RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yc chidzidzo 1 pp. 4-5
  • Chakavanzika Chinotifadza Kuziva Nezvacho

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chakavanzika Chinotifadza Kuziva Nezvacho
  • Dzidzisai Vana Venyu
  • Mashoko Akafanana
  • Chakavanzika Chaunogona Kuudzawo Vamwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2018
  • Chakavanzika Icho vaKristu Vasingafaniri Kuchengeta!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Chakavanzika Chinoyera Chinopetenuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Dzidzisai Vana Venyu
yc chidzidzo 1 pp. 4-5
Ngirozi dziri kuteerera Jesu paari kuudza vanhu nezveUmambo hwaMwari

CHIDZIDZO 1

Chakavanzika Chinotifadza Kuziva Nezvacho

Pane akambokuudza chakavanzika here?—a Bhaibheri rinotaura nezvechakavanzika chinokosha chinonzi “chakavanzika chitsvene.” Chitsvene nokuti chinobva kuna Mwari. Uye chinonzi chakavanzika nokuti vanhu vaisaziva nezvacho. Kunyange ngirozi dzaida kuziva zvakawanda nezvacho. Ungada here kuziva kuti chakavanzika chacho chii?—

Unofunga kuti ngirozi dzaida kuziva nezvechii?

Kare kare Mwari akasika murume nemukadzi vekutanga. Vainzi Adhamu naEvha. Mwari akavapa musha wakanaka wainzi munda weEdheni. Dai Adhamu naEvha vakateerera Mwari, ivo nevana vavo vangadai vakaita kuti nyika yose ive paradhiso kufanana nemunda iwoyo. Uye vangadai vakagara muParadhiso nokusingaperi. Asi unoyeuka here kuti Adhamu naEvha vakaitei?—

Adhamu naEvha havana kuteerera Mwari, uye ndicho chikonzero nei tisiri kugara muparadhiso nhasi. Asi Mwari akati aizoita kuti nyika yose ive yakanaka, uye munhu wose aizorarama nokusingaperi achifara. Aizozviita sei? Kwenguva yakareba, vanhu vaisazviziva. Chaiva chinhu chakavanzika.

Jesu paakauya panyika, akadzidzisa vanhu zvakawanda nezvechakavanzika ichi. Akati chaiva nechokuita neUmambo hwaMwari. Jesu akaudza vanhu kuti vanyengeterere kuti Umambo uhwu huuye. Huchaita kuti nyika ive paradhiso yakanaka.

Unoda here kuziva nezvechakavanzika ichi?— Yeuka kuti vaya chete vanoteerera Jehovha ndivo vachagara muParadhiso. Bhaibheri rinotiudza nyaya dzakawanda dzevarume nevakadzi vaiteerera Jehovha. Ungada here kudzidza nezvavo?— Ngationei kuti vamwe vavo vaiva vanaani uye kuti tingavatevedzera sei.

VERENGA MUBHAIBHERI RAKO

  • Mako 4:11

  • 1 Petro 1:12

  • Genesisi 1:26-28; 2:8, 9; 3:6, 23

  • Mateu 6:9, 10

  • Pisarema 37:11, 29

a Munyaya idzi, muchaona chiratidzo chakaita seichi (—) pamberi pemimwe mibvunzo. Iyi inguva yakanaka yokuti mumbomira morega mwana wenyu achipindura.

MIBVUNZO:

  • Nei nyika isiri paradhiso nhasi?

  • Bhaibheri rinotaura nezvechakavanzika chipi chinokosha?

  • Jesu akadzidzisa vanhu chii nezvechakavanzika ichi?

  • Unofanira kuitei kuti ugare muParadhiso?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe