RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 10/15 pp. 27-30
  • Kuzarura Nzira Yokuwedzero muGibraltar

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzarura Nzira Yokuwedzero muGibraltar
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Zvokwadi yeBhaibheri Inosvika Gibraltar
  • Kuparadzaniswa—Chinetso Chechienzi
  • Kuzarurwa Kwomuganhu Kunotungamirira Kuwedzero Youshe
  • Kariro Dzomunguva Yemberi
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 10/15 pp. 27-30

Kuzarura Nzira Yokuwedzero muGibraltar

NHANDARE inooneka zvakazara uri muGibraltar—iri kure neinenge bedzi maira imwe. Bva, kwamakore anopfuura 13, vaGibraltar vaitofanira kuita rwendo rwaanenge maawa gumi kusvikako. Irwo rwaibatanidza kufamba nomugungwa kutanga kuNorth Africa, ipapo kudzokera kuSpain, uye pakupedzisira kukwira bhazi. Neiko kwaifanira kuva norwendo rurefu kwazvo kusvika kunzvimbo iri pedyo kwazvo?

Muna 1969 hurumende yaFranco yeSpain yakavhara muganhu panyika nhete inobatanidza Spain neGibraltar. Wakanga uri muuyo wegakava pakati peSpain neBritain pamsoro poudzori hwenyika pamsoro peRock, seizvo Gibraltar inowanzodanwa. Kunetseka kwakadaro, zvisinei, kwakanga kusiri kutsva nokuda kwavaGibraltar. Nemhaka youkoshi hwayo chaihwo mune zvehondo, Gibraltar yave iri nhare yakawanzoparadzaniswa nenyika dzakapoteredza.

Pakuvamba muzana ramakore regumi nerechisere, vavhozhokeri veMoor pasi paṬārik vakatapa ichi chidimbu chenyika ndokuchiti “Jabal Ṭāriq” (gomo raṬārik), iro chibviro chenguva iyoyo rakashatiswa kuva “Gibraltar.” VaMoor vakasimbisa zvakasimba Rock, iyo inosvika panenge mafiti 1 400 pamusoro pomwero wegungwa. Mumazana ose amakore apfuura, yave iri chiono chokukomba kunoverengeka kwakaitwa namaMoor navaSpain. VaSpain pakupedzisira vakatora Gibraltar muna 1462, vachiitonga kusvikira muna 1704, apo maBritish akaitapa ndokuvaka nzvimbo yengarava dzehondo imomo.

Mukuwedzera kumauto, vanhu vakabva munyika dzakawanda vakagara mutaundi iro riri munyasi meRock, kuchisakisa chiverengero chavagari vemo vakavhengana vakabva zvikurukuru muvagari veMoor, Spain, Britain, Hebrew, uye Genoese. Voruzhinji vavagari vemo zvino vanotaura chiSpain nechiNgezi.

Zvokwadi yeBhaibheri Inosvika Gibraltar

Munguva dzazvino uno, mbeu dzezvokwadi yeBhaibheri dzakatanga kusimwa muGibraltar muzhezha ra 1958. Zvapupu zvaJehovha zvaifamba kundopinda kokorodzano muLondon, England, zvakashandisa panosvikira ngarava pavo paGibraltar kuparidzira mashoko akanaka oUmambo. Vamwe vagari vemo vakagamuchira kuzvinyoresa kweNharireyomurindi.

Vafundisi vaviri vakasvika muGibraltar gore rakatevera racho kundodiridza idzi “mbeu.” Asi zviremera zvakatera kudzvinyiriro yavatungamiriri vorudzidziso ndokutandanisa vavirivo pashure pamakore maviri. Bva, boka duku reZvapupu 25 rakanga raumbwa, uye basa ravo rokutendeka mumakore apfuura rakatuswa newedzero yakatsiga, kusvika vazivisi voUmambo 132 muna March 1987. Zvamazvirokwazvo, uku kukura kunopupurira tsungiriro yeungano mukutarisana nezvinetso zvokuGibraltar.

Kuparadzaniswa—Chinetso Chechienzi

Kunze kwezvinetso zvemari nezvefambidzano izvo pakupedzisira zvakamuka zvichibva mukuvharwa kwomuganhu, Zvapupu zvaJehovha zvakadziviswa zvakakomba kwazvo mukusonganirana navamwe vokutenda kwazvo muungano dziri pedyo muSpain. Mukati mamakore 13 okuvharwa kwenyika, zvisinei, hazvina kurasikirwa nezvokudya zvomudzimu zvakapfuma zvinopiwa pazvose zviri zviviri magungano edunhu nekokorodzano dzoruwa. Purogiramu nguva dzose yaidzokororwa gare gare paHoro yoUmambo yomunzvimbomo muGibraltar.

Kuparadzaniswa kwakamanikidzirwa kwakapa muedzo chaiwo nokuda kwavaduku veungano. Vaganhurirwa kunharaunda ina mamaira akaenzana kumativi mana 2,25 yeGibraltar, ivo vaifanira kuita nokuchenjera kutarisana nezvirevo zvenhau dzourudzi, kudisa zvenyika, uye roorano.

Roorano? Hungu, nokuti kuganhurirwa kuungano yavo duku chete kwakaganhurira banza ravo rokuwana mukwanyina weroorano akakodzera. Mitezo yavanhukadzi yeungano yakagamuchira kokero dzakawanda dzakabva kupwere dzenyika dzaida kuronga misi yokundovhakacha nadzo. Zvapupu zviduku zvomuGibraltar zvaitofanira kufungisisa zano rokuchenjera reBhaibheri rokuroora “bedzi munaShe.”—1 VaKorinte 7:39, NW; enzanisa naGenesi 24:1-4.

Muchinoitika chimwe Chapupu chiduku, chichifuratira zano rinobva kuMuvambi weroorano, chakatanga kuronga misi yokundovhakacha nomusikana womunzvimbomo uyo akanga asiri mutezo weungano. Asi betsero yokushivirira yavakuru vomuungano yakamuita kuti afunge zvakakomba zvikuru pamsoro pengozi dzinobatanidzwa. Pakupedzisira, iye akasvika musikana wake ndokumuudza kuti kunyange zvazvo aimuda zvakasimba, zivo yake yeBhaibheri yakamusungira kugumisa ukama hwavo. ‘Ndinoda kuroora musikana wandinogona kurarama naye nokusingaperi, kwete chete nokuda kwamakore mashomanene,’ iye akatsanangura kudaro.

Kunyange zvazvo akashamiswa nokukangaidzwa, iye akaitwa kuti afarire kuziva icho chaizvo chaigona kumufadza zvikuru kupfuura ushamwaridzani hwake. Pakupedzisira iye akatanga kufunda Bhaibheri. Icho chakatanga sechishuvo chokuda kuziva chakakura kuva fariro yechokwadi, uye iye akaita fambiro mberi yokukurumidza muzvokwadi uye akabhapatidzwa. Pashure peiyi ratidziro yakajeka yechishuvo chake chokubatira Jehovha, hama yakamutsidzira nyengano. Nguva yakati gare gare ivo vakaroorana nomufaro, vachiwana chikomborero chokutevera zano rokuchenjera raJehovha pamsoro peroorano.

Kuzarurwa Kwomuganhu Kunotungamirira Kuwedzero Youshe

December 14, 1982, akaona kuzarurwa kwesuo ravanofamba netsoka pamuganhu. Ipapo pana February 6, 1985, kupfuura norusununguko kwakadzorerwa zvakakwana. Vanhu vakapinda mumugariro wakasununguka zvikuru. Ichishandisa ichi chinoitika, ungano yomunzvimbomo yakawedzera basa ravo rokupupurira ndokushandisa nhambo dzokusangana pamwe chete mukuungana kukuru zvikuru. Vanhu vanodisa zvino vakava namabanza makuru zvikuru okusvika pakuziva rudo netsinhirano zviripo pakati pamapoka akaungana aJehovha.

Somuenzaniso, mumwe murume ane mudzimai akanga ave ari Chapupu kwamakore 20 akasarudza kugamuchira kokero yokuperekedza mudzimai wake navana sezvavakapinda gungano redunhu muSpain. Iye akafarikanya purogiramu nesonganiro zvikuru kwazvo zvokuti iye akasarudza kugara nokuda kwezuva rechipiri. Apo gungano rakaguma, iye akakarakadzirwa fundo yeBhaibheri yapamusha. “Zvokona neiko?” iye akapindura kudaro, achiwedzera kuti, “Zvakadiniko nokutanga vhiki rino?” Mudzimai wake, pashure pamakore marefu okunyengeterera muuyo wakadaro, akafara zvikuru.

Kushandisa zvakazara mabanza okuwedzera okuparidzira, chiverengero chakati cheZvapupu zvinobatira samapiona ebetsero (avo vanopa maawa 60 pamwedzi kuushumiri hwapachena) chakawedzera. Mubato wokushingaira wakadaro wakaparira wedzero ye 35 muzana muungano chibviro cha 1982.

Kupupurira kwamasanga kwakaitawo rutivi rukuru mukukura kweungano. Zvapupu zviviri zvaiita nzvero panosvikira ngarava mukati mebasa razvo rokunyika zvakacherechedza New World Translation Bible yakanga iri pachena napamwena wekagwa. Nokukurumidza, ivo vakatsvaka mwene. Iye aiva mukuru wapanoburukira vanhu vachibva mungarava, uyo akanga afunda neZvapupu zvaJehovha muBritain pamberi pokugara misi ichangobva kupfuura iyi muGibraltar. Iye akamutsiridza nokudisa fundo yake ndokuita fambiro mberi yokukurumidza pamwe chete nomufambidzani wake wechikadzi. Nokukurumidza ivo vakanyoresa mugariro wavo weroorano uye vakabhapatidzwa. Ava varoorani vechiBritish zvino vanopa yakawanda yenguva yavo muushumiri vachishanda pakati penzanga inotaura chiNgezi uye vave vari vebetsero mukuumbwa kweboka refundo ipapo.

Fundo yeBhaibheri imwe yavakatanga yaiva naTim naTracy, varoorani vaduku vaigara murejimendi. Kunyange zvazvo Tim airidza trombone mubhendi yerejimendi, iye akatsunga kuzvipa amene zvizere kufariro dzoUmambo dzine rugare dzaJehovha. Hama dzokunyama dzakaunza dzvinyiriro pavavirivo, dzichivakurudzira kurega kusonganirana neZvapupu. Zvisinei, ivo vakapfuuridzira fundo yavo yeBhaibheri ndokuva vakasimba zvikuru mukutenda kwavo.

Tim akakumbira kubudiswa, kunyange zvazvo pakutanga akanga anyoresa kwenhambo yamakore matanhatu. Apo kuhwirudzurwa kwenhau yake kwakaratidzika kuva kunononoka zvisiri madikanwa, Tim akatanga kutaura nachiremba wavarwi, achitsanangura kuti kusava nechokwadi kwenguva yavo yemberi kwakanga kuchitapura zvakaipa mudzimai wake. Chiremba akabvumirana uye akashandisa pesvedzero yake kukurumidzisa hwirudzurwo. Nokukurumidza Tim akachinjirwa shure kuEngland nerejimendi yake, uko pakupedzisira akawana kubudiswa kwake. Zvino vose vari vaviri vanobatira seZvapupu zvakazvitsaurira.

Kariro Dzomunguva Yemberi

Izvo muganhu wakazarurwa, Zvapupu zvomuGibraltar zvakakwanisawo kupa betsero kuungano dzeSpain dzapedyopo. Idzo dzinoparidzira muCosta del Sol (Sun Coast), ine mukurumbira umo vanhu vanotaura chiNgezi vakawanda vanowanwa.

Kunyange zvazvo “mubvunzo weGibraltar” uchiri usati wapedzwa mumurangariro wezvamatongerwe enyika, Zvapupu zvaJehovha muGibraltar neSpain zvakabatana chose chose mumudzimu, sezvakuri kwechokwadi mupasi rose. Izvo zvinoisa chivimbo chazvo mu“Dombo” ane simba risingagumi, zvichitaura mashoko owezvamapisarema, anoti: “Uyai, tiimbire Jehovha; ngatipururudzei Dombo rokuponeswa kwedu.”—Pisarema 95:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe