RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 1/1 pp. 5-7
  • Vaevhangeri Vanounganidza Kucheka Kwenyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaevhangeri Vanounganidza Kucheka Kwenyika Yose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mexico
  • India
  • Belgium
  • Portugal
  • Thailand
  • Kenya
  • Kubva Mukuora Mwoyo Kuenda Kumufarwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kugamuchira Mashoko Akanaka muBelgium
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Makwai aJesu Anoteerera Inzwi Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akanaka Anobva Norway
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 1/1 pp. 5-7

Vaevhangeri Vanounganidza Kucheka Kwenyika Yose

“Sezvo wachi ichirira ichienda kuArmagedhoni, Zvapupu zvaJehovha zviri kukurumidzisa mibato yazvo kuti zviite kuti vazhinji vedu savanobvira tiponeswe muruparadziko irworwo rwunotyiwa.”—Chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau chakanyorwa naIan Boyne mu“The Sunday Gleaner,” March 15, 1987, Kingston, Jamaica.

MUNYORI akanyora muchikamu chomupepeti wenhau anokorwa mashoko pamusoro apa akarurama. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Armagedhoni, apo Mwari achaparadza vakaipa, yava pedyo uye kuti rudzi rwomunhu rwuri kurarama munguva yorutongeso rwoumwari. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Nokudaro, pane kudikanwa kwokuti vanhu vateerere shoko ramashoko akanaka. Jesu Kristu, muevhangeri wohunhu mukurusa asati ararama, akatanga sangano iro rakaparidza evhangeri “kusvikira kumigumo yapasi” muzana rokutanga ramakore. (Mabasa 1:8, New English Bible; VaKorose 1:23) Iye akadeya kutaura basa rakafanana rokuparidza evhangeri nokuda kwezuva redu. (Mateo 24:14) Sangano zvino riri kuita izvozvo rakaumbwa neZvapupu zvaJehovha, izvo zvinoparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari nekurumidziro munyika nendima 210.

Zvapupu zvaJehovha, kunyanguvezvo, zvinopfuura kuva sangano rinoparidzira. Izvo zviriwo rinodzidzisa. Jesu akatuma vateveri vake kuti “muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW) Tingada kukusuma kuvamwe vanhu vakabetserwa nebasa razvo rokuparidzira nokudzidzisa.

Mexico

Sangana naVirginia. Iye ava namakore 110 okukura uye anoda kukuudza kuti “hakusati kuchitongova kunyanyononoka kusvika pakuziva ndokubatira Jehovha.” Somukadzi muduku, iye aiva worudzidziso kwazvo zvokuti kwamakore mana aipfeka nguvo chaiyo yorudzidziso. “Asi chimwe chinhu chaishaika,” iye anodaro. Hapana kwaaigona kuwana mhinduro dzinogutsa kumibvunzo yake yeBhaibheri. Somuenzaniso, apo aibvunza vadzidzisi vomuchechi yake kuti, “Zita raMwari ndiani?,” ivo vaipindura kuti, “Zita raMwari ndiMwari.”

Asi zvinhu zvakachinja muna 1983 apo muzukurusikana wake akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Muzukurusikana akapindura mubvunzo waVirginia kupfurikidza nokutaura kuti Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ikoku kwakasunda Virginia kuva nefundo yeBhaibheri yake amene neZvapupu. Makore maviri gare gare, pana June 2, 1985, iye akabhapatidzwa pamakore 108 ezera.

“Ndinoyeuka musi iwoyo norudo,” iye anodaro, “nemhaka yokuti pazuva iroro ndakatanga kurarama. Pazera rangu, ndinoparidzira maawa mashanu kana kuti matanhatu pamwedzi uye ndinoshandisa mudonzvo wokutsigira mukufamba. Ndinoda kufamba kupfuura kukwira motokari. Neiyi nzira ndinoramba ndiri mumugariro wakanaka womuviri.”

India

“Ndakanga ndiri munhu womunzvimbomo anoita mheremhere naakanakira pasina,” anodaro mumwe murume uyo akanga ari musungwa nemhaka yezvakaipa zvakawanda. “Ndaiverevedza mirimo, kutamba mutka (kubhejera), uye kusvuta midzanga yapachena yaigoverwa nokudisa navanhu vangu vapachivande. Kwaivawo netsika yokudhakwa—zvose izvozvi pasinei zvapo neidi rokuti ndakanga ndiri mutezo wechechi unoshingaira.” Asi apo mumwe weZvapupu zvaJehovha akashanyira imba yake uye iye akavamba kufunda Bhaibheri ndokushandisa zano raro, upenyu wake hwakachinja. (Zvirevo 2:1-22; 2 Timotio 3:16) Zvino iye, mudzimai wake, uye vanasikana vaviri vari kubetsera vamwe kurega zvakaipa zvakadaro.

Belgium

Varoorani vaduku vaviri vakashatirirwa Mwari zvikuru. Neiko? Mwana wavo wokutanga, mwanasikana, akafa mazuva gumi pashure pokuberekwa. Mwana wavo wechipiri akaberekwa ari chirema. Uye wechitatu wavo, uyo akaratidzika kuva akasimba naane utano, akafa nenzira isingakarirwi pashure pemwedzi mishanu. Amai vacho vaisagona kudavira kuti Mwari ane rudo aizobvumidza ngwavaira dzakadaro kuitika kwavari apo vanhu vazhinji kwazvo vanorarama upenyu hwakashata vane vana vane utano.

Nokukurumidza pashure paikoko, mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achiparidzira paimba neimba munzvimbomo ndokushanya pamusha pake. Sezvo Chapupu chakataura pamsoro pezvipikirwa zvaMwari zvenguva yemberi inofadza yorudzi rwomunhu, mukadzi wacho akapandukira pfungwa yaMwari uyo ari Baba vokudenga vano rudo. (Pisarema 37:10, 11) Asi iye akabvuma kugamuchira bhuku reBhaibheri. Pashoma napashoma, pashure peshanyo dzakadzokororwa neChapupu, shoko reBhaibheri ramashoko akanaka rakapfavisa mwoyo wake ndokuvaka chivimbo chake muna Mwari. Zvino vose vari vaviri iye nomurume wake vane tariro yakasimba isati ichingova bedzi yokuti Jehovha acharapa mukomana wavo akaremara muParadhiso yapasi yomunguva yemberi asiwo kuti Iye achamutsa vamwe vana vavo vaviri.—Johane 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:1-4.

Portugal

Mamwe mangwanani eSvondo, mumwe mukadzi akatakura bhegi rakazara negirosa akamira kuti ataure navaviri vakaroorana. Iyi yakanga iri nguva yokutanga asi kwete yokupedzisira iyo ivo vaizosangana. Vavirivo, Zvapupu zvaJehovha, vakanga vari mumubato wokuparidza evhangeri. Ivo vakaonga mutengi nokuda kwokutarisira zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri yake. Asi ndiani, ivo vakabvunza, angagona kugovera zvinodikanwa zvorudzi rwomunhu? Ivo vamene vakapindura mubvunzo wacho kupfurikidza nokutaura kuti Mwari anogona. (Pisarema 107:8, 9; Isaya 33:24) “Ko iye ane mushonga here wechinetso changu?” mukadzi wacho akashamisika kudaro zvinonzwika. Zvapupu zvakapindura kuti hungu uye zvakakokwa kumusha kwake, uko fundo yeBhaibheri yakatangwa. Murume wake, achicherekedza chinjo nokuda kwezvakanaka muchimiro chomudzimai wake, akakumbanira fundo yeBhaibheri uye munguva pfupi akaitawo chinjo mumutoo wake woupenyu.

Gare gare, mukadzi wacho akaudza Zvapupu kuti pamberi pokutaura kwazviri mangwanani iwayo eSvondo, iye akanga aedza kaviri kuzviuraya. Iye akanga akangaidzwa zvikuru nemhaka yokuti iye nomurume wake vakanga vasarudza kuparadzana. Zvino, kunyanguvezvo, iye, murume wake uye vana vavo pamwe chete vari kuita fambiro mberi mukudzidza pamsoro pamashoko akanaka.

Thailand

Kwouzhinjisa hwoupenyu hwake, mumwe mukadzi anogara murutivi rwokuchamhembe rweiyi nyika akanetswa namadhemoni. Apo iye akasangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha ari mubasa rokuparidza evhangeri, iye akawana mabhuku eBhaibheri ndokubvuma fundo yeBhaibheri yapamusha. Pashure pemwedzi miviri yefundo, iye akasvika pakunzwisisa zvikonzero zvapaMagwaro zvokubvisa mumba make zvinhu zvenamatwo yenhema, zvakadai sezvidhori, uye kupunza imba yake inokosheswa yemidzimu yakavakwa kudzivirira mhuri yake pamidzimu yakaipa. (Mabasa 19:19; 1 VaKorinte 10:21; 1 Johane 5:21) Zvino haasati achinezve denho dzamadhemoni uye anokwanisa kupa ngwariro pakubetsera vamwe kudzidza pamsoro paMwari mumwe wechokwadi, Jehovha.

Kenya

Apo mumwe mutungamiriri wechikwata chamatsotsi akaudzwa kuti airangarirwa kuva ane ngozi kwazvo zvokuti mapurisa akarairwa kumupfura pakumuona, akakuramba nokuseka. Zvisinei, nokukurumidza pashure paikoko kumwe kwokudenha kwake kwechikwata hakuna kuita mukuwirirana nerongedzero. Iye akazviwana amene ava oga, akapoteredzwa neboka rakashatirwa rakagadzirira kuita ruramiso yenyongori. Panguva iyoyo, mapurisa akamununura, akamutora, uye akamupfigira mutorongo kuti amirire kutongwa.

Gweta rake rakamupangira pamsoro pounyanzvi hwakasiana-siana kuti arambe kuva nemhaka. Asi ari muchitokisi, iye akayeuka shanyo dzakaitwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha makore apfuura. Iye akavamba kudemba nzira dzake dzokusateera mutemo ndokunyengetera kuna Mwari nokuda kwebetsero. Kutaura idi, iye akanyengetera kuna Jehovha nezita. (Enzanisa naMabasa 10:1, 2.) Kukushamisika kwomutongi, iri tsotsi rakabvuma mhaka yaro kudare. Naizvozvo mutongi akaita tongero nyoro zvikuru; panzvimbo porufu, tongero yaiva makore gumi mutorongo rinochengetwa zvikurusa.

Ari mutorongo, iye akarava mabhuku eBhaibheri nokudisa ndokunyengetera anyengeterazve kuna Mwari, achikumbira kuti, kana kuchibvira, nguva yake ari mutorongo ideredzwe kuti agogona kumubatira. Nenzira isingakarirwi, iye akaudzwa kuti tongerwo yake yakanga yaderedzwa nehafu. Nokudaro, pashure pokupfigirwa mutorongo kwamakore mashanu, iye akasunungurwa uye nokukurumidza akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza pashure paikoko iye akabhapatidzwa, uye zvino ane kuparidza evhangeri kwenguva yakazara senharidzano yake.

Iri pamusoro apa inongova bedzi mienzaniso mishomanene yokuti Zvapupu zvaJehovha zviri kuita sei basa razvo nomusengwa wokuparidza evhangeri “kusvikira kumigumo yapasi.” Izvi zvinoitika zvingagona kuwanziridzwa nekane chiuru. Ko iwe unogona here kupanikira, ipapoka, kuti Zvapupu zvaJehovha vaevhangeri vechokwadi vanhasi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe