RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 41
  • Bhaibheri Rinotii Nezvebonde?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Rinotii Nezvebonde?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • “Tizai Upombwe!”
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • “Tizai Ufeve”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana
    Mukai!—2013
  • Kurangarira Kwako Vatano—Kunoita Mutsaukanoi?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 41
Chidzidzo 41. Murume nemukadzi vakabatana maoko.

CHIDZIDZO 41

Bhaibheri Rinotii Nezvebonde?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Vanhu vakawanda havanzwi vakasununguka kutaura nezvebonde. Asi Bhaibheri rinotaura nyaya iyi zviri pachena, asi zviine ruremekedzo. Zvarinotaura zvinotibatsira. Hazvingambotadzi kutibatsira nekuti Jehovha ndiye Musiki wedu. Anoziva zvakanyatsotinakira. Anotiratidza kuti tinofanira kuzvibata sei kuti timufadze uye kuti chii chingatibatsira kuti tizorarama nekusingaperi tichifara.

1. Jehovha anoona sei nyaya dzebonde?

Kurara kwemurume nemukadzi chipo chinobva kuna Jehovha. Asi anoda kuti izvi zviitwe nemurume nemukadzi vakaroorana vachifara. Chipo ichi chinoita kuti murume nemudzimai vave nevana uye kuti varatidzane kuti vanodanana. Ndokusaka Shoko raMwari richiti: “Fara nemudzimai weudiki hwako.” (Zvirevo 5:18, 19) Jehovha anotarisira kuti vaKristu vakaroorana vave vakavimbika, saka havafaniri kuita upombwe.—Verengai VaHebheru 13:4.

2. Chii chinonzi upombwe?

Bhaibheri rinotiudza kuti “mhombwe . . . ha[dzi]zogari nhaka yeUmambo hwaMwari.” (1 VaKorinde 6:9, 10) Vanyori veBhaibheri vakanyora nechiGiriki vakashandisa shoko rekuti por·neiʹa vachitsanangura kuita bonde kwese kusiri pamutemo. Shoko racho rinobatanidza (1) vanhu vasina kuroorana vanorara vese,a (2) ungochani, (3) kurara nemhuka, nezvimwewo. Kana ‘tikarega upombwe’ tinofadza Jehovha uye isu vacho zvinotibatsira.—1 VaTesaronika 4:3.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvaunogona kuita kuti usaita upombwe uye ona kuti zvakanakirei kuti urambe uine tsika dzakachena.

Josefa achitiza mukadzi waPotifari uyo akabata nguo yake.

3. Tiza upombwe

Murume akanga akatendeka, Josefa, akaita zvese zvaaigona kuti arambe aine tsika dzakachena. Verengai Genesisi 39:1-12, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Chii chakaita kuti Josefa atize?—Ona vhesi 9.

  • Unofunga kuti zvakaitwa naJosefa kuchenjera here? Nei uchidaro?

Vechidiki vangatevedzera sei Josefa votiza upombwe mazuva ano? Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Tiza Upombwe (5:06)

Jehovha anoda kuti tese tisaita upombwe. Verengai 1 VaKorinde 6:18, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Mamiriro api ezvinhu anogona kuita kuti munhu azopedzisira aita upombwe?

  • Ungatiza sei upombwe?

4. Unogona kukunda muedzo

Chii chinogona kuita kuti zviome kukunda muedzo wekuita upombwe? Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

VHIDHIYO: Verenga Bhaibheri Kuti Ukunde Miedzo (3:02)

  • Hama iri muvhidhiyo iyi yaita sei payaona kuti pfungwa dzayo nezviito zvinogona kuita kuti ipedzisire yatadzira mudzimai wayo nekuita upombwe?

Kunyange vaKristu vakatendeka pane dzimwe nguva dzavanomboomerwa nekuramba vachifunga zvinhu zvakachena. Ungaite sei kuti pfungwa dzako dzisaramba dziri pazvinhu zvisina kuchena? Verengai VaFiripi 4:8, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Tinofanira kugara tichifunga zvinhu zvakaita sei?

  • Kuverenga Bhaibheri uye kugara takabatikana nebasa raJehovha zvingatibatsira sei kukunda muedzo wekuita chivi?

5. Mitemo yaJehovha inotibatsira

Jehovha anoziva zvakanyatsotinakira. Anotiudza kuti tirambe tiine tsika dzakachena uye kuti kuzviita kunotibatsira sei. Verengai Zvirevo 7:7-27 kana kuti onai VHIDHIYO, mobva makurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Kushaya Uchenjeri (9:31)

  • Jaya iri rakapinda sei mumamiriro ezvinhu akaripinza mumuedzo?—Ona Zvirevo 7:8, 9.

  • Maererano naZvirevo 7:23, 26, upombwe hunogona kuunza matambudziko akakura. Kana tikaramba tiine tsika dzakachena tinonzvengana nematambudziko api?

  • Kuva netsika dzakachena kunotibatsira sei kuti tirarame nekusingaperi tichifara?

Vamwe vanhu vanofunga kuti Bhaibheri riri kukurudzira kuvenga vamwe vanhu parinoshora ungochani. Asi Jehovha, Mwari werudo, anoda kuti munhu wese ararame nekusingaperi achifara. Kuti tikodzere kurarama nekusingaperi, tinofanira kurarama tichitevedzera mitemo yake. Verengai 1 VaKorinde 6:9-11, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kubva pane zvataurwa, ungochani ndihwo hwega hwanzi hwakaipa here?

Tese tinotofanira kushanda nesimba kuti tichinje mararamiro edu, tifadze Mwari. Asi kushandira zviripo here? Verengai Pisarema 19:8, 11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Unofunga kuti mitemo yaJehovha pamusoro pekuzvibata inotiomesera here? Nei uchidaro?

Mifananidzo: 1. Musikana asiri kufara akagara nemukomana wake. Ari kunwa nekuputa aine shamwari dzake mubhawa. 2. Musikana uye ava kufara achitaura neimwe hanzvadzi paImba yeUmambo.

Jehovha akabatsira vakawanda kuti vararame zvinoenderana nemitemo yake yekuzvibata. Anogona kukubatsirawo

VAMWE VANOTI: “Kana vanhu vakarara vese hazvina basa chero vachidanana.”

  • Iwe unotiwo chii?

PFUPISO

Kurara kwemurume nemukadzi chipo chakabva kuna Jehovha chaanoda kuti chifadze vanhu vakaroorana.

Kudzokorora

  • Upombwe hunosanganisira maitiro akaita seapi?

  • Chii chingatibatsira kuti tisaita upombwe?

  • Tinobatsirwa sei nekutevera mitemo yaJehovha pamusoro pekuzvibata?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ongorora kuti nei Mwari asingafadzwi nekuti vanhu vangogara vese vasina kuchata.

“Bhaibheri Rinotii Nezvekugara Pamwe Chete Musina Kuchata?” (Nyaya iri paIndaneti)

Ongorora uone kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezveungochani hazvirevi kuti riri kukurudzira kuvenga vamwe vanhu.

“Ungochani Hwakaipa Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Dzidza kuti mitemo yaMwari pamusoro penyaya dzese dzebonde inotichengetedza sei.

“Kuita Bonde Nemumuromo Kunganzi Kuita Bonde Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Munyaya yakanzi, “Vakandiremekedza,” ona kuti chii chakaita kuti mumwe aiita zveungochani achinje mararamiro ake kuti afadze Mwari.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, April 1, 2011)

a Izvi zvinosanganisira kurara chaiko pabonde, kushandisa muromo pakuita bonde, kuita bonde nekunobuda netsvina, kubatana-batana nhengo dzekubereka nadzo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe