Mashoko Kuvabereki
Ndechipi chipo chakanakisisa chaungapa vana vako? Vanoda zvinhu zvakawanda zvinosanganisira rudo rwako, kutungamirirwa uye kudzivirirwa. Asi chipo chinokosha kupfuura zvose chaungavapa ndechokuvabatsira kuziva Jehovha uye chokwadi chiri muShoko rake Bhaibheri. (Johani 17:3) Ruzivo irworwo runobatsira vana vako kuti vade Jehovha uye kuti vamushumire nemwoyo wose, kunyange pavanenge vachiri vaduku.—Mateu 21:16.
Vabereki vakawanda vakaona kuti vana vaduku vanodzidza zviri nyore kana vakaitiswa zvidzidzo zvipfupi uye kana vakaitiswa zvinhu zvishoma. Saka tinofara kukupai bhurocha rino rinonzi, Zvandinodzidza muBhaibheri. Chidzidzo chimwe nechimwe chakagadzirirwa kuti chidzidzise nenzira iri nyore. Mifananidzo nemashoko arimo zvakanyanya kuisirwa vana vane makore matatu zvichidzika. Makaiswawo mazano ezvokuita. Bhurocha rino harisi toyi yokuvaraidza vana. Asi rakanyorerwa kuti imi muverenge nevana venyu, zvobatsira kuti mugare muchikurukura navo.
Tine chokwadi kuti bhurocha iri richakubatsirai sezvamunodzidzisa vana venyu chokwadi chomuBhaibheri “kubvira paucheche.”—2 Timoti 3:14, 15.
Hama dzenyu,
Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 3]