RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 20 pfungwa 1-6
  • Marongerwo Akaitwa Ungano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Marongerwo Akaitwa Ungano
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Vakuru Vanobatsira Sei Ungano?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • “Mukudze Vakadai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Remekedzai “Vaya Vari Kushanda Nesimba Pakati Penyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Shevedza Vakuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 20 pfungwa 1-6
Chidzidzo 20. Pamisangano yeZvapupu zvaJehovha hama iri kubvunza mubvunzo uye vamwe vari kusimudza maoko kuti vapindure.

CHIDZIDZO 20

Marongerwo Akaitwa Ungano

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Jehovha ndiMwari anoita zvinhu zvakarongeka. (1 VaKorinde 14:33) Saka tinotarisira kuti vanhu vake vange vakarongeka. Ungano yechiKristu yakarongwa sei? Tinofanira kuita sei kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano?

1. Ndiani musoro weungano?

“Kristu [ndiye] musoro weungano.” (VaEfeso 5:23) Anotungamirira basa revanhu vaJehovha ari kudenga. Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara.” Muranda iyeye iboka diki revakuru vagara nebasa vanodanwawo kuti Dare Rinotungamirira. (Verengai Mateu 24:45-47.) Dare Rinotungamirira ndiro rinopa mirayiridzo kuungano dzese pasi rese, sezvaiitwa nevaapostora uye varume vakuru vaiva muJerusarema. (Mabasa 15:2) Asi varume ava havasi ivo vatungamiriri vesangano redu. Vanotungamirirwa naJehovha neShoko rake uye vanozviisa pasi pemusoro weungano, Jesu.

2. Vakuru vanoita basa rei?

Vakuru varume vechiKristu vakasimba pakunamata. Vanodzidzisa zviri muMagwaro uye vanofudza ungano vachiibatsira uye vachiikurudzira. Havabhadharwe basa ravanoita. Vanoita basa ravo ‘vasingaiti zvekumanikidzwa asi zvichibva pamwoyo sezvinodiwa naMwari; vasingazviiti nekuda pfuma, asi nemwoyo wese.’ (1 Petro 5:1, 2) Vakuru vanobatsirwa nevashumiri veungano, avo vanogona kuzokodzerawo kuva vakuru nekufamba kwenguva.

Dare Rinotungamirira rinogadza vamwe vakuru kuti vashande sevatariri vematunhu. Basa ravo nderekushanyira ungano vachirayiridza maitirwo ebasa nekukurudzira vanhu. Vanogadza vakuru nevashumiri veungano vachitanga vatarisa zvinotaurwa neMagwaro.—1 Timoti 3:1-10, 12; Tito 1:5-9.

3. Chapupu chimwe nechimwe chinofanira kuitei?

Munhu wese ari muungano anorumbidza “zita raJehovha” paanopinda misangano achibatanawo nevamwe pane zvinenge zvichiitwa ipapo uye paanobuda mubasa rekuparidza zvinoenderana nezvaanokwanisa.—Verengai Pisarema 148:12, 13.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza kuti Jesu mutungamiriri akaita sei uye kuti vakuru vanoedza sei kumutevedzera, woona kuti tingateerera sei uye tingashanda sei pamwe chete nevakuru.

4. Jesu mutungamiriri anozorodza

Jesu anotiudza mashoko anozorodza zvechokwadi. Verengai Mateu 11:28-30, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Jesu mutungamiriri akaita sei uye anoda kuti tinzwe sei nezveutungamiriri hwake?

Vakuru vanotevedzera sei Jesu? Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Vakuru Vanobatsira Panoitika Kudengenyeka Kwenyika kuNepal (4:56)

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vakuru vanofanira kuita basa ravo sei.

Verengai Isaya 32:2 uye 1 Petro 5:1-3, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Unonzwa sei nechido chine vakuru chekuzorodza vamwe sezvaiita Jesu?

  • Vakuru vanotevedzera sei Jesu?

5. Vakuru vanoita zvinoenderana nezvavanodzidzisa

Jesu anoda kuti vakuru vaone sei basa ravo? Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Vakuru, Tungamirirai! (7:39)

Jesu akataura maonerwo anofanira kuitwa vaya vanotungamirira muungano. Verengai Mateu 23:8-12, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Musiyano upi unokufadza uri pakati pevakuru nevatungamiriri vemamwe machechi panyaya yekutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri?

A. Mifananidzo: Mukuru ari kuita zvinhu zvinoita kuti iye nemhuri yake varambe vakasimba pakunamata. 1. Ari kunyengetera asati atanga kudzidza Bhaibheri. 2. Iye nemudzimai wake vari kudzidzisa mwana wavo Bhaibheri. B. Mukuru uya pamwe chete nemudzimai wake vava kushanyira hanzvadzi yemuungano mavo iri kurwara. C. Mukuru uya achiparidzira mumwe murume. D. Mifananidzo: 1. Mukuru uya achipa mharidzo pamusangano weungano. 2. Achikorobha muImba yeUmambo.
  1. Vakuru nemhuri dzavo vanoedza kugara vakasimba pakunamata

  2. Vakuru vane hanya nevanhu vese vari muungano

  3. Vakuru vanogara vachiita basa rekuparidza

  4. Vakuru vanodzidzisa ungano. Vanoitawo mamwe mabasa akadai sekutsvaira

6. Tinogona kushanda pamwe chete nevakuru tichivateerera

Bhaibheri rinotiudza kuti nei zvichikosha kuti titeerere vakuru. Verengai VaHebheru 13:17, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Bhaibheri parinoti tizviise pasi pevaya vari kutungamirira rinenge richitiomesera here? Nei uchidaro?

Verengai Ruka 16:10, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Nei tichifanira kuteerera vakuru kunyange pazvinhu zvinoita sezvidiki?

VAMWE VANOTI: “Zvekuva nechechi yaunopinda hazvina basa.”

  • Unofunga kuti munhu anobatsirwa sei nekunamata Mwari pamwe chete nevamwe muungano?

PFUPISO

Jesu ndiye musoro weungano. Tinoshandira pamwe nevakuru vari pasi pake tichifara nekuti vanotizorodza uye vanoita zvinoenderana nezvavanodzidzisa.

Kudzokorora

  • Ndiani musoro weungano?

  • Vakuru vanobatsira sei ungano?

  • Chapupu chimwe nechimwe chinofanira kuitei?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ona zvakaitwa neDare Rinotungamirira uye vamwe vakuru zvinoratidza kuti vane hanya nevavanonamata navo.

Kusimbisa Hama Panguva Yairambidzwa Basa Redu (4:22)

Ona basa rinoitwa nevatariri vematunhu.

Kushanda Semutariri Wedunhu Kumaruwa (4:51)

Verenga unzwe nezvebasa rinokosha rinoitwa nevanhukadzi muungano.

“Vanhukadzi Vanodzidzisawo Here Musangano reZvapupu zvaJehovha?” (Nharireyomurindi, September 1, 2012)

Verenga unzwe kushanda nesimba kunoita vakuru vachibatsira ungano.

“Vakuru vechiKristu—‘Vanoshanda Pamwe Nesu Kuti Tifare’” (Nharireyomurindi, January 15, 2013)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe