Kuchenjedzwa Noku“rangwa”
ZVIREVO 21:11 inoti: “Kana mudadi achirangwa, usina mano uchava nouchenjeri; kana wakachenjera achidzidziswa, unogamuchira zivo.”
“Usina mano” kazhinji kazhinji ane chitambudzo chokunzwisisa chikonzero nei nzira yakati mumufambiro isina kururama. Pashure penguva yakati, kunyanguvezvo, iye angacherechedza “mudadi”—munhu anonyomba nheyo dzeShoko raMwari—achibatwa muuipi hwake ndokutambura “nhamo nenguva dzakaoma.” (Zvirevo 1:27, NW) MuMutemo waMosesi, ‘chirango’ chakafanira (King James Version), kana kuti chaizvoizvo zvikuru “kuranga,” kwaipiwa muiti wechakaipa.—Enzanisa naEksodho 21:22; Dheutoronomio 22:19.
Muuyo paasina mano? Pakupedzisira achiona tuso yechakaipa, iye angagona ‘kuva akachenjera’ ndokusarudza kusatevera nzira yakadaro iye amene. (Enzanisa naZvirevo 19:25.) Kupfurikidza nokusianisa, “wakachenjera” anotoziva kubva muruzivo rwokuzviwanira rwomunguva yakapfuura, cherechedzo, uye zivo yenheyo dzeBhaibheri kuti nzira yakati yomufambiro haina kunaka kana kuti inoparadza. Iye nguva dzose haadikanirwi kucherechedza muuyo unoparadza wechiito chakati kuti apwiswe nezvokuipa kwacho. Iye anogona nokudaro kuwana ‘uchenjeri’ hutsva nomuraidzo chete, panzvimbo pokupfurikidza nechinoitika chakakasharara.