“Mufambe Zvakafanira . . . Nomwoyo Murefu”
IYE akasungwa asungwazve ndokubvunzurudzwa zvikuru. Kamwe akatoratidzirwa mumigwagwa pamberi peboka rinosveeredza pamwe navasungwarume vapfumbamwe vaiva nemhaka dzaisiana-siana kuvambira pakuponda kusvikira pakubata chibharo nokuba. Pamwe chete iye akapinzwa mutorongo ndokuparadzaniswa nemhuri yake kwaanopfuura makore 20.
Chinoitika chouyu mukadzi wechiKristu zvichida hachizi chechienzi, nokuti vazhinji vakatsungirira zvakafanana nhambo refu mutorongo. Asi “mhaka” yake zvamazvirokwazvo yaiva yechienzi: Iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Kuramba kutenda kwake kungadai kwakamuunzira rusununguko rwokukurumidza. Chii naizvozvo chakagonesa uyu mukadzi kwete bedzi kupinda mubatirwo yakadaro asiwo kuchengeta mwero wakati womufaro?
Kupindura uyu mubvunzo, ngatinongedzerei kumumwe muKristu akatendeka uyo akasungwawo nemhaka yechimiro chorudzidziso icho akatora. Uyu akanga ari muapostora Pauro. Achinyorera ungano yaiva paEfeso, iye akati: “Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nakwo, nokuzvininipisa kwose nounyoro, nomwoyo murefu [mudzimu murefu], muchiitirana mwoyo murefu murudo; muchishingaira kuchengeta humwe hwo[mudzimu(NW)] muchisungo chorugare.”—VaEfeso 4:1-3.
MaKristu aiva muEfeso aiva no“kudanwa” kunoshamisa kuupenyu hwokudenga naJesu Kristu. (1 Petro 1:3, 4) Asi kuti akuwane, aifanira ku“famba,” kana kuti kuzvibata amene, nenzira yakabvumikisa kuti vakanga vakafanirwa nakwo. Pauro akaratidza kuti “mwoyo murefu” wakanga uchikosha kukuita kwavo ikoku. “Mwoyo murefu,” zvisinei, wakareva zvakawanda kupfuura kungotambura chete marwadzo kana kuti zvisakafanira kwenhambo refu yenguva. Munhu ane gumbo rakatyoka ‘anotambura kwenguva refu,’ asi iye ane chimwe chisarudzo chipi nechipi here? Munhu ane mwoyo murefu, zvisinei, anotsungirira kubatwa zvisakafanira pasina matsive kana kuti shatiriso nokuda kwedonzo. Kunonoka kwake kuratidzira kutsamwa kushandiswa kwokuzvidzora kwoune.
Pauro akaratidza kuzvidzora kwakadaro mukutsungirira kuchengetwa ari mumba. Iye aiziva kuti kwakabatira “fambisirwo mberi yamashoko akanaka.” (VaFiripi 1:12, NW) Uyewo, kwakabvumira Pauro kuratidzira ruvimbiko rwake nokuzvipira kuna Jehovha Mwari, kubvumikisa kuti iye akanga ‘achifamba zvakafanira’ kudanwa kwake kuupenyu hwokudenga. Pauro nokudaro akatsungirira nomufaro kuiswa mutorongo. Uye maKristu akawanda chibviro chenguva iyeyo akaratidzira mwoyo murefu nenzira yakafanana. Havasati vari vose vakava no‘kudana’ kwokudenga. Asi ivo vakasundwa ku“famba zvakafanira” mubairo woupenyu husingaperi, ikoko kungava mumatenga kana kuti kunzvimbo yapasi yoUmambo.
Kunyanguvezvo, vashomenene zvikuru vakafanira kutsungirira nhamo dzoupenyu hwetorongo. Ko mwoyo murefu unokosha here mumimwe migariro? Hungu, zvamazvirokwazvo, nokuti Pauro akakurudzira ungano yose yeEfeso kuti “mufambe zvakafanira . . . nomwoyo murefu.” Efeso raiva guta rinokosha zvikurusa muruwa rweRoma rweAsia. Pfuma yaro yaiva musungo unobvira nokuda kwamaKristu. Rakanga ririwo guta rakakurumbira nokuda kwomufambiro wokusazvibata, udhemoni, un‘anga, uye mashiripiti, guta rakazadzwa navanamati vamwarikadzi Artemis, kana kuti Diana. Wezvenhau wakare Lucius Seneca akati pamsoro pavaEfeso: “Varume vanotsvaka mufarwa mumanyuko ari ose. Hakuna chakaipa chinoramba chiri mukati memiganhu yacho . . . Tinokundwa nokukanganwiwa kweicho chinokudzwa.” ‘Kufamba zvakafanira’ naizvozvo kwakanga kuri chinoitika chinonetsa nokuda kwamaKristu aivamo.
Hakushamisi, ipapoka, kuti Pauro akanyorerazve vaEfeso, kuti: “Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambawo noupenzi hwokurangarira kwavo, vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa paupenyu hwaMwari.” (VaEfeso 4:17, 18) Kunofanira kuve kwakanga kwakaoma sei kurarama pakati pavanhu vakaipa vakadaro! Asi kupfurikidza nokuva nomwoyo murefu, muKristu aingogona chete kurarama upenyu hunotsungiririka.
Unodikanwa Nhasi
Isu nhasi nenzira yakafanana tinozviwana timene takapoteredzwa nouipi, kudisa zvenyika, uye pesvedzero youdhemoni. Kutaura idi, kunotova nedzvinyiriro huru zvikuru pamaKristu nhasi nemhaka yokuti Satani akakandirwa pedyo napasi uye akatsunga kuparadza kutenda kwedu. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Tinofanira naizvozvo kupa ngwariro inopfuura yenguva dzose kunzira yatinofamba nayo kana tichizobvumikisa kuva vakafanira. Uye kufanana namaKristu ekare, tinofanira kuva nomwoyo murefu. Chokwadi, ndokwechienzi kuti mumwe munhu aratidze kuzvidzora kwakadaro. Kunyanguvezvo, mwoyo murefu hufakazi hwomudzimu waMwari pamaKristu. “Chibereko chomudzimu ndicho . . . mwoyo murefu,” inodaro VaGaratia 5:22. Iwo kunyanguvezvo, unotibetsera sei?
Mwoyo murefu unotibetsera kutsungirira zvitambudzo zvomugariro wepfuma, zvinetso zvoutano, uye dzimwe dzvinyiriro dzokurarama kwomuzana ramakore rechi 20. Tinoziva chikonzero nei zvinetso zvakadaro zviripo uye tinozivawo kuti rusununguko rwava pedyo! (2 Timotio 3:1-5; Ruka 21:28) Kunyange apo tinosangana nechishoro chakasimba mubasa rokuparadzira mashoko akanaka oUmambo, mwoyo murefu unoshanda sorusvingo runodzivisa rusati ruchitibetsera bedzi kutsungirira asiwo runochengeta tariro yedu iri mhenyu.
Kutevera zano raPauro roku“va nomwoyo murefu nomufaro” kwakabetserawo kuvandudza migariro yomumba inoshatirisa. (VaKorose 1:11) Padzimwe nguva maKristu anobatanidzwa muroorano navasingatendi. Mumwe murume akati: “Upenyu hwedu hwemhuri hwakanga husina kungovhiringidzwa zvikuru kwazvo bedzi asi taitofanirawo kutsungirira marudzi ose enhamo . . . Hapana zvokudya zvaigadzirirwa . . . Hapana zvokupfeka zvaicheneswa uye zvaigadzirirwa . . . Pane dzimwe nguva waiva mutauro une tsvina wake kwandiri.” Asi uyu murume wechiKristu aiva nomwoyo murefu. “Ndaitendeukira nguva imwe neimwe kuna Jehovha mumunyengetero,” iye akadaro, “uye ndakaMuvimba kundibetsera kukudziridza vara rakanaka romwoyo murefu kuti ndirege kurasikirwa nedzikamo yangu yechiKristu . . . Ikoku kwakandibetsera kutsungirira.” Muuyo wacho? Pashure pamakore 20 echishoro, mudzimai wake akava muKristuwo! “Ndinoonga sei kuna Jehovha,” anodaro uyu murume, “kuti iye akandibetsera kusakurira chibereko chomudzimu, mwoyo murefu.”
Mwoyo Murefu Kuno Mumwe Nomumwe
Sezvo mwoyo murefu uri chibereko chomudzimu mutsvene waMwari, hautsinhirani na“mabasa enyama,” akadai soruvengo, gakava, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavara, uye shanje. (VaGaratia 5:19-21) Chii chinovapo apo tinobvumira aya “mabasa” kuoneka ndokudzora kubata kwedu nomumwe nomumwe?
Mugariro unobatanidza Mosesi unoenzanisira chinogona kuitika. Iye akataurwa kuva “wakanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Pane imwe nhambo, zvisinei, iye akarega kuva nomwoyo murefu. Apo mugove wemvura worudzi wakapera, vanhu vasina kutenda vakadanidzira, kuti: “Makauisireiko ungano yaJehovha murenje rino, kuti tifiremo, isu nezvipfuwo zvedu?” (Numeri 20:4) Uyu mugariro wakada kuna Mosesi zvose zviri zviviri kuzvidzora nerangariro yakakomba paidi rokuti kutaura kwokupandukira kwakanangidzirwa chaizvoizvo pana Jehovha! Mosesi, zvisinei, akabvumira sundo dzokunyama kumudzora. Wezvamapisarema akati: “Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha, naizvozvo Mosesi akaoneswa nhamo nokuda kwavo; nokuti vakamukira [mudzimu (NW)] wake, iye akataura nehasha nemiromo yake.”—Pisarema 106:32, 33.
Sokunge iye akanga ari mugoveri wenenji wemvura, Mosesi, akati nokukasharara: “Zvino, chinzwai, imi vokumukira Jehovha, ko tingakubudisirai mvura padombo iri here?” (Numeri 20:10) Hungu, Mosesi akabvumira mudzimu wokupopota nowokunyunyuta wavamwe kumukurira. Uye nemhaka yokurasikirwa kwake nokuzvidzora uyewo kukundikana kwake kurumbidza Jehovha, akanyimwa kupinda muNyika Yakapikirwa.
MaKristu nhasi anofanira kungwarira kupinda muuyu musungo. Padzimwe nguva hama dzedu timene dzechiKristu dzinogona kuva manyuko eshatiriso, sezvakanga zvakaita vaIsraeri kuna Mosesi. “Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa.” (2 Timotio 2:24) Zano riri pana 1 VaTesaronika 5:14 nokudaro rakafanira, rinoti: “Muve nomwoyo murefu kuna vose.”
Mienzaniso Yakafanira Kutevedzera
Kristu akagadza muenzaniso wakakwana womwoyo murefu. Iye aifanira kutsungirira kwete bedzi “kukakavara kwakadai kwavatadzi” asiwo zvinetso zvakamuka pavadzidzi vake amene. (VaHebheru 12:3) Padzimwe nguva vainonoka kunzwisisa kana kuti zvimwe kushandisa dzidziso dzake. Bva, haana kutongovabata nehasha. Apo pausiku hwokushambadzwa kwake vadzidzi vake vakavata, Kristu akavapa zano nomutsa nokuti: “Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuidzwa.”—Ruka 22:46.
Chibviro chorumuko rwake, Jesu akapfuurira kuratidzira shiviriro nomwoyo murefu. Sauro, somuenzaniso, akanga ari mutambudzi wamaKristu, mutuki, uye munhu anozvitutumadza. Bva Kristu akamuratidza ngoni munzira iyo yakatungamirira kukuva kwaSauro muteveri akatanhamara waKristu. Pauro (aimbova Sauro) anotsanangura, kuti: “Naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze mwoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kuna vanozotenda kwaari, zvinovaisa kuupenyu husingaperi.”—1 Timotio 1:15, 16.
Magwaro anotiudza ku“sanotevera makwara ake [aKristu].” (1 Petro 2:21, NW) Ko iwe unoratidza shiviriro imwe cheteyo kuvatendi biyako pavanenge vachinonoka kushandisa nheyo yeBhaibheri here? Ko iwe unopa mudzimu wakafanana womwoyo murefu kuvanhu venyika vasingazivi zvokwadi here? Ko iwe unosundwa kubetsera vakadaro kuwana zvokwadi here?
Muenzaniso usingaenzaniswi womwoyo murefu, zvisinei, ndiJehovha. “Jehovha une tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji.” (Pisarema 103:8; Eksodho 34:5-7) Kunyange zvazvo vanhu vakadai saMosesi vakashatiriswa navaIsraeri vane chisimbwa, Jehovha akati: “Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kuvanhu vasingateereri, navanokakavara.” (VaRoma 10:21) Asi paiva nedonzo seri kwomwoyo murefu wakadaro. Kufanana nababa vane mwanakomana akasindimara, Jehovha akaramba kurega tariro nokuda kwevandudziko muukama hwakaipa naIsraeri. Uye shiviriro yake yakabereka miuyo—vakasarira vorudzi irworwo vakaponeswa!
Miganhu Yomwoyo Murefu
Shiviriro yaMwari haisati iri isina muganhu, zvisinei. Kupfuurira kwaIsraeri kudzivisa nyevero dzaJehovha kwakaguma nokubviswa kwavo kuna Mwari sorudzi. Isaya akati: “Asi vakamumukira, nokuchemedza [mudzimu (NW)] wake mutsvene; naizvozvo wakashanduka, akava muvengi wavo, akarwa navo amene.” (Isaya 63:10) Hungu, pashure penguva yakati“Jehovha akatsamwira vanhu vake.” (2 Makoronike 36:15, 16) Mwoyo murefu wake wakasvika pamugumo wawo.
Ikoku kune revo dzakakomba nokuda kwedu nhasi. Kungava kusina mufungo kugumisa kuti Mwari achashivirira kuita zvakaipa nokusingaperi. Chokwadi, Pauro anoti: “Mwari, kana akanga achida kuratidza kutsamwa kwake, nokuzivisa simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamsoro pemidziyo yokutsamwirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa.” Bva mushiviriro yakadaro mave mune donzo: “Kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake.” (VaRoma 9:22, 23) Hungu, somuuyo wokuzvidzora kwaMwari, zita rake rakaziviswa mupasi rose. Uyewo, Mwari akazivisa rake “zuva ramatsive” kupfurikidza navanhu vake. (Isaya 61:2) Ichokwadi kuti vazhinji vanonyomba nokuseka iri shoko renyevero, kufanana navaEpikuro navaStoiko vomuzuva raPauro avo vakati, “Ko uyu mutauri wezvisina maturo unoda kureveiko?” (Mabasa 17:18) Asi yeuka, Mwari achaunza “matsive paavo vasingazivi Mwari uye avo vasingateereri mashoko akanaka aShe wedu Jesu.”—2 VaTesaronika 1:8, NW.
Munguvai, zvisinei, tinofanira kupfuurira nebasa rokuparidzira marutongeso aMwari kutozosvikira Mwari azivisa kuti yava nguva yokurega. Tinofanira ku‘shandisa shiviriro kutozosvikira pakuvapo kwaShe.’ (Jakobho 5:7) Asi kutsungirira nokushivirira zvakaipa zvakasiana-siana izvo upenyu mutsika ino hunounza patiri kuchabereka miuyo inooneka. Kuchawedzera rutsamiro rwedu pana Jehovha. Kuchanatsa ukama hwedu navamwe ndokudzivisa zvinetso zvisiri madikanwa kumuka. Mwoyo murefu ungareva nhamo, asi pasinei zvapo nokuti tiri vanaani kana kuti tingave tichigara kupi, tingave takasununguka kana kuti tiri mutorongo, kuwana chishoro pamusha kana kuti zvimwe muushumiri hwechiKristu, rugare nechinzwano zvinosimudzira mwoyo murefu zvichawedzera mufaro negutsikano kuupenyu hwedu. (VaEfeso 4:2) Napaunogona napo pose, ipapoka, famba zvakafanira nomwoyo murefu.