RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 11/15 pp. 21-23
  • VaAnabaptist No“muenzaniso Wamashoko Akanaka”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaAnabaptist No“muenzaniso Wamashoko Akanaka”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Muenzaniso” Wakatangwa
  • Dzidziso Huru
  • Murangariro Wavo Wenyika
  • Chitambudzo—Uye Pashure
  • “Muenzaniso” Nhasi
  • VaAnabaptist Vaiva Vanaani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Rambai Muchiita Zvinhu Zvamakadzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Ita Dzidziso Yakanaka Mararamire Ako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Chikamu 16: Zana Ramakore Rechi 9-16 N.V.—Rudzidziso Runoda Chinjo Zvikurukuru
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 11/15 pp. 21-23

VaAnabaptist No“muenzaniso Wamashoko Akanaka”

MUAPOSTORA Pauro akanyevera kuti pashure porufu rwake, maKristu akawa pakutenda, akafanana na“mapere anoparadza,” aizopinda pakati peboka raMwari uye aizotsvaka kuti “vatsause vadzidzi vavatevere.” Ivo vaizoita sei ikoku? Kupfurikidza nokupinza magamuchidzanwa nedzidziso dzenhema kushatisa zvokwadi yaMagwaro.—Mabasa 20:29, 30; 1 Timotio 4:1.

Nokuda kweichi chikonzero, Pauro akapa zano murume muduku Timotio, kuti: “Ramba wakabatisisa muenzaniso wamashoko akanaka awakanzwa kwandiri nokutenda norudo anoreva pamsoro paKristu Jesu. Chengeta ruvimbo urwu rwakaisvonaka kupfurikidza nomudzimu mutsvene unogara matiri.” Chii chakanga chiri uyu “muenzaniso wamashoko akanaka”?—2 Timotio 1:13, 14, NW.

“Muenzaniso” Wakatangwa

Mabhuku ose aMagwaro echiKristu echiGiriki akapedzwa muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose. Kunyange zvazvo akanyorwa navanyori vakasiana-sina, mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobate basa, wakava nechokwadi chokuti iwo aitsinhirana kwete chete maari amene asiwo naMagwaro echiHebheru apakuvamba. Neiyi nzira, “muenzaniso” wedzidziso yapaMagwaro yakanaka wakaumbwa uye waifanira kunamatirwa kwauri namaKristu, kunyange seizvo Jesu Kristu akanga ava “muenzaniso” wokuti atevere.—1 Petro 2:21; Johane 16:12, 13.

Mukati mamazana amakore akasviba mumudzimu pashure porufu rwavaapostora, chii chakaitika ku“muenzaniso wamashoko akanaka”? Vanhu vapachokwadi vakawanda vakaedza kuuwanazve, kunyange zvazvo dzorero yakazara yaizofanira kumira kutozosvikira pa“nguva yomugumo.” (Dhanieri 12:4, NW) Pane dzimwe nguva raiva inzwi rimwe, uye padzimwe nguva rakanga riri boka duku ravanhu vakanga vachitsvaka “muenzaniso.”

VaWaldense vanoratidzika kuva vaiva vorushoma vakadaroa. Ivo vaigara muFrance, Italy nedzimwe nharaunda dzeEurope mukati mamazana amakore rechi 12 kusvikira kurechi 14. Gare gare vaAnabaptist vakabva muiri sangano. Ivo vakanga vari vanaani, uye chii chavaidavira?

Dzidziso Huru

VaAnabaptist vakatanga kutanhamara munenge mugore ra 1525, muZurich, Switzerland. Zvitendero zvavo zvakapararira nokukurumidza zvichibva muguta iroro zvichienda kumativi akawanda eEurope. Reformation yapakuvamba yomuzana ramakore rechi 16 yakanga yaita chinjo dzakati, asi mumeso avaAnabaptist, yakanga isina kuenda kure kwakakwana.

Muchishuvo chavo chokudzokera kudzidziso dzechiKristu dzomuzana rokutanga ramakore, ivo vakaramba dzakawanda dzedzidziso dzeRoma Katurike kupfuura zvakaita Martin Luther navamwe vamutsidziri. Somuenzaniso, vaAnabaptist vakataura kuti kwaingogona bedzi kuva netsauriro yomukuru kuna Kristu. Nemhaka yomuitiro wavo worubhapatidzo rwomukuru, kunyange rwomunhu akanga abhapatidzwa somucheche, ivo vakapiwa zita rokuti “vaAnabaptist,” iro rinoreva kuti “vabhapatidzizve.”—Mateo 28:19; Mabasa 2:41; 8:12; 10:44-48.

“KuvaAnabaptist Chechi chaiyoiyo yaiva sangano ravanhu vanotenda,” anonyora kudaro Dr. R. J. Smithson mubhuku rake The Anabaptists—Their Contribution to Our Protestant Heritage. Savakadaro, ivo vakazvirangarira vamene kuva chaunga chavatendi mukati menzanga yose zvayo uye pakutanga vakanga vasina ushumiri hwakarovedzwa chaizvo, kana kuti hunobhadharwa. Kufanana navadzidzi vaJesu, ivo vakanga vari vaparidzi vanofambira avo vaishanyira mataundi nemisha, vachitaura kuvanhu mumisika, mashopu, uye misha.—Mateo 9:35; 10:5-7, 11-13; Ruka 10:1-3.

MuAnabaptist mumwe nomumwe airangarirwa kuva anozvidavirira somunhu oga kuna Mwari, achifarikanya rusununguko rwechido nokuratidza kutenda kwake kupfurikidza namabasa ake, bva achiziva kuti ruponeso rwaisabva mumabasa oga. Kana mumwe munhu akadarika kutenda, aigona kutandaniswa muungano. Kudzorerwa kwakatevera bedzi paufakazi hworupfidzo rwakafanira.—1 VaKorinte 5:11-13; enzanisa na 2 VaKorinte 12:21.

Murangariro Wavo Wenyika

VaAnabaptist vakaziva kuti vaisagona kuvandudza nyika. Kunyange zvazvo Chechi yakanga yava yakabatanidzwa neHurumende chibviro chenguva yamambo weRoma Constantine muzana ramakore rechina N.V., kwavari ikoku hakuna kureva kuti Hurumende yakanga yava yechiKristu. Kubva muizvo Jesu akanga ataura, ivo vaiziva kuti muKristu aifanira kuva “asiri rutivi rwenyika,” kunyange kana ikoku kwakaguma nechitambudzo.—Johane 17:15, 16, NW;Joh 18:36.

Apo pakanga pasina rwisano pakati pehana yechiKristu nefariro dzenyika, vaAnabaptist vaibvuma kuti Hurumende inofanira kuremekedzwa nokuteererwa nenzira yakarurama. Asi muAnabaptist aisabatanidzwa mune zvamatongerwe enyika, kuva nenzvimbo yehurumende, kuva mutongi, kana kuti kupika mhiko. Achiramba zvimiro zvose zvamasimba masimba nesimba, iye haasati aizotorawo rutivi muhondo kana kuti basa rehondo.—Marko 12:17; Mabasa 5:29; VaRoma 13:1-7; 2 VaKorinte 10:3, 4.

VaAnabaptist vaichengeta mupimo wakakwirira wetsika muupfave hune mufungo hwoupenyu, zvikurukuru hwakasununguka pazvinhu nezvishuvo zvokudisa zvenyika. Nemhaka yorudo rwavo rwomumwe nomumwe, ivo vaiwanzotanga misha, kunyange zvazvo vazhinjisa vavo vairamba kugara munzanga senzira youpenyu. Pahwaro hwokuti chinhu chiri chose ndechaMwari, zvisinei, ivo nguva dzose vakanga vakagadzirira kushandisa pfuma yavo yokunyama nokuda kwezvakanaka zvavarombo.—Mabasa 2:42-45.

Kupfurikidza nokusanofundwa kweBhaibheri, zvikurukuru kwaMagwaro echiKristu echiGiriki, vamwe vaAnabaptist vairamba kugamuchira dzidziso yoUtatu yavanhu vatatu muna Mwari mumwe, sezvinopupurira mamwe amanyoro avo. Nzira yavo yokunamata yaiwanzova yakapfava zvikuru, Chirairo chaShe chichiva nenzvimbo chaiyo. Vachiramba mirangariro yamagamuchidzanwa yeRoma Katurike, Lutheran, uye yavaCalvin, ivo vakaona ichi chiito chokuchengeta sechirangaridzo chorufu rwaJesu. “Kwavari,” anonyora kudaro R. J. Smithson, “chakanga chiri chiito chakakomba zvikuru umo muKristu anogona kutora rutivi, kubatanidza kumutsidzirwa kwechibvumirano chomutendi chokupa upenyu hwake chose chose kubasa raKristu.”

Chitambudzo—Uye Pashure

VaAnabaptist vaisanzwisiswa, sezvaiitwa maKristu apakuvamba. Kungofanana navo, ivo vairangarirwa savanovhiringidza mugariro wakasimba wechaunga, ‘kukanganisa pasi rinogarwa.’ (Mabasa 17:6) MuZurich, Switzerland, zviremera, zvakabatanidzwa nomuvandudzi Huldrych Zwingli, zvikurukuru hazvina kubvumirana navaAnabaptist pamsoro pokuramba kwavo kubhapatidza vacheche. Muna 1527 izvo nenzira youtsinye zvakanyudza Felix Manz, mumwe wavatungamiriri vavaAnabaptist, uye zvakatambudza zvakakasharara kwazvo vaAnabaptist veSwitzerland zvokuti vakadokuparadzanywa.

MuGermany vaAnabaptist vakatambudzwa zvakakasharara navose vari vaviri Vakaturike navaPurotesitendi. Murairo woumambo, wakagamuchirwa mugore ra 1528, wakaisa chirango chorufu pavapi navapi vakava vaAnabaptist—uye ikoko pasina chimiro chipi nechipi chokutonga. Chitambudzo muAustria chakaparira vaAnabaptist vazhinjisa imomo kutsvaka upoteri muMoravia, Bohemia, uye Poland, uye gare gare muHungary neRussia.

Norufu rwavazhinji kwazvo vavatungamiriri vapakuvamba, kwakanga kusingadzivisiki kuti vanyanyisi vanofanira kutanhamara. Ivo vakauya nokusadzikama uko kwakatungamirira kunyongano huru nokubva kwakavapo somuuyo pamipimo yakanga yaratidzira mazuva apakuvamba. Ikoku kwaiva pachena nenzira ine ngozi mugore ra 1534, apo vanyanyisi vakadaro nechisimba vakatora hurumende yemanisiparati yeMünster, Westphalia. Gore rakatevera racho guta rakatapwazve pakati pokudeura ropa kukuru nokutambudza. Iyi nhauro yakanga isingatsinhirani nedzidziso yechokwadi yavaAnabaptist uye yakaita zvakawanda kuvazvidza. Vamwe vateveri vakatsvaka kuramba zita rokuti vaAnabaptist vachida zita rokuti “vaBaptist.” Asi zita ripi neripi ravakasarudza, ivo vakangova vanyajambwa vechishoro nevebvunzurudzo yeKaturike zvikuru.

Pakupedzisira, mapoka avaAnabaptist akatama achitsvaka rusununguko rukuru norugare. Nhasi, tinovawana muNorth neSouth America, pamwe chete nomuEurope. Masangano akawanda akapesvedzerwa nedzidziso dzavo dzapakuvamba, kubatanidza maQuaker, vaBaptist vomuzuva razvino uno, uye Plymouth Brethren. MaQuaker anogoverana ruvengo rwavaAnabaptist rwehondo nepfungwa yokutungamirirwa ne‘chiedza chomukati.’

Kupukunyuka kwavaAnabaptist kunoonwa zvakajeka zvikurusa nhasi mumapoka maviri chaiwo. Rokutanga iHutterian Brethren, rakatumidzwa zita romutungamiriri wavo womuzana ramakore rechi 16 Jacob Hutter. Ivo vakaumba dzimba dzenzanga muEngland, Western Canada, Paraguay, uye South Dakota muUnited States. MaMennonite ndirimwe boka. Ivo vanotora zita ravo muna Menno Simons, uyo akaita zvakawanda kuparadza chinyorwa chakaipa chakasiiwa muNetherlands pashure pechinoitika chaMünster. Simons akafa muna 1561. Nhasi, maMennonite anowanwa muEurope neNorth America, pamwe chete namaAmish Mennonite.

“Muenzaniso” Nhasi

Kunyange zvazvo vaAnabaptist vangave vakatsvaka “muenzaniso wamashoko akanaka,” ivo havana kubudirira mukuuwana. Uyezve, mubhuku rake A History of Christianity, K. S. Latourette anoti: “Pakuvamba zvavaiva voufundisi nokushingaira, chitambudzo chakavaparira zvikurukuru kupinda mukati mavo vamene nokuzvichengeta vamene nokuberekwa panzvimbo pokutendeuka.” Uye zvimwe chetezvi ndezvechokwadi kunyange zvino nezvamapoka maduku iwawo anogona kurondwa kusvikira kusangano ravaAnabaptist. Chishuvo chavo chokusiana nenyika nenzira dzayo chakanga chavatungamirira kukuchengeta mitoo yakasiana yomupfekero, yakakurudzirwa noupenyu hwavo kazhinji kazhinji hwenzanga.

Naizvozvo, ipapoka, “muenzaniso wamashoko akanaka” unogona chaizvoizvo kuwanwa here nhasi? Hungu, asi kunotora nguva norudo rwezvokwadi kuuwana. Wadiiko kunzvera kuti uone kana zvaunodavira zvichiwirirana no“muenzaniso” wakaziviswa nenzira youmwari? Hakuna kuoma kuziva riri gamuchidzanwa rakaitwa nomunhu neriri idi rapaMagwaro. Zvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo mako zvichakubetsera nomufaro, nokuti izvo zvimene zvinonzwisisa nzira yazvakabetserwa nayo kunzwisisa “muenzaniso wamashoko akanaka.”

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaAugust 1, 1981, mapeji 12-15.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Zvapupu zvaJehovha zvinobetsera vazhinji kunzwisisa “muenzaniso wamashoko akanaka”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe