RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w87 10/15 pp. 4-7
  • Rudo Nokuda kwaMwari—Simba Retsika Dzakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo Nokuda kwaMwari—Simba Retsika Dzakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mirairo Gumi—Simba Rezvakanaka
  • Chii Chinoreva Rudo Nokuda kwaMwari?
  • Rudo rwaMwari Simba Rezvakanaka
  • Rudo Harutongokundikani
  • “Kuda Mwari Kunoreva Izvi”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Mutemo Worudo Pamwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ida Mwari Anokuda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Zvinorehwa Nokuda Muvakidzani Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
w87 10/15 pp. 4-7

Rudo Nokuda kwaMwari—Simba Retsika Dzakanaka

VANHU vane mufungo vachabvuma nyore nyore kuti utere hunofanira kudzorwa. Mumwe mufundisi weUnited Church yeCanada akati: “Miuyo yacho, apo vanhu vamwe navamwe nechaunga vanofuratira mutemo wetsika, inotyisa; hondo, kukwira kwemitengo, Ushati, uye nyongano.” Sezvaratidzwa munyaya yapfuura, marudzidziso makuru enyika ino haana kubvumikisa kuva simba rakasimba retsika dzakanaka. Naizvozvo kana isu somunhu oga tichida kurarama upenyu hwakanaka, tinofanira kutarira kuchimwe chiremera kuti chigovere simba rakadaro uye ipapo kuva anodisa kurarama mukuwirirana nechiremera ichocho.

Pesvedzero yechiremera chikuru chakadaro yaiva pachena muchinoitika chomuupenyu hwaJosefa, mutarisiri wechiHebheru weimba yomukuru mukuru womuEgipita. Apo akanyengedzwa nomudzimai womukuru mukuru wacho kuti avatane naye, Josefa akadzivisa, achiti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” (Genesi 39:7-9) Kuziva chiremera chaMwari nokushuva kumufadza zvakapa Josefa simba retsika rokudzivisa kuedza kwake.

Makore ane mazana maviri gare gare rudzi rwaIsraeri vazukuru vababa vaJosefa, Jakobho, vakagamuchira Mirairo Gumi sorutivi rwoMutemo wakapiwa nokuna Mosesi. Nepo kusateerera kwakawana kusafarira kwaJehovha Mwari, kuteerera uyu Mutemo kwakaunza zvikomborero zvoumwari. Naizvozvo iyi mirairo yakabatira senhungamiro yetsika nokuda kworudzi rwacho.

Mirairo Gumi—Simba Rezvakanaka

Mirairo Gumi yaiva simba rakasimba sei? Pesvedzero yayo ichiri kunzwiwa kunyange muzana rino ramakore rechi 20. Muna 1962 mutongi mukuru wapanguva iyeyo weNew Zealand akati: “Ndinofunga kuti vanhu vanofunga kuti Mirairo Gumi haisati ichawirirana nomusi. Asi kungasava kusiri kusati kune revo kuti kudai tose taiichengeta nokutendeka nhasi, mutemowo zvawo wenyika waizova usiri madikanwa.”

Kunyanguvezvo, mukurukurirano nomutongi muduku wechiJudha, Jesu Kristu akaratidza kuti chimwe chinhu chinopfuura kuchengeta Mirairo Gumi chaidikanwa. Jaya racho rakanga rabvunza kuti: “Ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?” Apo Jesu akataura kuti iye anofanira “kuchengeta mirairo nguva dzose,” achironga mimwe yeGumi, mutongi akapindura, kuti: “Izvozvo zvose ndakazvichengeta; ndichakashaiweiko?” Jesu akapindura, kuti: “Enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.” Nhauro yacho inopfuurira, kuti: “Asi jaya rakati richinzwa shoko iri, rakaenda rine shungu; nokuti rakanga rine pfuma zhinji.”—Mateo 19:16-22.

Kuenzaniswa kweiyi nhauro neyakafanana iri muna Ruka 10:25-28 kunotibetsera kunzwisisa chinetso chikuru chomutongi muduku. Tinorava, kuti: “Zvino mumwe mududziri womutemo wakasimuka, akamuidza [Jesu], achiti: ‘Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?’” Jesu akamubetsera kurangarira panhau yacho, uye somuuyo, murume wacho akakwanisa kupindura mubvunzo wake amene, achiti mumapfundo makuru: ‘Ida Jehovha Mwari nomwoyo wako wose, mweya, simba, uye ndangariro, uye muvakidzani wako sewe umene.’ Jesu ipapo akagumisa, achiti: “Ita izvozvo, ugorarama.”

Iwe unogona here zvino kuona chinetso chomutongi muduku adudzwa kare? Rudo rwake rwaMwari nerwomuvakidzani rwakafukidzwa norudo rwake rwepfuma yokunyama. Zvinosuruvarisa sei! Pasinei zvapo nokuedza kwake kuchengeta Mirairo Gumi, iye aiva mungozi yokurasikirwa noupenyu husingaperi.

Chii Chinoreva Rudo Nokuda kwaMwari?

Tiri kurarama munguva apo rudo nokuda kwaMwari nomuvakidzani rwakatsiviwa norudo rwako umene, pfuma yokunyama, uye vatano. Chokwadi, kunyange rudaviro muna Mwari soMusiki rwakatsiviwa mundangariro dzakawanda norudaviro murondedzero isingabvumikiswi yemhindumupindu. Chii chakaparira zvose izvozvi?

Kwamazana amakore, vakuru vechiKristudhomu vakashandisa dzidziso isiri yeBhaibheri yehero yomwoto inotyisa mukuedza kutonga tsika dzavanhu. Encyclopedia International inoti: “Simba rakasimba zvikurusa rezvakanaka navanhuwo zvavo muMiddle Ages pasina panikiro raiva kutyiwa kwehero, uko kwakaita kuti kunyange madzimambo namadzishe vabetsere Chechi, uye kwaiva zvimwe chinodzora bedzi pazemo ravo risingadzorwi.” Iyi dzidziso yehero yomwoto yakasakisa murangariro wokuti Mwari akanga ari asina rudo, asine ngoni, uye ane matsive. Kunyange zvazvo dzidziso yacho ingave yakashanda sechinodzora kuvamwe vanhu, yakabvisa vamwe vazhinji kuna Mwari, ichivasiya vari vanyajambwa vasingatani kudzidziso dzisiri dzapamagwaro nerondedzero, zvakadai seiyo yemhindumupindu.

Bhaibheri, zvisinei, haridzidzisi kuti Mwari anotambudza mweya muhero yomwoto. Panzvimbo pezvo, muapostora Johane anotiudza, kuti: “Mwari rudo.” “Iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu.” Mosesi akanyora, kuti: “Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (1 Johane 4:8; 1:9; Eksodho 34:6) Aya anongova chete mashomanene amavara anoshamisa aMwari. Iwo anotikwevera kwaari. Aya mavara, zvikurukuru rudo rwake, ndiwo anotiita kuti timude. “Isu tinoda, nokuti iye wakatanga kutida.” (1 Johane 4:19) Ndirwo rudo irworwu nokuda kwaMwari rwuri simba gurusa retsika dzakanaka; runogona kutungamirira kuupenyu husingaperi!

Rudo rwechokwadi nokuda kwaMwari harusati ruchingova zvaro vara rokurondedzera chete. Irwo runosunda munhu kuita mufariro yomumwe. Muapostora Pauro akaronga nzira dzakawanda idzo rudo irworwu runogona kuratidzirwa nadzo. Kududza shomanene chete: “Rudo rune mwoyo murefu, runo mwoyo munyoro; rudo harune godo; rudo haruna manyawi, haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi.” (1 VaKorinte 13:4, 5) Kuratidzira kwedu rudo irworwu kuedza kutevedzera Baba vedu vokudenga. Jesu akati: “Iyi mirairo miviri [kuda Mwari nomuvakidzani] inopeta mitemo yose navaporofita.” (Mateo 22:40, An American Translation) Namamwe mashoko, kana tichiratidzira rudo irworwu, hatisati tichizobira muvakidzani wedu kana kuti kumuuraya kana kuti kuita upombwe nomudzimai wake. Muapostora Johane akabvuma, achiti: “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake.”—1 Johane 5:3.

Rudo rwaMwari Simba Rezvakanaka

Cherechedza muuyo uyo rudo nokuda kwaMwari rwakava nawo pamaKristu apakuvamba, sezvinoratidzwa naTertullian, wezana ramakore rechipiri. Iye akadenha vashori vake kuratidza muKristu mumwe pakati pamatsotsi avo. Apo vaisagona, iye akawedzera, kuti: “Isu, ipapoka, toga hatina utsotsi.” Bhuku rinonzi The Old Roman World rinotsigira uyu murangariro, richiti: “Isu tine chipupuriro kuupenyu hwavo husina mhaka, kutsika dzavo dzisingazvidziki.” Uyewo, Christianity Today rinonokora mashoko wezvenhau wechechi Ronald Bainton, kuti: “Kuvambira pamugumo wenhambo yeTestamende Itsva kusvikira kumakore gumi 170 180 hapana ufakazi hupi nohupi hwamaKristu ari muhondo.” Rudo nokuda kwaMwari rwakavasunda kumuteerera kupfurikidza nokurarama upenyu hwakanaka. Iwe ungashamisika, kunyanguvezvo kuti, ‘Pane ufakazi here hweiri simba retsika rinobetsera nhasi?’

Zvamazvirokwazvo huripo! Munyori wenhau wepepanhau Mike McManus akanyora muHerald & Review kuti iye akanga asina kutongonzwa mharidzo inorwisana nevatano yapamberi peroorano. Mwedzi mumwe gare gare iye akashuma kuti pakati petsamba dzakagamuchirwa mumhinduro paiva neimwe yakabva kune ane makore 14 okukura, mumwe weZvapupu zvaJehovha, uyo akanyora, kuti: “Mufungo chete wokubata idzi hosha unofanira kuva wakakwana kudzivisa vanhu vazhinjisa [pavatano yapamberi peroorano]. Asi chikonzero nei Zvapupu zvichirega ndechokuti Jehovha anotiraira kutiza ufeve.” (Mashoko akatsveyamiswa ndeedu) Achitsinhira patsamba yacho, McManus akabvunza, kuti: “Ndivane makore 14 okukura vangani vari muungano yenyu vangagona kunokora mashoko St. Paul zvakajeka kudaro (1 VaKorinte 6:18)?”

Nheyo imwe cheteyo yokuteerera mirairo yaJehovha, yakadudzwa nomusikana muduku iyeyo, inoshandiswa neZvapupu zviri mudzimwe nharaunda. Rutivi rukuru rweyakati yemirairo yaMwari yakanyorwa muMagwaro ndourwu: ‘Iva akatendeseka muzvinhu zvose,’ ‘Dzivisa zvidhori,’ ‘Rega ropa noufeve,’ ‘Iva wechokwadi,’ ‘Rovedza vana vako munzira dzaMwari.’ (VaHebheru 13:18; 1 Johane 5:21; Mabasa 15:29; VaEfeso 4:25; 6:4) Ko iwe wati wacherechedza here Zvapupu zvaJehovha munharaunda menyu kana kuti nzvimbo yokushanda zvichiedza kuteerera iyi mirairo? Wati wamboshamisika here nei izvo zvichiita saizvozvo, chikonzero nei zvichiramba kuisirwa ropa, chikonzero nei zvichiramba kuenda kuhondo, chikonzero nei zvichikushanyira pamusha pako, mukupfupikisa, chikonzero nei izvo zvakasiana? Rudo rwazvo nokuda kwaMwari ndiyo mhinduro.

Rudo Harutongokundikani

Zvichida kufadza Mwari, Zvapupu zvaJehovha zvinofunga zvakakomba zano, rinoti: “Shandurwai kupfurikidza nokuvandudza ndangariro yenyu, kuti mugozvibvumikisira mumene kuda kwakanaka nokunofadza uye kwakakwana kwaMwari.” (VaRoma 12:2, NW) Apo izvo zvinodzidza chiri “kuda kwaMwari” nokuda kwazvo, izvo zvinoda kukuita. Rudo rwazvo nokuda kwaMwari ndirwo simba rinotsigira ichi chishuvo. Ko iwe unorangarira kuti ikoku hakusi chaikoiko, hakushandi nokuda kwenguva yedu here? Fungisisa kwechinguvana pamsoro penhauro chaidzoidzo dzinotevera.

Shure muna 1963, José, weSão Paulo, Brazil, akavamba kugara naEugênia, uyo akanga akatoroorwa. Makore maviri gare gare, ivo vakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kubva muiyi fundo vavirivo vakadzidza kuti Mwari anoda kuti “roorano ive inokudzwa pakati pavose.” (VaHebheru 13:4, NW) Ivo vakaziva kuti vanofanira kuroorana, asi Brazil yakanga isina mutemo wechatanuro uyo Eugênia aigona kusunungurwa nawo kuti aroorwe naJosé. Zvisinei, muna 1977, apo mutemo wechatanuro wakatanga kushanda, iye akakumbira chatanuro, uye muna 1980 ivo vakakwanisa kuroorana, vachiita zvinodikanwa zvaMwari. Rudo rwavo nokuda kwaMwari rwakava netuso yarwo.

Inire akanga aedza marudzi ose emirimo muNew York. Iye aigara nomusikana wake, Ann. Achida mari, iye akaita kuti Ann atumire mapikicha ake amene kumagazini yavarume inosanozivikanwa. Iye akapiwa chitsama chikuru chemari chokuti amire ari musvutu kuti apikichwe. Munguvayo, Inire akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye gare gare Ann akakumbanira. Inire akarega kushandisa mirimo. Pashure pamavhiki matatu ivo, nechido chavo vamene, vakasarudza kuroorana. Ipapo, achidzidza muBhaibheri kuti muKristu anofanira kupfeka zvine mwero, Ann akasarudza kuti aisagona kubvuma nenzira yokutungamirirwa nehana kupikichwa, pasinei zvapo nokuti imari yakawanda zvakadini yaakapiwa. (1 Timotio 2:9) Chii chaunofunga kuti chakasunda chinjo dzakadaro? Ann anotaura kuti apo iye akaziva kuti kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kwaisangova chete nhau yokukumbanira rudzidziso asi kwakabatanidza kurarama upenyu hwakatsaurirwa kuna Mwari, iye akaziva kuti aifanira kuita chinjo nokukurumidza. Zvirokwazvo, rudo nokuda kwaMwari isimba rakasimba nokuda kwezvakanaka.

Mumwe munhu angarangarira, ‘Eya, izvi ndizvinoitika zvishoma.’ Asi hazvisi. Chinjo dzakafanana dzakaitika nguva dzakawanda munzvimbo umo Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira. Wadiiko kunzverazve ikoku? Zvibvumikisire umene kuti rudo nokuda kwaMwari runoratidzirwa murudzidziso rwechokwadi rwuchiri simba retsika dzakanaka.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Pamsoro pamaKristu apakuvamba, bhuku rinonzi “The Old Roman World” rinoti, “Isu tine chipupuriro kuupenyu hwavo husina mhaka, kutsika dzavo dzisingazvidziki.” Chii chakanga chiri simba raitsigira “tsika [dzavo] dzisingazvidziki”?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rudo nokuda kwaMwari runogona kukubetsera kudzivisa kuedzwa kupinda muchakaipa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe