Ndakawana Ruramisiro—Kwete Mumatongerwe Enyika Asi muchiKristu Chechokwadi
Yakataurwa naXavier Noll
KUSARURAMISIRA! Ichi ndichimwe chinhu chandakasangana nacho pakuvamba muupenyu, uye ndakatambura nemhaka yacho. Sepwere, ndaizvibvunza ndimene, kuti: ‘Ko kusaruramisira ndichimwe chinhu chinongofanira zvacho kushivirirwa here? Hakuna here hurumende pasi pano inokwanisa kukugumisa? Ruramisiro inogona kuwana kupi?’ Pakupedzisira ndakaiwana, asi kwete kwandaikarira.
Kutsvaka Kuvambira Pauduku
Ndakarererwa muWittelsheim, taundi duku muAlsace, nharaunda iri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweFrance. Baba vangu, kufanana navamwe varume vazhinji vomunharaunda iyoyo, vaishanda mumugodhi wepotashi. Shure muma 1930, vashandi vomunyika dzinogadzira zvinhu vainyandurwa nokumukira. Ndinoyeuka kuti somwana, ndaikumbanira muratidziro dzavashandi. Taifora mumigwagwa zvibhakera zvakasimudzwa, tichiimba nziyo dzokumukira, zvakadai se“Internationale” yechisosharisiti. Vashandi vaida ruramisiro nemigariro yokugara iri nani.
Apo vashandi vomumugodhi vairamba kushanda ndokugara pamugodhi, ndaiendesera baba vangu zvokudya zvavo. Ndichiri kuyeuka kuti ndaityiswa sei pandaifanira kupfuura nomumutsara wavarindiri vorudzi vakashongedzerwa kuti ndiendese gamelle (gaba rezvokudya) rababa vangu kwavari nomusimbi dzomumugodhi. Ndaiororwa nemireza yairatidzira kutaura kwamasimba masimba nemireza mitsvuku yaipepereka mumhepo, imwe ine sando nejeko.
Vakadzi vaiungana pamberi pamagedhe omugodhi, vachidanidzira kutaura kwokukurudzira varume vavo kupfuuridzira kurwisana na“vashandisi zvisakafanira.” Vamwe vakadzi nguva dzose vaigara vachityira kotsekano yavarume vavo. Pasinei zvapo nemirangariro yavo yokurwisana nokupfuma kwavashoma, vamwe varume vaisvova vachienda kumugodhi usiku kuti vandowana yakakwana kudyisa mhuri yavo. Padzimwe nguva baba vangu vaiitawo ikoku. Ivo ipapo vaitakura pfuti mubhegi ravo kutyira kuti vangasangana navarindiri vaitsvaka vapunzi vokuramba kuenda kubasa.
Hitler Anovhozhokera France
Ndakanga ndava namakore 17 apo hondo yakatanga. Mwedzi mishomanene gare gare, vaNazi vakavhozhekera France. Sezvo vaitaura kuti Alsace yakanga isati ichingova zvayo ndima yakatapwa asi rutivi rweGerman Reich, majaya ose kufanana neni taifanira kunyoreswa muhondo yaHitler. Nokudaro, sutikesi yakasungirirwa pamusana pangu, ndakatiza ndakatasva bhasikoro rangu pamberi pavavhozhokeri vaiuya. Pane dzimwe nguva ndaikwanisa kudhonzwa nokubata shure kwamaturaki akanga akananga kumaodzanyemba. Vapoteri vazhinji vaiva vanyajambwa vendege dzeGermany, naizvozvo ndaipinda mugoronga pandainzwa dzichiuya.
Ndakasvika pakati pemaodzanyemba eFrance, apo pakanga pachiri pasina kutapwa navaGermany. Asi kunyange ikoko ndakasangana nokusaruramisira. Ndakashanda zvakaoma kutsvaira migwagwa, kutakura makofini mumakuva, kana kuti kutakura mitoro inorema makirogiramu 45 mufekitari yesimende. Pane dzimwe nguva ndaishanda maawa 12 pazuva nokuda kwechitsama chiduku chemari. Zhinjisa yebetsero iyo isu vapoteri taifanira kugamuchira yaibiwa navakuru vakuru vakagadzwa kuigovera.
Nechokumugumo kwa 1940, ndakasarudza kukumbanira kurwa kwokusunungura nyika yangu. Ndakaenda kuAlgeria, muNorth Africa, uye ndakakumbanira yakasarako yehondo yeFrance. Upenyu hwehondo hahuna kugutsa nyota yangu yeruramisiro sezvakanga zvisina kuita upenyu hwomunhu asiri murwi, asi ndaingoda kugoverana mukusunungura Europe. VaAmerica vakamhara muNorth Africa pedyo nomugumo wa 1942. Rimwe zuva muna 1943, zvisinei, ndakarasikirwa nemitatu yeminwe yangu apo chinoputsa bara chandakanga ndakabata chakaputika. Naizvozvo handina kukwanisa kukumbanira mauto aifanira kukurirazve Europe.
Ndakasemeswa Nokutengeserana, Matongerwe Enyika, Uye Rudzidziso
Pandakangodzokera bedzi kuupenyu husiri hwomurwi muAlgeria, kushandiswa zvisakafanira kunokatyamadza kwomunhu kunoitwa nomunhu uko kwakanga kuchipfuurira munyika inoshanda kwakandishatirisa. Imwe yeshamwari dzangu yakafa pashure pokufema mweya unouraya pasi pemigariro yokushanda ine ngozi. Nokukurumidza pashure paikoko ndakadokufira mumigariro imwe cheteyo. Iyi femu yezvokutengeserana yakanga isitongorina kurangarirwa kwoutano, kana kuti kunyange upenyu, zvavashandi vayo. Ndaifanira kurwa kuti ndiwane muripo. Ndakasemeswa chose chose.
Kunyange zvazvo ndaingova namakore 24 bedzi, ndakapinda mumusha wechembere, mandakagara kusvikira pamugumo pehondo. Ndiri imomo, ndakasangana navarwi veFrance vechikomonisiti avo vakanga vatapirwa kuAlgeria pamavambo ehondo. Takafambidzana zvakanaka, uye vakanga vasina chinetso chokundipesvedzera kuvakumbanira muhondo yavo yokurwisana nokusaruramisira.
Apo hondo yakanga yangopera bedzi, ndakadzokera kutaundi rokumusha kwangu muAlsace, ndakazara nepfungwa dzangu itsva. Asi zvinhu hazvina kuitika sezvandakanga ndakarira. Ndakakangaidzwa zvikurusa nokuwana kuti mimwe mitezo yeCommunist Party yakanga yave isati iri vadi yenyika yavo vakanaka mukati mehondo. Rimwe zuva mumwe mukuru mukuru webato akati kwandiri: “Unoziva, Xavier, tingadai tisina kutongosvika papi napapi kudai takangogamuchira bedzi vakaoma.” Ndakataura kusabvumira kwangu nokuora mwoyo kwangu.
Ndakacherechedzawo kuti avo vaitaurisa pamusoro pepfungwa neruramisiro vaipedzera wakawanda zvikurusa womubhadharo wavo pazvinwiwa kukandini yomugodhi, kuchideredzera mhuri yavo kuurombo. Pasinei zvapo naikoku, ndakangovhotera Communist Party nemhaka yokuti ndairangarira kuti makomonisiti akanga achiita zvakawanda zvikurusa kuwana ruramisiro nokuda kweboka rinoshanda.
Ndakanga ndave ndiri mubatidzi paMisa mumazuva angu ndiri muduku, naizvozvo muprista weKaturike akauya kuzoedza kundipesvedzera kuva murwiri wechechi. Asi ndakanga ndarasikirwa nokutenda muvakuru vorudzidziso. Ndakapwiswa kuti ivo vakanga vari parutivi peboka guru. Kunze kwezvo, ndaiziva kuti vaprista vazhinji veKaturike vakanga vabatira pamwe navaGermany muFrance mukati mokutapa. Ndakayeuka kuti pandakanga ndiri muhondo, vaprista veKaturike vaiparidzira kuvimbika kunyika yako. Asi ndaizivawo kuti vaprista veKaturike vomuhondo yeGermany vaiita chinhu chimwe chetecho. Mumurangariro mangu, iroro rakanga riri basa ravezvamatongerwe enyika navatungamiriri vehondo, kwete vashumiri vechechi.
Mukuwedzera, zvinoitika zvakakasharara zvakanga zvazunungusa zvakakomba kutenda kwangu muna Mwari. Hanzvadzi yangu yakaurawa nebara pazuva raakasvika makore 20. Panguva yacho, ndakati kwandiri ndimene: ‘Kana Mwari ariko, neiko iye achibvumira uku kusaruramisira kwose?’ Kunyanguvezvo, pandaifarikanya kuterama kuno rugare kwenyika yedu yakaisvonaka, ndaiororwa zvikuru. Ndaiti kwandiri ndimene: ‘Zvose izvozvi zvaisagona kuva “zvakangoitikawo hazvo.”’ Panguva dzakafanana naiyoyo ndainyengetera.
Shoko Retariro
Mamwe mangwanani eSvondo muna 1947, mumwe murume nomukadzi vane makore aiva muma 30 vakauya kusuo redu. Ivo vakataura kuna baba vangu, avo vakavaudza, kuti: “Onai mwanakomana wangu. Iye anorava chinhu chiri chose chaanogona kubata.” Kwakanga kuri chokwadi. Ndairava chinhu chipi nechipi, kuvambira papepanhau rechikonomisiti L’Humanité kusvikira kupepanhau reKaturike La Croix. Ava vashanyi vakandiudza pamusoro penyika isina hondo yeruramisiro nokuda kwavose, umo pasi redu raizova paradhiso. Munhu ari wose aizogara mumba make amene, uye chirwere norufu zvaizova zvinhu zvomunguva yakapfuura. Ivo vakabvumikisa chinhu chiri chose chavakataura neBhaibheri, uye ndaigona kuona kuti vakanga vakapwiswa chaizvoizvo.
Ndakanga ndava namakore 25, uye iyi yakanga iri nguva yokutanga yandakabata Bhaibheri. Zvikamu zvamashoko zvavakarava zvakanyandura fariro yangu. Kwakaratidzika kuva kwakanyanyonaka zvokusagona kuva kwechokwadi, uye ndakada kuva akajekerwa nenhau yacho mundangariro mangu ndimene. Vashanyi vangu vakavimbisa kundiunzira Bhaibheri ndokusiya bhuku rinonzi Deliverance, pamwe chete nekabhukwana kane musoro unoti “Be Glad, Ye Nations.”
Nokukurumidza pavakaenda, ndakatanga kurava kabhukwana. Chipupuriro chomuzukuru waGeneral de Gaulle pamusoro peperero yeZvapupu zvaJehovha mumusasa wechibharo wavakadzi weRavensbrück chakanga chiri chishamiso chaichoicho. ‘Kana maKristu echokwadi aripo,’ ndakadaro kwandiri ndimene, ‘ava vanofanira kuva ivo.’ Ndakapedza bhuku raDeliverance ndisati ndaenda kundorara usiku ihwohwo. Pakupedzisira ndakanga ndawana mhinduro kumumwe wemibvunzo yakanga yave ichindinetsa kwenguva yakareba kwazvo: “Neiko Mwari weruramisiro achibvumidza kusaruramisira?”
Ndinotsigira Ruramisiro Yechokwadi
Zuva rakatevera racho, mukuwirirana nevimbiso yavo, Zvapupu zvakadzoka zvine Bhaibheri. Nemhaka yetsaona yebhasikoro, pfudzi rangu rakanga rakasungwa, uye ndaisagona kuenda kubasa, naizvozvo ndaiva nenguva. Ndakarava Bhaibheri rose mumazuva manomwe chete, ndichiwana nheyo dzaro dzakaisvonaka dzeruramisiro nokururama. Sezvandakapfuurira kurava, ndakava anopwiswa zvikuru kuti iri bhuku rakabva kuna Mwari. Ndakavamba kunzwisisa kuti hondo yokutanga ruramisiro yechokwadi yaifanira kuva yomudzimu, kwete yezvamatongerwe enyika.—VaEfeso 6:12.
Ndakapwiswa kuti shamwari dzangu dzose dzezvamatongerwe enyika dzaizofadzwa zvikuru nokunzwa pamusoro peshoko retariro randakanga ndichangobva kuwana. Kuodzwa mwoyo kwakadini pavasina kuratidzira mbavarira! Kana ndirini, ndaisambogona kurega kutaura mashoko akanaka kuvose. Ndakafarikanya zvikuru kunokora mashoko magwaro akati, zvakadai saJakobho 5:1-4, apo vapfumi vanoshurikidzwa nokuda kwokushandisa vashandi zvisakafanira.
Ndaiva mufambisi wetsamba panguva yacho. Kuti ndidzivise kushatirisa baba vangu, avo vakaomerera kumirangariro yavo vamene, ndaibva paimba ndakapfeka chikepisi changu chomufambisi wetsamba uye ndaiva nechokwadi chokuchipfeka pandaidzoka kumusha. Rimwe zuva baba vangu vakataura kushamwari, kuti: “Mwanakomana wangu ave achishanda nguva yomuraudzo yakawanda misi ichangobva kupfuura.” Zvokwadi yaiva yokuti ndaisiya chikepisi changu panzvimbo yeshamwari pandaibuda mubasa rokuparidzira ndokuipfeka pashure.
Isingasviki mwedzi mitatu pashure peonano yangu yokutanga neZvapupu zvaJehovha, ndakaenda ndoga kundopinda kokorodzano muBasel, Switzerland. Pakati pehurukuro yorubhapatidzo, ndakadudza kumukadzi Chapupu aiva pedyo neni (uyo akanga andichengeta nomutsa nokuda kwegungano) kuti ndingada kubhapatidzwa asi kuti ndakanga ndisina zvokupfeka zvokutivisa. Iye akakurumidza kubva pachigaro chake uye akadzokera ane zvipfeko zvokutivisa netauro nguva refu pamberi pomugumo wehurukuro yacho.
Kukura Muushumiri
Ndakanga ndava kutopedza anenge maawa 60 pamwedzi ndichishanyira vanhu mumisha mavo. Zvisinei, apo tsamba inokurudzira basa roupiona (basa rokuparidzira renguva yakazara) yakaraviwa paHoro yoUmambo, ndakati kwandiri ndimene: ‘Ndohwangu!’
Nechokumugumo kwa 1949, ndakatumirwa kupanomira ngarava pakakurumbira peMediterranean paMarseilles kundopayona. Upenyu hwaifadza muMarseilles mumazuva iwayo pashure pehondo. Rakanga riri guta apo vachairi vengoro vaimira kuti vasavhiringidze mutambo wepétanque (bowls) waitambwa mumugwagwa. Dzimwe hama mapiona neni hatina kuwana pokugara asi imba yokurenda yaishandiswawo namahure. Yakanga isiri nzvimbo yakanaka nokuda kwavashumiri vechiKristu, asi ndinofanira kutaura kuti kana tirisu, ava vafilles de joie havana kutongotaura kana kuti kuita chinhu chipi nechipi chisakafanira asi vaisanoteerera shoko redu.
Taiva nemari shoma zvikuru uye taivimba zvikuru naJehovha kugovera zvinodikanwa zvedu zvokunyama. Mumadekwana, pataidzoka kumusha, taigoverana zvinoitika zvedu. Rimwe zuva, kukushamiswa kwangu kukuru, mumwe mukadzi weYugoslavia wandakasangana naye ndichienda pasuo nesuo akatora chipiyaniso chikuru patafura yake yaparutivi pomubhedha ndokuchitsvoda neshingairo kubvumikisa kuti aida Mwari zvikuru sei. Iye akabvuma fundo yeBhaibheri, uye nokukurumidza meso ake akasvinudzirwa kukusava namaturo kwokunamata zvidhori.
Muna November 1952 Hanzvadzi Sara Rodriguez, piona akabva Paris, akasvika mumaMarseilles kuzobetsera mubasa rokuparidzira. Tose hama mapiona takafara kumuita kuti atiperekedze pakushanyira vakadzi vakaratidza fariro muzvokwadi yeBhaibheri. Pakupedzisira ini “ndakamunyerudza,” sokunge zvakadaro, nokuti iye akava mudzimai wangu.
Muna 1954, mwedzi mitatu pashure peroorano yedu, Sosaiti yakatikoka kuenda kuMartinique muFrench West Indies. Taizova Zvapupu zvokutanga zvemhiri kwamakungwa kuparidzira paichi chitsuwa chibviro chokudzingwa kwavafundisi mukuvamba kwama 1950. Pashure pamazuva 17 tiri mugungwa, takasvika pakupedzisira tine mibvunzo yakawanda mundangariro dzedu. Taizogamuchirwa sei? Taizogara kupi? Rudzii rwezvokudya rwataizodya? Kwaizotora nguva yakareba zvakadini kuwana Horo yoUmambo yakakodzera yemisangano yedu?
Ndima Itsva Noupenyu Hutsva
Vagari veMartinique vakabvumikisa kuva vane mutsa zvikuru. Sezvataienda pasuo nesuo, vanhu vaiwanzotipa donhodzo. Kutaura idi, kwakanga kusati kuri kwechienzi kukokwa kupinda nokuda kwezvokudya. Takagovera mabhuku akawanda eBhaibheri, uye kunyange zvazvo vazhinjisa vavagari vapachitsuwa vakanga vasina Bhaibheri, vairikoshesa zvikuru.
Musha wedu wokutanga wakanga uri imba ine denga remarata. Mukati momwaka wemvura, dzvotsvotsvo rakamwe kamwe usiku raitimutsa sezvo mvura yairova padenga. Mvura yomupombi yaiwanika kaviri bedzi kana kuti katatu pazuva. Takanga tisina kamuri rokushambira. Taigeza neshawa kupfurikidza nokumira mumugomo usina chinhu wamafuta muruvazhe rwedu ruduku rwokuseri, tichiita majana okudira mvura pamumwe nomumwe. Kwakati ivei kwechinyakare asi kunozorodza zvikuru pashure pezuva refu muzuva!
Sara aifanira kuchinjira kukubika kwomunzvimbomo ndokudzidza kugadzira breadfruit. Somwana, nguva dzose ndakanga ndafungidzira muti webreadfruit une zvingwa zvakarembera pamapazu awo. Zvomenemene, muchero wouyu muti wakafanana zvikuru nomuriwo. Unogona kugadzirwa sembatatisi. Shure mumazuva iwayo, taiudya namazai enjiva. Izvi zvainaka, asi nhasi mazai akadaro ndeeumbozha. Breadfruit yakanakawo nenyama kana kuti hove.
Zvinetso zvokunyama zvakakurirwa, uye zvikomborero zvakawanda zvomudzimu zvakatsiva zvikuru zvitambudzo zvipi nezvipi. Pakuuya kumusha rimwe zuva, ndakazivisa kuna Sara kuti ndakanga ndawana Horo yoUmambo inogara zana. “Marii?” iye akabvunza. “Mwene akandiudza kutaura mutengo wangu,” ndakapindura. Panguva iyoyo yataigona kupa yaiva chitsama chinosetsa chamafranc 10 pamwedzi. Sezvineiwo, murume wacho akabvuma.
Taiva nekariro dzakakwirira dzokuva navanopinda misangano vakaisvonaka, nokuti vanhu nguva dzose vaiti: “Kudai maiva nehoro, taiuya kumisangano yenyu.” Zvisinei, kwemwedzi mirefu yakawanda taiva neavhareji yavanopinda yavane gumi bedzi. Asi rutsungiriro rwakabereka, uye nhasi kune ungano 24 paFlowered Island, sezvinodanwa Martinique, dzine hwerengedzo yeZvapupu 2 000.
Zvikomborero Zvakawanda
Nechokumugumo kwa 1958, ndakaenda kuFrench Guiana kundopindura danidzo yakabva kumudzidzi muduku. Pashure porwendo rwomugungwa rwamazuva gumi mungarava duku inonzi Nina, ndakatanga kuparidzira paSaint Laurent, panomira ngarava pari paRwizi rweMaroni. Ipapo ndakasangana navaichimbova vasungwa vanoverengeka vakapfuurira kugara pashure pokunge muitiro wekoroni wokuranga waparadzwa neFrance muna 1945. Ipapo ndakaenda kuCayenne, kwandakashanyira jaya randakanga ndauya kuzoona. Iro navamwe vanhu vanoverengeka avo vakazvinyoresa nokuda kwamagazini edu mukati mokugara kwangu muFrench Guiana zvino vabatiri vanoshingaira vaJehovha.
Mudzimai wangu neni takakokwa nguva dzinoverengeka kudzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha, muBrooklyn, nokuda kwekosi dzokurovedzwa dzakasiana-siana, dzinoita hwerengedzo yerinopfuura gore. Ikoko ndakaona chaizvoizvo kuti nheyo dzeBhaibheri dzeruramisiro nokuenzana dzinoshandiswa sei pakati pavanhu vaMwari. Avo vane nzvimbo dzine mutoro vanodyira pamatafura mamwe chetewo nepwere dzinoshanda mufekitori, uye vanogamuchira mari inodzorerwa duku imwe cheteyo. Hungu, ruramisiro nokuenzana—chiroto changu chouduku—zvinhu chaizvoizvo ipapo.
Zvino ndava namakore 65, namakore 40 mubasa renguva yakazara shure kwangu. Mudzimai wangu neni takapedza akawanda amakore iwayo tichisanofukidza Martinique takakwira midhudhudhu, tichiparidzira mashoko akanaka etsika itsva yaJehovha yezvinhu yakavakirwa paruramisiro. Isu zvino tinoshanda pabazu muchivako chehofisi chakatarira panomira ngarava pakaisvonaka peFort-de-France. Makore iwawa ose musangano raMwari akatidzidzisa chifundo chinokosha. Panongova bedzi pakati pavanhu vaMwari apo ruramisiro yechokwadi ingawanwa, pasina mhinganidzo dzedzinza, rudzi, kana kuti dzerudzidziso. Pamwe chete naavo takaona vachipinda muzvokwadi mumakore apfuura, tine tariro yokurarama nokukurumidza mupasi idzva umo kururama kuchagara.—2 Petro 3:13.