Rutyo Rwakashata Nguva Dzose Here?
IRWO rwunogona kukuvadza mufarwa ndokuparadza tariro. Irwo rwakanongedzerwa kwarwuri sechefu yendangariro, mharadzi yerangariro, uye runotaurwa kuva runoparadza zvikuru kupfuura hosha yomuviri yakaipisisa. Hungu, rutyo ipfungwa ine simba. Bva, rwakashata nguva dzose here?
Fungidzira kuti uri kutyaira mumugwagwa usina kurovedzeka. Mugwagwa wacho unokwira mumakomo uye unovamba kudzvongama. Usiku hunovamba kusvika, uye nahwo kunouya tusinou tushomanene. Motokari yako inotsvedza zvishomanene uye iwe unoziva kuti wasvika pagome apo mugwagwa wava kuva wakafukidzwa neaizi.
Zvino iwe unofanira kuva akasvinura zvikuru. Sezvaunokona nokungwarira kona rimwe nerimwe rakafukidzwa neaizi, unorangarira pamusoro pokuti kungava kuri nyore sei kutadza kudzora motokari pamusoro panotsvedza ndokupinda munhika iri pasi. Uyezve, hauzivi kuti ndidzimwe ngozii dziri murima. Sezvo mifungo yakafanana naiyoyi inofungwa, muromo wako unooma uye mwoyo wako unoti kurumidzei kurova. Wakamuka zvikuru. Chipi kana chipi chawanga uchifunga nezvacho kare, iwe zvino wakabatikana chose chose nebasa riripo: kuchengeta motokari iri mumugwagwa ndokudzivisa tsaona.
Pakupedzisira, mugwagwa unodzika kumateru. Ikoku kune magetsi omumugwagwa, uye hamuchisina aizi. Pashoma napashoma, funganyo inosiya muviri wako. Unosununguka uye unotura befu. Rutyo rwose irworwo pasina!
Asi rwose rwakanga rwuri pasina here? Kwete chaizvoizvo. Ruzazu rune mufungo mumigariro yakadaro kuita kwomuzvarirwo. Runotiita kuti tisvinure, tingwarire. Rutyo rwakanaka runogona kutibetsera kusaita chinhu chipi nechipi nechimbichimbi, tichizvikuvadza timene. Hungu, rutyo nguva dzose harusi mharadzi yerangariro kana kuti chepfu yendangariro. Mumigariro yakati, irwo runogona kunyange kuva runobetsera.
Bhaibheri rinotaura nezvorutyo uye rinokwevera marudzi maviri chaiwo kungwariro yedu. Rudzi rumwe rworutyo zvamazvirokwazvo ichepfu yendangariro. Asi rumwe rwacho harusati ruchingova bedzi rwomuzvarirwo norwakanaka asi runokosha kuruponeso rwedu. Ndaapiko ari marudzi maviri orutyo? Uye isu tinogona sei kudzidza kukudziridza rumwe tichidzivisa rumwe rwacho? Ikoku kuchakurukurwa munyaya inotevera.