RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 9/15 p. 31
  • Murwiri Wezvokwadi Akavimbika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Murwiri Wezvokwadi Akavimbika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 9/15 p. 31

Murwiri Wezvokwadi Akavimbika

MARTIN POETZINGER, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, akapedza nguva yake yapasi somuKristu akazodzwa mukuvamba kwamadekwana eChina, June 16, 1988. Iye akanga ave ane utano hwakashata kwenguva yakati asi akafa pasina marwadzo ari pachena paBheteri yeBrooklyn. Mukadzi wake, Gertrud, akanga ave ari parutivi pake muchirwere chake chose.

Hama Poetzinger akaberekwa pana July 25, 1904, muMunich, Germany. Akabhapatidzwa pana October 2, 1928, uye akapinda mubasa roupiona pana October 1, 1930. Mumunakamwe wa 1933, Watch Tower Society yakamugovera kutarisira fariro dzoUmambo muBulgaria, asi mukati megore rimwe Zvapupu zvakanga zvisiri zvorudzi rwomo zvakaendeswa kunyika yazvo. Chiito chinotevera chaHama Poetzinger chakanga chiri chokuenda Hungary. Asungwa zvenhema ndokubviswa munyika iyoyo, iye akatevera kupiwa utariri paboka ramapiona muYugoslavia. Pashure pechirwere chakakomba, chakada kugara muchipatara kwenguva refu muZagreb, iye akadzokera kuGermany.

Hama naHanzvadzi Poetzinger vakaroorana muna 1936, asi mugore iroro rimene akaendeswa kumusasa wechibharo nokuda kwokuramba kuramba kutenda kwake. Mudzimai wake akaiswa mutorongo kune imwe nzvimbo, asi iye akatumirwa kuDachau uye ipapo kukamba yokurovesa kuMauthausen, Upper Austria. Ikoko Gestapo yakashandisa nzara, kurova, uye utsinye husingarondedzereki kumunyengedza nezvimwe Zvapupu kuti vapunze perero yavo kuna Jehovha Mwari. Asi Hama Poetzinger akabatirira kukutenda kwechokwadi.

Pashure pamakore mapfumbamwe okuiswa mutorongo kune utsinye, Hama naHanzvadzi Poetzinger vakabatanidzwazve muna 1945. Nokukurumidza pashure paikoku, iye akavamba kubatira mubasa redunhu muGermany, uye gare gare Gertrud akafamba naye, achishanda nokushingaira mumunda sezvo iye aibatira ungano. Muna 1958 iye akapinda Watchtower Bible School of Gilead, uye pakudzokera kwake kuGermany, iye nomudzimai wake vakapfuurira mubasa rokufambira kutozosvikira ivo vapinda mubasa reBheteri ikoko muna 1977. Muna September 1977, Hama Poetzinger akagadzwa kuMutumbi Unodzora uye akakwanisa kuuya kudzimbahwe renyika reSosaiti muBrooklyn, New York, kwerinenge rinopfuura gore rimwe gare gare. Iye akabatira neDare reBasa roMutumbi Unodzora neDare reBato reBasa.

Hama Poetzinger akanga ari murwiri wezvokwadi ane ushingi. Ruvimbiko rwake nokutsigira kwokushingaira sangano raJehovha nebasa roUmambo zvaiva zvomuenzaniso zvirokwazvo. Naizvozvo tine chivimbo chokuti iye ari pakati paavo kwavari aya mashoko anoshanda: “Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa . . . Hungu, ndizvo zvinotaura [mudzimu (NW)], . . . mabasa avo anovatevera.”—Zvakazarurwa 14:13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe