RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sjj rwiyo 55
  • Musavatye!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musavatye!
  • ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Mashoko Akafanana
  • Musavatye!
    Imbirai Jehovha
  • Musavatya!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • “Chiono Chenyika Ino Chiri Kuchinja”
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Upenyu Husina Mugumo—Pakupedzisira!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
Ona Zvimwe
‘Imbira Jehovha Uchifara’
sjj rwiyo 55

RWIYO 55

Musavatye!

Rakaprindwa

(Mateu 10:28)

  1. 1. Vanhu vangu musamire

    Kuparidza Umambo.

    Musamutye muvengi.

    Vanoda ngavaudzwe

    Kuti Kristu akakanda

    Satani pano pasi,

    A’kuzosunga muvengi,

    Nhapwa dzosunungurwa.

    (KORASI)

    Usavatye, mudikani,

    Usambovhundutsirwa;

    Ndichakuchengeta kunge

    Mboni yeziso rangu.

  2. 2. Nyange mungatyisidzirwa

    Nevavengi vazhinji,

    Vachiseka zvenhema

    Zvekukunyengerai.

    Murwi wangu usavatye,

    Kutambudzwa kwanyanya,

    Vakatendeka ndinavo

    Kusvikira kum’gumo.

    (KORASI)

    Usavatye, mudikani,

    Usambovhundutsirwa;

    Ndichakuchengeta kunge

    Mboni yeziso rangu.

  3. 3. Usatye kukanganwika;

    Ndichiri simba rako.

    Ungafire mubasa,

    Asi ndichakumutsa.

    Usavatye, havagoni

    Kutadzisa rumuko.

    Urambe wakatendeka;

    Ndikupe mubayiro!

    (KORASI)

    Usavatye, mudikani,

    Usambovhundutsirwa;

    Ndichakuchengeta kunge

    Mboni yeziso rangu.

(Onawo Dheut. 32:10; Neh. 4:14; Pis. 59:1; 83:2, 3.)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe