Zviri Mukati
Zvapupu ZvaJehovha
VANHU VACHO
Zvidzidzo 1-4
Zvapupu zvaJehovha zvinobva kumarudzi akasiyana-siyana uye zvinowanika munyika 240. Zvine tsika nemagariro akasiyana-siyana. Chii chinoita kuti vanhu ava vabatane asi ivo vachibva kwakasiyana-siyana? Zvapupu zvaJehovha zvimbori vanhu vakaita sei?
ZVATINOITA
Zvidzidzo 5-14
Basa redu rekuparidza rinozivikanwa chaizvo nevanhu. Tinopindawo misangano paDzimba dzedu dzeUmambo kuti tidzidze Bhaibheri uye kuti tinamate. Zvii zvatinoita pamisangano yedu uye ndivanaani vanokwanisa kuipinda?
SANGANO REDU
Zvidzidzo 15-28
Iri isangano rechitendero repasi rese uye basa raro harisi rekutsvaga mari kana purofiti. Rine vanhu vanoshumira Mwari vasingamanikidzwi. Sangano iri rakarongwa sei, ndiani anoritungamirira uye mari yarinoshandisa inobva kupi? Ndiro here riri kuita kuda kwaJehovha?