RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lvs chits. 11 pp. 147-158
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
  • Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Verenga mu“Rudo rwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUSWEDERA PEDYO NAMWARI UYE NEWAWAKAROORANA NAYE
  • KUDA JEHOVHA KUNOGONA KUSIMBISA WANANO YENYU
  • KUDZA WANANO YAKO NEZVAUNOTAURA UYE ZVAUNOITA
  • “MUBHEDHA WEVAKAROORANA NGAUREGE KUSVIBISWA”
  • UNGASIMBISA SEI WANANO YAKO?
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Kuroorana Chipo Chinobva Kuna Mwari Ane Rudo
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kuramba Wakazvipira Muimba Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Ramba Uri Murudo rwaMwari
lvs chits. 11 pp. 147-158
Murume nemudzimai vari kubika vese mukicheni vachinakidzwa

Chitsauko 11

Upenyu Pashure Pezuva Remuchato

“Rudo harumboperi.”—1 VAKORINDE 13:8.

1, 2. Kuva nematambudziko muwanano kunoreva here kuti wanano yacho yakundikana? Tsanangura.

WANANO chipo chinobva kuna Jehovha. Inogona kuita kuti munhu awedzere kufara. Asi wanano imwe neimwe ichava nematambudziko ayo. Zvinogona kutoita sekuti matambudziko acho haambofi akapera, uye murume nemudzimai vanogona kunzwa vasisiri pedyo nepedyo sezvavaimbova.

2 Hatifaniri kushamisika kana wanano yedu ichimbova nematambudziko. Asi, kuva nematambudziko hakurevi kuti wanano yedu inenge yakundikana. Kunyange vamwe vaimbova nematambudziko akakura vakawana nzira dzekuti vawirirane uye vasimbise wanano yavo. Vakazviita sei?

KUSWEDERA PEDYO NAMWARI UYE NEWAWAKAROORANA NAYE

3, 4. Chii chinogona kuitika muwanano?

3 Wanano inobatanidza vanhu vaviri vakasiyana, mumwe nemumwe aine zvaanofarira nezvaasingafariri, mafungiro ake, uye maitiro ake. Uyewo, murume nemudzimai vanogona kunge vachibva kwakasiyana uye vakarerwa zvakasiyana. Zvinotora nguva uye ibasa chairo kuti vakaroorana vasvike pakunyatsozivana uye kunzwisisana.

Murume nemudzimai vari kudzidza Bhaibheri pamwe chete

Mazano eBhaibheri anodiwa kuti wanano ibudirire

4 Nekufamba kwenguva, murume nemudzimai vanogona kubatikana, mumwe nemumwe nezvaanenge achikoshesa, zvekuti vanopedzisira vasisiri pedyo nepedyo. Zvinogona kuita sekuti mumwe nemumwe wavo ari kuzviraramira upenyu hwake ega. Chii chingavabatsira kuti vawedzere kuva pedyo nepedyo?

5. (a) Chii chinogona kubatsira muKristu kuti asimbise wanano yake? (b) Maererano naVaHebheru 13:4, tinofanira kuona sei wanano?

5 Jehovha anopa mazano akanaka anogona kukubatsirai kuti muwedzere kuswedera pedyo naye uye musimbise wanano yenyu. (Pisarema 25:4; Isaya 48:17, 18) Anotiudza kuti: “Wanano ngaikudzwe nevanhu vese.” (VaHebheru 13:4) Chinhu chaunokudza unochikoshesa uye unochichengetedza. Jehovha anoda kuti tione wanano saizvozvo.

KUDA JEHOVHA KUNOGONA KUSIMBISA WANANO YENYU

6. Mateu 19:4-6 inotidzidzisei nezvemaonero anoitwa wanano naJehovha?

6 Jehovha ndiye akabatanidza murume nemudzimai vekutanga. Mwanakomana wake, Jesu, akati: “Hamuna kuverenga here kuti iye akavasika pakutanga akavaita munhurume nemunhukadzi uye akati: ‘Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira kumudzimai wake, vaviri vacho vova nyama imwe’? Zvekuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. Saka ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mateu 19:4-6) Kubvira pakutanga, Jehovha aida kuti wanano ive yeupenyu hwese. Aida kuti mhuri dzive nevanhu vakabatana, vanofara, uye vanonakidzwa neupenyu vari pamwe chete.

7. Murume nemudzimai vangasimbisa sei wanano yavo?

7 Zvisinei, vakaroorana havasati vambosangana nematambudziko akakura sezvavava kuita mazuva ano. Dzimwe nguva matambudziko acho anokura zvekuti vanofunga kuti wanano yavo haichagadziriki, vobva vangosiyana. Asi kunzwisisa kuti Jehovha anoona sei wanano kunogona kutibatsira.—1 Johani 5:3.

8, 9. (a) Nei tichifanira kuteerera zvatinoudzwa naJehovha nezvewanano? (b) Tingaratidza sei kuti tinokoshesa imba yedu?

8 Zvatinoudzwa naJehovha zvagara zvakatinakira. Sezvataona, anotipa zano rekuti: “Wanano ngaikudzwe nevanhu vese.” (VaHebheru 13:4; Muparidzi 5:4) Zvatinoudzwa naJehovha kuti tiite hazvimbotadzi kutibatsira kana tikazvitevedzera, kunyange pazvinenge zvakaoma.—1 VaTesaronika 1:3; VaHebheru 6:10.

9 Sezvo tichikoshesa imba yedu, tinoda kusiyana nekuita kana kutaura chinhu chero chipi zvacho chingaiputsa. Pane kudaro, tinoda kusimbisa rudo rwedu newatakaroorana naye. Tingazviita sei?

KUDZA WANANO YAKO NEZVAUNOTAURA UYE ZVAUNOITA

10, 11. (a) Idambudziko ripi rakakura riri muwanano dzakawanda? (b) Nei zvichikosha kuti titaure zvakanaka newatakaroorana naye?

10 Munhu ari muwanano anogona kurwadzisa mumwe wake munzira dzakasiyana-siyana. Tinoziva kuti muKristu haatombofaniri kurova munhu waakaroorana naye kana kuita chimwe chinhu chinomukuvadza. Asi zvinogona kuitika kuti tinorwadzisana nemashoko atinotaura. Mashoko anogona kuva zvombo. Mumwe mukadzi akati: “Murume wangu anondirova nemashoko. Ndingasava zvangu nemavanga anooneka, asi magaramwoyo aanondikandira akadai sekuti ‘Ndaneta newe!’ uye ‘Wakangogarira kudya chete!’ anosiya mavanga pamwoyo pangu.” Mumwe murume akati mudzimai wake anogara achimubvisa chimiro nemashoko aanotaura uye anomutuka. Akati: “Handigoni kudzokorora pane vanyarikani zvinhu zvaanotaura kwandiri. Ndokusaka ndisingatauri naye uye ndichinonoka kudzoka kubasa. Ndinotoona zviri nani pane kuuya kumba.” Kutukana kana kuti kuudzana magaramwoyo kwakajairika chaizvo mazuva ano.

11 Murume nemudzimai pavanoudzana mashoko anorwadza, zvinotora nguva refu kuti zvipore. Zviri pachena kuti Jehovha haadi kuti murume nemudzimai vagarisane saizvozvo. Asi zvinogona kuitika kuti unogona kurwadzisa mumwe wako usingatombozivi. Unogona kufunga kuti unobata mumwe wako zvakanaka, asi iye wacho anotii? Kana wakataura chimwe chinhu chakarwadzisa mumwe wako, ungada kuchinja matauriro ako here?—VaGaratiya 5:15; verenga VaEfeso 4:31.

12. Munhu ari muwanano anogona sei kukanganisa ushamwari hwake naJehovha?

12 Matauriro aunoita nemumwe wako, pangava paruzhinji kana kuti muri mega, anokosha kuna Jehovha. (Verenga 1 Petro 3:7.) Jakobho 1:26 inotiyeuchidza kuti: “Kana munhu achifunga kuti ari kunamata Mwari asi asingadzori rurimi rwake zvakasimba, ari kunyengera mwoyo wake, uye kunamata kwake hakuna zvakunobatsira.”

Murume nemudzimai vari kubika vese mukicheni vachinakidzwa

13. Chii chimwe chinogona kuita kuti munhu ari muwanano arwadzise mumwe wake?

13 Pane zvimwewo zvisingafaniri kuitwa nevari muwanano kuti vasarwadzisana. Ngatitii wava kupedza nguva yako zhinji uine mumwe munhu asiri wawakaroorana naye. Mumwe wako anonzwa sei? Kunyange zvazvo ungave uchizviita nechikonzero chinonzwisisika, chakadai sekuparidza kana kubatsira padambudziko rinenge ramuka, hazvisi kurwadzisa mumwe wako here? Mumwe mudzimai wechiKristu akati: “Zvinondirwadza kuona murume wangu achiita nguva yakawanda kudaro achibatsira imwe hanzvadzi iri muungano. Zvinoita kuti ndifunge kuti ini handina basa.”

14. (a) Ichokwadi chipi chatinodzidza pana Genesisi 2:24? (b) Tinofanira kuzvibvunza mubvunzo upi?

14 SevaKristu, tine zvatinotarisirwa kuti tiitire vabereki vedu nehama nehanzvadzi dziri muungano. Asi patinopinda muwanano, mudzimai wedu kana murume wedu ndiye anenge ava kukosha kupfuura vamwe vese. Jehovha akati murume “achanamatira kumudzimai wake.” (Genesisi 2:24) Tinofanira kukoshesa chaizvo kuti mumwe wedu anonzwa sei. Zvibvunze kuti: ‘Ndiri kuwanira mumwe wangu nguva yaakakodzera kuwana here, ndichimuratidza kuti ndine hanya naye uye kuti ndinomuda?’

15. Nei muKristu ari muwanano asingafaniri kunyanya kushamwaridzana nemunhu waasina kuroorana naye?

15 Kana tikanyanya kushamwaridzana nemumwe munhu asiri murume kana mudzimai wedu, tinogona kukonzera matambudziko muwanano yedu. Tinogona kusvika pekuti tinenge tisisadi kusiyana nemunhu iyeye topedzisira tava kumuda. (Mateu 5:28) Izvi zvinogona kupedzisira zvaita kuti uite chimwe chinhu chinoshoresa wanano yako.

“MUBHEDHA WEVAKAROORANA NGAUREGE KUSVIBISWA”

16. Bhaibheri rinopa murayiro wekutii nezvewanano?

16 Pashure pekutaura kuti “Wanano ngaikudzwe nevanhu vese,” Bhaibheri rinoti: “Mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nekuti Mwari achatonga vese vanoita zveupombwe, vangava vari muwanano kana kuti vasiri.” (VaHebheru 13:4) Pano, “mubhedha wevakaroorana” unoreva kusangana pabonde kunoita murume nemudzimai. (Zvirevo 5:18) Tingaratidza sei kuti tinoremekedza urongwa uhwu torega kuhusvibisa?

17. (a) Vanhu vakawanda mazuva ano vanoona sei upombwe? (b) VaKristu vanofanira kuona sei upombwe?

17 Vamwe vanhu mazuva ano vanoona pasina chakaipa nekuita gumbo mumba, gumbo panze. Hatifaniri kurega mafungiro akadaro achitikanganisa. Jehovha anonyatsotiratidza pachena kuti anovenga upombwe. (Verenga VaRoma 12:9; VaHebheru 10:31; 12:29) Kana tikasangana pabonde nemumwe munhu asiri murume kana mudzimai wedu, tinenge tichisvibisa wanano yedu. Tinenge tichiratidza kuti hatiremekedzi mitemo yaJehovha, uye tinokanganisa ushamwari hwedu naye. Saka hatitombofaniri kutora nhanho, kunyange yekutanga chaiyo, ingazotisvitsa pakuita upombwe. Nhanho iyoyo ingasanganisira kuva nepfungwa dzisina kuchena nezvemumwe munhu.—Jobho 31:1.

18. (a) Kuita upombwe kwakafanana papi nekunamata vanamwari venhema? (b) Jehovha anoona sei upombwe?

18 Pasi peMutemo waMozisi, upombwe hwaiva chivi chakakura chaizvo, kungofanana nechivi chekunamata vanamwari venhema. Munhu aiita chimwe chezvivi izvi aipiwa chirango cherufu. (Revhitiko 20:2, 10) Upombwe hwainge hwakafanana papi nekunamata vanamwari venhema? Kana muIsraeri akanamata vanamwari venhema, ainge aputsa vimbiso yake yekuramba akavimbika kuna Jehovha. Kana akaita upombwe, ainge aputsa vimbiso yake yekuramba akavimbika kune waakaroorana naye. (Eksodho 19:5, 6; Dheuteronomi 5:9; verenga Maraki 2:14.) Zviri pachena kuti kare ikako, Jehovha aiona kuita upombwe sechivi chakakura chaizvo.

19. Chii chinogona kutibatsira kuti tisamboda kuita upombwe?

19 Ko mazuva ano? Kunyange zvazvo tisisiri pasi peMutemo waMozisi, maonero anoita Jehovha upombwe haana kuchinja. Tinovenga kuita upombwe sekungovengawo kwatinoita kunamata mwari wenhema. (Pisarema 51:1, 4; VaKorose 3:5) Kana tikaita upombwe, tinoshoresa wanano yedu uye Mwari wedu, Jehovha.—Ona Mamwe Mashoko 26.

UNGASIMBISA SEI WANANO YAKO?

20. Uchenjeri hungabatsira sei wanano?

20 Ungasimbisa sei wanano yako? Shoko raMwari rinoti: “Uchenjeri hunomisa imba, uye ungwaru hunoisimbisa.” (Zvirevo 24:3) Imba inogara vanhu inogona kunge ichitonhora uye mukati mayo musina kana chinhu, kana kuti inogona kunge ichidziya, ichigarika zvakanaka uye ichiita kuti vanhu vanzwe vakachengeteka. Ndizvo zvinogonawo kuita wanano yedu. Kana tiine uchenjeri tichaita zvese zvatinogona kuti wanano yedu isimbe, ifadze uye inakidze.

21. Ruzivo rungasimbisa sei wanano?

21 Bhaibheri rinoenderera mberi richitaura nezveimba iyoyo richiti: “Ruzivo runoita kuti dzimba [dzayo] dzemukati dzizare nezvinhu zvinokosha zvemarudzi akasiyana-siyana uye pfuma inofadza.” (Zvirevo 24:4) Zvamunodzidza muShoko raMwari zvinogona kukubatsirai kuvandudza wanano yenyu. (VaRoma 12:2; VaFiripi 1:9) Pamunoverenga mese Bhaibheri nemabhuku edu, kurukurai kuti mungashandisa sei zvamunodzidza. Tsvaga nzira dzekuratidza mumwe wako rudo neruremekedzo, uyewo dzekuti ungamubata sei zvakanaka uchifungawo zvakamunakira. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuva neunhu huchasimbisa wanano yenyu uye huchaita kuti mumwe wako awedzere kukuda.—Zvirevo 15:16, 17; 1 Petro 1:7.

Murume ari kunyengetera nemudzimai wake vasati vatanga kunamata kwemhuri

Tsvagai kutungamirirwa naJehovha pamunoita kunamata kwemhuri

22. Nei tichifanira kuratidza watakaroorana naye rudo, rukudzo neruremekedzo?

22 Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tibate murume kana mudzimai wedu nerudo, rukudzo neruremekedzo. Kana tikadaro, rudo rwedu ruchawedzera uye imba yedu ichasimba. Uye chinonyanya kukosha ndechekuti tichaita kuti Jehovha afare.—Pisarema 147:11; VaRoma 12:10.

CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI

1 WANANO YEDU INOGONA KUITA KUTI JEHOVHA AKUDZWE

“Rudo harumboperi.”—1 VaKorinde 13:8

Chii chinogona kutibatsira kugadzirisa kusawirirana muwanano?

  • Muparidzi 5:4; Mateu 19:4-6

    Imba imwe neimwe ine matambudziko ayo. Asi usakurumidza kusiyana newawakaroorana naye.

  • Pisarema 25:4; Isaya 48:17, 18; Mateu 6:33, 34

    Murume nemudzimai pavanoswedera pedyo naJehovha, wanano yavo inosimba.

2 ZVATINOTAURA NEZVATINOITA ZVINOGONA KUKANGANISA IMBA YEDU

“Vachava nyama imwe.”—Genesisi 2:24

Tingaita sei kuti tisarwadzisa watakaroorana naye?

  • Mateu 5:28; VaEfeso 4:31

    Usaita upombwe kana kufungidzira uchihuita nemumwe munhu. Edza kuziva kuti mumwe wako anonzwa sei nezvaunoita. Kana ukaona kuti uri kumurwadzisa, chinja zviito zvako.

  • VaGaratiya 5:15

    Hatingambodi kurova munhu watakaroorana naye kana kumushungurudza. Kutaura magaramwoyo kunoputsa imba.

  • Zvirevo 5:18; VaHebheru 13:4

    Jehovha anoona upombwe sechivi chakakura. Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tirambe takavimbika kune watakaroorana naye uye tikoshese wanano yedu. Hatitombodi kushoresa Jehovha kana kushoresa munhu watakaroorana naye.

3 UNOGONA KUITA KUTI WANANO YAKO ISIMBE

“Uchenjeri hunomisa imba.”—Zvirevo 24:3

Ungaitei kuti uve newanano yakasimba uye mugare muchifara?

  • Zvirevo 24:4; Mateu 6:14, 15; VaRoma 12:2; 1 Petro 3:1

    Wana nguva yekukurukura nemumwe wako. Bata murume kana mudzimai wako zvakanaka uye zvine rudo neruremekedzo. Dzidza kukurumidza kuregerera mumwe wako.

  • Zvirevo 14:1; 31:29; VaFiripi 1:9; 2:4; 1 Petro 3:7

    Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuva murume kana mudzimai akanaka. Tsvaga nzira dzekubata mumwe wako zvakanaka uye dzekuratidza kuti unofungawo zvakamunakira.

  • VaRoma 12:10; 1 Petro 4:8

    Kana ukaita zvese zvaunogona kuti uratidze kuti unokoshesa uye unokudza mumwe wako, imba yenyu ichasimba uye muchaita kuti Jehovha afare.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe