Chirango Icho Chinogona Kubereka Chibereko Chine Rugare
“Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza, asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.”—VAHEBHERU 12:11.
1, 2. (a) Mukuwirirana naVaHebheru 12:9-11, chii icho Jehovha anogovera nenzira yorudo? (b) Ndoupi uri muenzaniso mumwe wechirango, uye chii chinogona kubva muna iwoyu?
FUNGA uchidzokera shure kusvikira kumazuva ako ouduku. Unogona kuyeuka here vabereki vako vachikuranga? Vazhinjisa vedu tinogona. Muapostora Pauro akashandisa ikoko somuenzanisiro pakutsinhira pamusoro pechirango chinobva kuna Mwari, sezvatinorava pana VaHebheru 12:9-11.
2 Chirango choubaba chaMwari, icho chinogona kutapura upenyu hwedu hwomudzimu, chinogona kuva nezvimiro zvakawanda. Chimwe igadziriro yake yokubvisa muungano yechiKristu munhu asati achada kurarama mukuwirirana nemipimo yaMwari, kana kuti anoramba kuita saizvozvo. Munhu anonzarwozvo kururamiswa zvakasimba kana kuti kurangwa angapfidza ndokutendeuka. Mukudarozvo, ungano yavakavimbika inorangwawo mukuti ivo vanodzidza ukoshi hwokuwirirana nemipimo yakakwirira yaMwari.—1 Timotio 1:20.
3. Vamwe vanoita sei kupfungwa yokudzinga?
3 ‘Asika,’ mumwe munhu angabvunza kuti, ‘hadzisi hasha here kutandanisa uye ipapo kuramba kutaura nomunhu akatandaniswa?’ Murangariro wakadaro wakaoneka mumhaka yomudare yemisi ichangobva kupfuura iyi yaibatanidza mumwe mukadzi akarerwa navabereki vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Vabereki vake vakanga vadzingwa. Iye akanga asina, asi iye akazvibvisa amene musonganiro nokuzvidira kupfurikidza nokunyora tsamba yokubuda muungano. Naizvozvo, ungano yakangoziviswa chete kuti iye akanga asati achasiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Iye akatama, asi makore akati gare gare akadzokera uye akaona kuti Zvapupu zvomunzvimbomo hazvisati zvaizokurukura naye. Naizvozvo iye akaendesa nhau yacho kudare. Chii chaiva muuyo, uye ichochi chingakutapura sei? Kuti tinzwisise nhau yacho zvakafanira, ngationei chinotaura Bhaibheri pamusoro penhau inowirirana yokudzinga.
Neiko Pane Ichi Chimiro Chakasimba?
4. Chii chinoitika panhambo nenhambo navamwe vari muungano? (VaGaratia 6:1; Judhasi 23)
4 MaKristu echokwadi mazhinjisa anotsigira Mwari nokuvimbika nemitemo yake yakarurama. (1 VaTesaronika 1:2-7; VaHebheru 6:10) Panhambo nenhambo, kunyanguvezvo, munhu anobva munzira yezvokwadi. Somuenzaniso, pasinei zvapo nebetsero inobva kuvakuru vechiKristu, iye angapunza mitemo yaMwari nokusapfidza. Kana kuti angaramba kutenda kupfurikidza nokudzidzisa dzidziso yenhema kana kuti kupfurikidza nokuzvibvisa amene musonganiro muungano. Ipapo chii chinofanira kuitwa? Zvinhu zvakadaro zvakaitika kunyange apo vaapostora vakanga vari vapenyu; nokudaro, ngationei chavakanyora pamusoro paikoku.
5, 6. (a) Tine zanoi rokuchenjera pamusoro pokubata naavo vanoita zvivi zvakakomba uye vasingapfidzi? (Mateo 18:17) (b) Mibvunzoi yatinotarisana nayo?
5 Apo mumwe murume muKorinte akanga ane utere nenzira yokusapfidza, Pauro akaudza ungano, kuti: “Murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana uno ruchiva, kana unonamata zvifananidzo, kana mutuki, kana unosinwa doro, kana gororo; musadya nowakadai.” (1 VaKorinte 5:11-13) Zvimwe chetezvo zvaifanira kuitika navawi pakutenda, vakadai saHimenio: “Munhu unodzidzisa zvakatsauka, kana arairwa kamwe norwechipiri, umurambe; zvaunoziva kuti wakadaro wakatsauka, unotadza, wazvipa mhosva amene.” (Tito 3:10, 11; 1 Timotio 1:19, 20) Kudzivisa kwakadaro kwaizova kwakafanirawo, nokuda kwaani naani anoramba ungano: “Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaiva vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vaonekwe kuti vose havazi vedu.”—1 Johane 2:18, 19.
6 Nenzira ine tariro, munhu akadaro achapfidza kuti agogona kugamuchirwazve. (Mabasa 3:19) Asi munguvayo, ko maKristu angava noushamwari hwakaganhurirwa naye here, kana kuti kudzivisa kworumano kuri madikanwa here? Kana kwakadaro, nei?
Kugurwa Chose Chose Here?
7. Mufambiro wedu waizosiana sei pamusoro pamapoka maviri avatadzi?
7 MaKristu haasati achizviparadzanisa amene navanhu. Tine onano dzenguva dzose navavakidzani, vashandi biyedu, vokuchikoro biyedu, uye vamwe, uye tinopupurira kwavari kunyange kana vamwe vari ‘mhombwe, vanhu vane makaro, makororo, kana kuti vanamati vezvifananidzo.’ Pauro akanyora kuti hatigoni kuvadzivisa chose chose, ‘kana kusina kudaro taizofanira kubuda munyika.’ Iye akataura kuti kwaifanira kuva kwakasiana, kunyanguvezvo, ne“hama” yaigara saizvozvo: “Murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, [akadzokera kunzira dzakadaro], musadya nowakadai.”—1 VaKorinte 5:9-11; Marko 2:13-17.
8. Izanoi rakagovera muapostora Johane pamusoro pokudzivisa?
8 Mumanyoro omuapostora Johane, tinowana zano rakafanana iro rinosimbisa kuti maKristu anofanira kudzivisa zvakakwana sei vakadaro: “Mumwe nomumwe, unotungamirira vamwe, usingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; . . . Kana mumwe achiuya kwamuri, asingauyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, kwaziwa! Nokuti unoti kwaari, kwaziwa! [chiGiriki, khaiʹro] unofambidzana naye pamabasa ake akaipa.”a—2 Johane 9-11.
9, 10. (a) Chii chaiitika kuvapunzi vemitemo vasingapfidzi muna Israeri, uye nei? (b) Tinofanira kunzwa sei pamusoro pegadziriro nhasi yokubata navanhu vanodzingwa nokuda kwechivi chisingapfidzwi? (2 Petro 2:20-22)
9 Neiko chimiro chakadaro chakasimba chakafanira kunyange nhasi? Eya, rangarira pamusoro pokugura kwakakomba kwakarairwa muMutemo waMwari kuna Israeri. Munhau dzakakomba dzakasiana-siana, vapunzi vamaune vaiurawa. (Revhitiko 20:10; Numeri 15:30, 31) Apo ikoko kwaiitika, vamwe, kunyange hama dzokunyama, vaisagona kutaurazve nomupunzi womutemo akafa. (Revhitiko 19:1-4; Dheuteronomio 13:1-5; 17:1-7) Kunyange zvazvo vaIsraeri vakavimbika shure panguva iyeyo vakanga vari vanhu vomuzvarirwo vane mirangariro yakafanana neyedu, vaiziva kuti Mwari akarurama uye ane rudo uye kuti Mutemo wake waidzivirira rucheno rwavo rwetsika norwomudzimu. Naizvozvo vaigona kugamuchira kuti gadziriro yake yokugura vaiti vezvakaipa yakanga iri chinhu chakanaka zvikuru nechakarurama.—Jobho 34:10-12.
10 Tinogona kuva nechokwadi zvakafanira kuti gadziriro yaMwari yokuti maKristu arambe kushamwaridzana nomumwe munhu akatandaniswa nokuda kwechivi chokusapfidza idziviriro yokuchenjera nokuda kwedu. “Bvisai mbiriso yekare, kuti muve bundu idzva, sezvamusina kuviriswa.” (1 VaKorinte 5:7) Kupfurikidza nokudzivisawo vanhu vakazvibvisa vamene musonganirano namaune, maKristu anodzivirirwa pamirangariro inobvira yokutsoropodza, yokusaonga, kana kuti kunyange yokuwa pakutenda.—VaHebheru 12:15, 16.
Zvakadiniko Nehama Dzokunyama?
11, 12. (a) Ndoupi waiva muuyo pahama dzokunyama dzechiIsraeri apo muiti wechakaipa aigurwa? (b) Enzanisira betsero dzeteerero.
11 Mwari anoziva zvamazvirokwazvo kuti kuita mitemo yake yakarurama pamusoro pokugura vaiti vezvakaipa kazhinji kazhinji kunobatanidza uye kunotapura hama dzokunyama. Sezvadudzwa pamusoro apa, apo muiti wezvakaipa wechiIsraeri aiurawa, hapanazve songanirano yemhuri yaibvira. Kutaura idi, kana mwanakomana akanga ari chidhakwa nasadzandiuraye, vabereki vake vaifanira kumuunza pamberi pavatongi, uye kana iye akanga asingapfidzi, vabereki vaifanira kugoverana mukuurawa kwakarurama kwake, ‘kubvisa chakaipa pakati paIsraeri.’ (Dheuteronomio 21:18-21) Unogona kunzwisisa kuti ikoku kwaizova kusiri nyore nokuda kwavo. Fungidzirawo kuti vakoma, hanzvadzi, kana kuti vanasekuru vomuiti wechakaipa vakanzwa sei. Bva, kuisa kwavo ruvimbiko kuna Mwari wavo akarurama pamberi porudo rwemhuri kwaigona kuva kunoponesa upenyu nokuda kwavo.
12 Yeuka chinoitika chaKora, mutungamiriri murupandukiro mukurwisana noutungamiriri hwaMwari kupfurikidza naMosesi. Mururamisiro yake yakakwana, Jehovha akava nechokwadi chokuti Kora aifanira kufa. Asi vakavimbika vose vakapangirwa, kuti: “Ibvai pamatendi avarume ava vakaipa, musatongobata chinhu chavo, kuti murege kuparadzwa pazvivi zvavo zvose.” Hama dzokunyama dzaisazogamuchira nyevero yaMwari dzakafa navapandukiri. Asi vamwe vehama dzokunyama dzaKora vakasarudza nokuchenjera kuva vakavimbika kuna Jehovha, uko kwakaponesa upenyu hwavo ndokutungamirira kuzvikomborero zvomunguva yemberi.—Numeri 16:16-33; 26:9-11; 2 Makoronike 20:19.
13. MaKristu akavimbika achaita sei kana mutezo wemhuri wapedyo ukadzingwa kana kuti iye akazvibvisa amene musonganirano?
13 Kugurwa muungano yechiKristu hakubatanidzi rufu rwokukurumidza, naizvozvo zvisungo zvemhuri zvinopfuurira. Nokudaro, munhu anodzingwa kana kuti anozvibvisa amene musonganirano angangogara pamusha nomudzimai wake wechiKristu navana vakatendeka. Ruremekedzo nokuda kwamarutongeso aMwari nechiito cheungano zvichasunda mudzimai navana kuziva kuti kupfurikidza nenzira yake, iye akachinja chisungo chomudzimu chaivapo pakati pavo. Bva, sezvo kudzingwa kwake kusingagumisi zvisungo zvavo zveropa kana kuti ukama hweroorano, rudo namabasa zvemhuri zvenguva dzose zvinogona kupfuurira.
14. Izanoi roumwari rinofanira kupesvedzera onano dzedu nehama yokunyama yakadzingwa kana kuti yakazvibvisa musonganiro iri kunze kweboka remhuri riri pedyo?
14 Mugariro wacho wakasiana kana akadzingwa kana kuti akabviswa musonganiro ari hama yokunyama inogara kunze kweboka remhuri yapedyo nomusha. Kungabvira kusadokuva neonano ipi neipi nehama yokunyama yacho. Kunyange kudai kwaiva nenhau dzemhuri dzinoda onano, idzo zvamazvirokwazvo dzaizochengetwa dziri shoma, muwirirano nenheyo youmwari, inoti: “Murege kufambidzana nomunhu unoidzwa hama, kana ari mhombwe, kana une ruchiva [kana kuti ane mhaka yechimwe chivi chakakomba], . . . musadya nowakadai.”—1 VaKorinte 5:11.
15. Hama dzokunyama dzinogona sei kudzora pesvedzero yemirangariro muzvinoitika zvakadaro? (Pisarema 15:1-5; Marko 10:29, 30)
15 Nenzira inonzwisisika, uku kungava kwakaoma nemhaka yemirangariro nezvisungo zvemhuri, zvakadai sorudo rwavanasekuru nokuda kwavazukuru vavo. Bva, uyu muedzo woruvimbiko kuna Mwari, sezvataurwa nehanzvadzi yanokorwa mashoko papeji 26. Munhu upi noupi anonzwa rusuruvaro namarwadzo izvo hama yokunyama yakadzingwa yakadarozvo kuparira angawana nyaradzo ndokukurudzirwa nomuenzaniso wakagadzwa nedzimwe dzehama dzomunyama dzaKora.—Pisarema 84:10-12.b
Chisarudzo Chedare
16-18. Chisarudzoi chakasvikwa munhau yedare yadudzwa pakuvamba, uye dare rakapa murangariroi wakawedzerwa?
16 Ungada kuziva muuyo wemhaka yedare yakabatanidza mumwe mukadzi akashatirwa nemhaka yokuti vaichiva vazivikanwi havasati vaizokurukura naye pashure pokunge asarudza kuramba kutenda, achizvibvisa amene muungano.
17 Mhaka yacho isati yaenda kunotongwa, dare roruwa romubatanidzwa rakangomupa mhaka pasina kutonga kwakatsarukana. Rutongeso irworwo rwakavakirwa pamurangariro wokuti matare haasati achibatanidzwa munhau dzokuranga dzechechi. Iye ipapo akakwirira. Rutongeso runowirirana rwedare romubatanidzwa rokukwirirac rwakanga rwakavakirwa pazvikonzero zvakafara zvikuru zvamaruramiro eFirst Amendment (yeU.S. Constitution): “Nemhaka yokuti muitiro wokudzivisa rutivi rwechitendero cheZvapupu zvaJehovha, tinowana kuti gadziriro ‘yokushandiswa kwakasununguka’ kweUnited States Constitution . . . kunodzivisa [iye] kukurira. Vakwirirwi vane ropafadzo inodzivirirwa mubumbiro remitemo yokupinda mumuitiro wokudzivisa. Naizvozvo, tinotsigira” rutongeso rwapakuvamba rwedare roruwa.
18 Murangariro wedare wakapfuurira: “Kudzivisa muitiro unopindwa mauri neZvapupu zvaJehovha mukuwirirana nokutsanangura kwazvo rugwaro runogamuchirwa, uye isu hatina kusununguka kutsanangurazve rugwaro irworwo . . . Vakwirirwi vane maruramiro okushandisa norusununguko zvitendero zvavo zvorudzidziso . . . Matare kazhinji kazhinji haasanoongorori ukama pakati pemitezo (kana kuti yaichimbova mitezo) yechechi. Chechi dzinopiwa rusununguko rukuru apo dzinoisa chirango pamitezo kana kuti yaichimbova mitezo. Tinobvumirana nomurangariro woMutongi Jackson [aichimbova weU.S. Supreme Court] wokuti ‘[m]ibato yorudzidziso iyo ine chokuita bedzi nemitezo yechitendero inofanira kuva yakasununguka—inodokuva yakasununguka chose chose sezvinogona kuita chinhu chipi nechipi.’ . . . Mitezo yechechi [iye] akasarudza kusiya yakagumisa kuti haisati ichada kusonganirana naye. Tinodavira kuti ivo vakasununguka kuita chisarudzo ichocho.”
19, 20. Neiko munhu anogurwa muungano asingakwanisi kuwana miripo yemari mudare?
19 Dare rokukwirira rakabvuma kuti kunyange kana mukadzi wacho akanzwa nhamo nemhaka yokuti vaichimbova vazivikanwi vakasarudza kusakurukura naye, ‘kumubvumidza kunaya nokuda kwekuvadziko dzisiri chaidzoidzo kana kuti dzemirangariro kwaizoganhurira Zvapupu zvaJehovha zvisiri mubumbiro remitemo kushandisa rudzidziso zvakasununguka. . . . Vimbiso yebumbiro remitemo yokushandiswa norusununguko kworudzidziso inoda kuti chaunga chishivirire rudzi rwekuvadziko dzinotamburwa [naye] somutengo wakasanofanira kubhadhara kutaviridza maruramiro omusiano worudzidziso ayo vagari vemo vose vanofarikanya.” Ichi chisarudzo, chaizvoizvo, chakagamuchira ukoshi hunotova hukuru zvikuru chibviro chaapo chakapiwa. Seiko? Mukadzi wacho gare gare akakumbira dare rapamusoro zvikurusa munyikamo kutonga mhaka yacho uye sezvinobvira kuchinja chisarudzo chinorwisana naye. Asi muna November 1987, United States Supreme Court yakaramba kuita saizvozvo.
20 Nokudaro, iyi mhaka inokosha yakasimbisa kuti munhu akadzingwa kana kuti akabviswa musonganirano haagoni kuwana miripo inobva kuZvapupu zvaJehovha mudare remitemo nokuda kwokudziviswa.d Sezvo ungano yakanga ichiita chimwe chinhu kunhungamiro dzakakwana idzo tose zvedu tinogona kurava muShoko raMwari nokurishandisa, munhu wacho ari kunzwa kurasikirwa kwakaunzwa namabasa ake amene.
Chirango—Vazhinji Vanobetserwa
21. Neiko dzikamo ichidikanwa mukurangarira kudzinga?
21 Vokunze, pakunzwa pamusoro pokudzinga, vanokombamira kunzwira urombo muiti wechakaipa uyo asati achakwanisa kukurukura nemitezo yeungano yechiKristu. Asi kunzwira urombo kwakadaro hakuiswi pasakafanira here? Rangarira betsero inobvira iyo muiti wechakaipa navamwe vangagamuchira.
22, 23. Enzanisira ukoshi nebetsero zvokuteerera Mwari mumurangariro wedu wavanhu vakadzingwa.
22 Somunzaniso, papeji 26 tacherechedza tsinhiro yaLynette pamusoro pechisarudzo chake ‘chokuzvigura amene chose chose nesonganiro yose’ nehama yake yokunyama yakadzingwa Margaret. Iye nehama dzake dzokunyama dzechiKristu ‘vakadavira kuti nzira yaJehovha yakanakisisa.’ Uye yakadaro!
23 Hama yokunyama yaLynette gare gare yakamuudza, kuti: ‘Kudai iwe wakanga warerutsa kudzinga, ndinoziva kuti ndingadai ndisina kuita nhanho dzokudzorerwa nokukurumidza sezvandakaita. Kugurwa chose chose navadiwa uye nesonganirano yapedyo neungano kwakasakisa chishuvo chakasimba chokupfidza. Ndakaziva kuti nzira yangu yakanga yakaipa chaizvo sei uye kuti kwakanga kwakakomba sei kurinza gotsi kuna Jehovha.’
24. Kuita kweimwe hanzvadzi kukudzinga kwakaitapura sei navamwe?
24 Muchimwe chinoitika, vabereki vaLaurie vakadzingwa. Bva iye anoti: ‘Songanirano yangu navo haina kutongomira asi yakawedzera. Sezvo nguva yakapfuurira, ndakava asingaiti basa zvikuru. Ndakasvika papfundo rokusambopinda misangano.’ Ipapo iye akarava mashoko aiva muNharireyomurindi yaMarch 1, na 15, 1982, ayo akasimbisa zano ra 1 VaKorinte 5:11-13 uye 2 Johane 9-11. “Kwakaita sokunge bharubhu romwoto rakabatidzwa mandiri,” iye anonyora kudaro. ‘Ndakaziva kuti ndaizofanira kuita chinjo dzakati. Zvino ndonzwisisa zviri nani revo yaMateo 10:34-36. Chisarudzo changu chakanga chisiri nyore kuti mhuri yangu igamuchire, nokuti mwanakomana wangu, ane makore mashanu, ndiye mukomana bedzi, uye ivo vanomuda zvikuru.’ Kunokarirwa kuti kurasikirwa nesonganiro yakadaro kuchatapura mwoyo yavabereki, sezvakwakaita vaMargaret. Zvisinei, chirango chakabatanidzwa chakabetsera Laurie: ‘Ndakadzokazve muushumiri hwomumunda. Roorano yangu nemhuri zvasimba zvikuru nemhaka yechinjo yangu, ndozvandakaitawo.’
25. Murangariroi wakava nomunhu akadzorerwa wechirango chaMwari?
25 Kana kuti rangarira mirangariro yomumwe akadzingwa uye gare gare akadzorerwa. Sandi akanyora, kuti: ‘Ndingada kukutendai nokuda kwenyaya dzinobetsera zvikuru nedzinoraidza [dzadudzwa pamusoro apa] patsiuro nokudzinga. Ndinofara kuti Jehovha anoda vanhu vake zvakakwana zvokuona kuti sangano rake rinochengetwa rakachena. Chingaratidzika kuva chehasha kuvokunze chiri zvose zviri zviviri madikanwa nechinhu chorudo chaizvoizvo chokuita. Ndinoonga kuti Baba vedu vokudenga ndiMwari ane rudo naanokanganwira.’
26. Chibereko chakarurama chinogona kubva mukugamuchira chirango? (Pisarema 94:10, 12)
26 Naizvozvo Mwari wedu uyo anoda kuti muiti wechakaipa asingapfidzi atandaniswe muungano anoratidzirawo norudo kuti mutadzi anogona kudzorerwa muungano kana iye akapfidza ndokutendeuka. (Munhu akabviswa musonganiro anogona zvakafanana kukumbira kuva rutivi rweungano zvakare.) Pashure paikoko iye anogona kunyaradzwa namaKristu ayo achasimbisa rudo rwawo nokuda kwake. (2 VaKorinte 2:5-11; 7:8-13) Zvirokwazvo, kwakaita chaizvo seizvo Pauro akanyora, kuti: “Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.”—VaHebheru 12:11.
[Mashoko Omuzasi]
a Johane pano akashandisa khaiʹro, uko kwakanga kuri kwaziso yakafanana na“masikati” kana kuti “kwaziwai.” (Mabasa 15:23; Mateo 28:9) Haana kushandisa a·spaʹzo·mai (somundima 13), iro rinoreva kuti “kumbundira mumaoko, nokudaro kukwazisa, kumhorosa” uye ringava rakareva kwaziso youshamwari zvikuru, kunyange nokugumbatira. (Ruka 10:4; 11:43; Mabasa 20:1, 37; 1 VaTesaronika 5:26) Naizvozvo murairo uri pana 2 Johane 11 ungagona kusanoreva kusambotaura kuti “kwaziwai” kuvadaro.—Ona Nharireyomurindi yaDecember 12, 1985, peji 31.
b Nokuda kwekurukurirano yokudzingwa kwehama yokunyama, ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 1982, mapeji 19-30.
c 819 F.2d 875 (9th Cir. 1987).
d Kunyange zvazvo vanhu vakasiana-siana vakamhan’ara, hakuna dare rakapa mhosva Zvapupu zvaJehovha pamusoro pomuitiro wazvo wakavakirwa paBhaibheri wokudzivisa.
Mapfundo Okuyeuka
◻ Kudzinga kunogona kuva chimiro chokuranga munzirai?
◻ Neiko mufambiro womuKristu kuvanhu vakadzingwa uchisiana nomufambiro wake kuvatadzi vari munyika?
◻ Inhungamiroi yapaMagwaro inofanira kurangarirwa kunyange kana hama ikadzingwa?
◻ Dare rokukwirira rakasvika mhedzisoi mumhaka yakaunzwa nomunhu akabviswa musonganirano?
◻ Chii chatinogona kudzidza mukutaura kwavanhu pamusoro pokudzinga?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]
“Kuzvigura timene chose chose musonganiro yose ne[hama yangu yokunyama] Margaret kwakaedza ruvimbiko rwedu kugadziriro yaJehovha. Kwakapa mhuri yedu banza rokuratidza kuti tinodavira chaizvoizvo kuti nzira yaJehovha yakanakisisa.”—Lynette.
[Bhokisi riri papeji 30]
Kutandanisa—Muuyoi?
Wezvenhau weEngland Edward Gibbon akanyora pamusoro pokururama nomuuyo wokudzinga pedyo zvikuru nenguva yavaapostora:
“Maruramiro asingapanikirwi echaunga chiri chose okubvisa muboka racho nebetsero vakadaro pakati pemitezo yacho savakaramba kana kuti vakapunza mirairo iyoyo yakagadzwa nebvumirano yavose. . . . Miuyo yokutandanisa yaiva yorudzi rwapasi pamwe chete nerwomudzimu. MuKristu akakuzivisirwa ainyimwa rutivi rupi norupi muzvibairo zvavakatendeka. Batano dzose dziri mbiri dzorudzidziso nedzoushamwari hwomunhu oga dzakapedzwa.”