CHITSAUKO 2
Ziva Basa raKristu Muurongwa hwaMwari
“PAKUTANGA Mwari akasika denga nenyika,” uye zvese zvaakaita “zvakanga zvakanaka chaizvo.” (Gen. 1:1, 31) Jehovha paakasika vanhu, aida kuti vararame upenyu hwakanaka. Asi hazvina kuzodaro nemhaka yekupanduka kwakaitika muEdheni. Zvisinei, Jehovha achazadzisa chinangwa chaaiva nacho paakasika pasi uye vanhu. Mwari akaratidza kuti aizonunura vazukuru vaAdhamu vanoteerera. Kunamata kwechokwadi kwaizovapo zvakare uye Mwari aizoparadza vakaipa nemabasa avo. (Gen. 3:15) Zvinhu zvichadzoka kuva zvakanaka sezvaidiwa naMwari. Jehovha achashandisa Mwanakomana wake Jesu Kristu kuita izvi. (1 Joh. 3:8) Saka zvakakosha kuti tizive basa raKristu muurongwa hwaMwari.—Mab. 4:12; VaF. 2:9, 11.
BASA RAKRISTU NDEREI?
2 Basa raKristu muurongwa hwaMwari rinosanganisira zvakawanda. Jesu ndiye Mununuri wedu, Mupristi Mukuru, Musoro weungano, uye iye zvino ndiMambo weUmambo hwaMwari. Kana tikafunga zvakadzama nezvemabasa aanoita, zvichaita kuti tiwedzere kukoshesa kwatinoita urongwa hwaMwari uye kuda kwatinoita Kristu Jesu. Mamwe emabasa ake anotsanangurwa muBhaibheri.
Jesu ane basa guru pakuzadziswa kwechinangwa chaJehovha
3 Kristu paaiva pano panyika, akaratidza kuti ndiye aizoshandiswa kuita kuti vanhu vanoteerera vayananiswe naMwari. (Joh. 14:6) Sezvo Jesu aizova Mununuri, akapa upenyu hwake kuti vazhinji vaponeswe. (Mat. 20:28) Saka Jesu haana kungotisiira muenzaniso wekuteerera Mwari chete asi ane basa guru pakuzadziswa kwechinangwa chaJehovha. Ndiye ega anogona kuita kuti tifarirwe zvakare naMwari. (Mab. 5:31; 2 VaK. 5:18, 19) Kufirwa kwatakaitwa naJesu uye kumutswa kwake kunoita kuti vanoteerera vawane makomborero asingaperi anobva pakutonga kweUmambo hwaMwari.
4 Semupristi Mukuru, Jesu ‘anotinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu’ uye anoyananisa zvivi zvevateveri vake vari pano panyika. Muapostora Pauro akatsanangura izvi achiti: “Nekuti hatina mupristi mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pakusava nesimba kwedu, asi watiinaye akaedzwa pamamiriro ese ezvinhu sezvatakaitwawo, akaramba asina chivi.” Pauro akabva akurudzira vese vanotenda muna Jesu Kristu kuti vanyatsoshandisa urongwa uhwu kuti vayananiswe naMwari achiti: “Saka ngatiswederei kuchigaro cheumambo chenyasha tiine rusununguko rwekutaura, kuti tinzwirwe ngoni uye tiitirwe nyasha kuti dzitibatsire panguva yakakodzera.”—VaH. 4:14-16; 1 Joh. 2:2.
5 Jesu ndiyewo Musoro weungano yechiKristu. Vateveri vake vekutanga-tanga vakanga vasina munhu wepanyika wavaiti ndiye mutungamiriri wavo, uye nanhasi ndozvazvichiri. Tinotungamirirwa naJesu achishandisa mweya mutsvene uye vafudzi vadiki avo vachazozvidavirira kuna Baba vake nezvemabatiro avanoita makwai. (VaH. 13:17; 1 Pet. 5:2, 3) Achitaura zvaizoitwa naJesu, Jehovha akati: “Inzwai! Ndakamuita chapupu kumarudzi, kuti ave mukuru uye mutungamiriri wemarudzi.” (Isa. 55:4) Jesu akaratidza kuzadzika kweuprofita uhwu paakaudza vadzidzi vake kuti: “Musanzi vatungamiriri, nekuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu.”—Mat. 23:10.
6 Kuratidza kuti Jesu anotida uye anoda kutibatsira, anotikoka achiti: “Uyai kwandiri, imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo. Nekuti joko rangu riri nyore kutakura uye mutoro wangu wakareruka.” (Mat. 11:28-30) Kutungamirira ungano yechiKristu neunyoro uye zvinozorodza kunoitwa naJesu, kunoratidza kuti iye “mufudzi akanaka” saBaba vake, Jehovha Mwari.—Joh. 10:11; Isa. 40:11.
7 Mutsamba yake yekutanga yaakanyorera vaKorinde, Pauro akatsanangura rimwe basa raJesu Kristu achiti: “Anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vese pasi petsoka dzake. Asi zvinhu zvese pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana pachake achabva azviisawo pasi peuya akaisa zvinhu zvese pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvese kuvanhu vese.” (1 VaK. 15:25, 28) Asati auya panyika, Jesu aiva “mhizha” yaMwari sezvo ari iye akatanga kusikwa. (Zvir. 8:22-31) Paakatumwa panyika naMwari, Jesu aigara achiita zvinodiwa naMwari. Akatsungirira muedzo wakaoma kudarika mimwe yese, uye akafa akatendeka kuna Baba vake. (Joh. 4:34; 15:10) Pamusana pekuti Mwanakomana wake akaramba akatendeka kusvikira pakufa chaipo, Mwari akamumutsa uye akamuita kuti ave Mambo kudenga. (Mab. 2:32-36) Saka Kristu Jesu ane basa rakakura raakapiwa naMwari rekutungamirira zviuru zvengirozi kubvisa utongi hwevanhu uye zvese zvakaipa zviri panyika. (Zvir. 2:21, 22; 2 VaT. 1:6-9; Zvak. 19:11-21; 20:1-3) Kana izvi zvaitika, Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naKristu ndihwo chete huchasara huchitonga nyika yese.—Zvak. 11:15.
ZVINOREHWA NEKUZIVA BASA RAKE
8 Jesu Kristu haana chivi. Akapiwa basa rekutitarisira. Kuti tibatsirwe nekutitarisira kwake kune rudo, tinofanira kuramba takavimbika kuna Jehovha uye tichifambirana nesangano raJehovha riri kufambira mberi.
9 Vateveri vaJesu vepakutanga-tanga vainyatsoziva basa raKristu muurongwa hwaMwari. Izvi vakazviratidza nekushanda kwavaiita vakabatana vachitungamirirwa naKristu, uye vachiteerera zvaaivaudza achishandisa mweya mutsvene. (Mab. 15:12-21) Muapostora Pauro aitaura nezvekubatana kweungano yevaKristu vakazodzwa, paakanyora kuti: “Ngatitaurei chokwadi, rudo ruchiita kuti tikure muzvinhu zvese muna Kristu, anova ndiye musoro. Zvichibva nekwaari, muviri wese unonyatsobatanidzwa pamwe chete uye unoitwa kuti ushande pamwe chete nenhengo dzese dzinoupa zvaunoda. Kana nhengo imwe neimwe ichishanda zvakanaka, zvinobatsira kuti muviri ukure paunenge uchizvivaka murudo.”—VaEf. 4:15, 16.
10 Munhu wese ari muungano paanoshanda akabatana nevamwe, uye vese vachitungamirirwa naKristu, ungano yacho inokura uye inova nerudo, urwo rwuri “chisungo chakakwana chekubatana.”—Joh. 10:16; VaK. 3:14; 1 VaK. 12:14-26.
11 Zviri kuitika munyika zvichizadzisa uprofita huri muBhaibheri zvinonyatsoratidza kuti Jesu akatanga kutonga saMambo muna 1914. Iye zvino ari kutonga ari pakati pevavengi vake. (Pis. 2:1-12; 110:1, 2) Izvi zvinorevei kuvanhu vari kurarama panyika? Pasina nguva, Jesu acharatidza kuti ndiMambo wemadzimambo uye Ishe wemadzishe paachaita basa rake raakapiwa naMwari rekuparadza vavengi vake. (Zvak. 11:15; 12:10; 19:16) Kana apedza kuita izvozvo, vimbiso yakapiwa naJehovha pakapanduka vanhu vekutanga yekuti achanunura vanhu vanoteerera avo vachange vari kurudyi rwaKristu ichabva yazadziswa. (Mat. 25:34) Tinofara chaizvo kuti tava kuziva basa raKristu muurongwa hwaMwari. Ngatirambei takabatana nehama dzedu pasi rese pakuita basa rekushumira munyika yese, tichitungamirirwa naKristu mumazuva ano ekupedzisira.