RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp2 chits. 7 pp. 67-73
  • Ko Kana Ndichivenga Chitarisiko Changu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Kana Ndichivenga Chitarisiko Changu?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunetseka Here Kana Kuti Kunyanya Kuzvifunga?
  • Unozviona Nenzira Isina Kururama Here?
  • Kuita Zvine Mwero
  • Ngwarira Musungo Weanorexia!
  • Chinonzi Runako Rwechokwadi
  • Nei Ndichinetseka Nezvakaita Muviri Wangu?
    Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Neiko Ndiri Mukobvu Kwazvo?
    Mukai!—1994
  • Nei Ndichishushikana Neuremu Hwangu?
    Mukai!—1999
  • Ndinogona sei Kukunda Kushushikana Neuremu Hwangu?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
yp2 chits. 7 pp. 67-73

CHITSAUKO 7

Ko Kana Ndichivenga Chitarisiko Changu?

Unowanzoodzwa mwoyo nechitarisiko chako here?

□ Hungu □ Kwete

Wakambofunga nezvokuvhiyiwa kuti uvandudze chitarisiko chako here kana kuti kudya zvishomanana kuti uve nechitarisiko chakanaka?

□ Hungu □ Kwete

Kudai waigona, ndezvipi zvawaizochinja? (Komberedza zviya zvinoshanda.)

Urefu

Chimiro

Ruvara rweganda

Uremu

Bvudzi

Inzwi

KANA wapindura mibvunzo miviri yokutanga kuti hungu uye wakomberedza zvinhu zvitatu kana kuti zvinopfuura pane wechitatu, chimboona nyaya yacho nerimwe ziso: Zvingangodaro kuti vamwe havatombokuoni neziso rakaipa sezvaunozviita. Zviri nyore kuti upfuure mwero wonyanya kunetseka nezvechitarisiko chako. Kutaura zvazviri, kumwe kuongorora kwakaitwa kwakaratidza kuti vasikana vakawanda kazhinji vanotya zvikuru kusimba pane kutya kwavanoita hondo yenyukireya, kenza, kana kuti kufirwa nevabereki vavo!

Hapana mubvunzo kuti chitarisiko chako chine zvachinoita pamaonero aunozviita, uye kubatwa kwaunoitwa nevamwe. Maritza ane makore 19 anoti, “Pataikura, vanasisi vangu vaviri vaiva tsvarakadenga chaidzo, asi ini ndaiva ndakafuta. Ndaisekwa chaizvo kuchikoro. Uyezve, mainini vangu vaindishevedza nezita remadunhurirwa rokuti Chubs, raiva zita reimbwa yavo duku yaiva yakakora chaizvo!” Zvakada kudaro zvakaitikawo kuna Julie, ane makore 16. “Kuchikoro mumwe musikana akanditsvinyira achiti ndaiva ‘nemazino anenge etsuro.’ Kunyange zvazvo zvakanga zvisiri chinhu chikuru, zvakaita kuti ndisanzwa zvakanaka, uye iye zvino ndinotonyara nemazino angu!”

Kunetseka Here Kana Kuti Kunyanya Kuzvifunga?

Hazvina kuipa kuti unetseke nezvechitarisiko chako. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinotaura zvakanaka nezvechitarisiko chevarume nevakadzi vanoverengeka, vanosanganisira Sara, Rakeri, Josefa, Dhavhidhi uye Abhigairi. Bhaibheri rinoti mumwe mukadzi ainzi Abhishagi “akanga akanaka kwazvo.”—1 Madzimambo 1:4.

Zvisinei, vechiduku vakawanda vanonyanya kufunga nezvechitarisiko chavo. Somuenzaniso, vamwe vasikana vanofunga kuti kuva munhu anoyevedza kunoreva kuva mutete, uye tsvarakadenga dzakatetepa dzine mifananidzo yakanaka kwazvo inobuda mumagazini dzinoita sedzinotsigira pfungwa iyi. Havana basa nokuti mifananidzo yakadaro inoomesa mate mukanwa yakanatsiridzwa kana kuti yakachinjwa kuti ive nani nekombiyuta uye tsvarakadenga idzodzo dzinotofanira kudya zvishomanana kuti dzirambe dzakatetepa! Kunyange zvakadaro, kuzvienzanisa nezvaunoona mumagazini kungakugumbura. Ko kana usingafari zvachose nechitarisiko chako? Kutanga, unofanira kunyatsozvitarira.

Unozviona Nenzira Isina Kururama Here?

Wakambozvitarira mugirazi risina kunaka here? Zvaunoona zvingakuita munhu akakura kana kuti muduku pane zvauri. Chero zvazvingava, zvaunoona hazvina kururama.

Saizvozvowo, vechiduku vakawanda vanozviona nenzira isina kururama. Chimbofunga izvi: Pane kumwe kuongorora kwakaitwa, vasikana 58 muzana vaizviti vakafutisa, asi zvechokwadi vakanga vakadaro vaiva 17 muzana chete. Pane kumwe kwacho, 45 muzana yevakadzi vakanga vakatetepa chaizvo vaifunga kuti vakanga vakafutisa!

Vamwe vatsvakurudzi vanoti vasikana vakawanda vanonetseka kuti vakafutisa havana chikonzero chokuti vaite izvozvo. Chokwadi izvozvo hazvigoni kukunyaradza kana uri munhu akasimba. Kana wakafuta, chii chingava chikonzero?

Majini anogona kuva nezvaanoita. Ndezvomuzvarirwo kuti vamwe vanhu vatete asi vanoratidza kuti vakagwinya. Asi kana majini akaita kuti uve munhu ane muviri wakaurungana uye akafuta, majini ako haana kugadzirwa kuti uve mutete. Pauremu hunonzi hune utano, zvimwe ungazviona wakafuta kupfuura zvaunoda. Kurovedza muviri uye kudya zvakakodzera kungabatsira, asi kazhinji kacho haugoni kuchinja chimiro chomuviri wako chawakatora kubva kudzinza rako.

Chimwe chikonzero chingava chokuchinja kunoitika pakuyaruka. Panguva yokuyaruka musikana angabva pakuva neinenge 8 muzana yemafuta omuviri ova neinenge 22 muzana yemafuta omuviri. Kazhinji, nokufamba kwenguva musikana akafuta ane makore 11 kana 12 anogona kuzova nomuviri wakanaka paanopedza kuyaruka. Ukuwo, zvakadini kana zvakaita muviri wako zvichikonzerwa nokushaya zvokudya zvakakodzera kana kuti nokusarovedza muviri? Ko kana muviri wako uchifanira kudzikira pamusana pezvikonzero zvoutano?

Kuita Zvine Mwero

Bhaibheri rinorumbidza kuva ne“tsika dzine mwero.” (1 Timoti 3:11) Saka usava netsika yokurega kudya kana kudhayeta zvakanyanya. Zvichida nzira yakanakisisa yokuderedza uremu ndeyokuva nourongwa hwokudya zvine utano uye kurovedza muviri zvine mwero.

Haufaniri hako kuenda padhayeti inenge ichifarirwa nevakawanda panguva iyoyo. Somuenzaniso, mapiritsi okudhayeta angaita kuti usava nenzara kwenguva yakati; asi muviri unokurumidza kujairana nawo, uye unotangazve kunzwa nzara. Kana kuti muviri wako unononoka kushandisa zvokudya uye unowedzera kusimba—tisingarevi matambudziko anosangana nevamwe akadai sedzungu, B.P, kuzvidya mwoyo uye kunyange kupindwa muropa. Izvi ndizvo zvinokonzerwawo nemapiritsi anosveta mvura mumuviri kana kuti anoita kuti muviri ukurumidze kushandisa zvokudya.

Kusiyana nezviri pamusoro apa, purogiramu yakanaka yokudya, pamwe chete nokugara uchirovedza muviri zvine mwero, zvichakubatsira kuti utarisike uye unzwe zvakanaka. Kurovedza muviri zvine mwero kakati wandei pavhiki kuchakubatsira zvikuru pautano hwako. Zvingangova zvakakwana kuita chimwe chinhu chiri nyore chakadai sokufambisa kana kukwira masitepisi.

Ngwarira Musungo Weanorexia!

Vachiedza kuderedza uremu, vechiduku vakawanda vakasvika pakuva neanorexia—dambudziko rine ngozi kuupenyu rokusada kudya rakafanana nokuzviuraya nenzara. Pashure pemwedzi mina abatsirwa padambudziko rake rokusada kudya, Masami anoti: “Kana vanhu vakanditi ‘unoratidzika zvakanaka,’ ndinozviudza kuti, ‘Zvingangodaro nokuti ndiri kufuta.’ Panguva dzakadaro ndinochema ndofunga kuti, ‘Dai ndaikwanisa kuvazve nomuviri wandaimbova nawo—muviri wandaiva nawo mwedzi mina yadarika!”

Anorexia inogona kutanga usingafungiri. Musikana wechiduku angatanga dhayeti inoita seisingakuvadzi, zvimwe achingoda kudzikira zvishoma. Zvisinei, paanosvika paanga achiti ari kuda haagutsikani. Sezvaanozvitarisa mugirazi asingafariri zvaanoona anoti: “Ndichakanyanya kufuta!” Saka anosarudza kumbodererazve zvishoma. Obva adererazve. Uye odererazve. Inobva yava tsika uye pfungwa yokusada kudya inodyarwa.

Kana uine zviratidzo zvokusada kudya kana rimwe dambudziko rokudya, unoda kubatsirwa. Taura nomubereki wako kana kuti mumwe munhu mukuru waunovimba naye. Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Chinonzi Runako Rwechokwadi

Bhaibheri rose zvaro harinyanyi kusimbisa nezvechitarisiko kana chimiro chomunhu. Asi ichokwadi kuti munhu womukati ndiye anoita kuti munhu ave anokwezva kana kuti kwete mukuona kwaMwari.—Zvirevo 11:20, 22.

Chimbofunga nezvaAbsaromu mwanakomana waMambo Dhavhidhi. Bhaibheri rinoti: “Pakati paIsraeri wose pakanga pasina murume akanga akanaka kwazvo uye airumbidzwa kwazvo. Kubvira pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake pakanga pasina pakaremara.” (2 Samueri 14:25) Asi murume muduku uyu aiva nounyengeri. Kudada nokuda mukurumbira zvakamuita kuti ade kubvuta chigaro chamambo akagadzwa waJehovha. Nokudaro, Bhaibheri haritauri zvakanaka nezvaAbsaromu, asi rinotaura nezvake somurume akanga asinganyari nokusavimbika kwake uye aivenga zvokuda kutouraya.

Pfungwa inokosha ndeyokuti “Jehovha ndiye anoona zvakaita mwoyo”—kwete kukura kwakaita chiuno chomusikana kana kuti mhasuru dzomukomana. (Zvirevo 21:2) Saka kunyange zvazvo pasina chakaipa nokuda kutarisika zvakanaka, unhu hwako ndihwo hunonyanya kukosha kupfuura chitarisiko chako. Kutaura zvazviri, unhu hwokunamata huchaita kuti ukwezve vamwe kupfuura zvingaitwa nomuviri wakagwinya uye wakanaka!

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 10

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Vechiduku vakawanda vane zvirwere zvisingaperi kana kuti vakaremara. Kana zvirizvo zvauri, ungararama sei nemamiriro ako ezvinhu?

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

‘Munhu anoona zvinooneka nemaziso; asi Jehovha, anoona zvakaita mwoyo.’—1 Samueri 16:7.

ZANO

Paunenge uchiedza kuderedza uremu . . .

● Usarega kudya zvokudya zvemangwanani. Kana ukarega, nzara yaunova nayo inozoita kuti udye zvakawanda kupfuura zvawaizodya.

● Inwa girazi hombe remvura nguva dzose usati wadya. Zvichaita kuti usanyanya kunzwa nzara zvokubatsira kudzora madyiro aunoita.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Dzimwe nyanzvi dzinonyevera kuti kana ukadya zvishomanana uchiitira kuti uderedze uremu, muviri wako “ungachinja sokunge kuti uri mudambudziko,” wononotsa kushandiswa kwezvokudya mumuviri, uye wokurumidza kusimba zvekare!

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndinogona kuchengetedza utano hwangu noku- ․․․․․

Purogiramu yangu yakakodzera yokurovedza muviri ingasanganisira ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Unonzwa sei nezvechitarisiko chako?

● Ungatora matanho api ane musoro kuti unatsiridze chitarisiko chako?

● Waizoti kudini kushamwari yako inenge yava nedambudziko rokudya?

● Ungabatsira sei munun’una wako kuti aone chitarisiko chake zvine mwero?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 69]

“Kwenguva yakareba, ndaisekwa kuti ndine maziso akakura. Ndakadzidza kuseka nezvazvo uye kuvawo nechivimbo nounhu hwangu nezvimwe zvandinokwanisa. Ndakatojaira chitarisiko changu. Ndinogamuchira izvozvo zvandiri.’’—Amber

[Mufananidzo uri papeji 68]

Maonero aunozviita angafanana nezvaunoona mugirazi risina kunaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe