Kupindura Danidzo Yezvitsuwa zveMicronesia
MAZITA akadai seTruk, Yap, Ponape, Guam, uye Saipan anganzwika akati rovedzekei kwauri. Asi zvakadiniko neBelau, Rota, Kosrae, Nauru, kana kuti Kiribati? Iwaya namamwe ose rutivi rwezvitsuwa zvinopfuura 2 000 notuzvitsuwa zvakapararira pamamaira anopfuura mamirioni matatu akaenzana kumativi mana eWestern Pacific uye zvinozivikanwa pamwe chete seMicronesia, kana kuti zvitsuwa zviduku.
Mukati meiyi nharaunda huru, inodokusvika ukuru hweAustralia kana kuti nyika yeUnited States, Zvapupu zvaJehovha zvakabatikana kuzivisa mashoko akanaka oUmambo. (Marko 13:10) Panguva ino, iri basa riri kuitwa navaparidzi voUmambo vanenge 740 muungano 13. Zvamazvirokwazvo, mune kudikanwa kukuru kwavashandi vazhinji vokupinza zvikohwiwa zviri muizvi zvitsuwa zviri kure zvegungwa.—Enzanisa naJeremia 31:10.
Mumakore 20 apfuura kana kuti kupfuura, vanhu vakabva Hawaii, Philippines, Canada, United States, uye Australia vakapindura danidzo ndokutora basa roufundisi muzvitsuwa zveMicronesia. Apo vokutanga vavo vakasvika muna 1965, maingova bedzi navaparidzi voUmambo 76 mundima iyoyi yose huru. Muna 1987, zvisinei, hwerengedzo yavanhu 4 510 yakapinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. Sezviri pachena, mabasa echiKristu orudo mumakore apfuura akanga akomborerwa zvikuru.
Nhasi, muna vafundisi 49 vanobatira vachibva mumisha yavafundisi 14 yakapararira pakati pezvitsuwa, vose vachishanda vachitungamirirwa nebazu reGuam reWatch Tower Society. Rudo rwavo nokuda kwaJehovha uye nokuda kwavavakidzani vavo veMicronesia rwakavasunda kupindura danidzo youfundisi. Ndizvinoitikai zvavakava nazvo vachibatira muizvi zvitsuwa zviri kure? Kana toreva nezvemitauro mitsva netsika, idenhoi dzavaifanira kukunda? Uye chii chakavabetsera kurambira mumigove yavo? Ngatinzwei kuvamwe vavo pamsoro pebasa ravo muizvi zvitsuwa.
Denho Yemitauro Mitsva
MuMicronesia mune mitauro mikuru misere kana kuti mipfumbamwe. Asi nemhaka yokuti iyoyi haisati ichirangarirwa kuva mitauro inonyorwa, kwakaomera vafundisi vatsva kuwana mabhuku okushandisa mukuidzidza. Zvisinei, ivo vanoshanda zvakaoma pakuri. Mutoo mumwe unobudirira, ivo vakaudzwa, waiva wokuedza kushandisa zvakanga zvadzidzwa nokukurumidza mubasa rokuparidzira. Eya, ivo vachiri kungoyeuka migariro yakawanda inofadza—uye inokwenudza—iyo yakaitika pavakaedza kuita izvozvo.
Roger, mugari weHawaii, anoyeuka mugariro mumwe wakadaro paakatanga kuuya kuBelau makore 13 apfuura. “Apo mumwe saimba akati, ‘Ndiri muKaturike,’ shoko bedzi rePalau randaiziva kupindura naro rakanga riri ‘Nei?’” Saimba ipapo akapinda mutsananguro refu. “Handina kunzwisisa shoko raakataura. Pamhedziso yake, ndakataura rimwe shoko bedzi ndaiziva, ‘Mazviita,’ ndokuenda!”
Salvador, uyo akauya kuTruk nomudzimai wake, Helen, makore gumi apfuura, anoyeuka achiedza kubvunza mukadzi weTruk kana aida kufara (pwapwa). Panzvimbo pezvo, iye akabvunza kana aida kuva napamuviri (pwopwo). Uye Zenette, uyo akabva Canada nomurume wake, David, anoyeuka nguva apo iye akaedza kuti “Mazviita” (kilisou) asi akaguma nokuti “Gunura” (kiliso). Kusiri madikanwa kutaura, ivo vanoziva mashoko iwawo zvakanaka zvino.
Apo James akatamisirwa kuchitsuwa cheKosrae pashure pokubatira makore mana muPonape, aifanira kutanga zvakare. Iye anoyeuka zvikuru achiedza kuva shamwari yomumwe saimba. Asi panzvimbo pokumubvunza kuti, “Makadini?” iye akamuudza kuti, “Imi muri wechienzi”! Zvino, pashure pamakore gumi, iye anobvuma, kuti: “Pakutanga, kwakanga kwakaoma kutaura akati kuti amashoko eKosrae nemhaka yokuti ainzwika zvakafanana zvikuru namashoko okutuka muchiNgezi.”
Zvinoitika zvakadaro, zvisinei, hazvitongoodzi mwoyo ava vafundisi kuti vasapfuurire mberi nefundo dzavo dzomutauro. “Kune zvishoma munhu anogona kuita kubetsera vanhu pasina kudzidza mutauro,” akadaro mumwe mufundisi. “Ikoku kunogovera kurudziro chaiyoiyo yokufunda nokushingaira.”
Tsika Nokutenda Mashura
Kuvauyi vatsva, dzakawanda dzetsika dzomunzvimbomo dzakaratidzika kuva dzinofadza. Somuenzaniso, David akasangana nomumwe mukadzi uyo akanga atumidza mazita vanakomana vake vatatu kuti Sardine, Tuna, uye Spam. Gare gare iye akasumwa kuvarume vatatu vainzi Desire, Sin, uye Repent. Zenette akakuwana kuri kwechienzi kuti vanhu vanodana vanasekuru vavo kuti Papa uye Mama uye vabereki vavo namazita avo okutanga. Apo Sheri akatanga kuuya achibva Hawaii, akafunga kuti kwakanga kuchifadza zvikurusa kuti vanhu vanoshandisa mhino yavo kuratidza nzira. Uye kwakatora nguva kurovedzana neiyi tsika: Apo mukadzi anopinda gungano ravose, iye “anofamba” namabvi ake achienda ku“chigaro” chake pahuriri kuratidza ruremekedzo nokuda kwavarume.
Zvakawandawo, zvitendero zvokutenda mashura. MuMarshall Islands, somuenzaniso, apo mumwe munhu anofa mhuri inoisa zvokudya, midzanga yefodya, uye maruva paguva nokuda kwanyakuenda. Kana kuti apo shiri inobhururuka ichitenderera imba ichiimba, ikoku kunorangarirwa kuva kunoreva ngozi norufu rwokukurumidza nokuda kwomumwe munhu ari mumhuri.
Vamwe vari muzvitsuwa zvacho vanobatanidzwawo zvikuru mukutenda midzimu. Jon akanga ari mumwe wavo. Pane imwe nguva apo akanga ari mukuru muchechi yePurotesitendi, iye akakwanisa kudzinga madhemoni neminyengetero uye nokushandisa mushonga unogadzirwa namafuta ekokonati.
“Rimwe zuva chiso chakaipa chedhemoni chakafara sesuo chakaoneka pachipindo chekamuri rangu,” Jon akarondedzera kudaro. Pakutanga Jon akafunga kuti akanga achirota asi nokukurumidza akaziva kuti akanga akasvinura zvizere.
“Dhemoni rakandiudza kuti rakanga riri manyuko amasimba angu amashiripiti. Ikoku kwakandikatyamadza ndokundiparira kushamisika chikonzero nei madhemoni aishanda kupfurikidza neni, mudhikoni muchechi, uye chikonzero nei mufundisi amene aitsvaka mabasa angu oudhemoni.” Jon akakurumidza kuonwa navafundisi Zvapupu ndokutanga kufunda Bhaibheri.
“Kwakandiunzira mufaro mukuru kuziva zvokwadi pamsoro pamadhemoni uye pamsoro penzira yokuziva nayo rudzidziso rwechokwadi,” Jon akayeuka kudaro. Iye akabuda muchechi yake ndokurega muitiro wake woudhemoni. Nhasi iye anonyevera vamwe kudzivisa miitiro yose youdhemoni.—Dheuteronomio 18:9-13; Zvakazarurwa 21:8.
Kusvika Zvitsuwa Zviduku
Kuendesa mashoko akanaka kuvanhu vari pazvitsuwa zviri kure zviduku idenho chaiyoiyo. Kazhinji kazhinji nzira bedzi yokuvasvika nayo kukwira ngarava yecopra. Sezvo ngarava yacho inomira pachitsuwa chiduku chimwe nechimwe kwamaawa mashomanene kana kuti mazuva kuti itakure zvinhu, vafundisi navamwe vaparidzi voUmambo vanozvibatikanisa vamene mukupupurira kuvagari vapazvitsuwa. Kutepfenyura kwenhepfenyuro kwevhiki nevhiki ndiimwe nzira yokuunza nayo mashoko akanaka kwavari.
Vagari vomuzvitsuwa zviri kunze kazhinji kazhinji vanofamba vachienda kunzvimbo huru dzezvitsuwa nokuda kwezvokudya, kurapwa, uye kudzidza. Vari ikoko, vangawanwa neZvapupu zvaJehovha uye vangawana mabhuku eBhaibheri. Fariro inoteverwa netsamba kana kuti apo vaparidzi vanoshanyira chitsuwa chavo. Vamwe vaviri vakaonwa neiyi nzira muMajuro muMarshall Islands uye ipapo vakadzokera kuchitsuwa chokumusha kwavo cheAiluk, mamaira 250. Ivo vakavamba kuita fambiro mberi mukunzwisisa kwavo Bhaibheri. Nokukurumidza vakagura batano nechechi yavo, vakanyoresa roorano yavo, uye vakabhapatidzwa. Zvino vose vari vaviri vanoparidzira nokushingaira pachitsuwa chavo chiri choga, kazhinji kazhinji vachibatira samapiona ebetsero.
Vafundisi vomuPonape, Truk, uye Belau vanoshandisa magwa avo vamene nokuda kwokupupurira kwomuzvitsuwa. Sezvo kusina nzvimbo dzinomira ngarava panzvimbo dzakawanda zvikurusa, ivo kazhinji kazhinji vanofanira kuchakwaira vachienda pamhenderekedzo yegungwa nomumatope anosvika mumabvi avo. Vagari vemo vazhinjisa vane ushamwari uye vanogamuchira vaenzi kupfurikidza nokuwaridza maponde nokuda kwavo nokuvapa mvura inotonhorera yekokonati. Mhuri yose inoshevedzwa uye inoteerera nokungwarira. Nemhaka yokuti vazhinji havana mari, hakusati kuri kwechienzi kuona vaparidzi vachidzokera pashure pamazuva maviri kana kuti matatu negwa ravo rakazadzwa nemichero yakagamuchirwa mukutsinhana namabhuku eBhaibheri.
Kuzvibaira Netuso
Nokuda kwavafundisi, upenyu muzvitsuwa hahuna kuita sezvahwakanga hwakaita shure kumusha. Ivo vanofanira kurovedzana nokudzima kuzhinji kwamagetsi neperevedzo dzemvura, kuchitsamira pamvura inonaya nokuda kwomugove wavo. Pazvimwe zvitsuwa, hapana magetsi, mvura, kana kuti zvimbudzi zvokugoja mvura, hapana migwagwa yakagadzirwa, uye hapana motokari. Asi vafundisi vakadzidza kuva vanochinjika. “Apo ndinoona hama dzomunzvimbomo dzichigara mudzimba dzakavakwa namapuranga akarashwa nouriri, tinodzinzwira urombo, uye ikoku kunokombamira kutichengeta takadzikama muzvinodikanwa zvedu nezvinodiwa,” anodaro Julian, uyo akabatira nokutendeka kwamakore 17 ari muGuam neMarshall Islands.
Rodney naSheri vakauya kuTruk vachibva Hawaii. Iye anobvuma, kuti: “Zvechokwadi, ndakakatyamadzwa nehunhu.” Zvino, makore gumi gare gare, iye anonyora, kuti: “Tine basa rinogutsa zvikuru rokuita muno. Tine zvitambudzo zvedu; padzimwe nguva tinonzwa taodzwa mwoyo uye tiri toga. Asi tinoda kupfuurira kuronda donzo redu muupenyu mubasa roufundisi muno.” Uye Sheri anowedzera nomufaro, achiti: “Vanhu vanozvibaira vanhu vanofara.”
Zvamazvirokwazvo, kuzvibaira kwavo kunotuswa zvikuru. Clemente nomudzimai wake, Eunice, avo vakauya kuMarshall Islands makore gumi apfuura, zvino vanoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzevhiki nevhiki 34. “Gumi navana vavadzidzi vakaratidzira tsauriro yavo kuna Jehovha kupfurikidza noruombeko rwomumvura,” iye anoshuma kudaro, “uye vamwe vari kufambira mberi vakananga kurubhapatidzo. Basa rinoponesa upenyu rakadaro nderoukoshi hukuru mumeso avo.” James, mumwe mufundisi kwamakore anopfuura gumi, anoti: “Kuona tsungiriro yehama dzedu dzeKosrae gore pashure pegore chikomborero chaichoicho.” MuBelau, Roger anotsinhira, kuti: “Takakomborerwa neHoro yoUmambo itsva neboka rakavimbika ravaparidzi.” Uye achitarira shure mumakore apfuura, Placido anoti: “Nhungamiro yaJehovha nomudzimu mutsvene zvave zviri pachena muupenyu hwedu. Ikoku kwakatibetsera kuswedera pedyo zvikuru naye.”
Zvinoitika zvakadaro zvakakurudzira vafundisi kurambira mumigove yavo. Vazhinji vavo vanogona kutarira shure ndokuyeuka kuumbwa kweungano yokutanga munharaunda mavo. Kufanana nomuapostora Pauro, ivo vane mufaro wakatsaukana ‘wokusavaka pahwaro hwomumwe munhu.’ (VaRoma 15:20) Kunzwa kwavo kunosanotaurwa neiyi tsinhiro: “Kuchine basa rakawanda rinofanira kuitwa. Ndinodavira kuti Jehovha achazarurazve mamwe mabanza okuunza vakafanana namakwai vakawanda vari muzvitsuwa, uye takaropafadzwa kugoverana makuri.”
“Chikomborero chaJehovha—ndicho chinopfumisa, uye iye haawedzeri marwadzo nacho,” rinodaro Bhaibheri pana Zvirevo 10:22, NW. Avo vakapindura danidzo youfundisi yezvitsuwa zveMicronesia vakawana zvirokwazvo ichi chikomborero pamwe chete nomufaro negutsikano zvinobva mukubatira Jehovha.