Rudzidziso Namatongerwe Enyika—Hushamwari Husingagumi Here?
MUBATI ushe weRussia Vladimir I akasarudza rimwe zuva kuti vanhu vake vechihedheni vanofanira kuva “maKristu.” Iye amene akanga atendeutswa muna 987 N.V., pashure pokuroora vahosi veGreek Orthodox, uye iye zvino akaraira kubhapatidzwa kwavazhinji vavadzorwi vake—vakanongedzwa nepfuti kana kwaiva madikanwa. Pashoma napashoma Chechi yeRussia yakawana kuzvimirira pana “mai” vayo, Chechi yechiGiriki, pakupedzisira kunyange kuva bato reHurumende. Uye kunyange zvazvo vabati ushe veSoviet nhasi vachiramba pamutemo kuvapo kwaMwari, Chechi neHurumende muRussia zvichine ushamwari husina kunaka.
Mazana amakore gare gare, Mambo Henry VIII weEngland akabudirirawo mukuumba ushamwari hwapedyo pakati peChechi neHurumende, kunyange zvazvo kwaiva kupfurikidza nemitoo yakasiana. Muna 1532 akanetseka nemhaka yokuti mudzimai wake, Catherine weAragon, akanga akundikana kubereka mugari wenhaka wechirume kuchigaro choumambo. Kuti apedze chinetso chacho, Henry akaroora pachivande mudiwa wake, Anne Boleyn. Ikoku kwaiva nebatira pamwe yapachivande yaArchbishop weCanterbury uye akazivisa roorano yokutanga yaHenry kuva isisashandi. Muna 1534 iyi mhombwe nomudzvinyiriri yakazvizivisa imene kuva musoro weChechi yeEngland, zita rokuremekedza rakafarikanywa namambo weEngland kusvikira kuzuva rino rimene. Zvisarudzo zvoMusangano weChechi zvinotsamira patendero yeparamende, uye mabhishopi, semitezo yeHouse of Lords, anotora rutivi mukutonga Britain. Chechi neHurumende naizvozvo zvave zvakabatanidzwa muEngland kwaanopfuura makore 450.
Batano Dzazvino Uno dzeChechi neHurumende
Muna 1936 mukiro muSpain yokurwisana nehurumende yeRepublican yakatungamirira kuhondo yavagari vemo nokusvika kwaGeneral Franco pasimba. Kushamisiko yavanyanyisi, Franco akapawo vakuru vorudzidziso simba rakati nokuda kwetsigiro yavo huru.
Muna 1983 WCC (World Council of Churches) yakaungana muVancouver, Canada. Munyori mukuru wayo, Philip Potter, akavaudza ku“ramba vari vezvamatongerwe enyika.” Mipiro yemari inobva kuWCC ichienda kumapoka ezvamatongerwe enyika anorwa muchiverengero chakati chenyika yave iri manyuko eitiro hanya yakakomba kuvaendi kuchechi vazhinji.
Naizvozvo, pane panikiro duku yokuti rudzidziso runopindira mumatongerwe enyika. Mubvunzo wakakomba, nyanguvezvo, ndouyu, Ko irwo rwunofanira kuita saizvozvo here? Kwakanaka here kana kuti kwakashata? Ko kubatanidzwa mune zvamatongerwe enyika kworudzidziso kunosimudza mipimo yetsika yamatongerwe enyika, kana kuti kunoshatisa rudzidziso here? Uye zvakadiniko nezvenguva yemberi? Ko rudzidziso namatongerwe enyika zvichapfuurira kufarikanya ‘chinoitika chorudo’ chavo, kana kuti ko icho chichashata ndokuzviisa mubonderano here?
[Mufananidzo uri papeji 3]
Musoro wokutanga weChechi yeEngland