Kuberekwa kwaJesu—Rungano Zvarwo Here?
KUBEREKWA kwaKristu! Kunotaurwa kuva hwaro hwokuchengeta kwegore negore kukurusa kwechiKristudhomu. Nenzira inofadza, kunyanguvezvo, vakuru vorudzidziso vazhinji vanofuratira mativi akasiana-siana enhauro dzeEvhangeri dzokuberekwa kwaJesu sorungano zvarwo. The Interpreter’s Bible, somuenzaniso, inoti nezvenhauro yaMateo yeshanyo yavazivi venyeredzi kana kuti “vachenjeri”: “Nokudaro hakuna nzira yokuziva nayo kana iyo yakanatswa, kana kuti zvamazvirokwazvo, kana iyo ‘yakaitika’ chaizvoizvo. Ukoshi hwenhauro yacho hahutsamiri paururami hwayo; nhau yacho inofanira kufungwa nezvayo sebasa rounyanzvi.”
Vatsoropodzi vakadaro kazhinji kazhinji vanotaura kuti nhauro dzeEvhangeri dzokuberekwa kwaKristu dzinoshaiwa zvikuru udzame zvokusagona kurangarirwa sedzechokwadi. Asi mubhuku rake The Life and Times of Jesus the Messiah, Alfred Edersheim anoramba ikoku, achiti: “Kungataurwa zvakakotsekana, kuti hakuna nhauro yeApocryphy kana kuti yengano yechinoitika chakadaro (chengano) chingadai chakaratidzirwa nokusakwana kwakadaro, kana kuti panzvimbo pezvo kusavapo, kwoudzame. Nokuti, mativi maviri anokosha, akafanana neorungano negamuchidzanwa, ndeokuti anotsvaka nguva dzose kupoteredza nyanzvi dzawo nembiri, uye kuti anoedza kugovera udzame, hunoshaika neimwe nzira.”
Neiko, kunyanguvezvo, Evhangeri dzichigovera udzame hushomanene kwazvo pamusoro pokuberekwa kwaJesu? Zvikurukuru nemhaka yokuti rufu rwake, kwete kuberekwa kwake, ndorwoukoshi hukuru. (Mateo 20:28) Edersheim anotiyeuchidzazve, achiti: “Evhangeri hadzina kuitirwa donzo kugovera nhauro youpenyu hwaJesu, kana kuti kunyange zvinhu nokuda kwahwo; asi dzaigova bedzi neiri donzo rakapetwa ruviri: kuti avo vanodzirava ‘vagotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari,’ uye kuti kana vachidavira ivo ‘vangava noupenyu kupfurikidza neZita Rake.’”