RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 57
  • Ko Kana Ukazoita Chivi Chakakura?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Kana Ukazoita Chivi Chakakura?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • “Shevedza Vakuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Marongerwo Akaitwa Ungano
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kubatsira Vaya Vanenge Vabviswa Muungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 57
Chidzidzo 57. Hama iri kureurura chivi kuvakuru vaviri paImba yeUmambo.

CHIDZIDZO 57

Ko Kana Ukazoita Chivi Chakakura?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Kunyange zvazvo uchida Jehovha zvakadzama uye uchiedza zvese zvaunogona kuti usamurwadzisa, pane pauchatombokanganisa. Asi zvimwe zvitadzo zvakakura kupfuura zvimwe. (1 VaKorinde 6:9, 10) Kana ukaita chivi chakakura, yeuka kuti Jehovha achiri kukuda uye akagadzirira kukukanganwira uye kukubatsira.

1. Tinofanira kuita sei kuti tikanganwirwe naJehovha?

Vanhu vanoda Jehovha vanosuruvara zvikuru pavanoziva kuti vaita chivi chakakura. Asi vanonyaradzwa nezvakataurwa naJehovha kuvanhu vake achiti: “Kunyange zvazvo zvivi zvenyu zvakatsvuka kuti piriviri, zvichacheneswa sechando.” (Isaya 1:18) Kana tikanyatsoratidza kuti tiri kurwadziwa nezvataita, Jehovha achatikanganwira zvakakwana. Tinoratidza sei kuti tiri kurwadziwa nezvatinenge taita? Tinoratidza kuzvidemba, tobva tasiyana nekuita zvakaipa uye tokumbira Jehovha kuti atiregerere. Tinoita zvese zvatinogona kuti tisafunge kana kuita zvinhu zvinozoita kuti tipedzisire taita chivi, uye tinoedza kurarama tichitevedzera mitemo yaJehovha yakanaka.—Verengai Isaya 55:6, 7.

2. Jehovha anoshandisa sei vakuru kutibatsira patinenge taita chivi?

Jehovha anotiudza kuti kana munhu akaita chivi chakakura “ngaashevedze vakuru veungano.” (Verengai Jakobho 5:14, 15.) Varume ava vakagadzwa vanoda Jehovha nemakwai ake. Vanokwanisa kutibatsira kugadzirisa ushamwari hwedu naJehovha kana hwakanganisika.—VaGaratiya 6:1.

Vakuru vanotibatsira sei kana taita chivi chakakura? Vakuru vaviri kana vatatu vanotibatsira nemazano ari muBhaibheri. Vanotikurudzirawo, votiudza zvatingaita kuti tisazoita chivi chakakura zvakare. Kana munhu akaita chivi chakakura asi asingadi kupfidza, vakuru vanobvisa munhu akadaro muungano kuitira kuti ungano isakanganiswa nemaitiro ake akaipa.

WEDZERA KUONGORORA

Wedzera kunzwisisa uye kukoshesa kwaunoita nzira dzinoshandiswa naJehovha kutibatsira kana taita chivi chakakura.

3. Kureurura kunotibatsira kugadzirisa ushamwari hwedu naJehovha

Pese patinoita chivi tinenge tichitadzira Jehovha, saka zvakakodzera kuti tireurure kwaari. Verengai Pisarema 32:1-5, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Zvakanakirei kuti tireurure zvivi zvedu kuna Jehovha panzvimbo pekuedza kuzvivanza?

Kana tareurura zvivi zvedu kuna Jehovha, tinofanira kuzoudza vakuru kuti tibatsirwe, torerukirwa. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: ‘Jehovha Anoranga Vaanoda’ (3:01)

  • Muvhidhiyo iyi, vakuru vakabatsira sei Canon kuti adzoke kuna Jehovha?

Tinofanira kuudza vakuru chokwadi chese; varipo kutibatsira. Verengai Jakobho 5:16, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Zvakanakirei kuti tiudze vakuru chokwadi chese pavanenge vachida kutibatsira?

Mifananidzo: 1. Hama iri kurwadziwa nezvayaita iri kuchema yakabata kumeso. 2. Hama yacho yava kunyengetera kuna Jehovha. 3. Hama iya yava kutaura nemukuru pafoni. 4. Hama iya yava kubatsirwa nevakuru. 5. Hama yacho yava kufara nekuti yava nehana isingaipi mhosva.

Reurura chivi chako, taurira vakuru chokwadi, uye bvuma kubatsirwa naJehovha nerudo

4. Jehovha anonzwira tsitsi vatadzi

Kana munhu akaita chivi chakakura, obva aramba kutevedzera zvinodiwa naJehovha, anobviswa muungano uye tinobva tarega kushamwaridzana naye. Verengai 1 VaKorinde 5:6, 11, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Kushamwaridzana nemutadzi asiri kuda kuchinja nzira dzake kunokanganisa sei ungano sekuvirisa kunoita mbiriso mukanyiwa wekubikisa chingwa?

Vachitevedzera tsitsi dzaMwari dzaanoratidza kuvanhu vanenge vatadza, vakuru ndivo vanotanga kutsvaga vanhu vanenge vabviswa muungano, vovabatsira. Vakawanda vakadzoka kuungano nekuti chirango chavakapiwa kunyange zvazvo chairwadza, chakaita kuti vaone kuti zvavakaita zvakaipa, vakabva vapengenuka.—Pisarema 141:5.

  • Mabatiro anoita Jehovha vatadzi anoratidza sei kuti anonzwisisa, ane tsitsi, uye ane rudo?

5. Jehovha anotiregerera kana tikasiya zvivi zvedu

Jesu akashandisa mufananidzo unotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anonzwa sei kana tikaratidza kuti tiri kurwadziwa nezvatakaita. Verengai Ruka 15:1-7, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Izvi zvinokudzidzisei nezvaJehovha?

Verengai Ezekieri 33:11, mobva makurukura mubvunzo uyu:

  • Kupfidza chivi kunoreva kuita sei?

Mufudzi ari kusunga zvinyoronyoro gwai rakakuvara.

Jehovha ane hanya nemakwai ake sezvinoita mufudzi

VAMWE VANOTI: “Ndiri kutya kuudza vakuru nezvechivi chandakaita nekuti vanozondibvisa muungano.”

  • Ungati chii kumunhu anofunga saizvozvo?

PFUPISO

Kana taita chivi chakakura asi tichinzwa urombo nezvataita uye tiine chido chekusiya zvakaipa, Jehovha achatiregerera.

Kudzokorora

  • Zvakanakirei kuti tireurure zvivi zvedu kuna Jehovha?

  • Tinofanira kuita sei kuti zvivi zvedu zviregererwe?

  • Nei tichifanira kukumbira vakuru kuti vatibatsire kana taita chivi chakakura?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona mumwe murume akasvika pakuona kuti Jehovha ane tsitsi sekutsanangurwa kunoitwa pana Isaya 1:18.

Ziva Kuti Jehovha Ane Ngoni (5:02)

Vakuru vanoedza sei kubatsira vanhu vanenge vaita zvivi zvakakura?

“Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi” (Nharireyomurindi, August 2024)

Inzwa kuti vatadzi vanenge vasina kupfidza vangaratidzwa sei rudo netsitsi.

“Kubatsira Vaya Vanenge Vabviswa Muungano?” (Nharireyomurindi, August 2024)

Munyaya yakanzi, “Ndaida Kudzoka Kuna Jehovha,” verenga kuti nei mumwe murume akambosiya chokwadi akazoona sekuti Jehovha aimukwevera kwaari kuti adzoke.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, April 1, 2012)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe