RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bhs pp. 3-7
  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?
  • Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Verenga muBhaibheri Rinombodzidzisei
  • Misoro Midiki
  • BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI MWARI ACHAITA ZVINHU ZVINOSHAMISA PANYIKA.
  • BATSIRWA NEZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI
Bhaibheri Rinotidzidzisei?
bhs pp. 3-7

Mwari Akatisika Aine Chinangwa Chei?

PAUNOVERENGA pepanhau, kana kuona terevhizheni, kana kuteerera redhiyo, unoona uye unonzwa nyaya dzakawanda dzekuparwa kwemhosva, hondo, uye ugandanga. Pamwe iwe pachako une chirwere chiri kukutambudza kana kuti wakafirwa nemumwe munhu wawaida.

Mhuri iri kuteerera nhau paredhiyo

Zvibvunze kuti:

  • Mwari anoda kuona izvi zvichiitika kwandiri nekumhuri yangu here?

  • Ndekupi kwandingawana rubatsiro rwekuti nditsungirire matambudziko angu?

  • Kuchazombova nerunyararo rwechokwadi here?

Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyoyo zvinogutsa.

BHAIBHERI RINODZIDZISA KUTI MWARI ACHAITA ZVINHU ZVINOSHAMISA PANYIKA.

  • Vanhu vanenge vasisarwadziwi, kuchembera, kana kufa.​—Zvakazarurwa 21:4

  • “Munhu akaremara achakwakuka.”​—Isaya 35:6

  • “Maziso emapofu achasvinudzwa.”​—Isaya 35:5

  • Vakafa vachamutswa.​—Johani 5:28, 29

  • Hapana achange achirwara.​—Isaya 33:24

  • Vanhu vese vari panyika vachange vaine zvekudya zvakawanda.—Pisarema 72:16

    Vakwegura vanova vadiki, vakaremara vanokwakuka, vakafa vachimutswa, vanorwara nemapofu vachiporeswa

BATSIRWA NEZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI

Chapupu chaJehovha chichidzidzisa munhu Bhaibheri

Zviri nyore kufunga kuti zvauchangobva kuverenga zvinhu zvisingafi zvakaitika. Asi Mwari ava pedyo kuzadzisa zvaakavimbisa kuti achagadzirisa panyika, uye Bhaibheri rinotsanangura kuti achazviita sei.

Bhaibheri haringotauri izvozvo chete. Rinotiudza zvatinofanira kuziva kuti tinyatsofara muupenyu uye kuti tinakidzwe neupenyu iye zvino. Chimbofunga nezvezvinhu zvinokunetsa. Izvi zvinogona kusanganisira nyaya dzemari kana kuti dzemhuri, utano husina kunaka, kana kuti kufirwa nemunhu waunoda. Bhaibheri rinogona kukubatsira kutsungirira matambudziko aya, uye rinogona kukunyaradza nekupindura mibvunzo yakadai seiyi:

  • Nei tichitambura?

  • Tingatsungirira sei matambudziko edu?

  • Mhuri yedu inogona kufara here?

  • Pane kwatinoenda here kana tafa?

  • Tichazomboona vanhu vatinoda vakafa here?

  • Nei tichigona kuvimba kuti Mwari achazadzisa zvese zvaakavimbisa?

Kuverenga kwauri kuita bhuku rino kunoratidza kuti unoda kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Bhuku rino richakubatsira. Ndima dzacho dzine mibvunzo ichakubatsira kuwedzera kunzwisisa Bhaibheri. Vanhu vakawanda vari kubatsirwa nekudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Tinovimba uchabatsirwawo. Mwari ngaakukomborere pakudzidza kwauchaita Bhaibheri uchiona zvarinodzidzisa!

ZIVA ZVAKAITA BHAIBHERI RAKO

BHAIBHERI rine mabhuku netsamba 66. Bhuku rimwe nerimwe rine zvitsauko nemavhesi. Izvi zvinoita kuti zvive nyore kutsvaga mavhesi. Kana ukaona paine rugwaro rwakanyorwa mubhuku rino, nhamba inotevera zita rebhuku inenge ichiratidza chitsauko chacho, uye nhamba inozotevera inenge ichiratidza vhesi racho. Ukaona pakanzi “2 Timoti 3:16,” zvinenge zvichireva kuti tsamba yechipiri yaTimoti, chitsauko 3, vhesi 16.

Ukaramba uchivhura mavhesi anenge akanyorwa, uchapedzisira wava kugona kuvhura Bhaibheri. Unogona kutangawo kuverenga Bhaibheri zuva rega rega. Kana ukaverenga zvitsauko 3 kusvika ku5 pazuva, unogona kupedza kuverenga Bhaibheri rese mugore rimwe chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe