RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 39 p. 98-p. 99 ndim. 7
  • Rwune Nhamo Rudzi Rwusingateereri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rwune Nhamo Rudzi Rwusingateereri
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Mateu 11:28-30—“Uyai Kwandiri, . . . Uye Ndichakupai Zororo”
    Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • ‘Kuwana Zororo Remweya Yenyu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Zororo Pakunetseka Nepfungwa—mushonga Unoshanda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Joko Rangu Inyoro Uye Mutoro Wangu Wakareruka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 39 p. 98-p. 99 ndim. 7
Mukomana ari kuridza nyere pamusika, asi vamwe vana vari kuramba kutamba

CHITSAUKO 39

Rwune Nhamo Rudzi Rusingateereri

MATEU 11:16-30 RUKA 7:31-35

  • JESU ANOSHORA MAMWE MAGUTA

  • ANOZORODZA VANHU

Jesu anoremekedza Johani Mubhabhatidzi zvikuru, asi vanhu vakawanda havadaro. Jesu anoti: “Chizvarwa chino . . . chakafanana nevana vaduku vagere mumisika vanoshevedzera kune vavanotamba navo, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takaungudza, asi hamuna kuzvirova nemhaka yeshungu.’”—Mateu 11:16, 17.

Jesu ari kurevei? Anotsanangura achiti: “Johani akauya asingadyi kana kunwa, asi vanhu vanoti, ‘Ane dhimoni’; Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, asi vanhu vanoti, ‘Tarirai! Munhu anokara uye anonwisa waini, shamwari yevateresi nevatadzi.’” (Mateu 11:18, 19) Johani ararama semuNaziri, achitorega kunwa waini, asi chizvarwa ichi chinomuti ane dhimoni. (Numeri 6:2, 3; Ruka 1:15) Asi Jesu anorarama sezvinongoita vanhu vese. Haadyisi kana kunwisa asi ari kupomerwa kuti anopfuura mwero. Kugutsa vanhu kwakaoma zvechokwadi.

Jesu anofananidza chizvarwa ichi “nevana vaduku vagere mumisika” avo vanoramba kutamba vamwe vavo pavanoridza nyere kana kuti kuchemawo vamwe vavo pavanoridza mhere. Anoti, “Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mateu 11:16, 19) “Mabasa,” kureva uchapupu hwezviri kuitwa naJohani naJesu, anoratidza kuti zvavari kupomerwa ndezvenhema.

Pashure pekutaura nezvekusateerera kwechizvarwa ichi, Jesu anoshora maguta eKorazini, Bhetisaidha uye Kapenaume, kwaakaita zvishamiso. Anoti kudai akanga akaita zvishamiso izvi mumaguta ekuFenikiya akadai seTire neSidhoni, maguta aya angadai akapfidza. Anotaurawo nezveguta reKapenaume, uko kwaari kuita basa rake achibva. Kunyange muguta iroriwo vanhu vakawanda havana kuteerera. Jesu anotaura nezveguta iri achiti: “Nyika yeSodhoma ichagona kutsungirira zvikuru paZuva Rokutongwa kupfuura imi.”—Mateu 11:24.

Jesu anorumbidza Baba vake avo vanovanza chokwadi chinokosha kuvanhu “vakachenjera nevakangwara” asi vanochizarurira kuvanhu vakaderera vakaita sevana vaduku. (Mateu 11:25) Anoudza vanhu vakadai mashoko anofadza ekuti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30.

Jesu anozorodza vanhu sei? Vatungamiriri vezvitendero vanoremedza vanhu nekuvaita varanda vetsika dzavo dzakadai sekurambidza tunhu twakawandisa paSabata. Asi Jesu anovazorodza nekuvadzidzisa chokwadi nezvaMwari chisina kukanganiswa netsika dzakadaro. Anoratidzawo kuti vanhu vakadzvinyirirwa nevezvematongerwo enyika uye vakaremerwa nechivi vangaita sei kuti vazorodzwe. Jesu anoratidza kuti vanhu vakadai vangakanganwirwa sei zvivi zvavo uye kuti vangava sei nerugare naMwari.

Vose vanobvuma joko raJesu remutsa vanogona kuzvitsaurira kuna Mwari voshumira Baba vedu vanonzwira tsitsi uye vane ngoni. Kuita izvi hausi mutoro, nokuti mitemo yaMwari hairemi.—1 Johani 5:3.

  • Vanhu vemunguva yaJesu vakafanana nevana vaduku pakudii?

  • Chii chinoita kuti Jesu arumbidze Baba vake vekudenga?

  • Vanhu vakawanda vakaremedzwa nei, asi Jesu anovazorodza nechii?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe