Rwiyo 104
Rumbidza Jah Pamwe Neni
Rakaprindwa
1. Rumbidza Jah;
Danidzira!
Anotipa upenyu nezvose.
Tirumbidze
Zita rake.
Rudo rwake runofashukira.
Zita rake tinoparidzira.
2. Rumbidza Jah.
Anogutsa
Uye anonzwa minyengetero.
Vakaneta
Opa simba;
Mudzimu wake wotisimbisa.
Zita rake tinorizivisa.
3. Rumbidza Jah.
Akanaka;
Vanovimba naye onyaradza.
Anobvisa
Zvakaipa;
Vanhu vose vachakomborerwa.
Uya tirumbidze tichifara!
(Onawo Pis. 94:18, 19; 145:21; 147:1; 150:2.)