RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ypq mubvunzo 4 pp. 12-14
  • Ndingaita Sei Kana Ndakanganisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kana Ndakanganisa?
  • Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Mashoko Akafanana
  • Ndingaita Sei Kana Pane Zvandakanganisa?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kubvumirei Chikanganiso?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvaungaita Kana Wakanganisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Unodzidza Kubva Pane Zvaunokanganisa Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
Ona Zvimwe
Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
ypq mubvunzo 4 pp. 12-14
Vakomana vaviri vari kutarisa hwindo remota rapwanyika

MUBVUNZO 4

Ndingaita Sei Kana Ndakanganisa?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Kubvuma zvaunenge wakanganisa kuchaita kuti vanhu vavimbe newe uye hauzoiti zvinhu usina kufunga.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: Tim paanenge achitamba neshamwari dzake, anokanda bhora robva ranotema hwindo remota yevaridzi.

Dai uriwe Tim, waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

UNE ZVINHU 3 ZVAUNOGONA KUITA:

  1. Kutiza.

  2. Kupomera mumwe.

  3. Kuudza varidzi vemota zvaitika, wotaura kuti ucharibhadhara.

Kamwe kapfungwa kanogona kuti ita zviri paA. Asi pane zvakanakira kubvuma kana wakanganisa, ungave wapwanya hwindo kana kuti waita chimwe chinhu.

ZVAKANAKIREI KUBVUMA KANA WAKANGANISA?

  1. Ndozvinofanira kuitwa.

    Bhaibheri rinoti: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”​—VaHebheru 13:18.

  2. Vanhu vanowanzoregerera munhu anenge abvuma kuti akanganisa.

    Bhaibheri rinoti: “Munhu anofukidza kudarika kwake haazobudiriri, asi anoreurura nokuzvisiya achanzwirwa ngoni.”—Zvirevo 28:13.

  3. Chinotonyanya kukosha ndechokuti unenge wafadza Mwari.

    Bhaibheri rinoti: “Munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha, asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.”—Zvirevo 3:32.

Karina, ane makore 20, haana kumboudza baba vake kuti akapihwa tiketi nemhaka yekumhanyisa mota. Asi nyaya iyi yakazobuda. Karina anoti, “Baba vakazozvibata patopera gore pavakaona tiketi rakanyorwa zita rangu. Ndakabva ndapinda panguva yakaoma!”

Karina akadzidzei? Anoti: “Kana ukavanza zvaunenge wakanganisa unenge uchitoomesa zvinhu. Zvinozongobuda nekufamba kwenguva!”

ZVIDZIDZO ZVAUCHAWANA

Bhaibheri rinoti: “Tose tinokanganisa kazhinji.” (Jakobho 3:2) Sezvataona, kana tikakurumidza kubvuma zvatinenge takanganisa, tinenge tichiratidza kuti tinozvininipisa uye kuti tinofunga sevanhu vakuru.

Chechipiri, unofanira kudzidza pane zvaunenge wakanganisa. Musikana anonzi Vera anoti: “Ndinoedza kudzidza pane zvandinenge ndakanganisa kuti ndisazozvidzokorora.” Ngationei kuti ungazviita sei.

Ngatitii wakumbira baba vako bhasikoro asi wobva wariuraya. Unoita sei?

  • Unongonyarara uchifunga kuti baba vako havazozvioni.

  • Unoudza baba vako zvose zvaitika.

  • Unoudza baba vako zvaitika asi wopomera mumwe munhu.

Ngatitii wafoira nenyaya yekuti hauna kunyatsoverenga. Unoita sei?

  • Unotaura kuti pepa racho ranga rakaoma.

  • Unobvuma kuti ndiwe wazvifoirisa.

  • Unotaura kuti mudzidzisi akakumaka.

A young woman looks in a rearview mirror while driving a car

Kuramba uchifunga zvawakakanganisa kwakafanana nokutyaira motokari asi uchiramba wakatarisa girazi rinoratidza kwauri kubva

Iye zvino funga nezvatichangobva kutaura, womboedza kufungidzira uri iwe (1) baba kana kuti (2) mudzidzisi. Kana ukakurumidza kubvuma zvawakanganisa mudzidzisi wako uye baba vako vachanzwa sei? Vachafunga kuti uri munhu akaita sei kana ukavanza zvaunenge wakanganisa?

Iye zvino chifunga zvawakakanganisa gore rakapera wopindura mibvunzo inotevera.

Wakakanganisa chii? Wakabva waita sei?

  • Ndakangovhara-vhara nyaya yacho.

  • Ndine wandakapomera.

  • Ndakabva ndangobvuma.

Kana usina kubvuma zvawakakanganisa, wakasara uchinzwa sei?

  • Ndakafara nekuti havana kuzvibata!

  • Ndakasara ndichinetseka ndichingoti, dai ndakataura chokwadi.

Ndezvipi zvakanaka zvaungadai wakaita?

Saka wakadzidzei?

UNOTIWO CHII?

Nei vamwe vanhu vachitya kubvuma kana vakanganisa?

Kana ukagara uchivanza zvaunenge wakanganisa vanhu vachakuona semunhu akaita sei? Ko kana ukabvuma vanokuona sei?​—Ruka 16:10.

ZVANDICHAITA

  • Mumwedzi 12 inotevera, ndezvipi zvauri kuda kuzoita kana wakanganisa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe