RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ypq mubvunzo 5 pp. 15-17
  • Ndoita Sei Kana Vamwe Vachindinetsa Kuchikoro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndoita Sei Kana Vamwe Vachindinetsa Kuchikoro?
  • Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaitei kana ndichishungurudzwa?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kusununguka Pakudheererwa
    Mukai!—2003
  • Kudheerera—Zvimwe Zvinokukonzera uye Migumisiro
    Mukai!—2003
  • Kudheerera—Chinetso Chiri Munyika Yose
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
ypq mubvunzo 5 pp. 15-17
Mukomana ari kuvhundutsirwa nemumwe waanodzidza naye

MUBVUNZO 5

Ndoita Sei Kana Vamwe Vachindinetsa Kuchikoro?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Zvauchaita zvinogona kuita kuti usanyanya kushungurudzwa kana kuti zvitowedzera.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: Nhasi Thomas haasi kuda zvekuenda kuchikoro. Haachatombodi zvekutsikako. Zvakatanga mwedzi mitatu yapfuura vamwe vekuchikoro kwake pavakafambisa makuhwa asingaiti nezvake. Vakazotanga kumuwanzira vachimupa mazita ekumutsvinyira. Dzimwe nguva mumwe aigona kudhumha Thomas, mabhuku ake obva adonha zvoita sekuti itsaona. Pamwe pacho vamwe vaigona kufamba vari chikwata kumashure kwaThomas mumwe wavo omusundidzira. Thomas paaizotendeuka vese vaibva vaita sekuti hapana chaitika. Izvi zviri nani pane zvakazoitika nezuro. Akatarisa paIndaneti akaona mashoko ekumutyisidzira aiti . . .

Dai uriwe Thomas, waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Usatya hako! Unokwanisa kuita kuti vamwe vasakushungurudza asi usingavarovi. Ungazviita sei?

  • USARATIDZA KUGUMBUKA. Bhaibheri rinoti: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama kusvikira pakupedzisira.” (Zvirevo 29:11) Kana ukaramba wakadzikama vanogona kubva vasiyana newe.

  • USADZORERA. Bhaibheri rinoti: “Usadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.” (VaRoma 12:17) Ukada kutsiva zvinhu zvinotozowedzera kuipa.

  • TAMBIRA KURE NAVO. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Kana zvichiita, tambira kure nevanhu vanoshungurudza vamwe.

  • ITA ZVAVANGA VASINGAFUNGIRI. Bhaibheri rinoti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.” (Zvirevo 15:1) Unogona kuita zvinhu zvinosetsa. Somuenzaniso, kana munhu achikuwanzira achiti wakafuta, unogona kumupindura uchiti, “Ishuwa wena, ndiri kutoedzawo kuti nditi dzikirei!”

  • IBVA PANZVIMBO YACHO. Nora ane makore 19 anoti: “Kunyarara kunoratidza kuti wakura uye unofunga kudarika munhu ari kukunetsa. Zvinoratidza kuti unogona kuzvidzora. Vanhu vanokushungurudza havakwanisi kuzviita.”​—2 Timoti 2:24.

  • RATIDZA KUSATYA. Vanhu vanoshungurudza vamwe vanogona kuzviona kuti unotya uye kuti chero vakaita zvavanoda newe haudzoreri. Vanhu vakawanda havazorambi vachikunetsa kana vakaona kuti zvavari kuita hazvisi kushanda.

  • UDZA MUMWE MUNHU. Mumwe aimbova mudzidzisi akati: “Ndinokurudzira munhu wese anenge achishungurudzwa kuti amhan’are. Kuita izvi kwakanaka uye kuchabatsira kuti vamwe vasashungurudzwa.”

Mukomana ari kuratidza kuti haasi kutya zimonya riri kuda kumuvhundutsira

Ukaratidza kuti hausi kutya zvichaita kuti munhu anokushungurudza asaita zvaanoda newe

WAIZVIZIVA HERE?

Kushungurudzwa kunosanganisira zvinhu zvinotevera:

  • Mashoko akaita semoto ari kubuda mumuromo memunhu anoshungurudza vamwe

    Kutukwa. “Handikanganwi kuwanzirwa kwandaiitwa. Vaiita kuti ndizvione semunhu asingabatsiri uyewo asina kana chaanogona. Kurohwa kuri nani panzvimbo pokuudzwa mashoko anorwadza kudaro.”—Celine ane makore 20.

  • Mukomana akagara hake ega nekuti vamwe vake havasi kuda kutamba naye

    Kusafarirwa nevamwe. “Vandinodzidza navo vakatanga kutambira kure neni. Palunch vaigara zvokuratidza kuti havasi kuda kugara neni nokuti vaibva vazadza nzvimbo dzose. Kwegore rose ndainodya ndiri kwangu ndoga ndichichema.”—Haley ane makore 18.

  • Musikana ari kuvhunduka nezvaari kuona pakombiyuta

    Zvinhu zvinotumirwa paIndaneti. “Zvaunotumira pakombiyuta zvinogona kusvibisa zita remumwe munhu, kana kukanganisa upenyu hwake hwose. Zvingaita sokuti kuwedzeredza, asi ndizvo zvinoitika!”—Daniel ane makore 14.

UNOTI KUDII?

CHOKWADI KANA KUTI NHEMA

MHINDURO

1 Kushungurudzwa hakuna kutanga nhasi.

1 Chokwadi. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura kuti kare kwaiva nevaNefirimu, richireva “Vanhu Vanowisira Vamwe Pasi.”—Genesisi 6:4.

2 Hapana chakaipa nokushungurudza vamwe, kungoriwo kutamba.

2 Nhema. Nhamba yakawanda yevechidiki vari kuzviuraya ndeyevana vari kushungurudzwa.

3 Kana ukashungurudzwa kudzorera ndiko kuzvipedza.

3 Nhema. Kazhinji vanhu vanoshungurudza vamwe vanenge vakasimba saka zvinobva zvaoma kuti udzorere.

4 Kana ukaona mumwe achishungurudzwa, siyana nazvo.

4 Nhema. Hazvina kunaka kungotarisa worega kumubatsira. Ukasamubatsira, unenge uchiratidza kuti uri kufarira zvaari kuitirwa.

5 Kakawanda kacho vaya vanoshungurudza vamwe vanenge vaine zviri kutovanetsawo.

5 Chokwadi. Kunyange zvazvo vamwe vachiita sekuti havana zviri kuvanetsa, vakawanda vavo vanenge vaine zviri kutovadya mwoyo saka kuti vafarewo vanobva vafunga zvokushungurudza mumwe munhu.

6 Vanhu vanoshungurudza vamwe vanogona kuchinja.

6 Chokwadi. Vanogona kuchinja mafungiro nemaitiro avo kana vakabatsirwa.

ZVANDICHAITA

  • Kana munhu akada kundishungurudza, zvii zvandichaita?

ONA ZVIMWE!

Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi

Ona vhidhiyo inonzi Zvaungaita Kuti Vamwe Vasakudherera Asi Usingavarovi iri pawww.jw.org. (Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe