Ko Basa Rakaoma Rinounza Mufarwa Here?
“KUNYANGUVEZVO, basa ndichinhu chiri chose chomunhu, handizvo here?” akabvunza kudaro Bunpei Otsuki, njonda huru munyika yebhizimisi yeJapan. Iye akanga achitsanangura chikonzero nei akanga asingadi kutora zororo rezhezha. Mashoko ake muenzaniso wakanaka wavaJapan avo vakavakazve nyika yacho ichibva munyongano yayo yapashure pehondo. VaJapan vakarondedzerwa savanhu vanobishaira chibviro chaapo Commodore Perry weUnited States akazarura Japan munhambo yayo refu yokuparadzana. Uye ivo vanodada nokuva vashandi vakaoma.
Zvisinei, Japan zvino iri kutsoropodzwa nokuda kwokushanda zvakaoma zvikuru, kuva namaawa okushanda egore negore marefu zvikurusa pakati paanonzi marudzi ane mabasa okugadzira zvinhu. Hurumende yeJapan iri kuedza kubvisa murangariro wokushanda nguva dzose. “Labor Ministry Inoti ‘Regai Kushanda Zvakoma Kwazvo,’” unorava kudaro mumwe musoro mukuru wepepanhau. Mukutaura kwayo kwenhimbe kwenhambo yezororo rezhezha ra 1987, ministry yacho yakatosvika pakuti, “Kutora zororo chibvumikiso chounyanzvi hwako.” Namamwe mashoko, hurumende iri kubvunza rudzi kuti, “Kushandireiko zvakaoma kwazvo?”
Chokwadika, havasati vari vose vari muJapan vari vashandi vakazvipira, vakaoma. Nzvero yemisi ichangobva kupfuura iyi yeJapan Productivity Center yavanopfuura vashandi vatsva 7 000 yakazivisa kuti 7 muzana bedzi yavo yakapa nzvimbo yokutanga kubasa kupfuura upenyu hwomunhu oga. Iyi kombamiro inogona kuonwawo mudzimwe nyika. MuGermany Allensbacher Institut für Demoskopie yakaziva kuti 19 muzana bedzi yavaGermany muboka rezera ramakore 18 kusvikira ku 29 yakataura kuti vanopa zvakanakisisa zvavo pabasa pasinei zvapo nomubhadharo.
Vachienzaniswa nepwere dzine unyope, vashandi vanokokwa muJapan vanoshanda zvakaoma zvikuru kwazvo. Mumwe mushandirwi muTokyo anotaura nembavarira nezvomushandi wake weAlgeria uyo anoita basa ramaoko. Iye anoti: “VaJapan havasati vaizokumbira rudzi urwu rwebasa, uye kunyange kana ivo vakadaro, vaizorega nokukurumidza.” Aiwa, kunyange vaJapan vanoshanda zvakaoma havashingairi nenzira yomuzvarirwo. Apo vanhu vanoshanda zvakaoma, panofanira kuva nedonzo rakasimba.
Zvikonzero Zvokushanda Zvakaoma
“Pfuma, kugadzikana, nhumbi, uye kufambira mberi munyika”—izvozvi ndizvo zvinhu izvo vaGermany vanoshanda zvakaoma vanotsvaka, rinoshuma kudaro pepanhau revhiki nevhiki Der Spiegel. Hungu, vazhinji vanoshanda zvakaoma kuti vawane pfuma yokunyama kuti vagogona kufarikanya mwero wakati wegadzikano muupenyu. Vamwe vanoshanda zvakaoma nedonzo ro“kufambira mberi munyika” kana kuti kusimudzirwa musangano. Vazhinji vanosundwa zvakasimba nesangano redzidzo ramakwikwi kuronda nharidzano dzakadaro nenzira isingafadzi vanoguma vozvinetesa vamene ndokusasvika kupi nokupi.
Mari nenzvimbo, zvisinei, hazvisati zviri zvikonzero bedzi vanhu vanoshandira zvakaoma. Vamwe vanoshanda nokuda kwebasa. Kwavari, basa chinhu chiri chose. Vamwe vanofarikanya basa ravo. “Ndakafadzwa kwazvo neizvo ndakanga ndichiita murabhorotari yangu,” anobvuma kudaro Haruo, “zvokuti zvirondwa zvomudzimu zvakavhungwa.”
Ipapo kuna avo vakazvitsaurira kumadonzo akafanira nokuda kwokubetserwa negarikano zvavamwe. Ivo vanoshanda zvakaoma kuti vaponese upenyu. Somuenzaniso, mudzimi womwoto anoshanda zvakaoma zuva riri rose kuti midziyo yake irambe yakanaka.
Asi izvozvi zvose zvikonzero zvakanaka here zvokushanda zvakaoma? Ko izvo zvichatungamirira kumufarwa here? Zvamazvirokwazvo, ibasai rinogona kukufadza chaizvoizvo?