RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 11
  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Ndingaita sei Kuti Kuverenga Bhaibheri Kuwedzere Kunakidza?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 11
Chidzidzo 11. Mukadzi ari kumbomira mabasa ake epamba kuti averenge Bhaibheri.

CHIDZIDZO 11

Ungaita Sei Kuti Unyatsobatsirwa neBhaibheri?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Wakamboona here kuti kana uine basa rakakura rauri kuda kuita unogona kushaya pekutangira? Pamwe kuti zvikurerukire, unogona kuronga basa racho uchitanga nezviri nyore. Ndozvazvinoitawo panyaya yekuverenga Bhaibheri. Unogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndotangira papi?’ Muchidzidzo chino tichaona zvimwe zvinhu zviri nyore zvaunogona kuita kuti unakidzwe nekuverenga uye kudzidza Bhaibheri.

1. Kugara uchiverenga Bhaibheri kwakanakirei?

Munhu anogara achiverenga Bhaibheri, kana kuti “mutemo waJehovha,” anofara uye anobudirira pane zvese zvaanoita muupenyu. (Verengai Pisarema 1:1-3.) Unogona kutanga nekuverenga kwemaminitsi mashomanana zuva rega rega. Paunowedzera kunzwisisa zviri muShoko raMwari, unobva wawedzerawo kunakidzwa nekuriverenga.

2. Ungaita sei kuti ubatsirwe nekuverenga Bhaibheri?

Kuti tinyatsobatsirwa nekuverenga Bhaibheri, tinofanira kumbomira tofunga nezvezvatiri kuverenga. Tinofanira kuriverenga uye “kufungisisa zviri mariri.” (Joshua 1:8, mashoko emuzasi) Paunenge uchiverenga, zvibvunze mibvunzo yakaita seiyi: ‘Zvandiri kuverenga zvinondidzidzisei nezvaJehovha Mwari? Zvingashanda sei muupenyu hwangu? Ndingashandisa sei mavhesi aya kubatsira vamwe?’

3. Ungawana sei nguva yekuverenga Bhaibheri?

Zvinokuomera here kuwana nguva yekuverenga Bhaibheri? Kana zvakadaro hausi wega. Edza ‘kushandisa nguva yako nekuchenjera.’ (VaEfeso 5:16) Unogona kusarudza nguva yaunoti ndeyekuverenga Bhaibheri zuva rega rega. Vamwe vakasarudza kuverenga Bhaibheri mangwanani. Vamwe vanoverenga masikati. Vamwewo vanoverenga manheru vasati varara. Ko iwewe ndeipi nguva yakakunakira?

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvaungaita kuti unakidzwe nekuverenga Bhaibheri. Kuti unyatsobatsirwa paunenge uchidzidza Bhaibheri, ona zvaunofanira kuita pakugadzirira zvidzidzo zvako.

Mifananidzo: Mukomana ari kuedza kudya zvekudya zvaanga asingazive ozotanga kuzvifarira nekufamba kwenguva. 1. Mukomana wacho anotarisa zvekudya zvacho asingazvifarire. 2. Mukomana uya ari kudya zvekudya zviya, asi iye zvino ati kurei. 3. Mukomana uya akura uye ava kunakirwa nezvekudya zviya.

Kutanga kuverenga Bhaibheri kwakafanana nekutanga kudya zvekudya zvawaisaziva, asi zvozopedzisira zvava kukunakira

4. Zvaungaita kuti ufarire kuverenga Bhaibheri

Zvinogona kukuomera kutanga kuverenga Bhaibheri, sezvinongoitikawo munhu paanotanga kudya chekudya chaaisaziva. Asi unogona kupedzisira wava kutonakidzwa naro, kutoita seuri kurinzwira nzara kana usina kuriverenga. Verengai 1 Petro 2:2, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Unofunga kuti ukatanga kuverenga Bhaibheri zuva rega rega zvichakunakidza zvekuti unenge wava kuda kuramba uchiriverenga here?

Ngationei VHIDHIYO inoratidza kuti vamwe vanhu vakatanga sei kunakidzwa nekuverenga Bhaibheri, tobva takurukura mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Vechidiki Vari Kudzidza Kuda Shoko raMwari (5:33)

  • Muvhidhiyo iyi vechidiki vaitadziswa nei kuverenga Bhaibheri?

  • Chii chakavabatsira kuti varambe vachiriverenga?

  • Vakaita sei kuti vanyatsonakidzwa nekuverenga Bhaibheri?

Matangiro aungaite:

  • Sarudza Bhaibheri rakaturikirwa nemazvo uye rinonzwisisika. Chimboedza kuverenga Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva kana richiwanika mumutauro wako.

  • Tanga nekuverenga mabhuku ane nyaya dzinonyanya kukunakidza. Unogona kushandisa chati yakanzi “Kutanga Kuverenga Bhaibheri.”

  • Nyora pasi zvitsauko zvaunenge waverenga. Shandisa chati yakanzi “Purogiramu Yekuverenga Bhaibheri” iri mubhuku rino.

  • Shandisa app inonzi JW Library®. Inokubatsira kuverenga Bhaibheri kana kuita zvekuriteerera pafoni yako kana kuti patablet chero kwaunenge uri.

  • Shandisa mamwe mashoko ari nechekunoperera Shanduro yeNyika Itsva. Anosanganisira mamepu, machati, nekutsanangurwa kwemashoko emuBhaibheri izvo zvichakubatsira kuti unakidzwe nekuverenga Bhaibheri.

5. Gadzirira zvidzidzo zvako

Verengai Pisarema 119:34, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Zvakanakirei kunyengetera usati watanga kuverenga Bhaibheri kana kuti kugadzirira zvidzidzo zvako?

Ungaita sei kuti unyatsobatsirwa nechidzidzo chimwe nechimwe? Edza kuita zvinotevera paunenge uchigadzirira zvidzidzo zviri mukosi ino:

  1. Verenga ndima dzekutanga dzechidzidzo chacho.

  2. Vhura mavhesi uchiaverenga, woona kuti anobatana sei nenyaya yacho.

  3. Maka panenge paine mhinduro yemubvunzo mumwe nemumwe; izvi zvichakubatsira pamunenge mava kukurukura chidzidzo chacho nemudzidzisi wako.

Mifananidzo: Mukadzi ari kugadzirira zvidzidzo zvake zveBhaibheri. A. Ari kuverenga ndima dzekutanga dzechidzidzo chacho. B. Ari kuverenga mavhesi eBhaibheri arimo. C. Ava kumaka mhinduro dzemibvunzo iri muchidzidzo chacho.

Waizviziva here?

Zvapupu zvaJehovha zvagara zvichishandisa maBhaibheri akasiyana-siyana. Asi tinonyanya kushandisa rinonzi Shanduro yeNyika Itsva nekuti rakaturikirwa nemazvo, riri nyore kunzwisisa, uye rine zita raMwari.—Ona nyaya iri paIndaneti yakanzi “Zvapupu zvaJehovha Zvine Bhaibheri Razvo Here?”

VAMWE VANOTI: “Kudzidza Bhaibheri ibasa chairo. Handina nguva uye kakawanda ndinenge ndakaneta.”

  • Ko iwe unoti kudii?

PFUPISO

Kuti unyatsobatsirwa neBhaibheri, ronga nguva yekuriverenga, nyengetera kuti unzwisise zvaunenge uchiverenga, uye gadzirira zvidzidzo zvako.

Kudzokorora

  • Ungaita sei kuti unyatsobatsirwa neBhaibheri?

  • Inguva ipi yaungasarudza kuverenga uye kudzidza Bhaibheri?

  • Zvakanakirei kuti ugare wagadzirira chidzidzo chako?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga nyaya iyi uone mamwe mazano anogona kukubatsira pakuverenga Bhaibheri.

“Zvaungaita Kuti Ubatsirwe Nekuverenga Bhaibheri” (Nharireyomurindi Nhamba 1 2017)

Dzidza zvinhu zvitatu zvaunogona kuita kana uchida kuverenga Bhaibheri.

“Bhaibheri Ringandibatsira Sei?—Chikamu 1: Kudzidza Bhaibheri” (Nyaya iri paIndaneti)

Verenga unzwe mazano angakubatsira kuti unakidzwe nekuverenga Bhaibheri.

“Bhaibheri Ringandibatsira Sei?—Chikamu 2: Nakidzwa Nekuverenga Bhaibheri” (Nyaya iri paIndaneti)

Inzwa zvinoitwa nevamwe vava nemakore vachiverenga Bhaibheri mazuva ese.

Kunyatsodzidza Uri Wega (2:06)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe