“Kristu, Mwanakomana waMwari Mupenyu”
PASHURE pokunge vadzidzi vake vashuma uyo vanhu vakanga vachitaura kuti akanga ari, Jesu akabvunza, kuti: “‘Ko imi munoti ndini ani?’ Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: ‘Ndimi Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.’”—Mateo 16:15, 16.
Ko Petro akanga ari oga here mukusvika iyi mhedziso? Kana! Cherechedza kuti ndianiwo akaita saizvozvo, uye cherechedza hwaro hwavo hwouku kuzivikanwa.
VATSIGIRI VAPAKUVAMBA: Johane Mubhapatidzi, vadzidzi Natanieri naMarta, uye Sauro weTarso, pakati pavamwe, vose vakadana Jesu kuti Mwanakomana waMwari. (Mateo 14:33; Johane 1:33, 34, 49; 11:27; Mabasa 9:20) Kupwiswa kwavo kwakasimbiswa sezvavakaona nzira iyo mauporofita akarongedzerwa kuzivisa Mesia akapikirwa akazadzika nayo muna Jesu.
VASHORI VAPAKUVAMBA: VaJudha avo vaida kuuraya Jesu vakanongedzera kwaari soMwanakomana waMwari, sezvakaita varwi vaivapo pakurovererwa kwake. (Mateo 27:54; Johane 19:7) Kunyange zvazvo ikoku kusingaratidziri zvako rudaviro rwavashori vakadaro, kunoratidza kuti ivo vakanga vakarovedzana neizvo vamwe vakanga vachitaura pamusoro paJesu; uye zvinoitika zvenenji zvakapoteredza kurovererwa kwake sezviri pachena zvakaparira vamwe vavo kurangarirazve mubvunzo wokuzivikanwa kwake.
NGIROZI: Pakuzivisa kuberekwa kwaJesu, ngirozi Gabrieri yakamudana kuti Mwanakomana waMwari. (Ruka 1:32, 35) Kunyange vanhu vaiva namadhemoni vachipesvedzerwa nengirozi dzakaipa vakadanidzira, kuti: “Tine mhaka yeiko nemi, Mwanakomana waMwari?” (Mateo 8:28-32) Nemhaka yokuvapo kwaJesu asati ava munhu mudenga, kuri pachena kuti dzose dziri mbiri ngirozi dzakanaka nedzakashata dzaizoziva waakanga ari.
JESU AMENE: Jesu haana kutongoganza nezvokuva Mwanakomana waMwari mukuedza kuwana nyasha kuvamwe kana kuti kuti afarire mukurumbira waipiwa noukama ihwohwu. Mukupesana, muzvinoitika zvizhinjisa iye ainongedzera kwaari amene nokuzvininipisa so“Mwanakomana womunhu.” (Mateo 12:40; Ruka 9:58) Asi panhambo dzinoverengeka iye aibvuma kuva Mwanakomana waMwari.—Johane 5:24, 25; 10:36; 11:4.
JEHOVHA MWARI: Ndiani aigona kuzivisa Jesu Kristu nechiremera chikuru kupfuura Jehovha Mwari amene? Kaviri Jehovha akapupurira ari kudenga, kuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera.”—Mateo 3:17; 17:5.
Mwari Akatendera Jesu—Iwe Unotendera Here?
Muzana rokutanga ramakore, zviuru zvavanhu zvakagamuchira Jesu nokuda kwezvaakanga ari: Mesia akapikirwa, kana kuti Kristu, akatumwa kupasi kuzoreverera uchangamire hwaJehovha nokupa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu. (Mateo 20:28; Ruka 2:25-32; Johane 17:25, 26; 18:37) Mukutarisana nechishoro chakakasharara, vanhu vangadai vasina kutongosundwa kuva vateveri vaJesu kudai vakanga vasina chokwadi nezvezivikanwo yake. Neshingairo uye noushingi, ivo vakagamuchira basa iro akavapa, ro“kuita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose.”—Mateo 28:19, NW.
Nhasi, mamirioni avadzidzi vechiKristu anoziva kuti Jesu haasi ngano. Ivo vanomugamuchira saMambo wokudenga akagadzwa pachigaro choumambo woUmambo hwakagadzwa hwaMwari, uyo zvino ari kudzora pasi nezvinhu zvaro nenzira inofambira mberi. Iyi hurumende iri kuuya youmwari mashoko anofadza nemhaka yokuti inopikira sununguko muzvinetso zvenyika. Aya maKristu echokwadi anoratidzira kutsigira kwawo kwomwoyo wose Mutongi akasarudzwa waMwari kupfurikidza nokuzivisa “aya mashoko akanaka oumambo” kuvamwe.—Mateo 24:14, NW.
Avo vanotsigira gadziriro yoUmambo kupfurikidza na“Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu,” vachararama kuti vafarikanye zvikomborero zvisingagumi. Izvi zvikomborero zvinogona kuva zvakowo!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Mamirioni aimbova asina chokwadi pamusoro pokuzivikanwa kwaJesu zvino akabatana mukumutsigira soMutongi woUmambo hwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 7]
Petro akazivisa Jesu sa“Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Ndozvinoitawo zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 3 000 000 nhasi