RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 11/15 pp. 3-4
  • Ko Rudzidziso Rwakagovera Zvinodikanwa Zvedu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Rudzidziso Rwakagovera Zvinodikanwa Zvedu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Mashoko Akafanana
  • Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!
    Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!
  • Kusanotarisisa Rudzidziso
    Mukai!—1989
  • Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 11/15 pp. 3-4

Ko Rudzidziso Rwakagovera Zvinodikanwa Zvedu Here?

MARIA akanga ari munani weRoma Katurike kwamakore 21. Iye akakurira mumhoteredzo yorudzidziso zvikuru. Chokwadi, kunyange somwana, iye aimuka usiku kuti anyengeterere vamwe! Pakupedzisira, zvisinei, urombo, kutambura, uye kusaruramisira izvo zvakapfuurira pasinei zvapo nezviuru zvamakore epesvedzero yorudzidziso zvakamuita kuti ashamisike: ‘Ko rudzidziso rwakagovera chaizvoizvo zvinodikanwa zvedu here?’

Marudzidziso mazhinjisa anotsigira mipimo yakakwirira nenheyo dzetsika. Asi rudzidziso runowanzorangarirwa sorunosakisa zvinetso, ruchiwedzera kuzvitambudzo zvedu, panzvimbo pokugovera zvinodikanwa zvedu. Somuenzaniso, rangarira idzi tsinhiro dzakaitwa navacherechedzi vorudzidziso: “Chikonzero chikurusa choubhinya hwoutsinye ndechorudzidziso.” (National Review) “Sundo huru yehondo haisati ichasiri makaro asi rudzidziso.” (Toronto Star) “Kuuraya kukuru ‘kwose kwakaitwa namaKristu akabhapatidzwa.’”—The Tampa Tribune.

Kunomboshamisa here kuti vanhu vanoramba kutaura kworudzidziso kwokuti mugoveri wezvinodikanwa zvedu? Ivo vakaona chibereko charwo. Somuenzaniso, “rwakanga rwuri Shinto, rudzidziso rwemo rweJapan, urwo rwakanga rusina kungopa bedzi tsigiro yarwo yomwoyo wose kugadziriro yehondo asi rwakanga rwagovera chikonzero chayo chimene,” yakadaro The Christian Century. Marudzidziso mangani akaita izvozvo chaizvo—‘akapa tsigiro yomwoyo wose kugadziriro yehondo’! Funga nezvokuuraya nezvirango zvakapfuuridzirwa navaBuddha navaHindu muSri Lanka, kuponda noutsinye zvinobatanidza Vakaturike namaPurotesitendi muIreland—chokwadi, ndaza yacho inoratidzika kuva isingagumi! “MaHindu, maMoslem, maSikh namamwe masekete zvave zvichitsvukisana ropa kwamazana amakore muIndia,” yakachema kudaro U.S.News & World Report.

Vamwe vangasaona rudzidziso sesimba rezvakashata, asi ivo zvirokwazvo havasati vachirurangarira sesimba rine simba rezvakanaka. National Catholic Reporter yakataura nezve“kundikano yechechi yenguva dzose yokutarisira zvakakwana zvinodikanwa nezvinoshaikwa zvavanhu.” Uye pepanhau Liberty rakataura kuti chaunga chinoratidzika kuva chinorangarira mukuru worudzidziso so“mukomboreri-muyeresi-muropafadzi” anongobudiswa bedzi panhambo chaidzo. Iro rakati: “Mundangariro dzavanhu vazhinji iye ndiye mufundisi anorega zvinhu zvakaita sezvazvakaita.” Ko iwe wakarangarira dzidziso nenzira iyoyo here—rusingatikuvadzi asiwo rusingatiitiri zvakanaka zvakawanda?

Rudzidziso nhasi rwakaita zvikuru sezvarwakanga rwakaita apo Jesu Kristu akanga ari pasi pano. Iye akataura kuti vatungamiriri vorudzidziso vomuzuva rake vaikudza Mwari bedzi nemiromo yavo. Muuyo wemiitiro yavo waiva wokuti ivo vakawedzera kumitoro yavanhu panzvimbo pokugovera zvinodikanwa zvavo. “Vanosunga mitoro inorema inotambudza kutakura, vachiiisa pamafudzi avanhu,” iye akadaro. (Mateo 23:4) Nhasi, rudzidziso runopikira zvakawanda asi runoratidzika kuva runoita zvishoma zvikuru. Naizvozvo pane chikonzero chipi nechipi here chokudavira kuti rudzidziso runogona kuita zvinodikanwa zvedu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe