RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rr p. 212
  • Kugovewa Kwenyika Yacho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kugovewa Kwenyika Yacho
  • Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwana kwemunhu wese nzvimbo yake uye kuva nebasa rinokosha
  • Migove yakaenzana
  • ‘Govai Nyika Kuti Ive Nhaka Yenyu’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • “Rangarir[a] Nomwoyo Wako” Temberi yaMwari!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • ‘Guta Racho Richanzi Jehovha Ari Ipapo’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • “Temberi” ne“Muchinda” Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
rr p. 212
Murume anopenya semhangura achiratidza Ezekieri nyika yaifanira kugovewa.

BHOKISI REKUDZIDZISA 20A

Kugovewa Kwenyika Yacho

Tsanangudzo yemiganhu yakanyatsoyerwa nemazvo yakapa vaIsraeri vaiva kuutapwa chivimbo chekuti vaizodzokera kunyika yavo yavaida zvikuru. Zvidzidzo zvipi zvatinogona kuwana pachiratidzo ichi mazuva ano? Ona zvinhu zviviri zvatinodzidza pachiratidzo chacho:

Mepu inoratidza miganhu yenyika yaifanira kugovewa kunhapwa dzainge dzadzoka sekunyorwa kwazvakaitwa naEzekieri. Nhaka dzemadzinza dzakaenzana kubva kuchamhembe kusvika kumaodzanyemba zvichitanga nedzinza raDhani, Asheri, Naftari, Manase, Efremu, Rubheni, Judha, Mupiro, Bhenjamini, Simiyoni, Isakari, Zebhuruni, uye Gadhi.

Kuwana kwemunhu wese nzvimbo yake uye kuva nebasa rinokosha

Mumwe nemumwe wenhapwa dzaizodzoka aizowana nhaka muNyika Yakapikirwa. Zvakadaro zviri kuitikawo mazuva ano muparadhiso yemweya; vashumiri vese vaJehovha vane nzvimbo mairi. Pasinei nekuti tinoita basa rei musangano raJehovha, tese zvedu tine nzvimbo yedu uye tine basa rinokosha muparadhiso yemweya. Jehovha anokoshesa vashumiri vake vese zvakaenzana.

Migove yakaenzana

Muchiratidzo chaEzekieri, nharaunda yega yega yemuNyika Yakapikirwa yaiita kuti vagari vemo vave nemikana yakaenzana yekuwana makomborero enyika iyi. Ndizvowo zviri kuitika mazuva ano; Jehovha anopa vashumiri vake vese mikana yakaenzana yekuwana makomborero emuparadhiso yemweya.

Chitsauko 20, ndima 5-11

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe