Rakaprindwa
Chidzidzo 4
Kunze kuri kunaya.
“Hazviiti kuti ndibude panze.
Nei mvura isingamiri?”
Tadiwa anoshevedzera achinetseka.
Asi anoshamisika!
Zuva rinobuda.
Mvura haichanayi.
Tadiwa anofara!
Tadiwa anomhanyira panze, uye anoshamiswa nezvaanoona.
Tadiwa anoti, “Ndanga ndisingazivi kuti mvura inobva kuna Mwari inoita kuti maruva akure!”
MIRAYIRIDZO KUVABEREKI
Verengerai mwana wenyu:
Kumbirai mwana wenyu kuti anongedze:
Hwindo Shiri Tadiwa
Muti Maruva
Tsvagai zvinhu zvisiri nyore kuona.
Kapukanana Ndege
Bvunzai mwana wenyu kuti:
Nei Jehovha akasika mvura?
[Mufananidzo uri papeji 10]
[Mufananidzo uri papeji 10]
[Mufananidzo uri papeji 11]