotoda ushingi. Asi kuita saizvozvo inhano yokutanga kukushanda tichidzokera kuukama hwakasimba naJehovha. Chinoitika chaSteve, mumwe piona muEngland, chinosanoratidzira iri pfundo.
Kunyange zvazvo Steve asina kutongobuda muzvokwadi, pane imwe nguva akavamba kunzwa kusava namaturo nokushaikwa kwokupwiswa. Apo iye akaparidzira kuvamwe, mashoko ake ainzwika asina zvinhu munzeve dzake amene. Apo Steve akanga ari pakati pehama dzake dzomudzimu nehanzvadzi, akanzwa asina kukodzera, sokunge akanga asiri mumwe wavo.
Nomufaro nokuda kwaSteve, iye akaziva kuti chinetso chaiva naye. “Handina kuita chikanganiso chokuzviparadzanisa ndimene kuti ndifunge zvinhu, sokunge kwakanga kune manyuko efuridziro mukati menyama isina kukwana ayo aizogovera mhinduro dzakarurama,” anoyeuka kudaro Steve. (Enzanisa naVaRoma 7:18.) Panzvimbo pezvo, iye akaziva kuti anofanira kunzvera mwoyo wake ndokubvisa zvishuvo zvinonyengera zvinomutungamirira kubva muzvokwadi. Achatanga pahwaro pamene, iye akashanda kuti asimbisezve rudo rwake nokuda kwaMwari nokutenda muShoko Rake. Nhasi, Steve ari kubatira nomufaro somufundisi.
Kubetsera Kunogona Kuita Vamwe
Haasi munhu ari wose akarasikirwa kana kuti ari kurasikirwa nokubata kwake pazvokwadi anoona zvinhu zvakajeka sezvakaita Steve. Kutaura idi, kazhinji kazhinji ndiko kurasikirwa nechiono chakajeka chomudzimu kunotungamirira kukuwa kwokupedzisira. Ipapa ndipo apo maKristu biyako anogona kupa betsero. (VaRoma 15:1; VaGaratia 6:1) Asi ikoku kunogona kuitwa zvakanakisisa sei?
Sezvinooneka, hakuna kukwana kukoka kana kuti kukurudzira munhu akadaro kudzokera. Mhinganidzo dzinofanira kuzivikanwa ndokubviswa. Nhamburiko dzinofanira kuitwa dzokufadza mwoyo womunhu akaneteswa kana kuti asingaite basa. Kurukurirano dzakajeka, asi dzomutsa, dzoushamwari dzingabetsera munhu wacho. Kushandisa magwaro akadai sa 1 Timotio 1:19, VaHebheru 3:12, uye Jeremia 17:9, 10 kungamubetsera kunzvera zvakadzika mumwoyo make ndokuona chiri kumuparira ‘kubva kuna Mwari mupenyu.’
Apo bedzi zvisakiso zvinozivikanwa, nhamburiko dzinofanira kunangidzirwa kukubata nazvo. Mwoyo wenyama une hosha unoda tarisiro uye zvichida kuvhiya kunorwadza kana murwere achizopona. Kwakafanana nomwoyo wokufananidzira unorwara. Zvishuvo zvakaipa, kombamiro kukuzvimirira, kana kuti zvimwe zvinhu izvo zviri kuparira mwoyo kuva wakaoma zvinofanira kubviswa kana uchizova unogamuchira zvakare. MaKristu anoshingaira angasanonyengetera nomunhu asingaiti basa, kunyange kufunda Bhaibheri naye kana vakuru vakarangarira ikoku kuva kuno mufungo. Mwoyo unogona kumutsidzirwa uye munhu wacho kusvika pakuda Jehovha zvakare bedzi nenzira dzakadaro.—Zvirevo 2:1-5.
Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi kuna Diane. Kurukurirano namaKristu akakura mumudzimu dzakamubetsera kuziva chaaifanira kuita kuti amutsidzire rudo rwake nokuda kwaJehovha. Achiziva kuti iye aifanira kusvika pakuziva Jehovha zvikuru zvakare, Diane akagamuchira betsero yakapiwa. Pashure pokufunda Bhaibheri rinenge gore rimwe, iye nomurume wake vakava zvakare varumbidzi vanoshingaira vaJehovha.
Sezvo rudo ruchibatanidza chiito, kazhinji kazhinji iko kuita izvo Jehovha anotaura uye kuwana betsero yake yorudo izvo zvinobvumikisa kuva zvinobudirira zvikurusa. Hungu, mubato unobetsera munhu kuwanazve rudo rwakambosunda mwoyo wake. (Pisarema 34:8) Ikoku kungatanga nokuita nhano dzokushingaira kukurira zvishuvo zvakaipa kana kuti kururamisa kombamiro dzisina kufanira dzomwoyo. Rukundo rwuri rwose muiyi hondo inhano yokudzorera mwoyo kuna Jehovha. (Zvirevo 23:26; 1 Petro 2:1-3) Sezvo mwoyo unowanwa, chishuvo chinokura chokugoverana chiri mauri navamwe. Nokudaro, nokukurumidza sezvo vaparidzi voUmambo vaichimbova vasingaiti basa vanokwanirisa, vanofanira kubetserwa kuva negoverano mubasa rokuparidzira, nokuti “nomwoyo munhu anoshandisa kutenda nokuda kwokururama, asi nomuromo munhu anoita ziviso yapachena nokuda kworuponeso.”—VaRoma 10:10, NW.
Nokuda kwavapi navapi vanonzwa kuti havasati vachambodazve Jehovha, nzira yokudzokera kuupenyu hwoumwari ingava refu neyakaoma. Bva, kunaya kwomudzimu kwaSteve nokwaDiane hufakazi hwokuti chinjo yomwoyo inogona kuitika. Hungu, dzorero inobvira kupfurikidza nokushanda kwomudzimu waJehovha, kushanda kweShoko rake, uye batira pamwe yakamutsidzirwa nesangano rake. Itariro yedu yechokwadi nomunyengetero kuti vanhu vakadaro vanogona kubetserwa kufara zvakare mukunamatwa kwaJehovha nebasa rinoyera saavo vanoda Jehovha nomwoyo wose.—Marko 12:30; 1 VaKorinte 13:8; 3 Johane 1-4.