Wedzero Yakaisvonaka “Mberi Kwamakomo”
HAITI yakanga iri ripabhureki yokutanga yavatema muMadokero kuwana kuzvitonga. Zita rayo rinobva mumutauro weIndia weArawak uye rinoreva “makomo.” Zvamazvirokwazvo, pane chirevo chekare cheCreole chinotaura kuti: “Seri kwamakomo kuna makomo.” Iyi irondedzerwo yakanaka yenyika yeHaiti.
Mumakore achangobva kupfuura aya, chimwe chinhu chinoshamisa chave chichiitika muno “mberi kwamakomo.” Zviverengero zvinowedzera zvakagamuchira kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo ndokutsigira Jehovha naMambo wake akagadzwa. (Isaya 60:22) Pakasvika 1980 avhareji yavaparidzi vanodokusvika 3 000 yakanga ichishuma basa romumunda mwedzi mumwe nomumwe, uye hofisi yebazu mudzimbahwe rePort-au-Prince yaiva duku zvikuru zvokusagona kutarisira zvinodikanwa zvavo. Nzvimbo itsva yakanga ichidikanwa. Naizvozvo muna November 1984 kuvakwa kwezvivako zvitsva kwakavambwa muSanto, nzvimbo yakaisvonaka kunze kwePort-au-Prince.
Kutanga, nzvimbo yacho yaifanira kupoteredzwa namadziro akareba mafiti 4 000. Kambani yomunzvimbomo yakagadzira zvikamu zvekongiri zvaaya madziro, asi Zvapupu zvomunzvimbomo zvakahayiwa, uye vazvipiri vazhinji vakashanda pakupera kwamavhiki kuti vaite basa racho. Ipapo basa rokuvaka rakavambwa, uye munhambo yamakore matatu, vazvipiri vakawanda sezana rimwe vakabva muungano dzePort-au-Prince vakabetsera pakupera kwamavhiki. Mitezo yePurogiramu yaVashandi voKuvaka voKuzvipira vaMarudzi Ose yakabva kuUnited States, Canada, uye dzimwe nyika—vazhinji pandyiko yavo vamene—kuzobetsera.
Sezvo kuvaka kwakafambira mberi, chinetso chisina kudeya kuonekwa chakamuka. Parutivi rumwe rwenzvimbo pane divi. Mukati momwaka wemvura, mvura inofashama ichidzika nomudivi macho, ichiparira kukukurwa kwakati kwevhu. Ikoku pakupedzisira kungadai kwakasakisa kupunzika kwefenzi kurutivi irworwo rwenzvimbo. Naizvozvo madziro anobata akavakwa mugova chaimo uye nzvimbo yacho zvino yakasanodzivirirwa pamvura dzinopenga dzinodzika mukati momwaka wemvura.
Nebetsero yaJehovha, zvivako zvakaisvonaka pakupedzisira zvakapedzwa. Bheteri chivako chakaita saU chakaitwa nezvikamu zvekongiri namabhuroko. Rutivi rwayo rwokuruboshwe rune kamuri dzokurara tsere, randuri, uye raibhurari. Rutivi rwokurudyi inzvimbo yamabhuku. Pamberi pechivako, kamuri rokusvikira hombe rinokwana zvakanaka hama dzinosvika dzichibva kumativi akasiana-siana enyika panguva dzakasiana-siana mukati momwedzi kuti dzitore odha dzamagazini namabhuku zveungano dzavo dzakatsaukana. Pamberi panewo hofisi, kamuri rokudyira, uye nharaunda dzekicheni.
Pamwe chete nehofisi yebazu, Horo itsva yaMagungano yokugara vanenge 3 000 yakavakwawo panzvimbo yacho. Mativi maviri ehoro akazaruka, kuitira kuti avo vakagara mukati vagotonhodzwa nguva dzose nemhepo—betsero yakanaka pazuva rinopisa reHaiti. Panewo kicheni yazvino uno, yakashongedzerwa zvizere nezvokugovera donhodzo, pamwe chete nedziva rorubhapatidzo neshopo yomuvezi. Nzvimbo yacho yakagadzirwa zvakanaka namakwenzi namaruva zvomumativi apasi anopisa.
Pakasvika mavambo a 1987, chiverengero cheZvapupu zve“mberi kwamakomo” zvakanga zvawedzera kupfuura 4 700. Chaiva chinoitika chakaisvonaka zvakadini kuti vose ivava vaungane pamwe chete pana January 25, 1987, nokuda kwokutsaurirwa kweizvi zvivako zviviri zvakaisvonaka! Hama dzokumwe dzakanga dzashanda panzvimbo yacho pakuvamba dzakadzokera nemhuri dzadzo kuzogoverana nhambo yacho.
Purogiramu yetsauriro yakavamba mukuvamba kwamasikati nemitezo yakasiana-siana yeDare reBazu ichitsanangura kudikanwa kukuru kwaivapo kwezvivako zvitsva nemhaka yewedzero yakaisvonaka yakanga ichiitika muHaiti. Pashure pokutindika kupfupi, vane 5 384 vaivapo vakavaraidzwa nepurogiramu yamasiraidhi anoratidza mwero yakasiana-siana yebasa rokuvaka.
Pakupedzisira, hurukuro yetsauriro yakakurukurwa naCharles Molohan, mutariri wedzinyika anoshanyira akabva Brooklyn, New York. Hama Molohan akataura nezvoukoshi hwokuvaka nokuda kwenamato yechokwadi yechiKristu. Iye akakurukura kuti Noa nemhuri yake vaiva sei pakati pavashandi vokuvaka vapakuvamba zvikurusa, uye kupedza kwavo nokutendeka mugove wavo webasa kwakareva kupukunyuka nokuda kwemhuri yavanhu, pamwe chete nokupfuurira kwenamato yechokwadi pasi pano. Imwe gadziriro yokuvaka yakare yaiva tembere yaHerodhe, asi iyoyi pakupedzisira yakaparadzwa nemhaka yokuti haina kushandiswa kusimudzira namato yechokwadi. (Mateo 23:38) Nhasi, tinofanira kuva vakabatikana kuvaka kutenda namamwe mavara echiKristu kana tichizodzivisa mugumo wakafanana.
Yakanga iri nhambo inonyandura zvirokwazvo neinofadza. Pashure pokunge yapera, vose vaivapo vakadzokera kumisha yavo yakatsaukana vachiziva kuti ichi chivako chitsva chiri munyika ye“mberi kwamakomo” chichapfuurira kuita basa rinokosha mukuunganidzwa kwavanamati vechokwadi murutivi urwu rweCaribbean.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Zviono zvehoro yamagungano (pamusoro kurudyi), nezvomusha mutsva webazu