RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 11/15 pp. 10-15
  • Asina Kuroora Asi Akakwana Nokuda Kwebasa raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Asina Kuroora Asi Akakwana Nokuda Kwebasa raMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinhu Chikuru Choupenyu hwechiKristu
  • Akakwana Nokuda Kwoushumiri
  • Vanhu Vakaroora “Vakakamukana”
  • Munhu Akaroora Haana Kukwana Here?
  • Asina Kuroora Nokuda kwoUmambo
  • Ongai MaKristu Asina Kuroora
  • Kusaroora—Nzira Inotusa Youpenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Kusaroora—Suo Kumubato Usina Kutsauswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kugutsikana Nebasa raJehovha Usina Kuroora Kana Kuroorwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • “Ucharamba Uchirarama,” Sezvakaita Jeremiya Here?
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 11/15 pp. 10-15

Asina Kuroora Asi Akakwana Nokuda Kwebasa raMwari

“Iyewo anopa umhandara hwake muroorano anoita zvakanaka, asi asingahupi muroorano achaita zviri nani.”—1 VAKORINTE 7:38, NW.

1. Roorano yakabvumikisa sei kuva chikomborero?

JEHOVHA haana kutongokarira murume wokutanga kuramba asina kuroora. Panzvimbo pezvo, Mwari akasikira Adhama mukwanyina weroorano, muvambi wedzinza romunhu. (Genesi 2:20-24; Mabasa 17:26) Uye roorano yakabvumikisa kuva chikomborero chakadini! Iyo yakagovera ushamwaridzani, yakaita kuti kubetserana kubvire, yaiva gadziriro inokudzwa yokubereka vana, uye yakagovera zvikuru kumufarwa wavanhu. Chokwadi, kunyange varombo navadzvinyirirwa vanogona kufarikanya zvisina chitsama chemari chinogona kutenga—rudo rweroorano!—Rwiyo rwaSoromoni 8:6, 7.

2, 3. (a) Chinyorwa chimwe chorudzidziso chakava nomurangariroi wokusaroora neroorano? (b) MuMagwaro, roorano inofanira kurangarirwa sei?

2 Vamwe, zvisinei, vanorangarira roorano nenzira yakasiana. Chinoti chimwe chinyorwa chorudzidziso: “Kusaroora mutemo wavaprista muChechi yokuMadokero unoiswa pavafundisi unorambidza avo vakaroora kugadzwa uye avo vari vafundisi kuroora. Iko kunobatanidza musengwa wokuchengeta rucheno rwakakwana mumhiko. Zvikonzero zvaikoku ndeizvi: kuti avo vari kugadzwa vagobatira Mwari nedonzo rimwe guru (1 VaK. 7:32), uye kuti vachirarama kudaro upenyu hwokuzvidzora vagochengeta mugariro woumhandara, uyo uri mutsvene zvikuru uye wakakwirira kupfuura uyo weroorano. MuTI [Testamende Itsva] mugariro wokusaroora kana kuti woumhandara unosimudzirwa pamwero wakakwirira kupfuura uyo wavakaroora.”—The Catholic Encyclopedia, yakarongwa naRobert C. Broderick.

3 Kunobvira chaizvoizvo here kuti kusaroora kunomanikidzirwa ‘kutsvene zvikuru uye kwakakwirira kupfuura roorano’? Kwete mukuwirirana ne“Testamende Itsva,” iyo inoti muJerusalem Bible yeKaturike: “Mudzimu wakataura zvakajeka kuti mukati menguva dzokupedzisira muchava navamwe vachasiya kutenda ndokusarudza kuteerera midzimu inonyengera nedzidziso dzinobva kuvanadhiabhorosi; uye chisakiso chaikoku inhema dzinotaurwa navanyengeri vane hana dzakapiswa senedare rinopisa zvikuru: ivo vachataura kuti roorano inorambidzwa, uye kuisa mitemo pamsoro pokurega zvokudya izvo Mwari akasika kuti zvigamuchirwe nokuonga navose vanotenda uye vanoziva zvokwadi.” (1 Timotio 4:1-3) Zvomenemene, roorano chipo chinobva kuna Mwari uye yakanaka.—Rute 1:9.

4. Nemhaka ya 1 VaKorinte 7:38, mibvunzoi inomuka?

4 Kunyange zvazvo roorano iri chipo chinobva kuna Mwari, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Iyewo anopa umhandara hwake muroorano anoita zvakanaka, asi asingahupi muroorano achaita zviri nani.” (1 VaKorinte 7:38, NW) Neiko Pauro akaratidzira kuti kwaizova kuri nani kuramba usina kuroora? Ko munhu asina kuroora anofanira kunzwa asina kukwana here? Uye ko kusaroora kunogona kuva kunotusa here?

Chinhu Chikuru Choupenyu hwechiKristu

5. Ndechipi chinofanira kuva chinhu chikuru choupenyu hwechiKristu?

5 Kubatira Jehovha kunofanira kuva chinhu chikuru zvikuru choupenyu hwechiKristu, tingave tisina kuroora kana takaroora. Basa rinoyera rinoitwa nomufaro kuna Mwari rinopa ufakazi hwebatano yedu kwaari saChangamire Wapose pose. Teerero yomwoyo wose nokutora rutivi kwokushingaira muushumiri hwechiKristu inzira dzokuratidzira nadzo batano iyoyo. (1 Johane 5:2, 3; 1 VaKorinte 9:16) Zvose zviri zviviri ushumiri namamwe mabasa okuteerera ari mutsinhirano nokuda kwoumwari zvinogona kuitwa kana munhu asina kuroora.

6. Tingave takaroora kana tisina kuroora, ushumiri hwokushingaira hunotigonesa kuitei?

6 Vaparidzi veevhangeri zvino vari kuita basa rokuparidzira Umambo kurumbidzwo yaJehovha. Uye tingave takaroora kana tisina kuroora, ushumiri hwokushingaira hunotipa banza rokunangidzira imwe yepfuma yedu yomunhu oga namano pabasa raMwari. Asi tinofanira kukudziridza ndokudzora migariro yedu kuti ushumiri hutongorege kuderedzerwa kunzvimbo isingakoshi kuupenyu hwedu. Tinofanira ‘kutsvaka Umambo pakutanga.’ (Mateo 6:33) Kune mufaro uri pakupa ngwariro pafariro dzoumwari panzvimbo pefariro dzedu chete dzomunhu oga.

Akakwana Nokuda Kwoushumiri

7. Muenzanisoi uripo wokuratidza kuti muKristu asina kuroora anogona kuva akakwana nokuda kwoushumiri?

7 MaKristu anogona kuva akakwana nokuda kwoushumiri angave asina kuroora kana kuti akaroora. Naizvozvo mugariro wokusaroora igadziriro isingadi hayo chinjo. (Enzanisa na 1 VaKorinte 7:24, 27.) Shoko raMwari harina murangariro wamarudzi mamwe wokuti murume haasati achisvika mugariro wake wakazara kutoti iye akaroora. Jesu Kristu akafa asina kuroora, uye mwenga womudzimu uri mudenga ndiye bedzi mudzimai Jehovha akabvumira Jesu kuva naye. (Zvakazarurwa 21:2, 9) Bva, Mwanakomana waMwari, kunyange zvazvo asina kuroora somunhu, akanga ari muenzaniso mukurusa womunhu akakwana nokuda kwoushumiri.

8. Sezvinoratidzira Pauro, kuva asina kuroora kunobvumira chii?

8 Zvomenemene, kuva asina kuroora kunobvumira rusununguko rwomunhu oga rukuru nenguva zvoushumiri. Achirumbidza kusaroora, Pauro akati: “Zvino ndinoda kuti murege kuva nokufunganya. Usina kuwana, unofunga zvaShe, kuti ungafadza Ishe wake sei. . . . Usina kuwanikwa unofunga zvaShe.” (1 VaKorinte 7:32-34) Ikoku kunoshanda kumaKristu asina kuroora nokuavo vakamboroora asi vane migariro yakachinja, ichavadzorera kumugariro wokusaroora.—Mateo 19:9; VaRoma 7:2, 3.

9. Muenzaniso waJesu unoratidza sei kuti kuva asina kuroora hakuiti kuti munhu ave asina kukwana nokuda kwoushumiri hwechiKristu?

9 Kusvika ukuru hwomuviri, hwendangariro, uye hwomudzimu kunounza kukwana nokuda kwebasa raMwari. Jesu Kristu akanga asingadi mukwanyina weroorano kuti akwane nokuda kwebasa roMushumiri Mukuru waMwari uye uyo kupfurikidza naye rudzikinuro rwaizogoverwa. (Mateo 20:28) Zvaakanga asina kuroora, Jesu akanga akasununguka kunangidzira masimba ake akazara paushumiri hwake. Mugariro wake wokusaroora wakanga wakasiana zvikuru netsika yechiJudha, mairi roorano navana zvaisimbiswa. Kunyanguvezvo, Jesu aikwanisa zvizere kupedza basa rake rakapiwa naMwari. (Ruka 3:23; Johane 17:3, 4) Nokudaro, kuva asina kuroora hakusati kuchiita kuti munhu ave asina kukwana nokuda kwoushumiri hwechiKristu.

Vanhu Vakaroora “Vakakamukana”

10. Nemhaka yechisungo che“nyama imwe,” chii chakataura Pauro pamsoro paavo vakaroora kana vachienzaniswa naavo vasina kuroora?

10 Mukupesana navanhu vasina kuroora, maKristu akaroora anofanira kuita ushumiri vachiziva chisungo chavo che“nyama imwe.” (Mateo 19:5, 6) Nemhaka yechisungo ichocho nemitoro yacho yakasiana-siana, Pauro akataura kuti vanhu vakaroora “vakakamukana.” Iye akanyora, kuti: “Ini ndinoda kuti imi muve musitongorina funganyo. Murume asina kuroora anoitira hanya zvinhu zvaShe, mawanire aangaita tendero yaShe. Asi murume akaroora anoitira hanya zvinhu zvenyika, mawanire aangaita tendero yomukadzi wake, nokudaro iye akakamukana. Uyezve, mukadzi asina kuroorwa, uye musikana, anoitira hanya zvinhu zvaShe, kuti iye agova noutsvene pose pari paviri mumuviri wake nomumudzimu wake. Zvisinei, mukadzi akaroorwa anoitira hanya zvinhu zvenyika, mawanire aangaita tendero yomurume wake. Asi izvi ndinozvitaura nokuda kwechimuko chenyu chomunhu oga, kusati kuri kuti ndigoteera musungo pamuri, asi kukuswededzai kune checho chiri chakafanira nechecho chiri chinoreva kubatira nguva dzose Ishe musina kanganiso.”—1 VaKorinte 7:32-35, NW.

11. Chii chakanga chichiratidza Pauro pana 1 VaKorinte 7:32-35?

11 Nenzira yakajeka, nokuda kwoupenyu husina kutsauswa zvikuru, Pauro akarumbidza kusaroora. Iye amene angave aiva pfunda isina kusarudza kuroorazve. (1 VaKorinte 9:5) Muchinoitika chipi nechipi, iye aiziva kuti pane funganyo dzinobatanidzwa noupenyu hwokuroora munyika ino. Iye akanga achiratidza rusununguko rwakati urwo maKristu asina kuroora anogona kufarikanya uye kuti fariro dzavatendi vakaroora dzakakamukana sei pakati pezvinhu zvokunyama nezvomudzimu. Munhu akaroora haashandisi chiremera chakazara pamuviri wake, nokuti mukwanyina wake inyama imwe naye uye naizvozvo ane maruramiro pamuviri wake. (1 VaKorinte 7:3-5) Nemhaka yaikoku, Pauro akataura nomazvo kuti muKristu asina kuroora anokwanisa kuva mutsvene, ndiko kuti, akatsaurwa zvizere uye akachengeterwa kushandiswa zvakananga naJehovha Mwari, mose muri muviri mumuviri nomumudzimu.

12. Zvaasina mukwanyina, chii chinogona kuita munhu asina kuroora?

12 Mudzimu womuKristu asina kuroora, kana kuti kombamiro yendangariro, unomusunda kubasa rokushingaira, risingavhiringidzwi roUmambo hwaMwari. Zvaasina mukwanyina anoda kudzorwa kusina kukwana kwomuviri wake, iye anogona kutevera mudzimu, kana kuti kombamiro, wendangariro yake nomwoyo. Iye anogona kuva nyanzvi pabasa raJehovha nokupiwa kwomuviri nendangariro. Naizvozvo munhu asina kuroora kana kuti mukadzi anogona kutarira zvakanakisisa kukufadza Ishe bedzi norusununguko rukurusa rwomunhu oga. Hatigoni nenzira yakarurama kusabvumirana neizvo Pauro akataura, nokuti Jehovha akaona kwakakodzera kuti kunyorwe nokuda kwomuraidzo wedu.

Munhu Akaroora Haana Kukwana Here?

13, 14. Inzirai yakaipa inozvidza chisungo che“nyama imwe” uye ingaita kuti munhu akaroora ave asina kukwana nokuda kwoushumiri hwechiKristu?

13 Nepfungwa yakaipa yokuti angagona kuita zvakawanda mubasa raMwari, mamwe maKristu akaroora angaderedzera roorano yawo kunzvimbo yakati ivei isingakoshi muupenyu. Somuenzaniso, mudzimai angatanga kuita nenzira yokuzvimirira pamurume wake munzira dzinokosha. Murume angava akanyanyobatikana nemibato yeungano. Mumigariro yakadaro, ivo vangagumisa kuti vari kuita zvakanaka zvikuru mubasa raJehovha. Zvomenemene, zvisinei, vangave vachitora nzira inozvidza chisungo che“nyama imwe.” Kana kwakadaro, ikoko kungava kusingafadzi Jehovha.

14 Kutaura idi, kuzvidza chisungo che“nyama imwe” kwaizoita kuti munhu akaroora ave asina kukwana nokuda kwoushumiri hwechiKristu. Roorano haiwedzeri kukukwana kwomushumiri asi inoderedza ngwariro yomunhu oga iyo inogona kupiwa kuushumiri. (Enzanisa naRuka 14:16, 17, 20.) Bva, kana vanhu vakaroora vachizofadza Mwari ndokuva vakakwana savashumiri vake, ivo vanofanira kurarama mukuwirirana nemisengwa yavo yeroorano.

Asina Kuroora Nokuda kwoUmambo

15. (a) MaKristu asina kuroora anofanira kusakurira varai? (b) Ipfundoi guru pamsoro peroorano nokusaroora rinoita Pauro pana 1 VaKorinte 7:36, 37?

15 Nepo vabatiri vakaroora vaJehovha vachifanira kurarama mukuwirirana nemisengwa yavo yeroorano, maKristu asina kuroora anofanira kusakurira gutsikano mukukwana kwawo kwokusaroora. Pauro akati: “Asi ndinoti kuna vasina kuwana, nokuchirikadzi: zvakanaka kuti vagare; [vasina kuroora]. Wakabatanidzwa nomukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa pamukadzi here? Usatsvaka mukadzi.” (1 VaKorinte 7:8, 27) Nebetsero yaJehovha, somunhu asina kuroora, sakurira mugariro wakagadzikana uyo Mwari anobvirisa. Chinjo ipi neipi yomugariro haisati ichifanira kuva mhedziso yakasarudzwa pachine nguva mberi, nhau chete yomuitiro kana kuti kuita kudzvinyiriro yavaenzani. Panzvimbo pezvo, inofanira kubva muchinodikanwa chapaMagwaro, nokuti Pauro akati: “Asi kana mumwe achifunga kuti haaitiri mukunda wake, yava mhandara, zvakafanira, iye zvaatokura kwazvo hake, kana zviri nani kuti zviitwe, ngaaite nokuda kwake, haatadzi; ngavawamiswe havo. Asi uyo unomira akasimba pamwoyo pake, asingamanikidzwi nechinhu, asi ane simba pamsoro pokuda kwake, akatema mumwoyo make chinhu ichi, kuti uchachengeta mhandara yake, iye unoita zvakanaka.”—1 VaKorinte 7:36, 37.

16. (a) Kunorevei kuva “atokura kwazvo hake”? (b) MuKristu anoramba asina kuroora anofanira kuva anopwiswa nezvechii?

16 Nokudaro Pauro akaratidza kuti hakusati kwaizova kwakaipa kuroora kana munhu akanga achizvibata nenzira isakafanira kuumhandara hwake, kunyange zvazvo muapostora pasina panikiro akanga asiri kunongedzera kuchivi chakakomba. Sezvaakataura pakuvamba, “Zviri nani kuti vawane pakutsva.” (1 VaKorinte 7:9) Chokwadika, iye akanga achinongedzera kuroorano mumigariro iya kana mumwe munhu akanga “atokura kwazvo hake,” kupfuura nguva apo fariro yevatano yakatanga kuva yakasimba. Kudai munhu akura aiva ne“simba pamsoro pokuda kwake” uye akanga asarudza zvakasimba mumwoyo make kubvumira kusaroora, iye aizoita zvakanaka. Kusaroora kunobudirira hakurevi kudzvinyirira chishuvo chinonetsa nechinodokukurira cheroorano noupenyu hwemhuri. Panzvimbo pezvo, muKristu anosarudza kuramba asina kuroora anofanira kuva anopwiswa zvizere pamwoyo kuti kuchengeta kusaroora kwakarurama muchinoitika chake uye anofanira kuva anodisa kushandisa nhamburiko ipi neipi inodikanwa kuchengeta mugariro iwoyo woutsvene. MuKristu anoita saizvozvo aizova nezvinotsausa zvishoma zvikuru norusununguko rukuru rwokubatira Ishe.

17. Mukuwirirana naJesu, neiko vamwe vachiramba vasina kuroora?

17 MaKristu asina kuroora achabetserwa kuchengeta mugariro wokusaroora kana akasakurira ndangariro yaJesu Kristu. Kunyange zvazvo iye akanga asina kuroora mutsika yaisimbisa roorano, iye akapa nguva yake nezvipo paushumiri hwake husingadzokororwi. Kufanana naJesu, muKristu asina kuroora anogona kufarira chipo chokusaroora icho Mwari anopa avo vanochiwanira nzvimbo. Pamsoro paikoku, Jesu akati: “Vose havagamuchiri shoko iri, asi avo vakazvipiwa. Nokuti ngomwa dziriko, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu raamai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo, dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwokudenga. Ungagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.”—Mateo 19:11, 12.

18. Chii chinodzivisa “ngomwa” nokuda kwoUmambo kusaroora?

18 Jesu haana kutaura kuti munhu asina kuroora mukuru kumunhu akaroora. Iye haana kukurudzira kusaroora kungova bedzi noupenyu hwokusafunganya, uye iye zvirokwazvo haana kukurumbidza kuitira kuti munhu asina kuroora agogona kuparadzira ngwariro dzake kuchiverengero chakati chavakadzi kana kuti varume. Aiwa, asi avo vanozviita vamene “ngomwa” nokuda kwoUmambo vanhu vakarurama mutsika vanowanira nzvimbo ikoku mumwoyo yavo. Chii chinovadzivisa kuroora? Kwete urema hwakati hwomuviri asi chishuvo chikuru chokuzvishandisa vamene zvizere sezvinobvira kubasa raMwari. Basa irori rinokosha zvikuru zvino sezvo Umambo hwakagadzwa mudenga muna 1914 uye “aya mashoko akanaka oumambo” achifanira kuparidzirwa mupasi rose nokuda kwouchapupu mugumo unokurumidza kusvika wetsika ino yakashurikidzwa yezvinhu usati wasvika.—Mateo 24:14, NW.

Ongai MaKristu Asina Kuroora

19. Pamsoro paavo vanoramba vasina kuroora nokuda kwoUmambo, chii chinofanira kuita maKristu ose?

19 MaKristu ose anofanira kuonga nokukurudzira avo vanoramba vasina kuroora nokuda kwoUmambo. Pashure pokurangarira zvose, kuva asina kuroora kunoreva “kuti munamatire Ishe, musingakanganiswi.” (1 VaKorinte 7:35) Vabereki vachaita zvakanaka kudzidzisa vana vavo chinotaura Bhaibheri pamsoro pomugariro wokusaroora nebetsero dzawo nokuda kwebasa raJehovha. Tose zvedu tinogona kukurudzira vatendi biyedu vasina kuroora uye hatitongofaniri kunetesa chisarudzo chavo chokuramba vasina kuroora nokuda kwoUmambo.

20. Kana iwe uri muKristu asina kuroora, chii chaunofanira kuita?

20 MaKristu asina kuroora anogona kufara savashumiri vakakwana vaMwari. Munguva dzino dzokupedzisira, anofara kugoverana mubasa rinokosha rokuparidzira Umambo. Naizvozvo, kana iwe usina kuroora, farira kushandiswa naJehovha somushumiri wechiKristu akakwana asina kuroora. ‘Zviitire ruponeso rwako norutyo nokudedera, uchipenya somuvhenekeri munyika, uchibatisisa shoko roupenyu.’ (VaFiripi 2:12-16) Isa ngwariro pafariro dzoUmambo sezvaunoramba wakabatanidzwa nouhama hwamarudzi ose hweZvapupu zvaJehovha ndokuita ushumiri hwechiKristu. Kuita saizvozvo somunhu asina kuroora inzira inotusa youpenyu, sezvatichaona.

Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?

◻ Ndechipi chinofanira kuva chinhu chikuru choupenyu hwechiKristu?

◻ Neiko vabatiri vasina kuroora vaJehovha vachigona kuva vakakwana nokuda kwoushumiri hwechiKristu?

◻ Munhu akaroora angagona kuva asina kukwana munzirai?

◻ Kunorevei kuva “ngomwa” nokuda kwoUmambo?

◻ Tinofanirirei kukurudzira maKristu asina kuroora?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kunyange zvazvo akanga asina kuroora, muapostora Pauro akanga akakwana

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jesu akanga ari muenzaniso mukurusa womunhu akakwana nokuda kwoushumiri

[Mufananidzo uri papeji 15]

Iwe unoonga here avo vanoramba vasina kuroora nokuda kwoUmambo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe