BHOKISI REKUDZIDZISA 2B
Ezekieri Upenyu Hwake Uye Makore Aakararama
Zita rekuti Ezekieri rinoreva kuti “Mwari Anosimbisa.” Kunyange zvazvo uprofita hwake hwakawanda huine mashoko ekuyambira vanhu, kana tichihutarisa hwese zvahwo tinoona kuti hunoenderana nezvinorehwa nezita rake uye hunosimbisa kutenda kwevaya vanoda kunamata Jehovha zvakachena.
VAPROFITA VAKARARAMA PANGUVA YAKE
JEREMIYA,
aiva wemumhuri yevapristi, uye nguva yake yakawanda akashumira ari muJerusarema (647-580 B.C.E.)
HURIDHA
akashumira mazuva akawanikwa bhuku reMutemo mutemberi munenge muna 642 B.C.E.
DHANIERI,
aiva wedzinza reumambo hweJudha, akaendeswa kuBhabhironi muna 617 B.C.E.
HABHAKUKI
anofanira kunge akashumira muJudha makore ekutanga ekutonga kwaJehoyakimu
OBHADHIYA
akaprofita nezvemutongo wakapiwa kunyika yeEdhomu, zvimwe panguva yakaparadzwa Jerusarema
VAKAPROFITA RIINI? (Makore ese ndeekumaB.C.E.)
ZVIITIKO ZVINOKOSHA MUUPENYU HWAEZEKIERI (Makore ese ndeekumaB.C.E.)
c.643: Anozvarwa
617: Anotapwa oendeswa kuBhabhironi
613: Anotanga kuprofita; anoona Jehovha muchiratidzo
612: Anoona chiratidzo chevanhu vari kuitira kunamata kwenhema patemberi
611: Anotanga kushoropodza Jerusarema
609: Mudzimai wake anofa uye kukombwa kwekupedzisira kweJerusarema kunotanga
607: Anoudzwa kuti Jerusarema raparadzwa
593: Anoona chiratidzo chetemberi
591: Anotaura nezvekupinda kwaNebhukadhinezari muIjipiti nechisimba; anopedza kunyora
MADZIMAMBO EJUDHA NEBHABHIRONI
659-629: Josiya anosimudzira kunamata kwakachena asi anofa achirwisana naFarao Neko
628: Mambo akaipa Jehoahazi anotonga kwemwedzi mitatu, otapwa naFarao Neko
628-618: Jehoyakimu ndimambo akaipa uye anotonga ari pasi paFarao Neko
625: Nebhukadhinezari anokunda uto revaIjipiti
620: Nebhukadhinezari anopinda nechisimba muJudha kekutanga, ogadza Jehoyakimu kuti atonge muJerusarema ari pasi pake
618: Jehoyakimu anopandukira Nebhukadhinezari asi anenge anozofa vaBhabhironi pavanopinda kechipiri muNyika Yakapikirwa
617: Jehoyakini, uyo anozivikanwawo saJekoniya, ndimambo akaipa anotonga kwemwedzi mitatu ozozviisa mumaoko aNebhukadhinezari
617-607: Mambo akaipa Zedhekiya, uyo aiva mbwende, anotanga kutonga ari pasi paNebhukadhinezari
609: Zedhekiya anopandukira Nebhukadhinezari, uye Nebhukadhinezari anobva apinda muJudha nechisimba kechitatu
607: Nebhukadhinezari anoparadza Jerusarema, otora Zedhekiya, omuita bofu, oenda naye kuBhabhironi