RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 11 pp. 85-92
  • “Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vakasarudzwa Kuti “Vaite Basa” (Mabasa 13:1-12)
  • “Mashoko Ekukurudzira” (Mabasa 13:13-43)
  • “Tava Kutendeukira Kune Mamwe Marudzi” (Mabasa 13:44-52)
  • Bharnabhasi—“Mwanakomana Wokunyaradza”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Muenzaniso Wakafuridzirwa Webasa Roufundisi rechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • “Mwanakomana Wekunyaradza”
    Famba naMwari Neushingi
  • Vanhu vaJehovha Vanosimbiswa Mukutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 11 pp. 85-92

CHITSAUKO 11

“Vakaramba Vachizadzwa Nemufaro Nemweya Mutsvene”

Zvatinodzidza kuna Pauro kana tikasangana nevanhu vanotiitira hasha vasingadi kuteerera

Mabasa 13:1-52

1, 2. Chii chakaita kuti rwendo rwaBhanabhasi naSauro rwusiyane nedzimwe, uye basa ravo raizozadzisa sei Mabasa 1:8?

UNGANO yeAndiyoki iri kufara chaizvo musi uyu. Pane vaprofita nevadzidzisi vakati wandei, uye pakati pavo Bhanabhasi naSauro ndivo vanosarudzwa nemweya mutsvene kuti vaparidze mashoko akanaka kunzvimbo dziri kure.a (Mab. 13:1, 2) Hakasi hako kekutanga kuti patumirwe vanhu vanokodzera kuti vanoparidza kune dzimwe nzvimbo. Kungoti munguva yakapfuura, mamishinari aitumwa aiendeswa kunzvimbo dzaitova nechiKristu nechekare. (Mab. 8:14; 11:22) Panguva ino Bhanabhasi naSauro, pamwe chete naJohani Mako, uyo achange achivashumira, vachatumwa kunzvimbo dzine vanhu vakawanda vasati vambonzwa mashoko akanaka.

2 Jesu akanga ambotaura kuvateveri vake makore 14 akanga adarika kuti: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Kusarudzwa kwaBhanabhasi naSauro kuti vashande semamishinari kwaizobatsira kuti zvakanga zvaprofitwa naJesu zviitike!b

Vakasarudzwa Kuti “Vaite Basa” (Mabasa 13:1-12)

3. Chii chaiita kuti nzendo dziome makore akatanga chiKristu?

3 Mazuva ano vanhu vanogona kufamba vachisvika kure kure munguva pfupi pfupi nekuti kwava nezvekufambisa zvakadai semotokari nendege. Asi zvakanga zvisina kudaro makore akatanga chiKristu. Kakawanda vanhu vaiwanzofamba netsoka, uye kazhinji kwaiva kusina migwagwa yakanaka. Pamwe pazuva rimwe chete munhu aigona kufamba kwemakiromita 30, asi aizosvika aneta!c Saka kunyange zvazvo Bhanabhasi naSauro vaifarira basa ravo ravakanga vapiwa, vaiziva kuti ibasa raitoda kuzvipira.—Mat. 16:24.

NZENDO DZETSOKA

Panguva dzevaapostora, kufamba mumigwagwa kwaitora nguva, kwainetesa uye kwaitogona kudhura kupfuura kufamba nechikepe. Asi nzvimbo dzakawanda dzaingosvikika netsoka chete.

Munhu aigona kufamba makiromita angasvika 30 pazuva. Aigona kufamba muzuva, kuchinaya, kana kuti kuchitonhora. Muapostora Pauro akati akava “panzendo kakawanda, panjodzi dzemunzizi, panjodzi dzemakororo.”—2 VaK. 11:26.

Roma yakanga izere nemigwagwa yakanyatsogadzirwa. Mumigwagwa mikuru maiwanika dzimba dzekurara dzaiva kure nekure nechinhambwe chingaenzana nerwendo rwezuva rimwe chete. Nechepakati penzvimbo idzi dzekurara paiva nedzimwe nzvimbo dzekutenga zvekudya. Vanyori vepanguva iyoyo vanorondedzera kuti nzvimbo idzi dzaiva netsvina, dzakawandisa vanhu, dziine unyoro uye dzakazara inda. Inzvimbo dzakanga dzisingayemurike dzaiwanzoendwa nevanhu vanotyisa. Varidzi venzvimbo idzi vaiwanzobira vanhu vanenge vari parwendo uye vaipa pfambi kuvanhu vanenge vachirara panzvimbo dzavo.

Hapana mubvunzo kuti vaKristu vaiedza nepavaigona napo kuti vasaenda panzvimbo dzakadai. Asi pavaifamba munzvimbo dzisina hama kana shamwari, vaigona kupedzisira vaenda munzvimbo dzakadaro.

4. (a) Bhanabhasi naSauro vakasarudzwa sei, uye vamwe vakatsigira sei zvakanga zvasarudzwa? (b) Tingatsigira sei vaya vanenge vapiwa mamwe mabasa muungano yechiKristu?

4 Asi nei mweya mutsvene wakanyatsotaura Bhanabhasi naSauro nemazita uchiti vasarudzwe kuti “vaite basa”? (Mab. 13:2) Bhaibheri haripi chikonzero chacho. Tinoziva kuti mweya mutsvene ndiwo wakatungamirira pakusarudzwa kwevarume ava. Hapana chinoratidza kuti vaprofita nevadzidzisi vekuAndiyoki vakapokana nazvo. Vakatotsigira zvakanga zvasarudzwa. Fungidzira kuti Bhanabhasi naSauro vakanzwa sei vachiona kuti hama dzavo hadzisi kutombovaitira godo. Vaprofita ava nevadzidzisi vakatotsanya ndokuvanyengeterera vachiisa “maoko avo pavari, vakaita kuti vaende.” (Mab. 13:3) Isuwo tinofanira kutsigira vaya vanenge vapiwa mamwe mabasa muungano yechiKristu, kusanganisira vaya vanenge vagadzwa sevatariri. Tinofanira kupa vakadaro “rukudzo rukuru murudo nekuda kwebasa ravo,” kwete kuvaitira godo.—1 VaT. 5:13.

5. Tsanangura kuti Bhanabhasi naSauro vakafamba sei pachitsuwa cheSaipurasi vachiparidza.

5 Pavakasvika netsoka kuSerukiya, chiteshi chezvikepe chiri pedyo neAndiyoki, Bhanabhasi naSauro vakakwira chikepe vakananga kuchitsuwa cheSaipurasi, rwendo rwemakiromita angasvika 200.d Sezvo kuSaipurasi kuri iko kumusha kwake, Bhanabhasi anofanira kunge akafara chaizvo kuunza mashoko akanaka kundima iyi. Pavakasvika kuSaramisi, guta riri pachitsuwa chacho pamahombekombe ekumabvazuva, varume ava vakabva vatotanga basa. “Vakatanga kuzivisa shoko raMwari mumasinagogi evaJudha.”e (Mab. 13:5) Bhanabhasi naSauro vakabvongodza Saipurasi yese, zvichida vachipfuura vachiparidza mumaguta makuru. Mamishinari aya anogona kunge akafamba makiromita 160 netsoka, zvichienderena nekuti vakashandisa nzira ipi!

MUMASINAGOGI EVAJUDHA

Shoko rekuti “sinagogi” rinoreva kuti “kuunganidza.” Rakatanga richireva gungano kana kuti ungano yevaJudha, asi rakazopedzisira rava kureva nzvimbo kana imba yavaiunganira.

Zvinonzi masinagogi aigona kunge akatangwa nevaJudha pavaiva kuutapwa kuBhabhironi kwemakore 70 kana kuti vachangobvako. Kumasinagogi ndiko kwavainamatira, kwavaidzidziswa, kwavaiverenga Magwaro uye ndiko kwavaiwadzana. Makore akatanga chiKristu guta rimwe nerimwe muParestina raiva nesinagogi raro. Maguta makuru akaita seJerusarema aiva nemasinagogi akawanda.

Asi pakazoguma utapwa hwekuBhabhironi, havasi vaJudha vese vakadzokera kuParestina. Vakawanda vakaendawo kune dzimwe nyika nekuda kwemabhizimisi. Pakazosvika makore ekuma400 B.C.E., vaJudha vakanga vava munyika dzinopfuura 127 dzaitongwa neUmambo hwePezhiya. (Est. 1:1; 3:8) Nekufamba kwenguva, vaJudha vakatangawo kuwanika mumaguta akanga akapoteredza Mediterranean. VaJudha ava vakanga vakapararira vakatangawo kuva nemasinagogi kunzvimbo dzavaigara.

Mutemo waiverengwa, wotsanangurwa mumasinagogi pamaSabata ese. Munhu aiverenga ainge akamira pakakwirira, akakomberedzwa nezvigaro kumativi matatu. Chero muJudha wechirume aingoda aigona kuverenga, kuparidza, kana kudzidzisa.

6, 7. (a) Ndiani ainzi Segiyo Paurosi, uye nei Bha-Jesu akaedza kumuita kuti asateerere mashoko akanaka? (b) Sauro akaita sei kuti Bha-Jesu asamutadzisa kuparidza?

6 Saipurasi makore iwayo yakanga yakanyura muchitendero chenhema. Izvi zvakabuda pachena pakasvika Bhanabhasi naSauro kuPafosi, kumahombekombe ari nechekumavirira. Ikoko vakasangana nemumwe murume ainzi Bha-Jesu, “n’anga, uye muprofita wenhema.” Murume uyu “aiva pamwe chete nagavhuna weruwa rwacho, Segiyo Paurosi, murume aiva nepfungwa dzakapinza.”f Kare ikako vaRoma vakawanda, kunyange varume vasvinu vakadai saSegiyo Paurosi vaiva “nepfungwa dzakapinza,” vaiwanzoti kana vachida kuita zvisarudzo zvinokosha vanoenda kun’anga kana kuvanhu vanofembera vachishandisa nyeredzi. Kunyange zvakadaro, Segiyo Paurosi akabayiwa mwoyo neshoko reUmambo uye “aiva nechido chekunzwa shoko raMwari.” Izvi hazvina kufadza Bha-Jesu, uyo aizivikanwa nezita rake rebasa rekuti Erimasi, rinoreva kuti “N’anga.”—Mab. 13:6-8.

7 Bha-Jesu aipikisa shoko reUmambo. Kuti arambe aine simba pana Segiyo Paurosi akaedza “kuita kuti gavhuna wacho asatenda.” (Mab. 13:8) Asi Sauro aisazosiya Segiyo Paurosi achitadziswa kunzwa shoko raMwari nen’anga. Saka Sauro akaita sei? Nyaya yacho inoti: “Sauro, anonziwo Pauro, akazadzwa nemweya mutsvene, akaramba akamutarisa, akati: ‘Iwe murume azere nekubiridzira kwemarudzi ese neunyengeri hwemarudzi ese, iwe mwanakomana waDhiyabhorosi, iwe muvengi wezvinhu zvese zvakarurama, nei uri kukanganisa nzira dzakarurama dzaJehovha? Iye zvino chiona! Jehovha aisa ruoko rwake pamusoro pako, uye uchava bofu, wombotadza kuona zuva.’ Pakarepo akafukidzwa nezimhute nerima, akatanga kutenderera achiedza kutsvaga munhu angamutungamirira akamubata ruoko.”g Pamusana pechiitiko ichi chinoshamisa, gavhuna wacho weruwa, “akabva ava mutendi, nekuti akanga ashamiswa nekudzidzisa kwaJehovha.”—Mab. 13:9-12.

Hama yakabata Bhaibheri, iri kutsigira chokwadi mudare.

Tinotsigira chokwadi neushingi patinenge tichipikiswa sezvaiita Pauro

8. Tingatevedzerawo sei ushingi hwaiva naPauro mazuva ano?

8 Pauro akaramba kutyisidzirwa naBha-Jesu. Isuwo hatifaniri kutya vanhu vanotipikisa pavanoedza kuita kuti shoko redu reUmambo risafarirwa. Kunyange zvedu tichifanira kutaura mashoko anoratidza “mutsa, akarungwa nemunyu,” hatizosiyi vanhu vanofarira vachikanganiswa tichingotyira kuti tingazoita nharo. (VaK. 4:6) Hatidiwo kutya kufumura dzidziso dzenhema idzo dzinoramba dzichikanganisa “nzira dzakarurama dzaJehovha” sezvaiitwa naBha-Jesu. (Mab. 13:10) Ngatizivise chokwadi sezvaiita Pauro, tiite kuti vanhu vane mwoyo yakatendeka vafarire. Uye kunyange kutsigirwa kwatinoitwa naMwari kungasava pachena sezvazvaiva pana Pauro, tinoziva kuti Jehovha achashandisa mweya wake mutsvene kuti vanhu vanofarira vauye kuchokwadi.—Joh. 6:44.

“Mashoko Ekukurudzira” (Mabasa 13:13-43)

9. Vaya vanotungamirira muungano nhasi vangatevedzera sei Pauro naBhanabhasi?

9 Kunenge kuti zvinhu zvakabva zvachinja pakasimuka varume ava vachibva kuPafosi nechikepe ndokunanga kuPega, iri pamahombekombe eAsia Minor, anenge makiromita 250 nemugungwa. Pana Mabasa 13:13, boka racho rinotaurwa richinzi “Pauro nevamwe vake.” Mashoko acho anoratidza kuti Pauro ndiye akanga ava kutungamirira pane zvavaiita. Asi hapana chinoratidza kuti Bhanabhasi akaitira Pauro godo. Varume vaviri ava vakatoramba vachishanda pamwe chete kuti vaite kuda kwaMwari. Zvakaitwa naPauro naBhanabhasi zvinofanira kutevedzerwa nevaya vari kutungamirira ungano mazuva ano. Panzvimbo pekurwira zvinzvimbo, vaKristu vanofanira kuyeuka mashoko aJesu ekuti: “Imi mese muri hama.” Akawedzera kuti: “Munhu wese anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wese anozvininipisa achakwidziridzwa.”—Mat. 23:8, 12.

10. Rwendo rwekubva kuPega kuenda kuAndiyoki yekuPisidhiya rwakanga rwakamira sei?

10 Pavakasvika kuPega, Johani Mako akavasiya, ndokudzokera kuJerusarema. Hazvinyatsozivikanwa kuti akadzokererei. Asi Pauro naBhanabhasi vakaenderera mberi nerwendo kubva kuPega vakasvika kuAndiyoki yekuPisidhiya, guta riri munharaunda yeGaratiya. Rwendo urwu rwakanga rwusiri nyore sezvo guta reAndiyoki yekuPisidhiya riri panzvimbo yakakwirira nemamita 1 100. Nzira dzacho dzinopinda nepakati pemakomo dzaizivikanwa nekuwanda matsotsi. Chaitowedzera kuomesa rwendo rwacho ndechekuti utano hwaPauro panguva iyoyo hwakanga husina kumira zvakanaka.h

11, 12. Pauro akaita sei kuti vanhu vaaitaura navo vafarire paaiva kuAndiyoki yekuPisidhiya?

11 MuAndiyoki yekuPisidhiya, Pauro naBhanabhasi vakapinda musinagogi paSabata. Nyaya yacho inoti: “Mutemo neVaprofita pazvakanga zvaverengerwa vanhu vese, vakuru vaitungamirira sinagogi vakatumira shoko kwavari, vachiti: ‘Varume, hama, kana muine mashoko ekukurudzira vanhu, ataurei.’” (Mab. 13:15) Pauro akasimuka kuti ataure.

12 Pauro akatanga nekuti: “Varume, vaIsraeri, nemi vamwe vanotya Mwari.” (Mab. 13:16) Vanhu vakanga vakateerera vaisanganisira vaJudha nevamwe vakatendeukira kuchiJudha. Pauro akaita sei kuti vateereri vake ivavo vakanga vasingazivi basa raJesu muchinangwa chaMwari vafarire? Akatanga nekutaura muchidimbu nhoroondo yevaJudha. Akatsanangura kuti Jehovha “akakwidziridza vanhu vacho pavaigara munyika yeIjipiti vari vatorwa” uye kuti pashure pekununurwa kwavo Mwari “akavaitira mwoyo murefu vari murenje” kwemakore 40. Pauro akarondedzerawo kuti vaIsraeri vakakwanisa sei kutorera mamwe marudzi Nyika Yakapikirwa uye kuti Jehovha akagova sei “nyika yawo kuti ive nhaka yavo.” (Mab. 13:17-19) Vamwe vanoti Pauro anogona kunge akakurukura achitsanangura mamwe magwaro akanga averengwa musi iwoyo sezvaigaroitwa paSabata. Kana zviri izvo zvaakaita, uyu ndiwo mumwe muenzaniso waakaratidza kuti aiziva kuva “zvinhu zvese kuvanhu vakasiyana-siyana.”—1 VaK. 9:22.

13. Tingaita sei kuti vanhu vatinenge tichitaura navo vafarire zvatinenge tichitaura?

13 Isuwo tinofanira kuedza kutaura zvinoita kuti vanhu vatiri kuparidzira vade kuteerera. Kana tikaziva kuti munhu anotenda dzidziso dzipi dzechitendero, tinobva tasarudza nyaya inoita kuti anyatsofarira. Tinogonawo kushandisa mavhesi eBhaibheri atinoziva kuti munhu wacho anogona kunge achitoziva. Kazhinji zvakanaka kuti tiite kuti munhu averenge muBhaibheri rake pachake. Tsvaga nzira dzekuita kuti vanhu vauri kutaura navo vade kuteerera.

14. (a) Pauro akatanga sei kutaura mashoko akanaka pamusoro paJesu, uye akayambira vateereri vake kutii? (b) Vanhu vakaita sei pavakanzwa zvakataurwa naPauro?

14 Pauro akazotaura nezvekuti dzinza remadzimambo eIsraeri rakazosvika sei ‘kumuponesi, iye Jesu,’ uyo akavhurirwa nzira naJohani Mubhabhatidzi. Pauro akazotsanangura kuti Jesu akaurayiwa sei ndokumutswa kubva kuvakafa. (Mab. 13:20-37) Pauro akati, “Saka hama, zivai kuti muri kuziviswa nezvekuregererwa kwezvivi kunouya nekwaari . . . Munhu wese anotenda achanzi haana mhosva kuburikidza naiyeye.” Muapostora akabva apa vateereri vake yambiro iyi: “Saka ngwarirai kuti zvakataurwa neVaprofita hazviitiki kwamuri, zvekuti: ‘Tarisai, imi vaseki, mushamiswe nazvo, muparare, nekuti ndiri kuita basa mumazuva enyu, basa ramusingazombobvumi kunyange munhu akakuudzai zvese nezvaro.’” Kufarira kwakaita vanhu paakataura mashoko aya kunoshamisa. Bhaibheri rinoti, “Vanhu vakavakumbira kuti vazotaura nyaya iyoyi paSabata raitevera.” Uyezve pashure pemusangano uyu wepasinagogi, “vaJudha vakawanda nevanhu vakatendeukira kuchiJudha vainamata Mwari vakatevera Pauro naBhanabhasi.”—Mab. 13:38-43.

“Tava Kutendeukira Kune Mamwe Marudzi” (Mabasa 13:44-52)

15. Vamwe vanhu vakaita sei pakataura Pauro paSabata?

15 PaSabata rakazotevera, “rinenge guta rese” rakaungana kuti riteerere Pauro. Izvi hazvina kufadza vamwe vaJudha, zvekuti “vakatanga kumhura vachipikisa zvaitaurwa naPauro.” Iye naBhanabhasi vakavaudza neushingi kuti: “Zvakanga zvakakodzera kuti shoko raMwari ritange kutaurwa kwamuri. Asi sezvo muri kuriramba uye mazviti hamuna kukodzera upenyu husingaperi, iye zvino tava kutendeukira kune mamwe marudzi. Nekuti Jehovha akatiudza mashoko aya: ‘Ndakakugadzai sechiedza chemamwe marudzi, kuti imi muve ruponeso kusvikira kumigumo yenyika.’”—Mab. 13:44-47; Isa. 49:6.

Pauro naBhanabhasi vachidzingwa muAndiyoki yekuPisidhiya nemhomho yevanhu.

“Vakaita kuti Pauro naBhanabhasi vatambudzwe . . . Uye vadzidzi vakaramba vachizadzwa nemufaro nemweya mutsvene.”​—Mabasa 13:50-52

16. VaJudha vakaita sei pavakaparidzirwa nemamishinari, uye Pauro naBhanabhasi vakaita sei pavakapikiswa?

16 Vamwe vasiri vaJudha vakanga vakateerera vakafara uye “vese vaiva nechido chekuwana upenyu husingaperi vakava vatendi.” (Mab. 13:48) Pasina nguva shoko raJehovha rakapararira muPisidhiya yese. Asi vaJudha havana kurifarira saizvozvo. Ndosaka mamishinari acho akavaudza kuti kunyange vakanga vari ivo vekutanga kutaurirwa shoko raMwari, vakasarudza kuramba Mesiya, saka vakanga vakakodzera kuzotongwa naMwari. VaJudha vakafurira vakadzi vakakurumbira nevarume vakuru vemuguta racho, “vakaita kuti Pauro naBhanabhasi vatambudzwe, ndokuvadzingira kunze kwemiganhu yavo.” Pauro naBhanabhasi vakaita sei nazvo? “Vakavazunzira guruva raiva patsoka dzavo, vakaenda kuIkoniyumu.” Saka ndiko kwakava kuguma kwechiKristu muAndiyoki yekuPisidhiya here? Kana! Vadzidzi vakanga vasara “vakaramba vachizadzwa nemufaro nemweya mutsvene.”—Mab. 13:50-52.

17-19. Tingatevedzera sei zvakaitwa naPauro naBhanabhasi, uye izvozvo zvichaita sei kuti tifare?

17 Tinowana chidzidzo chinokosha pane zvakaitwa nevaKristu vakatendeka pavaipikiswa. Hatiregi kuparidza, kunyange kana vanhu vakakurumbira venyika vakada kutirambidza kuzivisa mashoko akanaka. Uyewo yeuka kuti Pauro naBhanabhasi vakaita sei pavakaona vanhu vekuAndiyoki vachiramba kuparidzirwa. “Vakavazunzira guruva raiva patsoka dzavo,” kwete nekuti vakanga vakatsamwa asi vairatidza kuti vakanga vasina mhosva. Mamishinari aya aiziva kuti akanga asina simba pamapinduriro aizoitwa nevanhu kana vavaparidzira. Chavaiva nesimba pachiri kuramba vachiparidza. Uye ndizvo zvavakaita pavakaenda kuIkoniyumu!

18 Ko vadzidzi vakasara kuAndiyoki zvakavafambira sei? Kunyange zvazvo vaiparidza mundima ine vanhu vaipikisa, mufaro wavo wakanga usingabvi pakuteerera kwevanhu. Jesu akati: “Vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!” (Ruka 11:28) Uye ndizvo chaizvo zvakaitwa nevadzidzi vaiva kuAndiyoki yekuPisidhiya.

19 Nesuwo ngatigarei tichiyeuka kuti basa redu guru nderekuparidza, tichitevedzera zvakaitwa naPauro naBhanabhasi. Zviri kuvanhu vatinenge tichiparidzira kuti voteerera here kana kuti kwete. Kana vaya vatinoparidzira vachiita sevasiri kuteerera, tinogona kudzidza pane zvakaitwa nevadzidzi vepanguva yakatanga chiKristu. Kana tichikoshesa chokwadi uye tichibvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene, isuwo tinogona kufara, kunyange patinenge tichipikiswa.—VaG. 5:18, 22.

BHANABHASI, “MWANAKOMANA WEKUNYARADZA”

Pane mumwe murume akakurumbira aiva muungano yekutanga yemuJerusarema ainzi Josefa, muRevhi aibva kuSaipurasi. Vaapostora vakamupa zita rekuti Bhanabhasi, rinoreva kuti “Mwanakomana Wekunyaradza,” izvo zvinonyatsoenderana nezvaaiva. (Mab. 4:36) Bhanabhasi aiti akaona kuti vaainamata navo vane chavari kuda, aikurumidza kuvabatsira.

Bhanabhasi ari kubvisa homwe mbiri dzemari semupiro.

PaPendekosti ya33 C.E., vadzidzi 3 000 vakabhabhatidzwa. Kunenge kuti vakawanda vavo vakanga vauya kuJerusarema kumutambo uye vakanga vasina kuronga kugarisa sezvavakazoita. Ungano yacho yaida zvinhu zvakawanda kuti vanhu vese ivavo vawane chekubata. Saka Bhanabhasi akatengesa munda wake achibva auya nemari yacho kuvaapostora sechipo.—Mab. 4:32-37.

Chido chaBhanabhasi chekubatsira vamwe hachina kuchinja, kunyange paakanga ava nemakore achinamata. Ndiye akabatsira Sauro wekuTaso paakanga achangotendeuka, vamwe vadzidzi vese vachimutya nemhaka yemukurumbira waaiva nawo wekutambudza ungano. (Mab. 9:26, 27) Bhanabhasi akazvininipisa pavakatsiurwa naPauro vari pamwe chete naPetro panyaya yemabatiro avaiita vanhu vemamwe marudzi. (VaG. 2:9, 11-14) Zvese izvi zvinoratidza kuti zvechokwadi Bhanabhasi aiva “Mwanakomana Wekunyaradza.”

a Ona bhokisi rakanzi “Bhanabhasi, ‘Mwanakomana Wekunyaradza’”.

b Parizvino ungano dzaigona kuwanika kure kwakadai seAndiyoki yekuSiriya, makiromita anenge 550 nechekuchamhembe kweJerusarema.

c Ona bhokisi rakanzi “Nzendo Dzetsoka”.

d Makore aya chikepe chaigona kufamba makiromita anenge 160 pazuva kana mamiriro ekunze achibvumira. Kana kunze kusina kumira zvakanaka, rwendo rwakadaro rwaigona kutora nguva yakareba kupfuura ipapo.

e Ona bhokisi rakanzi “Mumasinagogi evaJudha”.

f Saipurasi yaiva pasi peDare reSeneti yeRoma. Aitonga chitsuwa ichi aiva gavhuna.

g Kubvira pano apa, Sauro ava kunzi Pauro. Vamwe vanoti akatanga kushandisa zita iri rechiRoma achiremekedza Segiyo Paurosi. Asi sezvo akaramba achishandisa zita iri kunyange paakanga abva kuSaipurasi, zvinoratidza kuti Pauro akasarudza kushandisa zita rake rechiRoma nekuti akanga ari “muapostora kune mamwe marudzi.” Angangodaro akashandisa zita rekuti Pauro nekuti rake rechiHebheru rekuti Sauro, madanirwo araiitwa pachiGiriki aiita kuti rireve zvakafanana nerimwe shoko rechiGiriki raireva zvakaipa.—VaR. 11:13.

h Pauro akazonyorera vaGaratiya pashure pemakore mashomanana. Mutsamba iyoyo, Pauro akanyora kuti: “Kurwara kwandakaita ndiko kwakaita kuti ndive nemukana wangu wekutanga wekukuzivisai mashoko akanaka.”—VaG. 4:13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe