Chitsauko 19
Ndingashandisa Sei Mari Yangu Zvakanaka?
Kangani kaunofunga kuti hauna mari yakakwana yokuti ushandise?
□ Handimbozvifungi
□ Kashoma
□ Kakawanda
Kakawanda sei paunotenga zvinhu zvausinganyatsokwanisi?
□ Handimbodaro
□ Kashoma
□ Kakawanda
Kakawanda sei paunotenga chimwe chinhu chausingadi nokungoti wachiwana chiri pasero?
□ Handimbodaro
□ Kashoma
□ Kakawanda
ZVINOITA sokuti haumbofi wakava nemari inokwana kuti ushandise here? Kana ukabata mari yakawanda, unogona kutenga chinhu chiya chaunoda. Kudai waitambira mari yakawanda, waigona kutenga bhutsu dziya “dzaunoda.” Kana kuti ungatarisana nedambudziko rakafanana neraJoan, uyo akati: “Dzimwe nguva shamwari dzangu dzinondikoka kuti tiite zvinhu zvinodya mari yakawanda. Ndinoda kuva neshamwari dzangu tichifara. Hapana munhu anoda kuti, ‘Ndine urombo, handina mari yokuti ndiende.’”
Pane kugumbukira mari yausina, wadii wadzidza kushandisa zvakanaka mari yauinayo? Unogona kumirira kusvikira wabva pamba kuti udzidze kushandisa mari. Asi chimbofunga izvi, Waizosvetuka mundege usati watanga kudzidza kushandisa parachuti here? Chokwadi, munhu angakwanisa kuziva kuti angashandisa sei parachuti paanenge achidzika pasi. Zvisinei, zvaizova zvakanaka zvikuru kuti adzidze mirayiridzo inokosha yokushandisa parachuti asati asvetuka nepamusuo!
Saizvozvowo, paunenge uchiri pamba ndiyo nguva yakanaka kwazvo yokuti udzidze kushandisa mari zvakanaka, usati watanga kuzviriritira zvizere. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Mari inodzivirira.” (Muparidzi 7:12) Asi mari ichangokudzivirira kana ukadzidza kuishandisa noungwaru. Kuita izvozvo kuchawedzera chivimbo chako uye kuremekedzwa kwaunoitwa nevabereki vako.
Dzidza Zvinodiwa
Wakambokumbira vabereki vako kuti vakutsanangurire zvinobatanidzwa kuti murambe muine zvinhu zvinodiwa mumba here? Somuenzaniso, unoziva here kuti zvinoda marii kubhadhara magetsi nemvura mwedzi woga woga kana kuti zvinoda marii kuti motokari irambe iri pamugwagwa, kutenga zvokudya, kubhadhara rendi kana kuti chikwereti cheimba? Yeuka kuti iwe unobatanidzwawo pazvinhu izvozvo—uye kana ukabva pamba, ndiwe uchazvibhadharira mari yacho. Saka zvingakubatsira kuziva kuti ungazobhadhara mari yakawanda zvakadini. Kumbira vabereki vako kuti vakuratidze mamwe masitetimendi emari inofanira kubhadharwa, uye nyatsoteerera sezvavanokutsanangurira zvavanoita kuti vabhadhare mari yacho.
Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo, uye munhu anonzwisisa ndiye anowana kutungamirira kwounyanzvi.” (Zvirevo 1:5) Anna akakumbira kuti vabereki vake vamupe mazano ounyanzvi. Anoti, “Baba vangu vakandidzidzisa kuita bhajeti, uye vakandiratidza kuti zvinokosha zvakadini kuva akarongeka pakushandisa mari yemhuri.”
Panguva iyoyo, amai vaAnna vakamudzidzisa zvimwe zvinobatsira. “Vakandiratidza kuti zvinokosha kuona kusiyana kwemitengo yezvinhu usati wazvitenga,” anodaro Anna, achiwedzera kuti, “Amai vaigona kutenga zvinhu zvakawanda chaizvo nemari shoma.” Zvakabatsira Anna sei? “Ndava kukwanisa kushandisa zvakanaka mari yangu,” anodaro. “Ndinonyatsoshandisa mari yangu noungwaru, saka ndine rusununguko uye rugare rwepfungwa runobva pakusava nezvikwereti zvisingadiwi.”
Ziva Zvinetso Zvacho
Chokwadi, kudzora kushandisa kwaunoita mari kuri nyore pakutaura pane kuzviita, zvikurukuru kana uchigara pamba uye kana uine imwe mari yaunopiwa kana kuti uchihora mari pabasa. Nei? Nokuti vabereki vako vangangove vachibhadhara mari yezvinhu zvakawanda zvepamba. Nokudaro, ungangoshandisa mari yako yakawanda pamadiro. Uye kudya mari kunogona kunakidza.
Zvisinei, chinetso chingamuka kana vezera rako vakakuisa pamuedzo wokushandisa mari yakawandisa kupfuura yaunofanira kushandisa. Ellena ane makore 21 anoti: “Pane vezera rangu, kutenga zvinhu kwava nzira huru yokuzvivaraidza nayo. Pandinofamba navo, zvinoita sokunge kuti pane mutemo usina kunyorwa wokuti unofanira kudya mari kana uchizonakidzwa.”
Zviri muropa kuti ude kuita zvinoitwawo neshamwari dzako. Asi zvibvunze kuti, ‘Ndiri kudya mari neshamwari dzangu nokuti ndinokwanisa kuita kudaro kana kuti nokuti ndinonzwa sokuti ndizvo zvandinofanira kuita here?’ Vanhu vakawanda vanoshandisa mari vachiedza kuti vaonekere pashamwari dzavo. Vanoedza kuita kuti vamwe vavayemure nezvinhu zvavo pane kuti vayemurwe nounhu hwavo hwakanaka. Maitiro akadaro angaita kuti uve nematambudziko emari. Ungadzivisa sei izvi?
Dzidza Kuzvidzora
Pane kuti mari yose yaunenge watambira uidye usiku humwe chete kumafaro, wadii waedza zano raEllena? Anoti, “Pandinoenda kunofara neshamwari dzangu, ndinofanoronga ndoona kuti imarii yandingashandisa. Mari yandinohora inopinda muakaundi yangu yokubhengi, uye ndinongotora chete mari yandinoda kushandisa ipapo. Ndinoonawo kuri kuchenjera kuti ndinotenga chete ndiine shamwari dzangu dzinoshandisa mari nokuchenjera uye dzinondikurudzira kuti ndienzanise mitengo uye kuti ndisatenga chinhu chandinenge ndatanga kuona.”
Heano mazano aungada kushandisa kana uine kadhi rokubhengi.
● Usapa PIN number yako chero ani zvake kusanganisira vashandi vokubhengi.
● Usashandisa kadhi rako rokubhengi kungotenga-tenga zvinhu zvisingakoshi. Izvi zvingaguma nokushandisa mari yakawandisa.
● Usashandisa kadhi rako rokubhengi kutora mari yausiri kuda kushandisa nokuti ungangova pamuedzo wokushandisa mari yacho pazvinhu zvausina kuronga.
● Usambofa wakakweretesa kadhi rako rokubhengi kuna ani zvake, kunyange shamwari yako.
Asi kungova nemari yakawanda ku- ngapedza zvinetso zvako zvokushandisa mari here? Hazvingadaro hazvo! Kuenzanisira: Kudai waityaira motokari usingagoni kuidzora kana kuti uine tsika yokuikonesa wakavhara maziso, kudira mafuta akawanda kwaizoita kuti usvike zvakanaka kwaunoenda here? Saizvozvowo, kana usingadzidzi kudzora mashandisiro aunoita mari yako, kutambira mari yakawanda hakuiti kuti zvinhu zvikuitire nani.
Zvichida unofunga kuti uri kutoshandisa mari yako nokuchenjera. Asi zvibvunze kuti: ‘Ndakashandisa mari yakawanda zvakadini mwedzi wadarika? Ndakaishandisei?’ Hauchanyatsozivi here? Heano mazano okudzora kushandisa kwaunoita mari usati wava kudzorwa nokuishandisa kwaunoita.
1. Nyora pasi. Kwounenge mwedzi mumwe chete, nyora mari yawakagamuchira uye musi wawakaigamuchira. Rondedzera chinhu chimwe nechimwe chawakatenga uye kuti chakaita marii. Panopera mwedzi, bvisa mari yawakashandisa kubva pamari yawakagamuchira.
2. Ita bhajeti. Tarira pachati iri papeji 163. Pachikamu chokutanga, nyora mari yose yaunotarisira kuwana pamwedzi. Pachikamu chechipiri, nyora kuti unoronga kushandisa sei mari yako; shandisa zvawanyora (padanho 1) kuti zvikubatsire. Mwedzi zvaunofamba, nyora muchikamu chechitatu mari yawakashandisa pachinhu chimwe nechimwe chawakaronga. Uyewo, nyora pasi zvose zvawakashandisira mari usina kuronga.
3. Gadziridza mashandisiro aunoita mari. Kana uri kushandisa mari yakawanda kupfuura yawakaronga pane zvimwe zvinhu uye uri kuita chikwereti, chinja mashandisiro aunoita mari. Bhadhara zvikwereti zvako. Dzora mashandisiro aunoita mari.
Mari inogona kuva chinhu chinobatsira kana ikashandiswa zvakanaka. Kutaura zvazviri, kune vanhu vakawanda, kuita mari uye kuishandisa zvakanaka kunokosha muupenyu. Asi edza kuramba uri pakati nepakati. “Mari inokosha, asi haisi chinhu chinonyanya kukosha,” anodaro wechiduku anonzi Matthew. “Hatifaniri kuikoshesa kupfuura mhuri yedu kana kuti Jehovha.”
Muri varombo here mumhuri yenyu? Kana zvakadaro, ungararama sei nezvauri?
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Mari inodzivirira; asi zvakanakira zivo ndezvokuti uchenjeri hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.”—Muparidzi 7:12.
ZANO
Nyora zvinhu zvaunoda usati waenda kunozvitenga. Enda nemari yaunongoda kushandisa chete, uye ingotenga zvinhu zvawakanyora.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Kana uine chikwereti chokubhengi chemari inosvika $2,000 ine mubereko we18,5 muzana uye uchingobhadhara mari yepasi-pasi, zvichakutorera makore 11 kuti ubhadhare chikwereti uye kuti uchatobhadhara mari yomubereko inosvika $1,934 pamusoro.
ZVANDINORONGA KUITA!
Ndinogona kudzora mashandisiro andinoita mari noku- ․․․․․
Ndisati ndatenga chimwe chinhu, ndicha- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Nei uchifanira kudzidza kushandisa mari zvakanaka paunenge uchiri kugara nevabereki?
● Nei ungaona zvakaoma kushandisa mari yako zvakanaka?
● Ungashandisa mari yako kubatsira vamwe munzira dzipi?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 162]
Pandinotevedzera bhajeti, ndinochengetedza mari yakawanda. Handitengi zvinhu zvandisingadi.’’—Leah
[Bhokisi riri papeji 158]
Kushandisa Kwaunoita Mari Kunoratidza Zvauri
Unoshandisa mari yako pachii? Kana uchiwanzoshandisa mari yako kubatsira vamwe, ipapo mari yako—kwete chete mashoko ako—inotaura kuti une hanya nevamwe zvechokwadi. (Jakobho 2:14-17) Kana ukagara uchipa mari yezvipo kuti utsigire kunamata kwechokwadi, unenge uchi“kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.” (Zvirevo 3:9) Zvisinei, kana uchigara uchishandisa mari yako pane zvaunoda chete, unenge uchiratidza kuti chii chaunonyanya kukoshesa?
[Chati/Mifananidzo iri papeji 163]
Pepa Rokushandira
Bhajeti Yangu Yepamwedzi
Kopa peji ino!
Mari Chaiyo
BASA RANDINOMBOBATA-BATA
IMWEWO
Yose
$․․․․․
Mari Yandakabhajeta
ZVOKUDYA
․․․․․
ZVOKUPFEKA
․․․․․
FONI
․․․․․
KUZVIVARAIDZA
․․․․․
ZVIPO
Mari Yandinochengeta
․․․․․
ZVIMWEWO
․․․․․
Yose
$․․․․․
Mari Yandakashandisa
ZVOKUDYA
․․․․․
ZVOKUPFEKA
․․․․․
FONI
․․․․․
KUZVIVARAIDZA
․․․․․
ZVIPO
․․․․․
Mari Yandinochengeta
․․․․․
ZVIMWEWO
․․․․․
Yose
$․․․․․
[Mufananidzo uri papeji 160]
Kushandisa mari zvisingadzorwi kwakafanana nokutyaira wakavhara maziso